Tanic✨ Novels
February 17, 2025 at 07:44 PM
Pretender
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
0714 557 929
Chapter 16
Max hona Brian sent me a message and he is asking kuti where have i been , do you think he knows ndomuti chii?
“Bella hapana kana nyaya apa wanga uri ku serminar yekubasa
I just texted that ndokutobva online, kana chandaitya chaicho ndakachishaya because iye ndiye anga atori nemhosva.
Takazosvika kuHarare husiku chaihwo Max akanondisiya kumba. Pandakaona ma lights ari on ndakamboti asi I forgot to switch them off kani nezuro ndisati ndabuda.
Brian’s car wasn’t there so it was obvious kuti anga asipo pamba plus handi anga ari kwa Mutare here.
Ndichangopinda mumba pane mota yakabva yatosvikawo and i wondered kuti aive ani.
Brian akabva apinda akarova serious akabata loaf rechingwa.
“Titambire , i said
“Kutanga rinhi kutambira chingwa
“Is there anything wrong with that . Ndrikunzwa kunge mune munhu mu kitchen can you here anything?
“Imvura ye tea yandaisa
“Aizve ko wadzoka nguvai
“Kubva kupi ?
“Kubasa
“Ndakadzoka nezuro ini
“Nezuro ?? Wanga urikupi nhai Brian i tried reaching you kuswerazuro ndichida kukuudza kuti ndrikuenda out nebasa
“What do you mean ndanga ndiripi, ini was at work and you know that
“Kupi
“Acturus, any problem with that
Brian anenge aitotsvaga zve noise chete apa arikunyepa kuti anga ari muno muHarare ini ndamuona kuVumba anyways i will just pretend like I didn’t see him.
His attitude ndoyaindivhiringa I couldn’t tell kuti akandiona here or haana . But dai akandiona asina kumbonyepa kuti anga arimuno muHarare.
Mai Melissa
Kana baba Melissa vasingadi kuti mwana wababa vangu ashande pa company yavo ndichatoita zvechisimba chete. Maxwell kana dziri hama dzake ndopaanomutsa musoro asi kana dzave dzangu anoita sendisina hama, manje this time nyaya yamai Kunashe haimbopere ndisati ndawana zvandoda. Chavanorambira kuti ashandewo ipapo awane kamari kekuzvichengeta chii ? Chero kubika tea hako kana kutsvaira kana pasina raanokwanisa mu office anofanira kupinda basa chete.
Marambiro akaita baba Melissa akandisiya ndiine question mark kuti asi vachiri kuita zvema game avo pabasa ? Manje ini ndikangozvifembedza chete ndinokuenda kubasa ikoko ndikasiya ndaita mashura.
At least mai Kunashe kana ave kushanda ikoko anokwanisa kuona irikutambika achindiudza .
Mabudiro avakaita vachiti vari kuenda ku serminar kwa Mutare handina kuona mushe, kuti zvaive zvebasa shuwa here kana kuti kwanga kuri kuda kundi avoider.
My suspicions akazowedzerwa nekudzoka kwavo mazuva avainge vataura asati akwana.
“Ko zvamakafambira zvacho zvakatopera here, sei makasira kudzoka ?
“Ehee zvakapera
“Kubva madzoka husiku kudaro ?
“This is my house remember, manga musingade kuti ndidzoke here?
Kana paine zviripo ndichazvibata chete, baba Melissa ndakuvaziva maitiro avo kana vaine zvavari kuvanza vanoita rough isina kana nebasa rese. I had to push kuti mai Kunashe anoshande ku company kwavo by all means.
“Saka makazotii nenyaya yamai Kunashe ?
“Kudii kwavo ?
“Musaite semusiri kuziva zvandiri kutaura imi, ndakakuudzai wani kuti arikutsvaga basa ?
“Nhai mai Melissa, munhu wenyu iyeye munoda kuti anoite rei chaizvo basa kwamuri kuda kuti ashande uku ? Ane ma qualifications api, ini handiite zvinhu zvisiri professional mazvinzwa makuda kundivhiringidzira company yangu manje.
“Remember I’m also a shareholder saka murikuzama kutii nhai baba Melissa?
“Anonoita rei basa ikoko?
“Chero, chero ramamupa chero kuverenga mapuranga .I just want her to find something to do so that anowanawo kamari kake.
“Kuverenga mapuranga ?Aaah kana muchida kuti aite chero madii mati akubatsirei pano pamba nebasa since makadzinga maid pano, hamuoni kuti zvitori nani?
“Baba Melissa munoona zvichiita here zvamuri kutaura izvozvo, ko sei murikuramba kuti auye ku Majestic Timbers nhai, asi pane zvamuri kuvanza ?
“Kuvanza chii ?
“Saka mupeika basa racho
“Ndichaona
“Kuonei chamunoona, who do you want to consult? Kana inini ndato approver zvatoitasoo
“Will see panopera mwedzi
“Saka anokwanisaka kutanga next month ?
Havana kudaira vakangonditarisa ndokutarisa kuside. Ini kana ndada chinhu ndinoita chandagwinyira chaiye until i get what i want .
End of chapter 16
❤️
😢
😮
👍
12