Authoress Xammy Novels
Authoress Xammy Novels
February 28, 2025 at 11:28 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉 *👨🏿‍🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿‍🦳🩸 ** *SEASON 2* ** Story Written by :: ✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️ *Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T "*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*" ⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫 *FOLLOW ,READ & SHARE* 📚 *FINAL CHAPTER* Chapter1️⃣9️⃣ *MAI TEE* Ba Tee kana chavakataura vakaramba vakango sticker panzvimbo ipapo ,ini ndikati kusiri kufa ndekupi .Ndakatanga kufamba nenhendeshure mbijana mbijana ndichinanga padoor ndokubata chihuri kuri vhura ,parakangovhurika ndichibva ndaita futi mamwe two steps nenhendeshure ndokunzwa ndadhumira pamunhu ,ndakavhunduka ndichicheuka kutarisa kuti ndiani ,kunotarisa kudai wanikwe ndiBaba Kuku. .. Ba Kuku"makadiiiko Mai Tee Ndakanzwa mate angu kuoma kuti gwaa mumukanwa mangu .Hana yakatanga kurova zvakaipisisa ,ndakaramba ndakavatarisa mumaziso apo nekoko baba tee vakange vachingorimo mumba ... Ba Kuku"ko ,asi amuchadaira here? Mai Tee"titi....tiripo makadii Ba Kuku"ko ,kuzoita semunonditya wani ,ndipindewo zvangu ini Mai Tee"makadii? Ba Kuku"makuchida kutaura mushe now ahhh imi Mai imi kaaa itai mushe ,tipindewo zvedu isu mumba macho excuse Vakadaro vachipinda mumba ndakatarisa-tarisa kutsvaga Apostle asi ndakavashaiwa .Ndakafunga murume wangu aive mumba imomo ndikati ko ,akaurayiwa veduwe .Time dzandakada kupinda kumba,amwene vakabva vasvikawo vachimhanya .. Mbuya Tee"Mai Tee zviiko zviri kuitika Mai Tee"shhhhh Ndakadaro ndichisimudza chisimbi chebhemba rakatyoka ndokuswedera pana Mhamha ndichizevezera munzeve dzavo... Mai Tee"Ba Kuku vauya pano nguva dzino vapinda mumba Mbuya Tee"ahhh vari kudei??? Mai Tee"obvious kaaa ndovairehwa naApostle kuti vakaita take over huroyi hwababa Mbuya Tee"saka uri kureva kuti vatorimo mumba umo Mai Tee "vatorimo Amai ... Mbuya Tee" Apostle vaendepi? Mai Tee "zvozikanwa nani....andei Amai Mbuya Tee" apo woda kudii Andina kuvapindura takangofamba tichinopinda mumba imomo ndokuona Ba Kuku vari bhizi kuisa zvipikiri pabhokisi vachivhara vorova -rova nesando .Vachitaridza kuti vatori serious nebasa ravo .Ba Tee vakange vakango sticker vari mukona kana kumbomuvha zvavo .Ba Kuku pavakaona kuti tapinda vakabva vamira zvavaiita tinzwe... Ba Kuku"nditambidzeiwo zvimwe zvipikiri kana munazvo Mbuya Tee"nhai Ba Kuku huroyi hupi chokwadi hwamunotiitira pamba pangu .....chii chamuri kuita Ba Kuku"huroyi mohuziva imi??? Mbuya Tee"izvezvi inguvai ???? Hamuna nyadzi indava Ba Kuku "ko ndotadza nei ....ushe ndiMambo Vakabva vasimuka vachitoridza kamuridzo vakatanga kudhonza kofini riye kubuda naro kuita sekunge zvavari kuita zvinhu zviri normal .Pavakabuda panze vachingoridhonza kudaro vave pakati pechivanze