Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
February 17, 2025 at 04:08 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 *KANA USATI WAVERENGA BOOK IRI SAKA STRESS URI KUPEDZA NEI,BAYA FOLLOW UVERENGE ROMEO IBOOK RAKANYORWA ZVINE HUDZAMU* 🕊️ *ROMEO* 🕊️ STORY BY⚜️MAI ISHE💖 🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵ 🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵ 🆓 All rights reserved. *Vanoda maprvs kubva pa1kusvika kwatave pindai umu* Group link👇 https://chat.whatsapp.com/HdBhOWj9RwIIGtb0RyfBOa 🔞 Parental guidance is advised CHAPTER 3️⃣8️⃣ *YEUKAI* Ndakaramba ndakatarisa zvaive zvakaitwa sugar pasi ndakatarisa tete vandaive navo ndokutarisa mai Lolo,chavakagona kuita tichangosvika, kupinda mumota yavo ndokumusta mota vachibva vatoenda, "" huya kuno muroora, ndini ndatove vatete vako pinda muno"" ndakabva ndapinda mukitchen moyo wangu uchinetseka chose apa vanhu vaive busy kutakura zvinhu vachisa pakanaka apa guruva zvaraive rakaita nemusha wese,mibvunzo yaive yakandiwandira pandiri asi wekubvunza paive pasina uye ndanage ndichangopinda mumusha mevanhu"" waita munyama mwanangu ndiwe wapinda mumusha zvakaita manyama amire nerongo kudai,handiti maive mese kuguta, iwe uri mwana akakura tichiona uwu hunhu uyu kwete mwanangu"" ndoo mashoko akataurwa mamai vaRomeo sezvo ndine chidimbu chenyaya idzi chandaiziva handina kubvunza kana kudaira, mhuri yose yakaungana mukitchen sezvo tete vakange vave kuda kundiisa mumaoko evabereki vaRomeo, munhu wese akapinda mumba tete ndokutaura nyaya dzose dzaivepo,zvapera vakabva vabuda ndokuperekedzana namai vaRomeo, ndakaita two days dzangu ndiripo pamba,amai vangu ndisati ndaonana navo apa moyo wangu uchida kuvaona zvakanyanya, ko kumba kwana Romeo kwaive kwakasiyana nekwa tete kwekuti mvura yekushandisa yaibva kurwizi kaa apa yaivepo hauna kubuda kwawaita pamba, ndakatozoti vanhu vachiti chera chera nemimvuri vaneta nokuti pamba pakange pave kuita zvekuvakwa ndakangobuda ndokuisira mhamha Message ndokusangana navo kurwizi, ndichivaona ndakaona kudzikira kwakanyanya kwemuviri wavo"" ko mhamha muri kuramba modzikira muviri wenyu wani chiii mhamha muri kufungei futi"" ndakadaro ndakamira nechekure navo ivo vakabva vaswedera pedyo vasina chavataura"" ndinogoda chokwadi chako Yeu murume wako ane mumwe mukadzi here "" pakadaro mhamha shungu dzangu dzakaswedera pedyo ndokumbundira mhamha misodzi yangu ichiyerera"" mhamha kwete mukadzi asi kuti vakadzi mhamha Romeo inzenza chaiyo, munin'ina wemukadzi waBatsi ane pamuviri pake Romeo uyu, ane mumwe zvee wekubasa kwake mhamha ndodiiko ini imba yacho yotangawo nemisodzi here"" ndakadaro ndichichema mhamha vakabva vandipukuta misodzi nemaoko avo ndokunditarisa"" rugare titange nhamo mwanangu usade hupenyu hunotanga ungori muchechetere,kana zvochinja unoti ishura, izvozvi chimiro chiri mumba mako ichi zvichaita kuti uyite hoche mukoche nemurume wako uye chandafarira zvichaita kuti ugare uripedyo naMwari chipukuta kumeso uko ugadzire face iyo,"" vakadaro mhamha vave kuseka neniwo nguva iyoyo ndakabva ndanyarara ndakavaudza hope dzose dzandairota uye nezvaiitika mhamha vakabva