
Authoress Tannia's Novels💕💕
February 28, 2025 at 02:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaEvj7i4Y9lvRum7wC3I
*COLLEGE LOVE 👩🎓🍃 ❤️👩🎓🍃 💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓👩🎓🍃💓*
Written
By
Authoress Tannia ✍️
Contact......0775882289
*All rights reserved. Everything in this book is some of experience and imagination. No part of this book will be reproduced in any other form of mechanical or electrical means of production without the empower from the writer.*
READ AND SHARE
*Sorry veduwee l was sick for the past week that's why book ranga rambomira . Thank you for your best wishes l m fine now and also l thank you for being patient with me and for loving me . I love you all mafans angu book redu rakuuya manje*
Chapter 1️⃣4️⃣
*MILA 💓*
Takamukira kukwira bus kuenda kumusha kwana Xavier honestly l wasn't happy at all handisati ndamboenda kumusha ini. Xavier aizviona kuti ndaisafara so aiedza nenzira dzese to make sure l smile tikafamba aibva abvunza kana ndichinzwa nzara.
Takafamba mahours kani from Masvingo to Kwekwe paya zvekuti takazosvika kuma 1pm chaiko. Takaburuka paBus stop yekumusha kwavo makumbo angu aive atozvimba nemaSneakers andaive ndakapfeka. Ndakaudza Xavier because ndaive ndakutotadza kufamba nekurwadziwa ndokubva ndabvisa bhutsu dziya ndikapfeka mapush paya.
Ndakapiwa rimwe bag raisanyanyorema Haro kuti ndibate Xavier aive akatakura monarch rangu nerimwe bag rairema plus chikafu chataive tatenga chaive musaga racho l could see kuti murume weshuwa because aive akazvibata zvese.
Takaburuka pamashops paya tichiri kutofamba Xavier akabva atomanyirwa nemumwe musikana akafanana naye zvisingaite.
" Bhudhi nhaimi apa ndichangosvika haaaaaa saka ndanyatsoCalculator time bhoo kaaaaah.
" Kkkkkk eeeeh wagona chaizvo ndaremerwa yoooh waita wauya wototakura bag ramaiguru vako iri ini ndotakura chisaga ichi ndicho chikunyanya kurema.
" Hiiiii nhaimi ndivo maiguru ava ummmm haaaaaa apa mazoremera maStreets manje ende vakanaka maiguru makadii," akadaro musikana uya ndakabva ndaziva kuti ndiyo hanzvadzi yaXavier yaive achitaura nezvayo kuti vanozotigashira.
" I m good and you tete," ndakadaro.
" I m okay ini aaaaah manje mototaura neshona maziboora ngoma ari kuno haazive chirungu ichi kkkkkk haaaaaaa Maka anotsva gore rino blaz ndimi makanosimudza simbi iyi maiguru henyu kutaura chokwadi makanaka zvisingaite haaaaaa ini satete l have approved this," akadaro musikana uya achibata musoro wangu ipapo ndaitove neFrontal.
" Shilah vazvinzwa maiguru vako chitakura bag tiende Kumba kani vanozorora vaneta she is not used to this.
" Aaaah manje vanofanira kujaira hanty vatove mukadzi wenyu here nhasi namhamha hameno apa havasi kuzviziva vatori murima zvavo.
" Ummm hope hauna kuvaudza zveshuwa.
" Handina ini ndatonyeba pandageza kuti ndichamboenda kumba kwanaRopa friend yangu otherwise vanga vachitoda kuziva you know mhamha .
" Haaaaaaa tonotangira ipapo," akadaro Xavier.
" Babe hausati waanenzara here .
" Ndinayo ini ndakuda kudya.
" Aaaah but unotaura kaaah nhai veduwee pane kufa nenzara ukuda kudyei apa tisati taenda kumba.
" Ndoda maChips nedrink.
" Aaaaah zvinogutsa here izvozvo maiguru pano pane panobikwa futi sadza rinonaka plus munhu wacho anogona kubika pachine kadistance so zvinoda makaguta.
" Okay tete but sadza rinobikwa outside handirifarire handei ndinodya rice it's better.
" Okay fine so handei tinodya then tozoenderera mberi nerwendo rwedu," akadaro Xavier.
Takaenda paibikwa paya ini natete ndokugara hedu Xavier achinotenga chikafu chacho akazouya neplate yerice nebeef apa ndainyatsonzwa kutoida nedrink riri Juice then iye natete vakadya sadza nepork nemadrinks.
Tete vairatidza kuti munhu akasununguka zvisingaite takazosimudzira journey after tadya. Takafamba but yooh taisasvika veduwee ini ndaive ndaneta Ini ndakasara kumashure ndakamira ndakazoona Xavier amirawo ndokuburutsa chisaga chaaive akatakura ndokuuya pandiri.
" Babe are you okay waneta here tizorore.
" Eeeeh ndaneta ini aaaaah kure hatisi kusvika wani.
" Takutosvika maiguru manje manje pamberi apo chingoshingai tonozorora tasvika pamba.
" You know she is pregnant so makumbo ake anozozvimba NeBP doctor vakati she shouldn't be stressed hatizororei tozoenderera mberi after some minutes," akadaro Xavier takabva tatogara. Takagara paya akaisa makumbo angu pamusoro mumakumbo ake ndokutanga kumassager takazorora hedu he is all l want in a man and respect, love problem Mari ndopasina manje haaaaaa.
