
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
February 27, 2025 at 04:49 AM
*ETHEREAL (MASHURA)*
*KO KUSARA NDOKUNEI, BAYA VIEW CHANNEL WOBAYA FOLLOW UNZWEWO NYAYA DZERUDO
MATI MJOLO WAKUTEMESAI MUSORO HERE AAA DON'T BE STRESSED JOY NDO KUBASA KWAKE ANONYORA MA NOVELS ANOZORODZA PFUNGWA ACHIDZIDZISA HANDEI KU CHANNEl* ⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Vamz0d2D8SE1787l4f0x
STORY BY JOYCE MSIPA
APP +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣1️⃣0️⃣3️⃣0️⃣2️⃣4️⃣1️⃣
CHAPTER 1⃣
THABETH
Ndakazvuva gumbeze ndikazvifugidza ndichiedza kuti noise yaibuda mubedroom mana mhamha vangu isandi disturber but zvaitoita sezviri kushanda. Ndakashandisa maoko angu kuvhara nzeve dzacho but andina kusvika kure ndanzwa mhamha vachi screamer zvamabva zvatomutsa vana Dillan, ini ndakangobhabhadzira Dean kuti arare aive achiri mudiki 4 years, Dillan ndokaive grade 2. "Sisi ko mhamha vakichemei varohwa fut na daddy here" ndakamutsunya nzeve kuti kutya kuti taizonzwikwa sezvo taingorara mu kitchen vana mhamha mu bedroom. "Nyarara Dillan azvitaurwe unorohwa ameno hako" ndakamudaro ndobva adzokera kufuga gumbeze rake ndokurara.
"Zvanyanya ba Dillan daily unouya wakadhakwa pano uchiita noise, urikundikanganisira vana ko landlord ano complainer daily ne noise dzako" ndakanzwad kurira kwembama ndikaziva kuti vainge vatorohwa mhamha "Uri dununu mhani manje neni unoti twasa kurova andiregi shit apa ukati bonde hautogon, ndoti chindipawo hauchade zvino wakavingei pano" ndakashaiwa kuti ko bonde raida daddy raivepi nekuti ndaiziva riri kumusha kwa gogo not pamba pedu. Ivo mhamha ndakanzwa vovhura door obvious vaitouya mataive.
"Thabeth mwanangu swedera uko ndivate musoro wangu wava ku....." avana kuzopedzesa daddy vainge vatobuda mu bedroom vakupopota, mhamha just excuse her self kwakufamba kunobuda kudoor asi vakati vachiri ku kiinura door vakabva varohwa makumbo na daddy vakadonha pasi nekutoridza mhere. Ndakashaiwa kuti ndomuka here kana kuti ndodii, ndakanzwa kunge mhamha vanga vakurohwa nemabhutsu ndikada kumuka asi hana yangu yakandirambira, ndakazonzwa door kuvhurwa ndikafugura
musoro ndikaona vava kubuda daddy.
Mhamha vakange vasara vari pasi ndikamuka ndikamhanya kuno vabatsira kumuka. Vakasimuka pasi vakati "Rarai nemwana Thabeth taririra vamuka vangogara hudiku huno" vaidaro vachitofamba kuenda muroom mavo chero hazvo vaikamhina. Ndakasara ndorarisa hanzvadzi dzangu ini hope adzina kubata, wainge wave mugariro wavo vabereki vangu wekurwa daily. Zvaindikanganisa mafunguro angu kana kutorara andina kuzorara.
Kusen ndakamuka kunoita duty pane zvese nwmu toilet, ndakadzoka mumba mhamha vasina kumuka kureva vairwadziwa. Ndakatongotsvaira ndakaisa mvura yekugeza pagas sezvo kwanga kwamuka kusina magetsi, ndakapedza ndikagezesa vana ndokubva ndatakura mudiki ndikanopa mhamha atodya porridgerae ini ndonogezawo kwakubuda ndichimhanya ndanga ndanonoka apa mdaive grade Seven, ndaisvika morning work ya deletwa.
Zita reku berekwa ndi Thabeth Muswerakuenda, ndainge ndine 12 years dzekuberekwa ndichigara namhamha vangu ku Dzivarasekwa. Tainge tisina kana kumbopfuma zvedu taingoraramawo normal life yedu tichifara makore ese anga apfuura, zvino mazuva aya painge paita gonye chairo. Mai vangu vainge vogara vachirohwa daily na daddy.
Ndakanosvika kuchikoro vamwe vatogara muclass and class teacher vedu vaisaita mafaniz seipapo ndakasvikirana neshamhu dzangu ndikabva ndangopusa, zvaiti kunonoka zvoti kushaya morning work. "Hey Thabeth what's going on nhasi, izvozvi ndabvirira kubvunza mibvunzo kana ku participater hauz hako chii asi watanga Menstruation". Matauriro avo akandibhowa nekuti class yese yakabva yaseka and zvakandivhiringa ndikabva ndatobuda mu class macho ndikanogara kuma toilets ndichichema.
Ndakatoswerako kusvika time dzekuenda kumba ndikanotakura bag rangu ndoenda kumba nevamwe , Dillan anga atoenda isu sema grade 7 tainonoka kubuda. Ndakanosvika mhamha vakarara pasofa ndikaziva kuti avaz kunzwa mushe. "Maswerasei mhamha mavasei". Vakamuka vakagara vachitadza kunyatsa kuvhura ziso ravo apa rainge rakakuvara rakatsvuka mukati vakati "Ndiri right vatete masweracy kwanga kwakadii hako zvirkupinda here mwanangu kwatosara 2 months kuti munyore Thabeth please ndirikushuvirawo kuti upase kani." ndakagutsurira musoro ndikati "Ndinopasa mhamha andimboregi shuwa". Vakati "Zvakanaka chiwacha uniform dzako na Dee ugotanga kubika kuchakachena mwanangu uwanewo kunyora homework neku reviser."