ndivo dhuma dhuma naApostle ,sabhuku nevamwe vanhu vemunharaunda vaive vakawanda vakabata zvombo ... Sabhuku" Ba Kuku Takabva tatobudawo mumba ndakarangarira kuti ba tee vasara mumba ndokudzokera pavakange vakamira ... Mai Tee "imi chabvondoka panze apo Ndakadaro ndichivazungunutsa wanikwe munhu akango sticker... Mai Tee" imi ba Tee Vakabva vangonditarisa vakabwaira katatu ndinzwe... Ba Tee"ndichiri mushock Mai Tee imbondisiya ndidzikame Mai Tee"chabvondoka panze apo Ba Tee"its ok ...imbondisiya ndidzikamise hana yang Mai Tee "ehhhhh bva ,zvakaoma Andina kuzomboda kuita mazinharo navo ini ,ndakatekaira kubuda kuenda panze kune vamwe ndakanomira padivi naMbuya Tee nemamwe madzimai.Ba Kuku vakange vakomberedzwa zvino nevanhu ... Sabhuku" atisi kuda zvenharo newe....zvauri kuita mudunhu muno azvisati zvakamboitika Ba Kuku "asi zviri kutoitika kaaa Apo vaitotaura vachiratidza kusakendenga zvachose.Ndakatarisa -tarisa kutsvaga mukadzi wavo ndikamuona ane umwewo mudzimai waaive naye. Ndakaswedera mudhuze ndichienda pavari.. Mai Tee" Mai Kuku Vakangoti vachinditarisa kudai ndokubva vandimbundira vachichema... Mai Kuku"Mai Tee.... Mai Tee"shhhhhh zvatopera sooo .....zvatopera soo Mai Kuku"ndiri kurwadziwa Mai Tee"shhhhhhh zvatopera Vakachizoita calm down tikadzosera attention kune ava vakange vachiri kutaura. Ba Kuku vakabatwa nemajaya anokwana kuita iwo five vakatakurwa navo kuendeswa kumba kwasabhuku ndiko kwavainotongerwa kunzw kana kwachena. Iro bhokisi remufi rakambosiwa ririmo muchivanze medu kuti kunze kuchene .Pakachena kunze dzekuma eight ,vakomana vakauya vachinotora bhokisi. Takange tatowedzera kuwanda vanhu vemudunhu medu neve rimwewo vanhu takananga kumakuva. Ba Kuku avana kusiwa vakaendwa navo vasi vakasungwa maoko nechitrobho... Mai Tee"ko ,vadzikama kudai indava??? Ndakadaro ndichibvunza Mai kuku ndipo pandakanzwa voti.. Mai Kuku"Apostle venyu vavanwaya annointing oil ndosaka vamboti dzikamei kudai Mai Jesca"Apostle vane simba ava ummmm Mai Kuku"zvekuti andikanganwe gore ravakadonhedza futi tezvara saka haa ipapa tokunda chete Tichisvika kumakuva ,gomba remufi rakange rakatocherwa kudhara saka azvina kumbonetsa manhingi. Coffin rakagadzikwa pamusoro pebheji avo Apostle vachimboita sermon ,zvigoti zvabata kuna Baba Kuku. Vakatanga kujamba-jamba kuita sekunge munhu asvikirwa chaiko ... Ba Kuku"ndisiye. ...ndisiye ndati musandibate Apo vaitaura vachipopota apo pasina kana anga akavabata imi. Vamhu vakangoti kanha nazvo vachibva vatanga kuruma-ruma tambo nemazino avo... Apostle "vabatei vanotiza Pakaswedera vakomana vatatu kuti vanobata umwe wacho akanorohwa hedha naBaba Kuku nekubva afendera ipapo. Vamwe vacho nekutya avana kubva vasvika... Sabhuku" munhu anotiza kaaa uyu imi batai munhu uyu Apostle "no .....leave him Vakadaro Apostle vachitaura vari calm apo zvino isu vanhu takange takutya .Ba Kuku vakange vakuita sekunge