Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
February 17, 2025 at 12:04 PM
*Ndangariro*
Muhupenyu unosangana nezvakawanda zvimwe zvinokusimudzira zvimwe zvinokuwisira pasi zvekuti unodemba kuti ndakazvarirwei dai Mwari vanditora havo. Ndinorangarira mugore ra2009 taigara mudhorobha reHarare vabereki vaiva nemba so rimwe zuva vakabuda vese nemota yavo ndokuita accident ndokufira ipapo vese vari 2💔 then inini ndaiva grade 6 nevapfana vangu 3 vaiva kumashure . Vabereki vafa musi wekugovewa wakasvika and bamunini one aivapo ndokuti ndini ndosara, nevana vamukoma vangu ndichivachengeta vanhu vakatofara nazvo then boom after week nhamo yakachitanga manje apa bamunini vainge vatomover from village kwavaigara kuya kuswogara kuimba yedu nemhuri yavo basa ndini ndaimuka, ndichiita rese ivo vakarara nevana vavo then vapfana vangu vaingoitwawo the same kushungurudzwa pamba pevabereki vedu zvekuti Grade 7 ndakabva ndashairwa mari yekunyora and vapfana vangu vamwe aiva masmall grades mari yakabva yashaikwa asi vabereki vainge vatosiya mamwe mabusness aitounza mari mumba.
zvadaro Bamunini vakabva vatiendesa kumusha kwavo kwavainge vakabva ndokubvisa mukomana aichengeta mombe zvikanzi imimi ndimi makuita zvese pano uye kurima Garden rinoda kurimwa zvanga zvisiri easy ndiri munhurume hangu but hupenyu hausi easy fun part kushungurudzwa neweropa.. apa kumusha tainge taendeswa ne 2 litre 1 yemafuta ne salt then nemachunks 20 kgs zvikanzi zvinopedza mwedzi hupfu hwaivako takatanga kutamba nhamo nevana vamai vangu ne age yavaiva nayo ndini ndaitoona kuti zvese ndaita here kumuka makuseni seni ndonorima kugarden ndodzoka ndovabikira ndovasukira ndapedza ndozoenda kumombe if lm not misteken ndakati 2010 ngoma yanga ingori iyo vana vacho vaiti vakauyiwa navo kumusha taiitwa kunge zvimwe zvinhu kukorobheswa pavatsika kunzi pfugama umhorese mwana wangu ne age yandandinayo neyevana vavoka ndaingoti mwari vane chinangwa.
Then zvakaramba zvichidaro and life tainge tatojaira vana vamai vangu 3 ava vamwe vainge vatokurawo like second born aifanirwa kunge agrade 4 pa that time then 2 vamwe ava aiva matwins vaive at a young age zvekuma 3 yrs but rume guru nezigadzi racho raiita kung emutumwa wasatan moyo wetsitsi paiva pasina,, so ndakazotanga kufungisisa ndakagara pasi kuti vana ava ndini ndatova vabereki vavo vachasvika rinhi vasingaende kuchikoro uye vasingadyewo zviri nani nekudaro pamombe 50 dzaiva pamba dzamudhara wangu nedzabamunini dzaiva dzasangana dzamudhara wangu dzaiva 33 ndakabva ndafunga zano ndokutsvaga mabuyer angu mombe dzaiita zvekuma 400 madays iwayo ndokutengesa mombe dzangu 33nema 300 apa ndainge ndazvipira hangu kuti chaiuya chaizoona inini and hupfumi wamudhara wangu uyu soo ndakbva ndabata $9900 cash muhomwe then rimwe zuva makuseni seni bvandangosiya mombe dzabamunini dziri mudanga 17 dzainge dzasara ndadziisira mvura nemashanga anesalt zvekuti dzaigona kudyawo 2 days bvandanogadzirira hembe uye zvinhu zvese nevana vamai vangu bvatanohigher mota yakatitakura kuenda kuharare futi pane mumwe munhu wandaiziva aiita zvekupa vanhu