PERSEVERE JAY KAY NOVELS📕📕
PERSEVERE JAY KAY NOVELS📕📕
February 16, 2025 at 08:28 PM
Panashe Faith Novels Last minute Pinda muchannel unzwe chizimbe chebook chiri kupisa. Pinda muchannel ririmo rese 👇👇👇👇 https://whatsapp.com/channel/0029VajYjtMChq6W9VKO8m3w Pinda mugrp uwane mamwe mabooks 👇👇👇👇 https://chat.whatsapp.com/CXgQAMLQcLC2r7cNTWgn48 Written by Panashe F Mapfumo 0787348927 Chapter 1 "Pinda " rakadaro izwi ra boss vangu neukasha apo ndabva kuisa knock.Ndichipnda ndakatambirwa nawo mubvunzo " Is this the way i told to arrange these files chii chawanditira ichi?" " I' m sorry sir" ndakadaro ndichiratidza kuzvininipisa vakaridza tsamwa ndokutanga kunditsanangurira zvandaifanira kuita . Pandakabuda ndakambotura mafemo ndakabata hana ndakamira padoor amana murume aityisa uyu . By the way ndinoita Letwin i was born in a family of 4 , 2 girls and 2 boy ndini ndaiva dangwe mumba medu .Kumusha kwedu ku Chivhu uko kwaiva na amai vangu na Petty munin'ina neka gotwe ka Takudzwa.Baba vangu vaigara ku Botswana uko kwavai bata bata vari kuriritira mhuri . Mukomana mukuru Nelson aigara ku Gweru uko anga akawana basa re chi guard pane imwe supermarket .In ndaishanda pa company yaigadzira maplastics inonzi Metro plastics muHarare imomu ndr assistant wa boss vangu ivava vanga vabva mukundivhurumutsa . Ndakapinda mu office medu pfungwa dziri kure."Ko hanziiko naToro ko zvaunenge uda kuchema ." Akadaro Peter mukomana wandaishanda naye mu same office ari asistant wa managing director we Transport and Logistics in ndaive ku Finance. " Pakaipa hanzi ndasanganisa ma reports ne expenditure breakdown Toro anga aka beeper nhasi parikupisa rega nditomboita serious. " Chirega kunzwisa tsitsi ndozokuseka " akadaro Peter ndichibva ndamutema ne pen. Vachiveza boss wangu ndivo vataiti Toro ne nhau yekureba , anga atori mukomana we chidiki murefu uye anga akanaka zvekuti waisamutarisa kamwe . Vasikana vazhinji vaimurwarira but aityisa mukomana uyu aisaseka anga ari strict zvekudaro. Anga ari munhu akanaka usati wataura naye otherwise boss vangu rough vaidira ." Waka pusa Let musikana musvinu akadai unopusiswa ne gender yedu iyi ." Akadaro Peter achiwedzera kuseka ndikabva ndamupa ziso akabva ati" sorry kwacho" kwakuenderara mberi nebasa rake in ndakupedzisawo mapaper angue . Pasina nguva 4n yangu yakabva ya ringer aive Dave mukomana wandifambidzana naye anova iye akanga aita ndiwane basa pa company iyi ndakanga ndisina hng kupasa zvembiri pa Libernberg High pandaidzidza ndaive ndabuda ne 6 subjects ma B nema C nenyaya yekuti kwaive nevamwe vainditeerera vana ndakaona kuti ndaizoremedza vabereki. Saka ndakatanga hng kutsvaga basa iro randakazowana through Dave aigara mu rain repamhiri kumusha kwedu tanga takadzidza tose asi iye aive pamberi .Isu tiri ma form 2 vaive vakutonyora form 4. Gore randakazopedzawo form 4 mugore ra2021 vanga vatoone 2 years vaisa gumbo munyika. Mazuva iwayo akauya kumusha ende zvairatidza kuti zvaifaya ku Harare kwaiva akanga atanga kundinyenga ndichiri form 2 Dave but in nekutya mai vangu uye neshungu nechikoro vakomana ndaivatya . Ndakatozodanana nekamwana ka mufundisi wedu we ku Afm ndaform 4 uyo asina kuzobatika zvakare patakapedza kunyora .Iyo relationship yacho yaingovewo yekutungana kwembudzi tichitengerana ma zepi. Uyu Dave ndakazomubvuma paaakandiyengerera auya kuzoona ana sekuru na mbuya vake . Apa akanga akuonekerawo tumari twaaiyi shanda muHarare twaimubvuma . Maresults edu paakabuda akazondirongera basa