Ndakaenda ku bedroom kwavo ndikanobvisa uniform yangu
Ndikadzoka ndobatana nemabasa acho zvese nekubika. Ndakabika ndikapakura tava kutodya ndipo pakapinda daddy vakaparara zvavo nedoro ravo" Chiiko chirikuitika pano, magara zvee pasadza rangu nevana vako munongoda kufeedwa semadora pano ndinowanei ini chamdowana chii andina here kutaura kuti Thabeth ngaende kumusha anobatsira vana mai kurima uko hee anogara mutown achibatey mai vangu vasina mubatsiri kwachihota uko" vaitaura vachikwidza voice nekudhakwa ikoko vachidzadzarika, kaisave kekutanga kundidaro andi ndainge ndovatya. "Baba Dee ndakati azviit karesa amuna mwana wangu anobatsira mai vako kurima, avad kana nekundiona kuzoti mwana wangu ndiye wavangazoda?
"bull shit mhani ndataura ndapedza Thabeth andichadi kumuona pano, ndini baba vepano mhani unondijairira mai Dillan manje ndokumamisa izvozvi so iwe stupid yemunhu dai waitondipa bonde ndatombot manje apana utori loss mhani ndokuuraya nekukurova" vainge vatorasa chikafu chataidya mushure mekurova table and Dean na Dillan vakabva vatotanga kuchema. Ndakangopihwa ziso namhamha ndikatakura Dean ndichibuda naye panze muroko ndakabata Dillan. Ndakasanganidzana namai vemu next vakira nemadziro. Ndakangovatarisa vakanyara vachibvapo.
Kubuda kwandakaita yakasara yava yowe yowe mumva imomo ndaingonzwa mai vangu vachichema, vachipopota. Ndakanogara kugate nevana vamai vangu apa kwaitove kuchipisa zvako. "Sisi ndikakura ndoda kuita musoja ndoda kushudha daddy vafe vanongorova mhamha everyday" ndakamubata muromo wake ndikati "Dillan nyarara azvitaurwe, zvauriwe utaure kuchikoro kwenyu ikoko azvitaure wanzwa here." akati "Vanobhowa daddy izvozvi vatorasa sadza redu ini ndinezhara ini taakutorara tisina kudya ipapa" ndakamunyararira sendisina kuzvinzwa ndikabva ndabata Dean mushe kuti arare. Takapagara nguva panze kusvika naiye Dillan ava kurarawo, ndakazoona mhamha vachikamhina vachiuya. "Muripi vanangu huyai mumba murare Thabeth kusen ukaita duty wobika sadza modya vana varara nenzara ava, usaite basa mumba hako."
Vaitaura nezwi ratotsvetera chairo ndikati "Amuna kukuvara here mhamha aaa zvadaddy zvakaoma vaendepi so". Vakati "Andina Thabeth hande mumba nevana usavamutsa enda unorarisa dean udzoke utakure Dillan" ndakavasiya vakamira na Dillan ndichinorarisa Dean vainge vasana kuwaridza patairara. Ndakadzokera kunotora Dillan ndikamurarisa futi kwakupindawo mumagumbeze ndikarara. Hope chaidzo dzaisabata ndichingotya kuti vanotanga futi kurwa husiku takarara. Pakatanga kudeedzerwa macomb eku town nekumbare ndakabva ndatomuka ndakunoita duty. "Nhaiwe Thabeth ndiwe watove mai vemba kaa mai vako avachatumukiri duty apa dzimwe nguva unongomaranzura zvako apana kana chimwe chete chsivinu chaunoita, vasadaro mai vako ngavamukire duty aaa"
Ndi landlady akadaro paakandiona ndakabata mutavairo wepanze, ndakangoti "Ehoy mhamha ndichavaudza" vakabhidhaira vachienda zvavo mumba mavo ndikasara ndotsvaira, ndichipedza ndakano cleaner mutoilet ndikadzoka mumba ndavakubika sadza sezvanga zvarehwa namhamha. Ndiri pakati pekutobika ndakanzwa zvee rave zhowe zhowe kubedroom mavo. Ipapo vakatora nguva vachichinjana mashoko ndobva daddy vazobuda voenda kubasa. Isu tainge tava kudya sadza nehanzvadzi dangu takangovati "Mamukacy" avanakana kudaira zvavo vakangobuda. Ndakasara ndichinogeza ndikadzoka mhamha vava mu dinning.
"Watogeza mwanangu nhasi hauz kuenda kuchikoro ndinoda kuenda newe kwana gogo ku Chivhu umbonogara zvenguva shoma shoma kusvika hondo iri pano yapera" ndakanzwa hana yangu kurova ndikati "Madii mati ndipedze kunyora mhamha kwatora mwedzi wani veduwee musadaro" vakati "Nhamo ndiyo yakaoma mwanangu totoita zviripo tingadii , ndezvenguva shoma chete ndouya ndokutora". Ndakaremerwa nazvo ndikagara pasofa ndikatanga kuchema ndakatarisa satchel rangu remabooks. Ndakatonzi ndiri bvise maboooks ndirongedze hembe dzangu ndakanaka dzacho.
