🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 17, 2025 at 05:08 PM
The Infinity Drops
Chapter 23
Chamunorwa
Ndakanzwa kubayiwa pamwoyo pangu mushure mekunge ndanzwa bad news kuti Tine ave nepamuviri. Twumisodzi twakambodonha ndichifunga kuti nezera rake kuva nenhumbu.
"Doctor can you abort it please?" Ndakadaro ndaitoda kuti ibviswe zvangu.
"Hmm Chamu wakuda kuurayisa mwana zvino."
"She won't die, doctor please." Doctor vacho vairamba vakanyarara maybe vaimimiria kuti mom vataure nekuti ndivo vaive mukuru.
"You guys mirai izvozvo, kubvisika inobva zvakanaka hayo asi kuuraya uku hachisi chinhu chakanaka. Maybe mudumbu umu muna Pastor vachashandira Mwari vanhu votendeuka imi modeura ropa rekacheche. Inini hangu handione sechinhu chakanaka kuparadza chiri mudumbu musatye anobatsirwa zvakanaka."
"Nhai mom anomudii mwana nezera rake irori? Uye chandisiri kuda kuti aitire mudhara uye mwana haa zviri kundirwadza."
"Calm down my son, it will be well doctor please kana ari fit kuti tiende naye tokumbirawo."
"Ook sure." Doctor said nodding his head. Ndakatoona kuti zvekuti ibviswe zvainge zvatomiswa apa. Hamhenoo pàmwe mom vaiona zvakanaka kuti Tine abare mwana. Tine akazounzwa nadoctor ndakanyatsopererwa zvekare, ndakanyatsotarisa zera rake pasina kana zvemakore apa munhu wacho ainge agara ari mupfupi zvake. Ndakangomumbundira akatanga kuchema, zvairwadza chokwadi kuti munhu asati atombotanga kuita zvevakomana akange atove nenhumbu.
Takazodzokera kumota ndokudzokera kumba zvedu. Chikafu chiye hachina kuzodyika zvacho ndakangosvika nekurara ndakadaro. Ndakazonzwa nock padoor ndisati ndatombodaira mom vakabva vatopinda ndokugara pabed pangu.
"Eeh Chamu unoona zvoita hupenyu hapana anoziva kunze kwaMwari. Yeah that was good kuti Tine abviswe pamuviri asi imagine uriwe uri mudumbu make wobviswa kudaro haa izvo handiwirirane nazvoo hangu. Mwari vanenge vakakusika for a purpose here on earth wozobviswa usati watotsika nyika yacho. Chingozvigamuchira ndizvo kaa plus mwana wedu haasi waTerry."
"Okay mom kana muri imi matendera hapana hapo dambudziko ngaagare nayo hake."
"Yeah ndichanotaura kuchikoro kwavo but handiti ave kutonyora Grade 7 saka paHoliday yake ndipo paanobatsirwa wozoenda hake kuchikoro mwana amboti kurei."
"Okay mom asi hmm."
"Ndohupenyu rangarira kwawakabva shamwari wakasangana nezvakawanda saka chitojaira. Rega ndiende ndonorara mwanangu usakanganwe kunamata."
"Maita basa mom."
"Okay I love you."
"Me too."
Mom vakabva vabuda zvavo, haa ndakanyatsonzwa kuti rudo rwavo rwaive rwechokwadi chairwo. Mai Susan vaive nerudo asi dzimwe nguva ndaimbonyumwa kuti pane something wrong. Ndakazobatwawo nehope zvangu ndokuzomuka nguva dzatofamba mom vaenda kubasa Tine kuchikoro. Ndakaenda kukitchen kwaibikira mumwe wangu Nokue ndokumumbundira nekumashure hangu.
"My love?" Akadaro ndakabva ndakasika kumusiya ndave kurangarira kuti mom vakange vati ndave mwana wavo. Ndakatoona kuti ndave kuita zvisirizvo nekuti nerudo rwavo ndaifanira kuvafadza. Vasikana zvavakawanda munyika saka zvaingoda kuti ndizvinzwisise.