mastands emashops so ndakamutsvaga bvandamuwana tikawirirana zvestand iyoyo yainfe yakavakwa akanditi 5000 and yaiva nemapaper zvese ndokuwirirana and ndiye akabva andivmbetsera kunihodha zvinhu zvemushop imomo 1000 yakandikwanira zves zvandaida then 4 000 yainge yasara muhomwe nekamwewo kadiki ndokitsvagira vana vamai vsngu pekudzidza vese paglenview 1 primary ndakabhadhara mari yegrade 1 kusvika 7 zvichienderana nemagrades avo cz pathat time scholl fees yaiva 20 per term chaksita ndidaro ndaiziva kuti mari ndogona kuzoishandisa vsna vakazotadza kuenda kuschool zvadaro ndakasarwawo nekamwe muhomwe kandaiwedzeredza, staff and zvimwewo life ndokutanga kuchinja inini ndichiswera kushop vana vachienda kuschool and ndakabva ndazoisa musikana mushop aiswera ikoko inini ndochiita zvemaorders chete then bamunini hamheno akazovaudza kuti handichisiko kumusha uye mombe ndakatengesa ndokubva vanoisa police case asi kwandaigara vaisakuziva uye kuti ndakaenda kupi zvadaro takati after one and half year ndakaona pashop pasvikwa ne3 varume ndokubva ndasungwa uye kusungirwa nyaya yemombe kuti ndakatengesa mombe but ndakanzi ndoiswa kuremand kusvika 18 yrs dzakwana since mskore aiva mashoma and ivo havans kuda kuita tsvagurudzo dzeshop kuti yaiva yani.
ndakaenda kuremand for 2 yrs shop and vana kuschool vaienda chekutanga ndoda kukutenda Mid mapiye ndiri kutokutsvagawo ndimbokuitirawo zvandinogona nekwauri ikoko uye kwawakazoenda takapesana nguva yareba pava nemakore pamwe wakafa kana usina ndovimba post kumbira number kuna, admin akupe Mid uyu akatanga kutoita kunge hama yangu chaiyo vana vaienda kuschool as well kushop hapana chakachinja uye pa2 yrs dzese dzandaiva mukati ndiye hama yangu yaiuya kuzondiona uye kundipa chikafu,,, police ndakazouudza zvaivapo uye mamiriro enyaya sevanhu vanenge vaiva vatengwa ndokundiudza kuti kuti ubude waifanirwa kubvisa 3000 asi ndotenda mid akashanda mari iyoyo akazobvisa find uye kubasa hakuna chakachinja pay chaiyo aisazvitsmbirisa achiitira inini ndisina hukama naye ndakzobuda hangu ndikugara dzinenge 5 months pasina chakaipa chaitika then bamunini vakazondihira matsotsi ndikarohwa zvekuti ndakaita 4 months. ndiri muchipatara l think ndakatombofa asi mwari vane chinangwa uye vane Simba Mid uya haana kumira neni aitova kuhombe kwandiri ne 15 yrs ndakazopona ndikadzoka kubasa kunova kwaiva kumba ndokubva ndatanga kushanda after4 yrs mid akazowanikwawo hake akaenda kunogara nemurume wake kumhiri kwemakungwa kwatakatanga tichitaura kuoedzesera communication hapachisina now vana vamao vangu vaiva vadiki matwins varikutopedzisawo zvidzidzo zvavo naMid takaparadzama zvakanaka hedu ndongoda kutenda.
Bamunini kana maiona post ino ndiri kuuya kuswotora zvinhu zvmababa vangu kwandiri hamukuzive its my time yekuchi revenger ndakura manje handikushuwirei rugare chinokanganwa idemo mapapers edzimba and zvimwe ndakazviwana ndava nazvo shop haina kuparara handinaa grade seven asi mwari vakatisvitsa pane imwe stage cheziya rangu ndochandirikudya nevana vamai vangu.
sorry ndarebesa asi ndazama kuipfupikisa💔💔💔💔
😢
❤️
🙏
😭
😂
21