End of chapter
Iike comment share
[23/02, 7:29 am] mai tary: *ETHEREAL (MASHURA)*
BAN NDOIRI KUROVA SAKA KANA WAKATI CHANGAMU GARIRA MUCHANNEL NEKUTI NDIKABHANWA NDOGONA KUTIZOTIDZA KUDZOKA KUGROUP BOOK MONGOONA RATI ZII. PINDAI MUCHANNEL ⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Vamz0d2D8SE1787l4f0x
PDFS NEMAMWE MABOOKS EMUNYORI HUYAI KU GROUP
https://chat.whatsapp.com/FohB4A7QY6p0vVVZkF01k7
STORY BY JOYCE MSIPA
APP +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣1️⃣0️⃣3️⃣0️⃣2️⃣4️⃣1️⃣
CHAPTER 2️⃣
THABETH
Ndakayeredza misodzi tichitobuda padoor nekuti ndaisaziva kuti kwana gogo ndiri kunodzoka here kana kwete. "Thabeth mwanangu chirega kuchema aungazvinzwisise hako but just know that l love you mwanangu andiz kukurasa ndirikukupa gogo vako vanova mai vangu mwanangu avana zvavanokuita" ndakavati "Ko why nhai mhamha ndodawo kugara nemi vabereki vangu ini kasi daddy avandidi havo" ndakadaro ndichibata Dillan ruoko mhamha vainge vapedza kukiya door ndobva tatanga kufamba. "Vanotadza kukuda nei vari baba vako nhai Thaby, usambofunge zvakawanda uri mwana"
"Mhamha monditi ndisafunga sei ini ndadimburirwa chikoro panzira" ndakadaro maziso atozara futi misodzi ndikaiyeredza ndanzwa kamwe kamoyo kachiti *wabatirirwa* "Unidzoka Thabeth ndezvenguva diki" ndakavati "Vana sekuru Tonde vanobhowa vaye veduwee madii kundiendesa henyu kwaChihota ndanobatsira kusakura kwacho zvinodiwa na daddy" Vakadzungudza musoro wavo zvikanzi "Thabeth imbonzwisisa ini mai vako, kwaChihota haukuzivi mbuya auvazive saka rega ndiite zvakakunakira mwanangu uchazvinzwisisa hako pamberi apo". Ndakanyarara hangu moyo uchitsva, takasvika comb yava kutozara yaienda kumbare kwakuchiri kusen zbekuma to 7.
Ndakarwadziwa ndakwira mukomb maive nevamwe vana vekuchikoro kwangu, ndakaona ndatosaririra chaiko and my target yekukunda umwe musikana wemu class medu ndakaona fut zvaenda mudondo. Takanodzika kumbare tikakwira re Chivhi bus, ndaitonzwa moyo uchirwadza pese pandaifamba ndaitoona sekuti ndogona kusatokudzoka. Time dzakasimuka bus kamoyo kakapisa chaiko ndandisina kumbobvira ndagarako kwana gogo but pandaiendako ma holidays ndaisafarira nezvako nekuda kwehama dzamhamha dzaitoratidza kusandida chaiko.
Ndakatozovhunduka ndava kumutzirwa mabuns nedrink namhamha, ndainge ndarara zvangu. Ndanga ndava nenzara ini ndakamatambira ndikadya hangu kwakutsikitsira. Raifambawo bus racho kwetr mbijanana. Ndwkanzwa mhamha voti "Tasvika vanangu" ndakabata Dillan ruoko ndokutanga kufamba tichidzika satchel rangu rehembe raive kumusana. Takanokwira macomb aienda kwagogo ini ndainge ndatove ne fear isingaite,macomb acho ainonoka kusimu mhamha vakanotisiya imomo ndobva vananga pama shops kunonhonga nhonga grocery.
Vakazouya yava kudawo kuzara comb yacho and aina kuzombononoka kuzara kwacho ndokubva yasimuka zvayo tava kunanga kwambuya vangu. Takanosvika pa bus stop takamitirirwa nehanzvadzi dzamhamha 2 vanga vasat varoora Tonde na Teddymore. Vakatambira ma grocery tikafamba vachitaura namhamha tichienda kumba hedu. Takanosvika gogo variko vakafara kutiona and vakatitambira nemufarom. Vakabva vatoti vana sekuru Teddy vabate huku tibikirwe. Mainini vanga vakangoroorwaro mudhuze imomo vakauyawo kuzoonana namhamha, chero vana sekuru nevakadzi vavo vese vakauya.
Paive nevana vakawanda vazukuru vagogo asi ini ndandisina kuvajaira saka ndaingove ndakwzvigarira nevana vamai vangu. Mu kitchen macho maiita hutsi saka takanozvigarira panze. Ndakazonzwa mhamha voti "Zvakaoma amai ndaedza nepandinogona napo asi zvaramba regay agare pano mwana wangu achiinda kuchikoro nevamwe zvimwe ndingadzima mutauro uri kumba uko."ivo gogo vakadaira kuti. "Anongogara nevamwe ipapa mwanangu tingachadii asiwo dai mati atange anyora auzvione".
