J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
February 18, 2025 at 08:44 PM
*YAFEMHA YANZWA HWEMA DZINZA NDERIMWE* _*NEW BOOK 2025*_ 🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹 *CHINYAKARE NOVELS*    ∆∆ Read and share ∆∆ WRITTEN BY Author : JT *Nyazenga* 🪀 +263 776618351 🪀+263 717173806 *Kana usingandi kuzodarikirwa nebook iri gara waita follow my channel baya link riri pazasi nokuti inbox 📥 yangu handibatsiri munhu* ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w CHITSAUKO 11 MUMUZINDA MAMAMBO JAMBWAREGOTA Kupesana kwakaita mambo Jambwaregota na Gundamusaira . Mambo Jambwaregota anosimudza tsoka dzake achitenderera nomuzinda wake asi mambo Jambwaregota aioneka kusimudza tsoka zvinyoro nyoro seanokweva makumbo chiso chakanzi kota pasi pfungwa ndodzairatidza mukuru uyu aive nezvainetsa mupfungwa dzake . Mambo Jambwaregota akatenderera arikudenga pedyo nedare nhambo yaainge abva kubuda muimba yematare emumuzinda umo aive naiye Gundamusaira . Mambo Jamabwaregota ano oneka kubereka tsvimbo yake kumusana pamwechete nemoko ose ndokutanga kudzikisira divi rakadziva kumaodzanyemba nomuzinda wavo uko ndokwaive neimba yavanyachide wavo mai Mutambaneingwe . Pfungwa dzamambo Jambwaregota dzainge dzichiratidza dzaiwe kuresa kwazvo uye dzaioneka kuti dzaironga pamwe nokurongonora kana icho chiso chainge chooneka kusviparara apo vachinzika kutaura wega . "Gundamusaira hongu aramba hake kuti jaya iri riparadzwe asi moyo wangu hausi kumucheneru mujaya uyu . Angaramba zvake kuti haaziwi muzinda wamambo Masaira naiye Mutubvarubva asi moyo wangu urikopakana nazvo izvi. Nokuti matarisiro kana iwo matauriro nemafambiro ekufamba akavhura maoko sehoto yasvika pekuzororera ndozvimwechetezvo nezvaiita Masaira naiye Mutubvarubva. Ini chandirikuramba ndochiziva kuti mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu pane yakatsika ikanwa chete ndokuzvarwa kwejaya iri. Zvino manje ndoita sei zano rangu ribudirire nokuti vakaenda kuhondo uku. Ko vakatadza kubata Nyan'ombe handiti rose rakahwanzika rinobva rabuda here ,uku ndokunonzi kuyanwira zamu ndokurarira pamukaka pacho uchada kuyanwa .Zvisinei zvatainge taivamba nokupedza ini regai ndichirega kumhanya kumedza kutsinga ndichada sezvo ndikamhanya kumedza ndisina kutsenga ingazondizvimbira zvikazoenda nepamwe sezvo gapu rachinoruta izvimbira muchachuri ndakatochachura kare ndichadzoka ndoona iye Gundamusaira " anonzika kutaura oga mambo Jamabwaregota akananga kuimba yaamai Mutambaneingwe . Uko vasina kupedza nhambo huru ndokusvika mai Mutambaneingwe waive wakagara muberere remba yawo apo wairuka chuma chaiye Shamiso uyo ainge achioneka kumhanya mhanya pahadyana arimo muimba yokubikira maziso achioneka kuyeredza misodzi yokutosvorwa nechiutsi chaive mubikiro umu. "Nhasi kukasika kubva kudare kwakanaka here ndainge ndichitoti Shamiso akapedza kubika ouya nesadza remasikati ?" anobvunza mai Mutambaneingwe achimira kudhungira zvuma zvake achitarira kuna mambo Jambwaregota iye mambo Jambwaregota anonzvengesa chiso achienda kunogara pachigaro chematombo chaiwe muzasi momutondo