vaona kuti zveshuwa vaMasamvu vainge vasunga hupenyu hwangu..Mazuva akafamba rikave gore ndokuve makore akapindana kusvika pafive ndisina mwana mupenyu kungori kuzvarira pasi, kwese kwandaifamba shoko raingove rimwe chete"" batanai vabereki mufambe pamwe, kumba kwavamwene zvaisataurika nokuti kazhinji ini ndaifamba namhamha hapana pandaisvika kumba ndichiudza vamwene nokuti ivo pachavo vakange vasati vambotaura nezve kufamba, chavo kwaive kunditumidza mazita pamusha pavo""" haaa ini mhamha ndazoneta ndaneta mhamha kana zvemba zvaramba regai ndisiyane nazvo iyi mimba ndeye chiii 7 vakaita sei vanhu vadingarohwe nehana mhamha "" ndakadaro kuna mhamha tave kubva pane vamwe vakomana vaive vechidiki ivavo vaiti vanoita zve go back to senda,takangoudzwa zvimwe chete zvoo zvandagara ndichiudzwa kwataimbofamba zvino apa ndakabva ndanzi huyai pano mese vabereki vemurume neve mukadzi"" hapana asiri panguva yakaoma Yeu handiti panzi vabereki vese ini ndiri kunoudza baba vako izvozvi kana ndichorongedzeswa kuti ndiende kumusha kwangu bvaa nhasi ndicharongedza asi chokwadi ndataura "" vakadaro mhamha vachiratidza kushinga asi ini ndaitoziva kuti nekutukwa nekutumidzwa mazita kwandaiitwa kumba handaifunga vakabvuma, ndakaparadzana namhamha ndokuenda kumba ndichisvika ndakawana Romeo achiratidza kuve munhu ayigadzirira kuda kubuda ndakamuudza zvandaive ndaudzwa asi mhinduro yake yakandirwadza nguva iyoyo akabva andiratidza message yaNene kutoratidza kuti vanhu ava vakange vachitaura vese,ndakarwadziwa ndokuchema ndakambozama kunyengerera murume wangu asi ndakasundidzirwa ndokunorovera pamubhedha ropa ndokuzara pasi, handina chimwe chakauya mumusoro mangu kunze kwekuda kutosunga twangu ndidzokere kumba asi nguva iyoyo Romeo akabva adzoka mandaive akachinja akandibvisa hembe yaivee yazara ropa ndokundipfekedza imwe achibva anditi "" sorry Yeu handizive kuti mweya upi wandibata"" hana yangu yakatorova kunzwa Romeo achinditi sorry nemashoko ose anorwadza ayitaura pandiri asi zvakandishamisa kunzwa achiti sorry panyaya isina nebasa rese, achipedza kudaro akandibata ndokubuda neni panze pandakaona baba vangu vakagara pasi pemu lemon ndakarohwa nehana ndokuziva kuti sei Romeo akange anditi sorry"" zvino nhai baba mabva maramba kupinda mumba here, zvino panze apa nemhepo iri kurova iyi zvingabuda here"" vakadaro amai vaRomeo vachiwaridza rupasa paive pakagara baba vangu, neniwo ndakabva ndanogara ipapo Romeo nababa vake varipowo"" kwete musazvinetsa henyu handina kuuya kupinda mumba ini, ndauya zvemusoro wangu mondiregererawo ipapo, makore awanda ndakanyarara, kwete kuti handina chekutaura kwete baaa, asi ndanga ndichiti handinga tanyangi musha une mikono yakadai, ndanga ndakamirira kuuya kwenyu kumba, inga pfuma yakauya tikadya wani kuratidza kuti tave kufambidzana munhamo nemumatambudziko, zvino ndaona kuti ndinogona kurera chirwere ndichiti muchasimudza musoro asi matokundikana, ndauya nedambudziko remba yevana ava handisirini ndanga ndichifanirwa kuuya pano ndimi manga muchifanirwa kuuya kumba uku kana kutuma munhu kuzotaura kuti huyai tiise musoro pamwe toenda kwamunoda kana ari mwana wangu