Hana yangu yanga isisina kugadzikana zvachose cjero tumusodzi twakayerera worse sekuru pavakazoti "Tenda Mwari hauna kukanganisirwa mwana inga ndakazvireva paya kuti ngasare pano uyu Chemusango" ndakashaiwa kuti ko vaigonditi chemusango ndadii zvino mhamha vakaska kuti "Zvamurimi mundishungurudzire mwana wangybmuchimuti chemusango haizi mhosva yakewo veduweee". Zvikanzi na mbuya vangu "vanopenga ava usavatevedzera Judith". Ini ndaitoda kuramba ndichinzwa nyaya yacho asi takazodanirwa chikafu vana mhamha vanga vanyarara zvino. Takadya sadza racho tapedza tikanzi tinorara nevamwe mhamha vakabva vati "Kusen ndomuka ndichidzokera mwanangu unosara nagogo ndizvo kaa"
Ndakanzwa misodzi ichiungana mumaziso ndikagutsurira musoro ndichitobuda misodzi yandikurira, vakasara vachitura mafemo mhamha zvikanzi "I blame her stupid unknown father may he suffer his rest of life" zvikanz nagogo mukadzi wasekuru "Zvimwe zvacho ndimiwo munojaidza vana mai Thabeth anochema chii chaanochema ipapa, isu atiz vanhu here haiwawo zvedu manje pano achati tasa hake" ndakatanga kutochema ndichikwiridzira madziwa mhamha vakati "Mai Nene andidi miedzo pa mwana wangu musiyei akadaro chero akajaidzwa ndewangu andidi kuzodzoka pano. Ndonzwa zvimwe zvinhu."
Vakadaro vachiuya panze pandaive ndokuti "Mwanangu usachema wanzwa kaaa ndinouya ndichikutora manje manje mwana wangu rega kuchema wanzwa" ndakagutsurira musoro wangu ndokubva vafamba neni kusvika kwanga kwakarara vamwe vana kuimba yagogo hombe pa dinning, mhamha vakaenda mavo mavairara vakakiinura vakatora 2 magumbeze ma new one vamandipa. Ndakanowaridza panga pane vamwe ndikapinda mumagumbeze ivo ndokuti "Ndinokuda mwanangu uchazvinzwisisa wakurauchiri mwana chete asi mhamha vako vanokuda"
Ndakangogutsurira musoro kwakutofuga musoro ndikatatangazve kukwiridzira madzihwa kuchema, ndakasvika pakubatwa nehope ndiri mukuchema ndikarara flat semunhu akafa chaiye. Ndakazomutswa nekudanwa, ndakamuka vamwe vatove muma uniforms avo vava kuda kuenda kuchikoro. Ndanga ndararisa musi wacho, mayne inyaya yekuti kwana mhamha ndanga ndane mazuva ndisingarare. Ndakawaramyura magumbeze angu ndikapeta ndikaisa painge paisa vamwe ndokubuda panze pandaidanwa. Obvious mhamha vanga vatodzokera nana Dee. "Unovatisa kudaro munhu we musikana here nhaiwe Thabeth tora mutsvairo wepanze utsvaire ruvanze, vamwe vatosuka ndiro vakageza iwe uvete"
Vaiva gogo mukadzi wasekuru vangu vaidaro, ndakatora mutsvairo wacho jdikatsvaira ko handit kwedu kumba ndaimbopota ndichiita duty, zvanga zvasiyana nekuti yard ye apa yanga yakakura zvisingaiti. Ndakapedza kutsvaira ndaneta ini zvino ndakabva ndanzi nana gogo nditakure wangu mugomo tinange kutsime. Ndakatora apa kusenga ndaisagona kwataigara pamba paove nemugodhi ndaingochera ndotopinza mumba zvino apa taitofamba nerwendo kunochera mvura apa mzara ndanga ndoinzwa manje. Tasvika kutsime kwacho vana gogo vakachera yavo migomo ini ndokunzi ndichere wangu ndoga, ndakazadza ndatambura taichera nechi cup mumufuku sezvo tainge tiri muna September kwakusina mvura.
Tapedza kuchera munhu nemunhu aingosenga mugomo wake apa ini ndaisagona ndakaita luck kuti pana mai vainge vachitochera mvura pa vakaona ndichinetsa vakandibatsira, zvino mugomo wacho wandigara mutsipa wakadzokera mukati ko iko kudedera kwacho nemugomo iwowo. Wairema apa nekwataienda kwacho, ndakambozama ndikanzwa zvarema ndikatura ini ndikatanga kusimudza ndichifamba padiki ndombomira "Haaa iwe wakatojaidzwa chaiko munhu we grade 7 anokonewa kusenga mugomo vana Nenyasha ma grade 3 vanongosenga migomo pano isu taenda sara uchitevera hako atingazvigoni zvesimbe."vakadaro gogo mai Nenyasha ndokutotanga kufamba veze vagogo mai Sarah. Ndakasara ndichigara pabucket ndikatotanga kuchema.
Ndakazopukuta musodzi ndatoona kuti apana chiyamuro ndikatangana nekutakura bucket racho padiki padiki kusvika ndasvika pamba. Mbuya vangu vainge vamuka vagarira nzungu dzavaimenya "Hezvo nhandi vanhu ko mwana uyu munomutumireyko ku tsime musadaro imi ihwai vurombo hasat ozvigona zvekutsime uyu" vakadaro vachidzungudza musoro wavo ini ndikatotanga kuchema "Anozodzidza sei manje akasaenda kutsime munomukanganisa mhai siyai mwana aite mabasa izvozvi anochema chii nganyarare ndisat ndatomukwatura kuseni kuno, enda unopihwa tea umwe ugouya woperekedza Tonde kumombe uchiona zvazvinoitwa kuitira ukazonzi endesa mombe"
Ndisekuru baba Nenyasha vakadaro zvikanz nagogo "udzikame iwe dzidzisa Nenyasha kuenda kumombe kwacho musashungurudza mwana uyu imi Judith hadi nemwana wake munouya muchikonana chete" vakadzungudza musoro sekuru zvikazi "Kushunguridzwa nekudzidziswa hupenyu zvinhu zvakasiyana ita zvandataura iwe Thabeth uchakagarire ipapo endesa mugomonuyo mumba unomwa tea nevamwe" ndakatotanga kutooma kuti zvasiyana pano ndikatakura mugomo wacho ndikanoisa mumba, vamwe vainwa tea nechingwa chatakauya nacho namhamha ndiyo yandakabva ndapihwawo ndikanwa. Sekuru vainge vatori serious nezvekumombe ndakatozokuenda mbuya vakasara vachingopopota.
