
HOME OF ENTERTAINMENT
February 28, 2025 at 06:03 PM
Hie Smile usandiburitse murume wangu wandogara naye akakuvadzwa nemumwe wandaimbo danana kare vachirikundirwira ndisati ndaroorwa akarohwa nebhemba paside penzeve apa pakaita Zi injury zvekutoti kutobvuma kuroorwa naye ndanga ndakutomunyara semunhu akakuvadzirwa Ini.Tatove nevana 2 vanofarira kutamba vachibata vanga rikumeso kwababa iye obva ati mabasa aamai venyu vaida kundiurayisa, zvinhu zvinoudzwa Vana here.Ndakamuti vanhu vakakubvunza unoti wakaita accident asi ndopaanenge achiwoomoka kuvanhu hanzi mukadzi Aida kundiuraisa nenyaya dzechihure,husiri humbwende hwake Dai arimurume chaiye aifanirwa kuzvivhikirira and matauriro aanoita Zvinoita kunge by that time ndiye aive mukomana wega asi iye achaziva Kuti aive paqueue sevamwe.Zvino vedare munofunga Kuti zvinosvika kupi ne abhuyusa yaarikundiitira iyoyo ,last month ndakazo bhohwekana atanga kuudza varume vainwa Doro makuvariro aakaita ndopandakazomuudza Kuti Dai akakupedzisa unekamwe kamunyabvurira kasina Basa ,ndakutonyara nhaimi ndakutogaya Kuti dai ndakaroorwa namutemi zvangu panekuroorwa neakatemiwa.
😂
😢
🙏
9