ane dambudziko rogadziriswa kana riri remusha wenyu mogadzirisa vana vagare zvakanaka ava, nokuti chinosunga imba mwana "" baba vangu vapedza ndakatura mafemo nechemukati ndokutenda Mwari nokuti vakange vandinzwa kuchema kwangu"" maita zvakanaka baba ipapo mataura idi zveshuwa takarivarawo zvino isu taingoti zvamuri mapositori kudai zvimwe tikadaro tingakun'oresai sezvo imi muriwo mubatsiri"" vakapindura baba vaRomeo baba vangu vachibva vaseka ""n'anga haizvirapi, uye uyu ingadai ayive muroora wangu ini ndakatevedzera shona sezvairi zvino nyaya yanaka pakuti imi ndimi muridzi wemusha uno ini ndatouya "" pakadaro baba vangu misodzi yemufaro yakave mapopoma pamatama pangu ndakaramba ndakavatarisa "" baba vangu vanondida shuwa, ndiri kurota here ichokwadi here chandinoona "" ndakadaro mumoyo mangu ndakatarisa baba vangu"" zvakanaka severi hamheno kana mune kwamunoziva imi kwatingaenda "" "" Kwete handidi kwandinoziva ini, ndinoda kwamunoda imi kuratidza kuti handina kuuya kutonga pamusha wenyu"" kekutanga kuona baba vangu vachimira neni sababa vangu after soo many years ndichifunga kuti baba vangu vakange vasina hanya neni""nhai muroora ndiwe wandinoona uchifamba une kwaunoziva here mwanangu"" pakadaro vatezvara vangu handina kana kukakama mhinduro yangu yakave imwe chete kwavari"" *NENEH* Ndainzwa kutya ndaidedera chaiko kutadza kuziva kuti Rue ndaimuudza sei kuti bhodhoro raive nemunhu wake rakange rapwanyika ndatorasa"" ukaona zvikabvumana newe zvako aiwa unozondiudza iwe,Romeo anove pasi petsoka dzako"" akadaro Rue apa ini pfungwa dzaive dzisiri panzvimbo apa takange tave mukakitchen make iye achinwa tea, ndaiti ndikagara ndovhunduka zvekutotadza kugadzikana chaiko, takanorara hedu asi kutaura chokwadi ini hana yangu yairova zvinosimudza gumbezi chaiko,mangwana acho takamuka ini ipapo ndaive ndave kuenda pa shift yemanheru Rue achienda makuseni akaenda ini ndokusara kumba"" zvino ndichaita sei ko Rue akaona kuti ndoo zvakaitika pabhodhoro rake chii chichaitika "" ndakazvibvunza ndakagara ndega,mmmh nene Kaa kugara waona zvekuita kuri nani nokuti hauzive kuti zviii zvichaitika mberi"" ndakadaro zvangu asi zvaisa shanda nokuti pandaishanda Rue ayipaziva "" kutiza hakushandi asi itongomirira musi waanozviona wotangira ipapo”" ndakazvidaro ndokuona kuti ndoo zvaitoita nokuti ndakange ndave kutotya kuti ndikatiza nezvaiita mumwe wangu nen'anga yake ko vakandiuraya”" ndakasiyana nazvo ndokugadzirira kuenda kubasa kwangu ndave munzira ndakaona message yaRue✉️"" taura nasisi vako ndoda kuenda naYolanda kumba kwavo weekend iyoyi"" hana yakarova asi nezvakange zvaitika ndaisafunga kuti mai Lolo vaizvibvuma ini ipapo ndakabva ndatofona kwavari, kekutanga havana kudaira vakazodaira kechitwo. ☎️"" Uri kudai Nene ""pandakanzwa madairiro acho ndakaseka ndokuvapindura ☎️""Yowee sisi ndiri kutoda kubatsira imi ini nditirei mushe "" ☎️""Uchandibatsira nei iwe wakaisa hupenyu hwangu pazero kudaro Nene"" ndakatoona kuti kuramba ndotaura navo kupedza nguva ndakabva ndavati. ☎️" Ndinouya weekend"" handina kumirira mhinduro yavo ndakabva ndakata call yangu, mazuva akatofamba weekend ndokusvika