End of chapter
[23/02, 6:06 pm] mai tary: *ETHEREAL (MASHURA)*
BAN NDOIRI KUROVA SAKA KANA WAKATI CHANGAMU GARIRA MUCHANNEL NEKUTI NDIKABHANWA NDOGONA KUTIZOTIDZA KUDZOKA KUGROUP BOOK MONGOONA RATI ZII. PINDAI MUCHANNEL ⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Vamz0d2D8SE1787l4f0x
PDFS NEMAMWE MABOOKS EMUNYORI HUYAI KU GROUP
https://chat.whatsapp.com/FohB4A7QY6p0vVVZkF01k7
STORY BY JOYCE MSIPA
APP +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣1️⃣0️⃣3️⃣0️⃣2️⃣4️⃣1️⃣
CHAPTER 3️⃣
THABETH
"Wangu mombe ndidzodzo ini rega ndimboenda zvangu pamhiri apo ndinoona Gre zvangu ini sara uchirisa ipapa vanhu avadi nema garden avo dzikadya ipapa panofiwa ndaenda" vakadaro sekuru Tonde ndikasara ndamgopusa pusa ndakatarisa munda wemombe dzaitosvika kuma 25 vaive nemombe mbuya vangu kwete dzekutamba.
Ndaiti kudzitya ndotizvee kusagona kutodzifudza, dzainge dzakawandisa apa ndisingazvigone. Ndakatanga ndichamhanyisa dzaida kubva padzaive dzichifurira kusvika ndava kuchema andina kumbowana mukana wekuzororora ndichingomhanyisana nemombe. Ndakasvika pakungodzitarisawo ini, nzara yainge yondibvunza mutupo zvayo kuti ndiende kumba ndaitya kuti mombe dzacho dzaizodya mumagarden mevanhu mainge matove nechibage chabuda muchechetero.
Ndatovarairwa pandakanzwa imwe mbuya kuvava ichiuya, ndakavataurira ini vanhu vekwa Ushewekunze kuti mombe dzavanozadza danga idzi vachatipedzera magarden ikozvino mabagwe angu andakaita mwedzi miviri ndichidiridza aparara haaa vanondiguta nhasi, ndotoda ma saga gumi ndombonzi aniko in.". Vaitodzinganisa mombe dzanga ndapinda mugarden mavo, vakabudamo. Vakaipirwa ndokufambisa vachitora direction yekumba.
Ndakasara ndichishaiwa zvekuita chaiko ndichinzwa hana yangu kurova kwete zvekutamba. Apanawo kutora time ndakaona vadzoka vaina mbuya vangu nemwanakomana wavo sekuru baba Nyasha avo vakagara vakwaura zishamhu remu nhengeni vakauya vachivava "Iwe gora iwe wadyisa garden revaridzi chirudzi ndozvamonetsera vana vasina mutupo manje nhasi ndoda kukuruka chaiko uchaita kwaye zvako". Ndakatotanga kuyeredza misodzi ndikati "Dzadya dzega sekuru andina kudziona ndingadai ndadzitinha" mbuya vakati "Usarova mwana iwe enda unotsvaka Tonde auye pano ndiye problem asiya mwana uyu achingova oga pano sei"
"Ndinonotsvakwepi ndiri pano, ko iwe Thabeth kungobva pano ndichipinda mudondo umu kunotarisa mariva angu watosara uchirega mombe dzichidya garden revaridzi anoda kurohwa mhani akapusa ndozvavari vanhu vasina mutupo" ndakashaiwa kuti vabva nepi sekuru vachisvika nekundirevera nhema kudaro. Ndakakurumidza kuti "Sekuri mangondisiya pano kusen wani muchiti murikuenda kwana Gre andizvigoni ini zvekurisa mombe"
"Musade kundipengera mhani vanhu imi, musanyepera kunenerana mhosva kaa chandiri kuda kuripwa nemi zvekurwa munonorwira kumba kwenyu not pani apa." vakadaro mai vacho vaona tanyanya kutaura, ndakapihwa ziso nasekuri baba Nenyasha riya rekuti ndichakubata vachitevera kuti. "Enda kumba iwe ndirikuuya ikoko andidi zvekupitsirwa musha negora zvikanetsa unofamba Zimbabwe yose uchitsvaka baba vako ndakudzinga ini chupeti yemunhu" ndakarova u turn ndikamhanya kumba ndichizvibvunza kuti ko daddy vakaendepi vandiri kunzi ndinotsvaga, ndakazvibvunza kuti asi vakatotiza futi mhamha. Mhinduro andina kuiwana ndakasvika pakungoti ndichazvinzwa hangu kana vakatiza mhamha.
"Watumwei futi, nhasi nababa Nenya unochiona kutodyisa zvako minda dzevanhu? Une kakupusa Thabeth mhani zungairwa chairo ko bamunini Tonde vanga vaendepiwo, chete avo varipamba pavo apana yakanyanya zvino imi henyu mwana wemusango nhasi unochidura" ndivo gogo mai Nenyasha vaodaro ndichangopinda muruvanze ndikati "Ndine nzara gogo" vakaseka zvavo kurovanisa maoko vakati "Mirira baba Nenyasha zvee unodya sei une mhosva nhaiwe haya nhasi ndoonerera kani" ndanga ndisingatani kuchema ini misodzi yanga yatojenga futi ivo vakati "Ndogona kutotanga kukurova vasat vauya nyarara uko utopinda mudura ubuditse chibage tiende kuchigayo."
