Tanic✨ Novels
February 17, 2025 at 08:48 PM
*PRETENDER* Written by CoNy 0775 313 387 Edited by Tanic✨ 0714 557 929 Chapter 17 Mai Kunashe Zvimwe ndezvimwe hazvo sisi mai Melissa vaive vasina godo neni, ko vaigoita godo rei ivo vanga vagere havo. Vakandifonera vachiti vainge vataura na bamkuru kuti vandipinzewo basa ku Majestic Timbers and she assured me kuti basa ndaizoriwana. Ndikariwana basa iroro zvekuswerotsvinyirwa naBrian zvinenge zvapera. Shuwa ndaisvikepi ndichidadirwa nemunhu zvekudaro. Nhamo yangu yanga iri yekuti mwana wangu ndaizomusiira ani, sisi ndakavaudzawo nyaya iyoyo vakati vaizosara naye kusvika ndawana munhu wandaikwanisa kusiira. Changa chasara ndechekuti nditange basa chete otherwise zvimwe zvese zvanga zvave mugwara. Mwedzi wave kuda kunopera sisi vakafona vakati zvainge zvaita saka basa ndaizotanga panotanga mwedzi. Ndakatenda kuti shuwa Mwari ndewemunhu wese, ndainge ndavekuzozvishandirawo manje. Ndakazviudza kuti Brian achademba hake mabatiro aanga ave kundiita aya. Before ndatanga basa ndakati regai ndiende ndinonzwe kuti ndinenge ndichishanda sei kubva kuna bamkuru, so ndakaenda kumba kwavo a weekend before ndatanga basa. To my surprise, bamkuru vaisaratidza kana mufaro zvachose and i could tell kuti mai Melissa vanga vaita zvechisimba chaizvo kuti ndiriwane basa iroro. Hazvina hazvo kunyanyondivhundutsa nekuti bamkuru ndaiziva kuti hama dza mai Melissa vaisava nehanya nadzo. “Ndanga ndauyawo kuzonzwa kuna bamkuru mashandiro andinenge ndichiita kuti akamira sei ? “Motobvunzaka sisi venyu vakakupunzai basa racho “Hezvo, nhai baba Melissa mukati hamundishure here imi, ndinozvizivirepi zvekubasa kwenyu ? “Handi ndimi makati ano qualifaya here meaning manga matoona kuti department raanokwanisa nderipi “Handidi hangu zvekunetsana nemi baba Melissa, taurirai munhu zvaavinga “Eeeem mainini, kutaura chokwadi kubranch reku Greendale hakuna basa ramungaite asi sezvo muri munhu wekuziva ndichaita kuti munoshandire ku branch reku Ruwa. “Matii baba Melissa,Ruwa ?? Kunei ikoko, makazovhura branch ikoko zvarinhi zvandisingazive ?Hazviiteka izvozvo zvamuri kutaura, anokusvikirwa nani kwese ikoko, zivai futi kuti munhu anekasvava kauyu . “Saka ku Greendale anga achauya nako here kasvava kacho ? “Musaite semunhu asina moyo imi, kumbori neiko kuRuwa kwacho imii kwamuda kumusairira ini ndoda kuti ashandire pa Greendale apa. “Aaaa kana musingadi zvekuRuwa saka nyaya yebasa yacho yatoperera pano nekuti kuRuwa ndokune basa. Munotoda kutondinetsa futi muchisarudza nzvimbo ini ndatombomuwanira basa racho hangu, indava musingatendi imi.Vanhu rudzii vasingabatsirike. Vanga vave kutopopota bamkuru ndakangoti zvakaoma chokwadi. Ini ndanga ndisina hangu dambudziko nekunoshandira kuRuwa kwacho. Chandaingoda chete ibasa kuti ndiwane kuzvichengetawo. Ndakazooneka hangu paya asi shasha ndakasiya dzisiri kutaudzana just because of nyaya yangu yebasa. Basa riya ndakazoritanga paya and I realized that bamkuru vaive vatonditsvagirawo basa kuna someone else wavaiziva and kwaisamboitwa zve timber zvavaiita. I didn’t complain because ini chandaingoda ibasa chete. Mucheche wangu aisara na sisi mai Melissa. Things started to turn around for me, kana munhu uchibatawo kamari kako