tichibva taenda kumba kwasisi naYolanda ndichiti tizame kudzosa bamukuru, to my suprise sisi vachibvunzwa naYolanda kuti munoda tigadzire upi vakabva vamuti"" ndigadzirire muridzi wenhumbu uyo ukamugona kumudzosa kwandiri kana mota yangu iyi ndokupa chandiri kuda kudzoka kwake ndoda kuwachisa Batsi zvaakandiita kumba kwavo handifi ndakazvikanganwa"" pakadero sisi vangu unoita sekunge ucharova mukadzi mukuru nembama nechavaida pamurume iyeye ndaitochishaya ini,tsvee kuti vagadzirirwe murume wavo asi vakaramba ndokugadzirirwa chikomba chavo ichocho,isuwo takabva tabva ndokudzokera kumba kwa Rue papera three days ndakaona sisi voisa ka message ✉️"" wakaita basa mwana wamai vanhu, munhu uye ave kutaura neni atoti ari kuuya weekend haaa Yolanda akapenga hake ndanzwa kufara"" handina zvizhinji zvandakapindura nokuti ini pamunhu wangu wandaive ndagadzirirwa handina change yandakaona zvakatoita worse nokuti foni yaRomeo yakange isinga chaite zvachose, ndakatombofona kuna baba Lolo asi vakabva vanditi"" mainini musafona pangu muchibvunza Romeo zvamaingoita itai izvozvo kwete pafoni yangu"" ndoo yakave mhindiro yavo, kubva ipapo handina kuzotaura naRomeo """ haaa iwee pane zviri kuitika pane vanhu varikunzi vakadhirikirwa nemugodhi apa foni number dzemunhu wangu uyu ndatove netwo days hadzisi kuita "" akadaro Rue tichiona tv nguva iyoyo akabva asimuka ndokupinda mubedroom ahana kuita nguva akabva adzoka "" iwe hauna kuona bhodhoro randaive ndakaisa mu wadrope mangu here umu"" ndakatanga kukakama kuti ndipindure akabva anditi"" sezvandakakuudza kana uchifunga kuti wakangwara hamheno hako mangwana utsvage kwekugara"" munoziva unogumirwa ugoshaya kuti woita sei apa ndakange ndisati ndave nemari Rue akapopota ndokubudisa zvinhu zvangu panze"" ndosaka zvinhu zvangu zvisisiri kufamba mushe uri busy kuvhiringidza zvinhu zvangu bhodhoro rako riri kupi ndoda kuri pwanya"" akadaro achibuda panze ini ndakabva ndasimudza bag raive nebhodhoro ndokubuda gedhi, ndakafamba nehusiku iwoyo apa kwekuenda paive pasina ndakatozonorara paChipatara panze ndokumuka ndichipihwa room rekusano shandisa ndichitsvaga kumwe kwekugara,ndakaita mazuva ndiripo pachipatara Rue ato blocka number dzangu ndisinga chakwanise kutaura naye ipapo ndoo pandakaona message yaSisi ✉️""ndapa Yolanda mota iya munhu wangu auya wena ndinaye kumba ndiri kufara Nene soon tave kuenda tose"" unoita sekunge uchachema uchiona zvevamwe zvaita zvako zvakaramba apa kuti ndichavaudza kuti ndakange ndisina pekugara ndisinga chanzwanani nevanhu ivavo ndakasiyana nazvo,apa kana poto chero gumbezi ndaive ndisina ndichishandisa epachipatara ipapo, hapana kupera one week ndakaona sisi mai Lolo vachisenda message zvee kwandiri "" Nene munhu uye adhumwa nemota akafira ipapo achienda kunotora mari kutown ndiri kutozviona panews izvozvi ndoitawo sei nhaiwe "" hana yangu yakaita kuti tsemu ko tv ndaiwana kupi ini ndaigara pachipatara hapana kwakaenda pfungwa dzangu ndakangoti Rue"" Stay tuned *Macomments enyu akakosha anondipa simba lets share book munhu wese anakirwe* Mhamha vaIshe 💖
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 776

Comments