njere dzavo dzakutorasika chaiko vachibva vadambura tambo iye nemazino ndokukandira pasi nehasha ,apo vaive vaita kuzara mazitsanga pamhanza yese iyi vakaita kudikitira ,fesi vakapfeka yeshumba chaiyo tinzwe... Ba Kuku" manga muchizviti mogona stereki ....ndibatei kana makasimba Sabhuku"iwe Ba Kuku....iwe Ba Kuku .. Vakadaro sabhuku vachinongedzera nehasha asi Apostle vakavadzosera kumashure... Apostle "no ...leave him Sabhuku" ari kuti shungurudzireiko ngaangotisiya mhani haaa fakofu Ba Kuku"dakukuratidzai kuti imi vanhu vese vari pano ndiani mukuru ,mhongoro dzevanhu nxaa Vakadaro vachifamba kuenda neimwe direction dzamara vasisaoneke vapinda nemumauswa ameno kuti vainangepi .Vanhu vakasara vachihumana -humana vakazonyararidzwa naApostle... Apostle "noise ndeyeiko nhai vanhu vaMwari Ba Hazel" munhu aenda takatarisa kauyu? Apostle "saka kuenda kwake kune basa rake Ba Hazel" ahhh mune shuwa nemashoko enyu here imi.Uyo Ba kuku ari kufanirwa kungourayiwa zvipere Vanhu vazhinji vaivepo vakabva vatsigira vose ,mukadzi wavo ndokubva abudikira achinomira pamberi. . Mai Kuku"ini chaiye ndakamira pano ,ndiri kusapota zvataurwa naBa Hazel .Ba Kuku ngaaurayiwe ndomudiii murume akadya mwana ,akada futi kudya ini ndomudiii Amai kani... Vakabva vazvipunzira pasi vave kuchema vakazobatwa nemamwe madzimai .Shamwari yaMai Kuku yakabva yamirawo pamberi tinzwe ... Mai Gabhu"ini ndakapotsa ndaurawa naiye murume iyeyu .Chingoti mudzimu yangu yakasimba ingadai tiri kutaura zvimwe. Ba Kuku ngavaiswe mumoto vangofa zvavo nekuti tomudii munhu akadaro munharaunda ine vanhu .Ba Kuku ngaaurayiwe ,ngaapiswe .Ngaafe vanhu tizorore Vanhu vakatsigira vamwe vachiridza iri muridzo chaiyo .Asi nechemumoyo ndaitoona riri dama rakanaka chairo kuti muroyi ngaafe ... Apostle "Mwari ndivo vanoziva kuronga kwavo Ba Hazel" aiwa aiwa zvaMwari ngatimboisa padivi....sevanhu ngatimboita zvemusoro wedu Mai Gabhu"very true...tosvika rinhi all the time kna ingori zizi ratezvara Apostle "the bible says... Vakabva vatokatwa vasati vaenda mberi... Ba Hazel" no no Apostle. ..zvekuparidza mozoparidza henyu later...Tiisirei munamato tinotsvaga kwaenda murume uyu zvinhu zvifambe zvakanaka Mai Gabhu "ehe ....uyezve agotiudza kwaakatsakatisa Mhofu Ba Hazel" ehe mufunge ...Mhofu takangomushaya sekutamba sekuseka panhamo yaZanele....Ngativigei mufi tifambire ba kuku tizvipedze nokuti atingatambudzwa nemunhu umwe chete kaaa Vanhu vakatsigira haa pakange pasisina kana reverse deal .Apostle vakangobva havo pavanhu vakanomira padivi ,bhokisi raZanele rikaiswa mugomba kuvigwa akafushirwa zvakanaka.. Sabhuku"isai munamato asazotinetsa futi Zanele isu tisina mhaka Apostle vakafamba kuuya pedyo vakaisa prayer ndokudira annointing oil .Pavakapedza vanhu vakabva vatanga kufamba kutora direction iye yakange yatorwa naBaba Kuku .Kwese kwaingove kumakuva ,ndofunga vanhu vakangofamba just some