hauzoshaye pekutangira . Dzanga dzave three months ndichishanda and I decided to find someone anosara nemwana wangu kumba nekuomawo kuti Kunashe paanodzoka kubva kuchikoro anowana pamba paine munhu. When i told sisi vakati vanga vasina problem nekusara nemwana wangu saka ndisazvinetse hangu nekutsvaga munhu. “Mwana mucheche haasi wekungosiira munhu wese wese Mai Kunashe usazvinetse hako ndinomuchengeta inini “Sisi handizive kuti ndingakutendei nei henyu, zvakawanda zvamakandiitira “Uri mwana wababa vangu iwe saka chii chashamisa apa “Ari mumwe aisambobvuma henyu sisi “Saka kurisei kubasa kwako “Kuri right zvekuti vakaita havo basa bamkuru “Aaah kana zvakadaro zviri nani at least ukatiwo mariyaunotambira woti yerent yemba yababa then kana Brian afungawo vana vake akakupa unenge uri parinani. “Chokwadi henyu sisi This other day my boss vakati vane ma papers avaida kunosiirwa ku Majestic Timbers kwababa Melissa. She was a nice person havo so pavakandikumbira kuti ndinovasiire handina kumboramba after all kwavaindituma kwacho ndekwa bamkuru vakanditsvagira basa. “So you can just drop them off on your way home saka wobuda early nhasi kuti usvike vasati vavhara. “Okay ma’am Semunhu anga atumwa na boss lady ndakakasira kubuda kuti ndiwane bamkuru vachiriko. Pandakasvika pa reception pacho panga pasina munhu and zvaingooneka kuti vanhu vanenge vava kuda kuenda kudzimba. Ndakangoti regai nditevedze passage iyoyi maybe ndaisangana na someone ndikabvunza kuti office ya boss wavo iripi. Ndichangoti dzikei pama steps two aive mu passage umu i saw a door ranga rakavhurika mbichana necheku right kwangu and i assumed that it led to another passage so ndakabva ndatonhoenda neikoko. Kuvhura door kudai wanike heano mashura. Panzvimbo yekuti ndiite U turn, I stood there ndakashama muromo kutoshamisika chaiko kuti ndiri kuonei. Bamkuru ndivo vakandiona because he was facing direction yandanga ndapinda nayo.Vakabva vabvisa maoko avo anga akaita kumonera chiuno chemusikana wavaitsvodana naye. Chop chop bamkuru vakabva vasuduruka ndokutanga kubatabata mapepa aive pa desk ravo zvinova zvakashamisa muskana akabva acheuka kuti aone kuti chii chaita kuti mumwe wake adaro. Ndaiti zvandaona musi iwoyo zvakwana kaini asi zvanga zvisati. Ko zvaaive Bella nhai veduwee. “Bellaaa Haana kana kuzonditarisa futi akabva atarisa pasi ndokundinyenyeredza kusvika abuda. “Who let you in without my permission? Ndiani ari pa reception , vakabva vabata fon kwakutanga kuda kufona zvenhema “Panga pasina munhu eeem ndatumwa na boss Maila hanzi ndikupei envelope iyi “Zviiko izvozvo zvaanokutuma kuti uuye nazvo, atadza kusender email here? “Handizive, ndakumboenda. “Eeeem, makutoenda here mainini murikuenda nei mirai tibve tangobuda tese “Aiwa ndine munhu wandauya naye, musazvinetse henyu “I insist, handi murikupfuura muchitora mwana here kuna sisi venyu saka handei tese Dai vaiziva havo kuvira kwandaiita nehasha sooo vakarega havo kunditaudza “No bamkuru, regai ndiende Ndisati ndasvika ku door ivo vanga vatoveko vakabva varivhara ndokurikiya. Ndakaona ziya richiita kuyerera richibva nechemumusoro mavo. Murume mukuru anga aita kupusa chaiko, i guess vaishaya kuti votangira papi. End of chapter 17
❤️ 😂 😢 9

Comments