"Nhai Chamu ko chii ndafarira zvawandiita wandisirei?"
"Aah sorry ndoda kumhanya mutoilet ndodzoka." Ndakadaro ndave kutobuda zvangu ndokungopinda mutoilet ndisina hangu zvandaida kuita. Ndakabuda ndatochinja nyaya hangu ndakange ndongoda kumuavoider kuti tidanane zviri deep ndaizomusiya zvishoma nezvishoma.
"Aah Nokue ndoda kuti undiperekedze somewhere. Ndoda kunoona mai Susan nhasi."
"Hmm hakusi kuda kuuraya munhu here uku?"
"Aah kana ndinenge ndazviwanepi zvivindi zvacho?"
"Okay rega ndigeze tiende todzoka tichidya."
"Okay"
Nokue akanogeza ndokuzochinja takapinda munzira ndokuenda kwamai Susan. Ndakatosvika paine mumwe murume ndakambofunga kuti pamwe ndiye ainge atora mai Susan futi.
"Makadii zvenyu ndingaonewo amai vepano here?"
"Ooh you mean that lady, vave kugara panext apo pane imwe imba yavo ino vakanditengesera."
"Are you sure?"
"Yeah."
"Okay thanks."
Takabva taenda pamba pedu chaipo pakange pazara maroja. Ndakanocker ndokuzopinda ndadairwa namai Susan. Ndakatosvika vakagara kunge vakapedza nhamo zvavo apa vaive vakangovhura maziso kunge bere radzipwa nesaga. Ndakataura navo and i discovered kuti she was now blind. Ndakanzwa kufara nazvo asi ndakazovarovera nyaya yaTine kusvika ndagutsikana. Ndakashamisika vave kuti vave kuona nekuda kwekuti ndainge ndavarova. Ndakatombofunga kuti kwaive kundinyepera kuti vakange vave kusaona asi ndakazoona kastick kaive pasi kavaifambisa nako.
Vakazotaura kuti vakundipa imba yadaddy ivo voita roja rangu.
"So you mean kuti imba ino ichiri muzita radaddy saka yaive isina kutengwa zvee."
"Yaive isina kupedziswa kubhadarwa zvayo uye mari yakatenga yacho aah unoseka iwe."
"Handina kuuya kuzoseka pano ini, ndipei bepa remba."
"Okay rega nditarise." Vakadaro vakaenda mubedroom mavo vachimhanya.
"Chamu wazorova munhu kusvika ave kuona Kaa nharo dzako dai wamusiya aramba ari bofu mhani."
"Ko ndambozviziva here ndaiti ndiri kugadzirisa munhu wangu achirohwa nechaaisingaone."
"Okay haa chikuru kuti wave kupihwa imba mudiwa hatishaye pekutangira."
"Yeah."
"Asi hausi kufarira imba here?"
"Kk handidi kuzviratidza kuti ndiri kufara."
Mai Susan vakazodzoka nebepa racho, " Chamu sorry hako nezvose zvandakaita."
"Nyararai henyu nekuti sorry yenyu inotondirwadza zvisingaite. Ndabva ndarangarira pandakapihwa zviyo nasekuru Gombiro kuti ndinoisa mukanwa memushakabvu imi ndokundivhara henyu muchiziva kuti ndimi."
"Ndosaka ndati sorry."
"Mirai izvozvo, eeh ndoda kuti muudze maroja enyu kuti ndiwo mwedzi wekupedzisira kugara pano mubude mose."
"Okay haa zvakanakai nekuti vawandisa zviri nani ndisare ini."
"Ndiri kureva mose mosarirei pano?"
"Chamu usada.."
"Eeh handingagarisane nemunhu akauraya vabereki vangu nekuti hazvivafadze izvozvo saka mandinzwa ndaenda ini."
"Chamu! Chamu! "
Handina kana kudaira ndakange ndatove panze chaipo. Takadzokera kumba ndave nekamufaro kekuti at least ndakange ndavewo nesomething. Ndaingorwadziwa ndakafunga Tine hmm ndainge ndakangobatira hana mumaoko kuti zvimunakire.