"Nenzara here gogo veduwee ndafa nenzara dai mati nditangewo ndadya ini" ndakadaro ndavakutowedzera kuchema zvino ndakapotserwa ne sleepers ravainge vakatopfeka raitove newaya zvaro vakati "Akuzi kumba kwenyu kuno kwaunotoda kuyema, mai vatosarudza marriage kudarika iwe kuzoti isu zvedu vatorwa, utongori nherera isina kufirwa ita zvandataura" l was young for those strong words ndakafamba ndakananga kudura kwacho. Ndakanopinda ndikaudzwa saga rqnga rava mu half, ndomandainokora chikafe chacho ndichiisa mu bucket kusvika razara ndikabuda. Vakaisa musaga vakati ndivabatsire kubata tiende, ndaitya zvangu kutukwa asi nzara ndainzwa yakanyanya zvekuti ndaigona kudonha muroad.
"Hey moendepi zvee uyo Thabeth ngaadzoke zvee ndoda kuinda naye ku garden tinotsvaga zvimadomasi achiona kuitira agopota achidiridza" vakadanidzira mbuya vangu vachitobva neside rekwataifudzira mombe, iyo gogo mai Nenyasha vakati "Taizodzoka toita tadzoka amai kuchigayo anodazvee kukuziva kuitira agopota achienda" mbuya vacho vaitovewo nenharo vakabva vati "Dana umwe wako muende mose aswera kumombe uyu, iwe mai Tapiwa huyai mubatane neumwe wako muinde kuchigayo" gogo vakaridza tsamwa pasi pasi ndikabata muromo manje ndakapihwa ziso remuroi chairo ndikakurumidza kudzikama.
Gogo vadiki vanga vadanwa vakauya ndokubva vatanga kufambidza voenda ini ndodzoka nagogo avo vakatanga nekuti "Wadyeiko mwana wemwana wangu" ndakabva ndatotanga kuyeredza misodzi yangu ndikati "Apana gogo ndine nzara chaiyo" vakadzungudza musoro zvikanzi "Ummmm moyo yevanhu ava mikukutu ko zvandakangovakudzirawo mu Church wani, uyu Teddy, msi vako namainini vako ndivo vega vanhu kwavo ava vaviri kubva zvavaroora vava kutodziya musoro ari sa Tonde anotoita sebenzi chairo uyu chero kunzwa kuti kune kwarepewa mbudzi dzevanhu atimurambire" vakadaro vaine kubatikana mbuya vangu chero voice ravo raitonzwika kuti vagumbuka.
Vakasvika neni kumba vakati ndinopakura ndidye, ndakafara kwainge kwabikwa mutakura wenyimo chaiwo ndaiufarira mhamha vaiita zvemusika saka vaibva nazvo kumbare vachizotibikira. Ndakanwa ne tea ndikanzwa mweya wangu wodzoka wanga wamboda kubuda. Ndapedza takazonanaidzana nagogo kuenda ku garden ne can rekudiridzisa. Takanodiridza nekutanha madomasi acho nema vege tikananaidzana kudzoka, ndanga ndatombofurwawo nemhepo asi ndakati kungoisa huma yangu mu yard ndichisanganidzana nababa Nenyasha ndakabva ndatopusa ini. "Mhai tsika yamava kutotanga yakashata iyi, kana muchiti Thabeth asatumwa nana mbuya vake pano mava kutoda kumukanganisa Thabeth wenyu uyu anokunetsai nazvo izvi" vakatanga nekutodaro mbuya vakati "Aramba kuti musamutume ndiani nhai iko munomutumireyko ingotumai venyu ava izvozvi vadzoka kuchikoro kudai siya Thabeth azorore"
Vakabva vangonyarara ini ndikananga nema vege ku kitchen ndikasvika ndichitora banga ndichitanga kucheka. Ndakafara kuti nyaya yekudyisa mu garden mevanhu yapera nekuti andina kumboinzwa ichitaurwa asi ndaizvinyepera. Tatopedza kudya tava kuda kunorara sekuru vakabva vati "Imi vana Nene simukai munovata iwe Thabeth sara uchazotevera" ndaida kunozorora asika hunge une wekuudza achikuteerera, ndakasara ndakagara hangu vamwe vachingobuda door ndobva ravharwa sekuru vachodhonza chitirobho chaive kuseri kwedoor. Kurohwa ndaitya ini ndakakurumidza kunopfugama pasi chaipo ndikati.
"Sekuru please ndiregerereiwo andizviite futi hangu andichazvidzokorori mukaona ndadzokorora munondirova henyu ndapota sekuru kani ivaiwo nemoyo veduwee ummm" ndakaguma nekugomera mushure me kunge ndachekwa nechitirobho nechekumusana uku chichitenderedza muviri wese ndikaridza zimhere chairo ivo ndokubva vatotanga kundirova havo pese pese nacho. Ndakasvika pakunyarara ndava kungorohwa ndicginzwa sekuti mwey wangu dai wangobuda ndizorore and patime idzodzo ndakanzwa gogo vogogodza musuwo. "Lawrence uchandiuraira mwana wemwana wangu kobwadini kupedzerana na Tonde ndiye munhu mukuru anga aripo mhosva ya Thabeth ndeyeiko veduwee Law iwe muchandiiraya ne bp veduwe nekuda kwake mwana iyeye"
Vaingodemba demba vari padoor mbuya vangu sekuru vachingorova chete kusvika mbuya vazoita kuridza mhere kuti raini rose rinzwe ndipo pakamhanya sekuru kunovhura door vachifamba kubuda "Her father is a beast mhamha mwana wemuroi muroi, my sister was raped arimwanana mhamha izvozvo dzave 13 years achirarama asingazive kuti akamurepa ndian uye aripi ko akazviitirei ndinorwadziwa mhamha ndikatarisa muzukuru wenyu ndinoona vision ya Judi musi waarepwa it's obvious mwana wenyoka inyoka". Ndakaridza zimhere ka1 ndikanzwa kutonhorwa tsoka ndikabva ndanyarara ndikati zii ndakadaro.