waive pakati pechivanze chawo. "Hongu kwakanaka Mheta rungwanani handina kunyatsa kutsarukana kudya saka ndaona sechanonoka ndikati regai nditevere ndosaka muchindiona kudai " anodavira mambo Jambwaregota agara pasi achiti zenda nomutondo uya tsvimbo ichiradzikwa pasi vakatarira mai Mutambaneingwe."Nhai mambo vangu mabva mandiita mutsva here muno mumuzinda kubva ndivanikwe nemi hamusati mambouya moga kune chokudya chemasikati sokudai chandoziva munotuma jinda guru renyu Mutambanuke kana asipo Gundamusaira ndiye andiona pano uye mungaedza kundiudza zvenyu zvenzara asi chiso chenyu chirikutaura pane chadzimba uye pane chariuraya zizi haringofa roga risvipei nhai mambo wangu kana richida ini ndosvina ndosaka ndiripo " anodaro mai Mutambaneingwe achikanda chuma chake pamakumbo ndokugumbata maoko ake akatarira kuna mambo . "Mambokadzi imboitai zvokuti ndikande chibataura nzara ndoyave kundibvunza mutupo pano munoda ndife here nenyota ndakatsika mumvura ?" anodaro mambo Jamabwaregota achinyepera tuhasha sezvo ainge atoona kuti mukadzi wake ainge aona pfungwa dzainge dzisi pedyo. Mai Mutambaneingwe anosimuka chinyararire ndokupfekera chuma chake muberere remba yawaive ndokupinda mubikiro maiwa naiye Shamiso ndokutanga kumubatsira kubika .Pasina nhambo huru kubika kwainge kwapedzwa mambo Jamabwaregota ainge akangogara pachigaro chake apo ainge akati chiso kota pasi tsvimbo yainge yabatwa zvino nemaoko maviri ndokubatwa nechepakati payo ndokubairwa pasi. Nhambo iyi pfungwa dzamambo dzainge dzosukutana hongu waive wapedza kuronga naiye Gundamusira kuti aizomupa Shamiso asi waive wasati wataurirana naiye mai Shamiso zvinova zvainge zvovadya pfungwa zvakare . Kudya kwakauya mambo ndokudya asi havana kunyatsa kutsaruka kudya zvakare zvinova zvakaonekwa namambokadzi pane rainge richidyira mambo mumoyo segonye rinotemera muvhu . Sezvo zuva rainge rorova nhongonya nedivi mambokadzi anoisa mvura yake pamoto ndakugadzirira mambo kushamba zuva harina kunonoka kufamba richingowavarira kugara makomo mvura yokugeza inoiswa muchirongo mambo ndokunogeza wachibvaikoko vanosvikirana nokudya kwamanheru kwainge kwatobikwa awo vanoratidza kudya sezvo paive pabikirwa nemuriwo wavanofarira derere resango samwenda . Mambo Jamabwaregota anodya achipedza kudya anobva aoneka kuti ainge akunovata uyu mambokadzi haana kuzoda kupedza nhambo huru anobva abudawo kutevera mambo sezvo mambo ainge ane zvimazuva asina kumema gura rawo . Mai Mutambaneingwe anopinda muimba yokutsivama umo anosvika mambo atoradzika nhivi pasi vakarara pamusoro pemadahunha vakatarira nhungo vasina kusimira vari chizvarirwe kumenyeva kwenzungu yembeu inoda kufushirwa muvhu. "Asi nhai mambo wangu zvabva zvaita sei uye ndipirei radya moyo wenyu kudaro iyezvino mazviradzika pamusoro pemadahunha nechando chirikunze ichi apa chiso chinoratidza kusvava semuboora watsva nezuva mudaro ndipei ndisvine mota iyoyo " anodaro mai Mutambaneingwe achisunga sasa nomukati ndokuisa mukombe wemvura pachirongo chaive kuseri kwesasa muimba umu ."Pindai muma dahunha ndikusvipe mukadzi wangu ndaona unoratidza