Akazodzoka kubva kuchikoro ndakaenda kunotaura naye muroom maairara naNokue.
"Mwana wamai nababa vangu."
"Maswera mukoma?"
"Haa ndamboswera hangu kusaziva iwe?"
"Haa mati ndambodzidza zvisvinu here ndiri kungovatikana nenyaya yenhumbu hmm."
"Chirega kubatikana Tine, rega ini ndibatikane iwe uite serious nezvidzidzo zvako nekuti ndiwo mukana wacho uyu."
"Ndiri munhuwo ini Chamu ndotodawo nguva yekupora."
"Okay but uchiita uchizvibvisa mupfungwa dzako."
"Okay mukoma."
"Okay yandafambira muno ndeye kukunyeurira kuti imba yedu yadzoka yainge yakatengwa iya."
"Wow thank God haa zvanaka izvi."
"Taura hako rega ndimbonogeza ndokuonai?"
"Okay mukoma."
Ndakabuda muroom mavo ndokusangana naNokue.
"Hey Nokue."
"Hey sweetie." Akadaro achindibata muhuro nemaoko ake ose kwakunditarisa maziso.'
"Guess what Chamu?"
"What?"
"Mom havasi kudzoka nhasi vasenda message kuti vari kurara kubasa."
"Aah eish ndarwadziwa mhani."
Kurwadziwa? Haudi kufara here kuti toita zvatoda nhasi."
"Like what."
"Ndiri musikana wako I mean kuti we can sleep in your room ndiwo mukana wacho.,"
"No, we're not yet married so let's wait. Er don't have to do the marital staff without marriage please."
"Hazvina basa Chamu ndokuti rudo rwusimbe mumwe wangu."
"No!' Ndakadaro ndave kutobva paari. Ndakatoona kuti musoro wake wakatozara mvura inodziya zvayo ndozvinhu zvandaida zvakadaro ndaimirira wanano first.
Takazorara hedu mom vasina kuuya, zuva rakatevera vakaita zvimwezvo Havana kuuya ndakabva ndatoziva kuti hamheno kwawanikwa murume. Week rakasvika pakupera vasati vadzoka pamba.
Mai Susan
Chokwadi Mwari vakanaka, kunyangwe ndaive mutadzi vakandidzosera maziso ndakatanga kuona chinova chinhu chandaishuvira kubva ndiite bofu. Ndakafara zvekuti bhee asi nyaya hombe yaive yasara kutsvaga pekugara nekuti Chamu ainge ave kusatida pamba pake plus taisagarisana. Ndakarwadziwa hangu nenyaya yekuti Tine akange ave nepamuviri paTerry. Nezera rake zvaitonzwisa tsitsi.
Chamu akazoenda ndakasara ndichimboona ona ko ndakange ndave kusaziva kana mwana wangu. Ndakafara kumuona ndakabva ndazoenda pamba pangu pandainge ndatengesa ndichiona zvangu kuti yainge yatoenda zvechokwadi. Ndakangozvigamuchira ko hupenyu ikwire dzike ukaenda pamusoro chasara kuwira pasi.
Nguva dzakafamba ndakazotarisa mari yangu ndokuona iri shoma zvayo. Paitoda kushanda kuti ndikwanise kuzvichengeta ndega. Pfungwa dzangu dzakange dzangove pakuenda kuChurch ndaida kutosiya mabasa akaipa ose. Dzaive nyasha kuramba ndiri mupenyu, waitove mukana wekuti ndigadzirise nyaya dzangu.
Ndakonowacha hangu kuseri kwemba kwakabva kwauya mumwe murume airoja ipapo.
"Maswera sei?" Akadaro achikanda nyemwerero yaisvika kugotsi sedhakisi.
"Ndaswera zvakanaka kana maswerawo."
"Ndaswera ini, nayo washen."
"Yeah regai timbowacha tsvina yacho yanyanya iyi."
"Okay ndoda kaa kugara ndabhadhara mari yangu yerent ye3 months kana zvichiita."