few metres ndokuona Baba Kuku vari pane rimwe guva vakagara pamusoro vachiita sevari kudeketera .Ivo avana kuzviona kuti vanhu vari kuvaona from a distance.. Ba Hazel "tovabata sei Sabhuku" ngapaende vakomana vamwe vanovatora Onias"imi andichade ndambohedhwa ndikaona rima saka bodo Akadaro Onias achirovanisa maoko zviye zvekuramba apo mhanza yaive yaita chibhororindo .... Sabhuku"Sugar ,Petros ,Hillary ,Kirenzia naBa Hazel endai munovabata Ba Kuku muvaunze pano Ba Hazel"pakanaka Wega waitoona kuti vari kungozvishingisa asi vanhu vari kutya ava .Pavakange voda kuenda Apostle vakabva vavamisa... Apostle "wait..... Vakomana vakabva vamira kufamba... Ba Hazel" chii futi? Apostle "sarai ndiende inini? Ba Hazel" aiwa Apostle isu tikuda kunotora munhu izvo zvenyu zvekumboda kusvika monoparidzira demon atisi kuda Apostle "kana ndati wait ndatoti wait.....Ndokumbirawo kuimbirwa nziyo dzehondo ana madzimai .... Vakadzi vakabva vatotanga kuimba asi vakanzi musaimbisa zvoenda kure.Vanhu vakatarisa Apostle vachienda vega sezvo zvirizvo zvavaida .Vakafamba dzamara vanosvika paive naBaba Kuku ,vakasimuka vaona kuti pasvika munhu .Vakatarisa kune imwe direction vakaona kuti taivepowo vachibva vapira gotsi kuna Apostle ,ndokusimudza ruoko rwavo mudenga ameno kuti vakataura kutii nekuti takangoona Apostle vachidzedzereka nenhendeshure kudonha pasi negotsi.. Mai Tee" Mwari wangu !!!! Ndakadaro ndichivhunduka kuda kumhanya kuenda asi Ba Tee vakandibata zvakasimba vakandimbundira . . Ba Tee"apana kwauri kuenda Mai Tee "Apostle kani (ndichichema) Ba Tee" shhhhhh he knows what he is doing Vakabva vandiregedza apo vanhu vaive vangoti zii vangotarisa kuna Ba Kuku naApostle... Sabhuku"kutofa here uku kwaita Mufundisi wenyu nhai Baba Tee Ba Tee vakaramba vakanyarara ,ndokunzwa Mai Rita vodairira... Mai Rita"ndozvinobhowera muka haya vanhu veFake .....apo vakaroora futi kamwe kamukadzi kaVongai Mai Tee "zvekuroora kwavo zvapinda papi nezviri kuitika Mai Rita" zviri kutopinda kaa anditi dai vakaroora ini pasina zvese izvozvo vasina kana kufa kwacho Mai Tee "ambokuudzai kuti vafa ndiani Ba Kuku"Ehhhhhhh uko ari kutevera ndiani???? Vakadaro vachisheedzera kutanga kufamba vachiuya imi pakaitwa tsoka ndibereke vanhu vakatanga kutiza nehupenyu hwavo umwe nemumwe achitiza .Apo zvakazoitika zvacho vanhu vose vakaperera kumhanyira kuenda pamusha wasabhuku ,sabhuku vogoti vopopota zvavo... Sabhuku" ibvai ibvai henyu pano ndati ibvai....moda kundiitira ngozi yevanhu vangani pano kana mukandifira Ba Hazel "sabhuku itai moyo Sabhuku" (vachipopota) moyo kudii kwacho....mune dzimba dzenyu kurumbidzai henyu nehuwandu hwenyu mubve pano Mai Rita "yoweeeee zvangu Vakadaro Mai Rita vachidauka kunge datya ,vanhu pavakatarisa kwavari wanikwe kumakumbo kwavo kwaive kwadonhera zizi rakafa raitobuda ropa nemukanwa... Mai Gabhu" rabvepi??? Mai Rita "radonha kubva mumuti Vanhu