kutambudzika nyaya iripo idoko uye ihombe "anodaro mambo Jamabwaregota achitora bakatwa rake ndokuisa pasi porutsago setsika yawo kuzama kuzoda kuvhika muvengi anouya vatsivama . Mambo Jamabwaregota anopinda mumadahuna mai Mutambaneingwe ndokuymteverawo imomo waviri wainge wonzika kutaura nhambo iyi mambo ainge azvipira kutaura nyaya yake zvino . Uyo anonyepera seataidzwa ndokukosora maningi mambokadzi achirova rova pachipfuva achipedza ndokubuda mumadahuna ndokutora mukombe vemvura ndokupa mambo uyo anorova zvimhutu zvitatu ndokutoti zvaita . "Mai Mutambaneingwe nyaya iripo unoziva mavanikire andakakuita kuti ndainge ndati zvimwe midzimu yandisema kushayawo anozotamba nezvombo zvangu uchikuyeuka here ?" anobvunza mambo Jamabwaregota. "Hongu ndizvozvo ko pane chandaresva zvakare here ?" anobvunza mai Mutambaneingwe ."Kwete mambokadzi nyaya iripo apa musati mauya Nyan'ombe akauya muno mumuzinda akati anoda hondo yokumubatsira kunoparadza Masaira sezvo dunhu rainge rakura asi izvi zvaisafanira kuzivikanwa nani zvake kuti Nyan'ombe ndamupa hondo. Zvino ndakamupa hondo ikanoparadza chokwadi vamwe veikoko vakatizira kuno . Asi pakutizira kwakaita waikoko pakabva pauya mwana waiye Masaira ainge asina mukadzi zvoti baba vaGundamusaira naamai vaMhandire iye Mhandire ainge achimudumbu . Zvapera zvose izvi Nyan'ombe ainge andivimbisa zvose zvikafamba zvakanaka achandipa mhandara asi hakuna mhandara yakazouya kana iye kuoneka sezvo ainge apedza varwi vehondo yangu kumuzinda kwaMasaira .Saka ndagara ndopandakazoona Nyan'ombe anditambisa chitsveru chemurima ndopandakatora iwe . Ndatora iwe kuna Nyan'ombe handina kuzoda kutuma nhume kuti ndibvunze shoko rezuro nezhwana sezvo mumuzinda mainge mapinda muvengi andaida asaziva ndozviripo. Muvengi uyu akazofuma abuda nokumushungurudza kwandaimuita hatina muzoziva akafamba sei zvino pane jaya rapinda muno ukaona kufanana kwaakaita nemurume iyeye pamwechete naiye Masaira zvirikundira haasi weropa raMasaira ini " anodaro mambo Jamabwaregota."Saka mainge mafungei nhai mambo wangu ndipirei pane renyu rose ndione kubatsirai kana zvichibvira."Nyaya yandainge ndafunga ndainge ndati tiparadze Nyan'ombe panoenda hondo ikoko jaya iri robatirwa ikoko ndoparinoparadzwa zvopera zvakadaro uyu Gundamusaira oita jinda guru rinobatsirana naiye Mutambanuke ndomupa Shamiso asazoti bufu kuna ai iyi ine yava tsindidzo hameno moona sei ndorainge richindisukuta " anodaro Jambwaregota. "Mambo handipokani nemi asi ko mukatadza kuparadza Nyan'ombe mune musina mumutsa dzakarara here ini ndaiona kana musina kuchenura jaya iri mopa Gundamusaira Shamiso wacho jaya moripfuudza kana ari Nyan'ombe mosiyana naye zvakatodarika "anodaro mai Mutambaneingwe ." Hongu ndizvo asi jaya iri rinoratidza rakayanwa rikaguta saka ndaida ribatsire kuparadza Nyan'ombe " anodaro mambo Jamabwaregota. "Kana muine chivimbo nazvo changamire vangu handina rokupikisa ndoona nemi ini ndakutsivama kunze kwaenda " anodaro mai Mutambaneingwe achikweva dahunha ndokufuga musoro. Mambo Jamabwaregota haana kuzoda kupedza nhambo huru kuenda mberi wainge womema