End of chapter
[24/02, 9:00 am] mai tary: *ETHEREAL (MASHURA)*
BAN NDOIRI KUROVA SAKA KANA WAKATI CHANGAMU GARIRA MUCHANNEL NEKUTI NDIKABHANWA NDOGONA KUTIZOTIDZA KUDZOKA KUGROUP BOOK MONGOONA RATI ZII. PINDAI MUCHANNEL ⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Vamz0d2D8SE1787l4f0x
PDFS NEMAMWE MABOOKS EMUNYORI HUYAI KU GROUP
https://chat.whatsapp.com/FohB4A7QY6p0vVVZkF01k7
STORY BY JOYCE MSIPA
APP +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣1️⃣0️⃣3️⃣0️⃣2️⃣4️⃣1️⃣
CHAPTER 4️⃣
THABETH
"Gogo ko baba Dillan avaz baba vangu? Kureva kuti vangu baba avazikanwe kwavari here ko zvakafamba sei" Ndainzwa moyo wangu uchiita kupisa chaiko, ndakanzwa kuvavenga baba ivavo zvese nekuona sekuti nditori mutoro kumhuri yamai vangu yese kusanganisira naivo mai vangu vacho. "Thabeth usatevedzera sekuru vako mwanangu uri wepano ndozvakakosha izvozvo ko iwe une mhosva yei hako" ndakavatarisa gogo ndikati "Ndinayo mhosva gogo dai ndisina mhosva dai madzisekuru angu asingandizonde l am a product of rape, andina baba kaa ini"
"Uri mwana pazviri mai vako ndosaka vaisada newe vaisada zvakadai izvi, vaida kukuudza wakura zvino manje vagoni zvavo vatotaura vakangwara vana mafira kureva, chinzwa Thabeth izvozvi kuti unyore azvichatobude nekuti zvoda unonyorera ku Harare, saka chingoshinga upedze gore rino pagore ratir kupinda iri unongoinda form 1 avarambe kuno" ndakavati "mava kuchinja nyaya gogo kenda kuchikoro akuchinjise ruvengo ruripo gogo ndatombonzi ndinodzingwa pano, ndinoendep veduwee" vakandibata maoko angu vakati "Pano apana anokudzinga mai vako avangafare muzukuru mai vako vanokuda uyezvee neni ndokuda vamwe vese varege zvavo vachazvigamuchira"
Ndakagutsurira musoro ndisina confidence zvikanzi "Chisimuka tinorara mwana wemwana wangu" ndakasimuka tikabuda mu kitchen tikavhara door ndokubva tafamba hedu kuenda kwana kwarara vamwe, ndakasvika vafuga magumbeze angu vasiya avo ane tsvina ndikati andingavajaidze zvisina basa. "Nenyasha mukai mundipe machira angu, wamoda afuge tsvina dzenyu ndian munodii kunowacha uko". Ndaitodaro ndichidhonza magumbeze and mbuya vakagara vari "muri vana vadiki Nenyasha form 1 hakuz kumura munovengerey umwe andid kuhwa kuti matora hembe dzemwana uyu izvozvi mukai mumupe machira ake" ndakapihwa machira angu ndikavata zvangu.
Kusen andina kuda kumutswa ndakazvimukira ndikatangana nemabasa vana Nene vachigadzirira kuenda kuchikoro. Kumvura ndakaenda nechibucket cho 10 litre ndichiuya ndichidira kusvika migomo yazara. Vana mbuya vakamuka mdapedza havo vakatangana nekubika ini ndichisuka. Tapedza kudya ndakazoenda fut na sekuru Tonde kumombe,vakasvika vachindisiya futi ndokuenda kwavo ndikasara mdozvitarisa kuzvimba zvimba kose kwanfange ndakaita misodz ikaerera. Ndakaswerera kudzimhanyisa mombe dzacho ndaisagonawo kuridza muridzo. Ndakapaswera nenzara pasina auya uye sekuru Tonde avanawo kudzoka vakatozouya manheru tava kuda kunovharira mombe dzacho. Kumba kwacho ndakasvika kune basa risingaite va Nene vaingonzi varikuita zvechikoro.
Ndainge ndava kuziva reason saka ndainge ndazviudza kuti ndavakutokwinya chaiko. Mbuya vangu vaimira neni havo avana kubvira vafarira kuti ndishungurudzwe, vana sekuru nana gogo vainge vachindishungurudza zvakadaro, sekuru Teddy vaive busy ne course yavo yemachanics yavaiita muChivhu mutown vaiuya ma weekends chete asi vaive munhu akanyarara andina kumbobvira ndaona kuti vakandivenga here kana kuti vanondifarira. Ndakapedza mwedzi ndiripo ndichibatwa nerafu ne ada chero vana Nene vaingondiita bhora ravo ko ndanga ndisina mai zvee padhuze vangamira neni kunze kwa mbuya vaiedza kumira neni asi zvichiramba.