vakabva vamboramba vakanyarara mushure mekunge takunzwa ruzha rwaBaba Kuku rwuchibva neku road. Sabhuku vakabva vamhanya kunokiya madoors avo vakazvivharira mubedroom mavo ,mukadzi wavo chaiye vakamusiya panze pataive... Mai sabhuku" dai mukarumwa nezizi murimo mumba imomo Akadaro achitaura nehasha dzemunhu uya agumbuka ,sabhuku ndokuenda kuhwindo vakapeura keteni... Sabhuku "chihuya upinde Apo kaitaura kakadongorera imika sabhuku vari selfish mufunge.. Mai sabhuku" garai mumba imomo anditi mazvikoshesa mega ,vamwe vese tiri panze atina basa kaa Sabhuku "ummmm ndambodaro kupi nhai mukadzi wangu Vachingopedza kudaro ,Baba Kuku vakabva vafamba vachipinda muchivanze .Vanhu vakatanga kubvunda veduwe apo kwekutizira kwakange kusisina ,Mai Rita ndiye karakata kumhanyira kukwira mumuti ,nduwe yavaive vakapfeka ikadonhera pasi ...Panguva iyu azvina kana kumbosekesa nekuti meso evanhu aiva kuna Ba Kuku vakange vasvika zvino vangomira vakatarisa kune vanhu.... Ba Hazel"vari kufungei??? Vakadaro Ba Hazel mushure mekunge taona Ba Kuku vapinda asi apana kana chimwe chete chavakataura vakange vangopinda vakamira vangori zii.... Mai Gabhu" ummmm tingazive here zviri kufungwa pamwe vari kutogaya horror tarisa ziso Ndakacheuka kutarisa kuhwindo rasabhuku ndikaona dzichidongorera haa nechemumoyo ndakangoti ende zvakaoma veduwe...Pasina nguva Apostle vakabudikira vachifamba kupinda sandi kufara kwakaita vanhu ikoko. That moment yakaita kunge soldier rabva kuhondo pakapinda Apostle .Vakasvika vakanomira padivi paBa Kuku vakaita nguva vakatarisa baba kuku ndokubva vachibva vatarisa kune vanhu... .. Apostle "he is now harmless Ba Hazel", huuuuh??? Apostle" yes ....we attack the head not the tail.....God did it for us Ba Hazel "how???? Apostle"nguva dzatiza vanhu paye muchifunga kuti ndakurirwa actually in the spiritual world ndanga ndichitoratidza a vision ndakadonha kudaro. Pandazosara ndomuka ndanga ndatoudzwa zvekuita saka ava Ba Kuku vazosara vosvika pano asi masimba avo ndanga ndatodhingura kare kare Mai Rita" ndosaka padonha zizi nhai Vachingopedza kudaro vakabva vadonha mumuti muye vachinowira muvhu ,ummm ndakavanzwira tsitsi apo ivo kuzokasira kusimuka dzichizunza magadziko... Mai Rita"achiri kutamba-tamba aya andina kumbokuvara ini Vanhu vakatoseka zvavo nehupenzi hwaMai Rita .Ba Kuku vakabva vangoerekana vadonha pasi negotsi zvakavhundutsa vanhu.... Ba Hazel "ko ,chachii futi??? Apostle vakagwadama mudhuze vakaisa ruoko rwavo pachipfuva chaBaba Kuku ndokubva vasimuka vachizunguza musoro wavo tinzwe... Apostle"peace be upon him wherever he goes ... Mai Rita" vaita sei??? Apostle "vafa Vanhu vakaita kunonzi kupemberera imika zvakandishamisa veduwe apana kana akashowa any remorse including his wife Mai Kuku vaitochema asi wega waitoona kuti uyu musodzi uyu ndewe mufaro not kuti kurwadziwa kuti murume wavo afa..... *FEW DAYS LATER* Takange