ku Metro plastics kwaanga amboshanda akazosiya." Ukukurumidza kupedza basa here nhasi babe " akabvunza pa 4n Dave . " Umm ndogona kuti nonokei nenhau yema papers andrikuda kumbogadzirisa but ndopedza soon now half 3 by half 4 ndinenge ndapedza" ndakapindura." Dakuti timboenda out nhas mudiwa wangue unondiudza wapedza love you " akadaro in moyo ukafashukira nemufaro nyemwerero iri kunzeve " i love u tooo " ndakapindura achibva ati bye achikata ndichisimudza musoro ndakasanganidzana maziso na Peter achiratidza kusvotwa pameso pake " Hezvo chii nhaiwe ndakabvunza " kwakunzi chimukomana chakol chondimara " Takazopedza mood yake yalow low . Dave akanditextira achiti apa gate apa aive ne mota ye friend yake iye akanga asati atenga yake . " Tirikuendep "ndakabvunza zvikanzi "You will see its a surprise" ndakabva ndangonyararawo ndakuzama ku gueser kwataienda. Mota yakarowa ndobva tapinda mu town , ndakaona takunanga nekudivi rekuMbare takasvika panzvimbo yaive nemota dzakawandisa dzaive dzakaungana . Ndakabva ndatanga kuona ma post a Freeman tichinopinda mu stadium aitove pa stage achiperformer. Ndakafara because was my best Zim musician ndaisada kujambwa ne song yese yaanenge abuditsa ndaisaziva kuti Dave aizvi noticer. Phone ya Dave yakarira tatogara pandakada kudongorera yakabva yakatiziswa. Munhu akabva asimuka akunodairira nechekure hazvina kunyatsondibata zvakanaka but ndakangoti handingatange zvehondo naye nekuti musi uyu ndaida kunyatsopemberera celebrity randaishuvira kuona. Dave akadzoka apedza call yake ndokugara pasi ndakanga ndakuda kutobvunza kuti aimbove ani ainge afona zvakamusimudza kutadza kudairira pandaive . My favourite song ya Freeman yekuti Usandiye ndakabva ndatosimuka ndakutojamba ngoma riya sezvaiita ma fanz ose ainge auya munhandare kwakutokanganwa nyaya ya Dave. Chandainge ndakutotya kwaive kubirwa phone nekuti mbavha dzanga dzarura musi uyu . Freeman akaridza mamwe ma songs ake tikafara chaizvo paakango pedza ku performer hamenowo akabva apinda . "Chihandei kumba veduwee " ndakadaro ndichiturabefu nekutamba . "Ummm babe ungabva wafarira Freeman zvakadaro ini ndodiwa kusvika apa here." Akadaro akanditarisa nekaziso kekudenha . " kkkkk ndisiye hng by the way thank you daddie " ndakadaro ndakamutarisa nekaziso kazere nerudo. Takabva tatotanga hedu kufamba tichitsvaga pekupinda napo nekuti vanhu aive mavhu nemarara . Takapinda mumota iye akabva atorova mota akananga ku Waren Park kunovs kwandai renter ka 1room kangu . Munzira mese taikurukura nyaya dzevaimbi idzodzi nezvainge zvaitika zuva irori . " Pakaipa babe nhasi Toro angaakabhipa sandi kutukwa kwandaitwa ikoko." "Anodarirei munhu wangue nhaiwe anyway shinga hako mudiwa maboss anonetsa vamwe vanenge vatouya nemood dze ma problem ekumba kwavo ." " Taura hako Dee ndogodiiko."Takasvika pagate ndokubva ndatopiwa ka kiss kegood bye . Mukomana akabva arova pasi ini ndichipinda hng mumba luck magetsi aivako ndakasvikobatidza light ndokuzvambarara hng pamubhedha ndaitonzwa nungo dzekubika . Kubva zvandanga ndatanga kudanana naDee akamboda kuratidza maintrest emunhu anoda kurara neni mazuva ekutanga asi ndakabva ndatomubudira pachena kuti munhu aizoziva muviri wangu munhu aizofanira kunge andiroora. Ndakabva ndarangarira nhau yekudairira phone kure yaange aita hana yangu ikarova. I promised myself kuti ndichamubvunza uye ndichaongorora kuti aitaura naani mu phone make.Ndakazongobatwa nehope ndiri mu ndangariro. Stay tuned End of chapter 1

Comments