Tava muna October ndainzwa kukwira bp ndikangofunga kuti ndiwo madays ekunyora grade 7, ndaingoti ndir ndega paye ndaitanga kuchema chaiko ndichingoti dai kwaitawo miracle zvayo ndanyora ndapedza. Dzaingovewo ndangariro zvese neshungu zvadzo asi October akasvika pakupera,
ndisina kutonyora grade 7. Ndopandakapera tariro zvese nekuvenga vainzi baba vangu vacho. Zvimwe vangadai vasina kumbobata mai vangu chibharo ndingadai ndisipo. "Thabeth pandabvirira kukudana here kwanzi huya uperekedze mbuya vako kunohora fertiliser uko". Ndisekuru Tonde vakasvika vachidero ndiri mumafuro. "Ko kumunda matopedza here" ndakadaro hana ichirova nekuti musi wacho andina kuda kudzokera kumunda kwacho ndainge mdanetawo nebadza zvoti kusatorijaira. "Unomuona mukomana nhasi kutouya kuno woti nyaa musha wese wakahaka"
Kwaibvirwa sekuru baba Nene, ndakabva ndatonzwa wet ndikamhanya seri kwechikwenzi kuti ndinoweta zvino ndavakutopedza ndakaona sekuru vatevera vava kuwetawo paside neni, "Sekuru ndiri pano! Ndakadanidzira kudaro ndichiti zvimwe avana kundiona asi ndakashama vava kuti "Ndakuona une basa reiko iwe handi baba vako vakangozvimanikidzawo pahanzvadzi yangu ndiwe ucharipira matadzo avo rega uone" Ndainge ndiri mudiki zvangu ndakangosimuka ndikabvapo ndichimhanya nfikadanidzira kuti "Ndava kuenda kwamati ndadanwa" vakangoti "Iribow uzive zvekutaura namai vedu iwe cheronukatinyeya vanongotiudza ndosaka uchizorohwa nemukomana" ndakangofambisa ndakanyarara ndava kutarisa maoko angu ainge akadhinda kurohwa kwane zuro husiku,misodzi ndiyo yakaerera ndikaita sendjchafamba hangu netsoka kudzokera kumba kwamai vangu.
Ndakanosvika mbuya vangu vamira havo vakasunga zambia ravo remusangano. Ndakanobvisawo chi dress chandaive ndakapfeka chainge chanzwa ne tsvina ko ndaiwacha nguvai ini mdaishaiwa time yekuzorodza nyama chaidzo. Ndakapfeka chaive nani ndokubva ndabuda navo mbuya toenda kunomirira mbeu dzacho. Dzaipirwa pamashops saka takananga kumashops tukawana vamwe vatovepo asi vembeu vasat vauya. "Dotora dollar iri muzukuru wangu utenge ma biscuits ne mirinda umwe ungasafa nezhara here vanongoda ku kushandisa asi kuti udye avadi." Vakadaro mbuya tichangosvika ndikaombera ndichitambira, ndakaenda mushop yaive padhuze ndikanobhadhara zvinhu zvangu ndava kubuda ndikasanganidzana na Nene aine mumwe mukomana vachitopondawo." Waba kaa iwe mwana wemusango manje dakunovaudza daddy vangu kuti wavabira mari yavo". Ndakakurumidza kuti "andina kumboba Nene ndapihwa nagogo ndovo vandauya navo"
"Usatombonyepa zvako gogo vanoiwanepi mari yacho mira hako unovaziva daddy" ndakangomusiya achitaurisa ndikafamba kudzokera kwaive nagogo ndainge ndatojenga misodzi mumaziso futi "Ko wadini zvee woda kuchemei mwana wemwana wangu". Misodz yacho yakabvawo yayerera ndikati "Ndasangana na Nene gogo hanzi arikuda kunoudza daddy vake kuti ndaba" vakadzungudza musoro wavo mbuya vakati "Chinyarara mwana wemwana wangu tonopdzerana kumba ikoko kana zvanetsa nhasi ndinobva newe pamba vasare nemusha wavo ndinoenda newe kwasabhuku tichekerwe pedu tiise mapango tigare" nekuziva kuti gogo vangu vaitaura chokwadi ndakabva ndanyarara ndikatanga kuzvidyira ma biscuits acho nedrink.
Yakazopihwa vanhu fertiliser yacho ndikasengera gogo tikadzokera kumba ndakasvika vanhu vachangobva kumunda Nene aive asat asvika, ndakatombosununguka uye gogo vakati Tonde ndiye aizovharira mombe. Ndakabva ndatotora tuhembe twangu ndikatora sipo ndikahanya kunowacha kurwizi. Dzaingove shoma sezvo ndainge ndakangouya neka satchel kangu kekuchikoro kehembe. Ndakapedza kuwacha ndikatakura kuninakira kumba kwedu, ndiripakati pekunanika ndakaona Nene auyiwa naye neumwe mukadzi akabtwa skirt chaiyo se apara mhosva.
"Nhaimi vanhu vepano, mwana uyu kusvibirwa asiri pamba imi makangonyarara zvenyu kana kumbomutsvaga muri right right here imi, izvozvi mwana anenge anetukomana muzvimwenzi umu ati atokura here uyu zvekuita tukoman" mbuya ndovakatanga kubuda mumba vakazodana baba vake Nene, vaisaita mafaniz sekuru vakagara vangotora chitirobho vakatanga kumurova. Zvainge zvandiyamura andina luzomborohwa musi iwowo chero nyaya yangu yekusanpsakura nevamwe yakabv yanyararwa vanhu vava kutaura nezva Nene "munonyanya kugara muchingorwisana na Thabeth muchikanganwa venyu vana muchapepuka vamitiswa vana ava."
End of chapter
HANDEI TINONZWA ZVIZERE IKOZVINO ZVINO
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
18