"Aah munenge matogona zvee unzai." Ndakadaro ndave kutopukuta maoko pahembe. Akabva atora mari muwallet yake ndokunditambidza akabva aramba akaibata ndichida kuitora. Ndakamutarisa kumeso kwake ndokuona akanditarisawo. Akazobata rumwe ruoko rwangu ndakabva ndangopusa akabva ati, "Makanaka sisi."
"Ehe asi ndine murume wangu."
"Ndozviziva mai Susan ndangotaurawo." Akadaro akabva asiya mari iya akaenda. Ndakasara ndichinetseka asi ndakange ndisisade zvisina basa aizondipa muyedzo ndakamuuraya. Handina kuzoita hanya naye ndakapedzisa zvandaiita ndokuenda mumba ndokusvika Susan achingochema.
"Iwee uri kuchemei?" Ndakabvunza ndichitoita zvandaiita asi ndakatozoona kuti pane chainetsa paari.
"Daddy! Daddy!" Ndozvaakataura ndakashaya kuti zvairevei? Nguva dzakafamba achingodaro kusvika tazorara.
Mangwana acho haana kuzonetsaa takabva tazoenda kumobatsirwa kumasowe. Ndakaudzwa kuti akange achidiwa kumusha kwadaddy vacho. Sekuru vake naambuya vake vakange vachiri vechidiki zvavo daddy vaSusan ndivo vaive vekutanga. Ndakabva ndatorongedza mangwanani iwayo ndokukwira kuenda kuCentenary kwavaigara. Ndakasvika mutownship ndokufamba chinhambo ndichienda kwavaigara kunonzi kuMutute. Ndakasvika ndokutambirwa nembwa dzaitoda kundiruma zvadzo dzakazomiswa nasekuru vaSusan.
Takakwazisana tose vakafara vachiona muzukuru wavo. Ndaitoda kumusiya ndonozviraramira ndega muHarare zvekuti ndainge ndabhadhara fees yake zvaisava nebasa ndakange ndave kutofunga zvimwe hangu. Ndakazorarako hangu kwave kuraira kuti ndave kuda kuenda mangwana acho sekuru vake vakabva vati ndigarepo ndichivabatsira basa. Ndakaona zvakangwara pane kuzoshaya pekugara muHarare saka ndakabva ndatodzika matende hangu.
Nguva dzakafamba ndokuzoenda kumunda ndakatakura badza rangu ivo avo vaiti ari kumunda. Takasvika ndokuratidzwa munda wacho ndakatanga kusakura ivo vakaramba vakamira zvekuti ndakatadza kuvabvunza kuti vainge vakamirirei. Ndakazotanga kungoshanda zveusimbe ndokuzonzwa shamu kumusana, ndakasimudza musoro ndokuona sekuru vacho vakabata shamu.
"Shanda apa unofanira kutipa kuurayaa kwawakaita mwana wangu iwe! Muno unenge uchibuda manheru uye ndinenge ndinewe."
"Sorry baba musadaro."
"Zvandataura wazvinzwa kana une nharo tiza uone handiti ndini ndakakudedza kubva kuHarare ndisina kana kukufonera." Ndakatarisa mama ndokuona vakangonyarara zvavo. Ndakazoona kuti hapana zvekuita ndakabva ndatanga kushanda kusvika ziya rave kuyerera, misodzi yakazoteverawo nekuneta. Maoko ainge apitika nebadza zvekuti kana sadza rakapisa raisadyika. Ndaiti pàmwe zvekuuraya baSusan zvainge zvakapera asi ndaizvinyepera. Ndakazounzirwa mahewu ndakangonwa zvenguva diki ndokutanga kushanda zvekare. Ndakatanga kufunga kahupenyu kandairarama baChamu vachiri vapenyu ndakabva ndadzidza kuti zvakaipa zvinotevera mwene wazvo. Kunze kwakasviba tisati tadzokera kumba zvekuti ndakapedzisira ndazongodonha pasi.
End of chapter
❤️
😂
🙏
5