Takagara for some minutes ndokuzosimudzira hedu takuenda kumba kwacho takangofamba kadistance kadoko ndokubva tatosvika.
Takapinda pamwe pamba paive pari naniwo pane dzimwe dzimba dzandaiona. Takasvika paya paive nevamwe mai vaive pamumvuri nevamwe baba hameno vaiitei vachitoona Mai vacho vskabva vamanyira Xavier vachimumbundira.
Takasvika paya Xavier greeted them and l also did the same.
" Shilah une secret iwe so paya wanga uchitoziva kuti brother yako ikuuya asi iwe kana kutaura zvako.
" Yes mom it was supposed to be a surprise sezvatatoita.
" Kkkkk wagona zvako iwe daiemai vako vatoudza dunhu izvezvi kuti mwana wangu ari kuuya.
" Haaaaaa imi kaaaaah saka mukuti chii takamirira maintroductions hedu ," vakadaro Mai vaya face iyi ndakaiziva but ndaiiedza kufunga kuti ndakaizivira kupi but ndaive ndaita kukanganwa ndaiedza kunyatsofunga kuti ndakaionera kupi face iyi.
" Oooh mhamha and baba uyu anonzi Mila musikana wangu so nyaya iripo ane nhumbu uku kutouya tese kutoreva kuti zvakaziikanwa kumba kwavo so ndakutora maresponsibilities atove mukadzi wangu ndozonoroora ndikangowana mari.
" Over my dead body hakuna zvakadaro 2mins idzodzi dzawanga wangoenda kubasa manga matozivana nguvai nemusikana uyu zvekusvika pakutokuitira nhumbu haisi yako l m sure chete.
" Mhamha mukaona ini ndakukuudzai kureva kuti ndikuziva kuti nhumbu ndeyangu mwana akatakurwa ndewangu l know hazvisi izvo zvamaitarisira but zvakatoenda nepamwe.
" Une mashura chete pano pamba pangu pane muroora mumwe chete anova Maka haaaaa zvematakanana aya handisi kutambira haapagare pano.
" Mhamha Maka wacho maybe Mwari vaona kuti haandiitire ndaitomuda kuti mufare muwane muroora wamunonzwanana naye but mukapa Mila mukana wekumuda uyu muchaona kuti haana kumbosiyana naMaka atori bhoo zvisingaite ndiye wandada ini wandasarura yakatodeuka.
" Ndati pano haapagare pano panoti Maka haana kumbofanana naMaka munhu uyu haana chaanogona handifunge chero kuwacha anogona nenzara idzi vanhu vekutown chavanogona kungoisa nzara idzi nebvudzi raakatoisa netsiye angagona kutakura bucket here iyeyu.
" Mhamha anodzidzira kani imi mukushora Mila musina kumbomudzidza wani.
"Ndati haasi kupagara pano ngaadzokere zvake.
" Aaaaah iwe Mai Xavier kwana iwe iye Maka akambokudyisa chiiko uyu mwana wamushorei hautombomuzive plus pano pamba panoti ini ndini baba pano saka Mila uyu akuzogara pano anoendepi achisiya murume wake .
" BaXavier kaaaaah imi muno..........
" Chibva watonyarara hako muroora akuzogara pano instead yekufara muzukuru wawaigara uchichemera aapedyo kuuya iwe wakusvora unoziva kuti Mwari vazviitirei here iweka.
" Haaaaa uyu musikana handitombomude hapana chamunotaura chandikuwirirana nacho honestly.
" Mhamha mukungotaura wani kuti imi hamumude ini ndiye wandinotoda l m sorry for disappointing you hangu ASI mukadzi wangu hakuna kwaari kuenda kana musingamude tobva tese neni pano munenge matodzinga neniwo.
" Vachimbomudzinga vakamira sani Ini ndini baba pano ndatotaura muroora akuzogara pano by fire by force that's final.
" Aaah hooo tichaona hedu ngaagare hanty ndezvenharo here tichazviona wangu muroora ndiMakanaka pano.
Haaaa pamba pana Xavier panotove nemadrama what's so special about Makanaka wacho wavanoda mai ava but chaindinetsa the face wasn't new ndaiedza kurangarira kuti ndakambovaona kupi but ndaitadza kutoziva.
"Pano hapasikuzogarika hako zvekuuya nechinhumbu pano ndoda kuzviona," vakadaro Mai vacho vachindinongedza.
" Mhamha kaaah handide kukonana nemi nekuda kwemukadzi wangu hatide kuzonzi vamwe totaurisa ndakuudzai chokwadi pano.
" Xavier uyu l carried him for 9 months ndikamuchengeta there is not even a day raakandipindura sezvaari kuita nhasi mwana wangu l raised him well asi just because he met you few months idzodzo mwana wangu atochinja hunhu uchandiguta pano iwe.
Ndakangoramba ndakanyarara ini l wasn't in the mood for the drama havandizive zvavo
End Of Chapter 1️⃣4️⃣
Authoress Tannia loves you all guys keep commenting and supporting
❤️
🙏
😂
👍
😮
😢
🚮
👏
🔥
😒
390