takuoneka nevamwe tave kuchidzokera hedu kumba kwedu .Mai Kuku vakange vatengesa musha wavo vachiti vave kunogara kumba kweshamwari yavo yavaiti Mai Jesca yakavabatsira kuti vazodzoka muno muvillage .Takazoseka vachitaurawo kuti sabhuku vemo vakashaya mushure mekunge zvavakabata-batawo zvemushonga weraki zvafumuka .Mai Rita dzakamhanya pamoto payakange yave kuda kusumuka.. Mai Tee" chiiko Mai Rita... Mai Rita "munditsvagirewo basa kuHarare ikoko Mai Tee" ok ndazvinzwa Mai Rita Mai Rita"mercy genesis Ndakatarisana naBaba Tee tichishaya kuti Mai iyi iri kuedza kutii.... Mai Tee "matii? Mai Rita" asi amunzwe chirungu here ?? Mai Tee "mati kudii? Mai Rita " mercy genesis Mai Tee "ummm..... Ndakanzwa Baba Tee naMbuya Tee vogegedzera nekuseka ndinzwe... Ba Tee" dziri kuedza kuda kuti journey mercies Mai Tee "ooooh finish (ndichiseka)...thanks Mai Rita .....take care Mai Rita" sharp sharp Dzakabva dzasuduruka hadzo kumira paside isu tikapfurira nerwendo rwedu kudzokera kumba .Takasvika kunze kwatosviba ,vana vangu vaive vandisuwa vakafara zvisingaite vachindiona . Apostle havana kuzomboda kugarisa vaida kudzokerawo kumba kwavo nemukadzi wavo sezvo vaiti vanhu vekereke vakasara vachivatsvaga.Vasati vabuda kuenda vakanamatira imba yangu ndokubva vaoneka havo .Takazoparadzana naMbuya Tee nevana vanhu vave kunorara kuma reserved rooms avo. Ndakatanga ndapinda hangu mubathroom ndaida kutanga ndageza ndiwane kurara zvakanaka ndinzwe ngiriri ngiriri foni yangu kurira. Ndakamonera mushe towel rangu ndichino picker call ,ukuwo Ba Tee amenowo zvavaiita paLaptop pavo ... "Hello ndiani (Ndakachitaura ndanzwa kuti munhu wacho afona chinguri ndataura asi apana zvaataura ) " muri sei Mai Tee "New number ,ndiani ??? " shamwari yaFadzi (Kungonzwa zita rekuti Fadzi ndakanzwa kuda kurutsa chitaka .Ba Tee ndakaona vasimuka oavanga vakagara since foni yangu yaive paLoud so its obvioua vakazvinzwa ndokufamba vachiuya padhuze pangu vakanditarisa showing sone sympathy ) "Ndokubatsira nei( ndakataura ndichitura befu) " ndanga ndichida kungokuzivisai kuti Fadzi akashaya vhiki radarika akanwa mushonga (Ndakanzwa kakupindwa nechando kaye kekubatikana though hazvo akanditadzira hake asi shoko rerufu harijairike) "Nematambudziko....nematambudziko " akaonekwa. ..bye "ok bye Akabva akata foni munhu uye ndichibva ndatarisa kuna Baba Tee ndinzwe voti... Ba Tee" Good riddance Ndakangoramba ndakavatarisa kudai as he moved closer vakandiswededza mudhuze mavo... Mai Tee,"Ba Tee Ba Tee "I love you....zvizive....and thank you for accepting me back my wife. Ndokuda mukadzi wangu Ndakanyemwerera hangu as l rested my head on his chest listening to my favorite sound in the word the sound of his heartbeat...... ********************* *🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories* The End!!!!
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 💃 🚮 🤓 🥰 238

Comments