gura rawo iro wakangoti sakure sakure ndokutotsveta badza wairatidza waive wakaneta ndokutsivama kusvika kunze kwachena.Kunze kuchiedza mambo anomuka ndokutora tsvimbo yawo ndokubuda muimba muya shungu dzaiwe dzokuona Gundamusaira kudare . Mambo Jamabwaregota akananga kudare uko wakasvika Gundamusaira pasina havana kuda kupedza nhambo huru vanomutsana nemachinda ake wachipedza ndokubuda vakananga kumba kwaiye Gundamusaira uko vakasvika Tambudzai achitsvaira panze ."Tambu baba wako arikupi ?" anobvunza mambo Jamabwaregota akamira kunze kwechiwanze ."Baba vabuda rungwanani watora miseve yawo mitatu nepfumo ndokuenda nesuwo rekumadokero waina Zvenyika na Chamunorwa " anodaro Tambu uyu mambo Jamabwaregota haana kuzoda kupedza nhambo huru anosimudza tsoka akananga kusuwo rainge rataurwa naiye Tambu. Kusuwo uko kwaive nechibombo nezihunde remupomboshori apo ndopaidzidzisa Gindamusaira jaya rake kukanda pfumo pamwe nemanzvengero saka izvi hazvina kunetsa kuna mambo Jambwaregota. Mambo Jamabwaregota anosimudza tsoka dzamara asvika apo anosvika iribatai mupfupi batai murefu Zvinyika naiye Muchekanhembe miseve ichi chinjaniswa mumhepo .................. __________________________________________________________________________________ KUMUZINDA KWAMAMBO NYAN'OMBE Kaguruva kakaoneka kuti togo mudenga pamwechete nemheterwa dzichinzika kurohwa nziyo dzehondo dzainge dzichinzika kushaurwa izvo zvaibva nechokumabudazuva akadziva kuchamhembe nemuzinda wamambo Nyan"ombe. Nyemwerero inooneka pana mambo Nyan'ombe iyo yaisvika kumatadza ichisiya zino rimwechete raive pamberi pawo . "Ihondo yangu yadzokaka iyi kubva iko kumuzinda kwa Nengomashe iwe Mutambanepfumo simuka utarire ?" anodaro pamwe nokubvunza mambo Nyan'ombe achitsveta kahari pasi kemaheu kaiwe mumaoko ayo awainwa vakagara nejinda guru rawo muzati momuhacha apo vaidzamba zuva iro raipisa seunoti pane zvarinotsura . "Hongu changamire ndizvozvo hakuna mumwe ndovimba chishuwo chemhiko dzenyu dzaitaurwa nesvikiro renyu Gonarimwe zvakuchiita manje" anodaro Mutambanepfumo asimuka asi mambo Nyan'ombe haana kuzopindura oenda kotambira machinda akasvika komira pakati pomuzinda nembongoro ziya raioneka kuyerera pavari. Mambo Nyan'ombe anoona mhandara yairatidza yainge ichiri doko inouyiwa yakabatiranwa nevarwi wake vehondo.Mhandara iyi yakasvika komisikidzwa pamberi pake mambo Nyan'ombd nevarwe maviri waya awo waive wakati zviso kota pasi"Changamire muchitiona kudzoka kudai iyi ndomhandara yamakatituma kuti munoda kumuzinda kwamambo Nengomashe tauya nayo basa renyu sekutaurwa kwaro tasakura tazunza"anodaro machinda aya ndokubva asimudza musoro ndobvisa dehwe raive rakaputira mhandara iya kumeso uyu ainge ari Ruvarashe anotanga kuyeredza misodzi schiona kaharahwa kaive kakamira mberikwake . "Iyi ndomhandara inopindirana nematare angu uye inoratodza haisati yava zuru rakapinda nyoka saka matadza kubata dziri mbiri kana nhatu here ?" anobvunza mambo Nyan'ombe achitenderera tendera pamberi pemachinda ake ayo ainge agwadama pasi ............ KUPERA KWECHITSAUKO 11
❤️ 👍 🙏 😂 😢 👏 😮 🎉 🏹 👊 204

Comments