MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
February 26, 2025 at 05:24 PM
*NDIRI KUKUPAI BOOK RINO munakidzwe mudzidze manzwa ,CHINGOITA FOLLOW CHANNEL CHETE UNORIWANA RESE* https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L VAYA VANODA GROUP RACHO PINDAI LINK RIRI PASI APA https://chat.whatsapp.com/EH6V7Jko0sz0Gsi1OOhwuZ Vari pa Fb Ndokumbiro following yenyu book remahara iri munoisa ma like nema comments page ikure guys link iri https://www.facebook.com/profile.php?id=61573000265085&mibextid=ZbWKwL *MY WISH* 🌹🌹🌹 STORY BY MAI LAA 0777505853 0717679222 Chapter 1 "mashandire aunoitaka Rizzy aya anoda uchizoroorwa muumambo chaimo mwanangu,unondiudza kuti svinga rehuni riri seri kwemba uko ndiwe waritsvaga ukasenga ukatsiga" "Ma small small aya gogo,handiti Makati mukadzi kuti adiwe nemurume inyaya yekugona basa here" "Hongu muzukuru unofanira kushanda nesimba ndokuti uchengetedze imba yako,tarira amai vako vanongodzengerera nenyika vakatadza kuichengetedza imba Wani,tongoti pakutanga ndaivaudza vachiti idambe poto ndaichengetedzwe,vaiita nharo hezvi vakaburei vakamitiswa neborahosho baba vako avo vanongoswero teedza maraini vachitsvaga kune ndari,ivo vanotoita kunge chikwambo chemumusha havo,handingati vanoita kunge asi ndofunga ndovakatoromberwa kuti musha iwoyo vaite tumari twavainatwo,unoziva kuti raini rese ndivo vakatanga kuita imba yemarata,hanty unoona vane zibhedhuru zihombe kwete twedu tune 4 ma room,Saka zvinongoratidza kuti iro zengenene iroro ndorinoshandiswa chete,sei vasingaridzinge pamba" "Ahh ndinotonyara munomboziva gogo,kunzwa vanhu vachinongedzera baba vangu vachiti benzi kana kunzi hona benzibaba rako iro,dzimwe nguva ndinotozobva ndatochinja nzira ini,apa ndikaita munyama wekusangana navo vanondinyadzisa sei,mheno vakandizivawo sei,kana vakaudzwa nani ndinotoshayawo ini,iye mama vavapindwa neiko zvekusvika pakumitisana nababa ivava" "Rizi ka,zvamai vako here ndingatokwira BP yangu Soo ndirege" "Haiwa vanonyadzisa,apa vakandiona vanenge vachingoda kundidaidza nyangwe ndikavapira gotsi vanotondiziva chete,iye vakambondiziva Seiko vasina kumbogara neni nhai gogo" "Kupiko Mai vacho ndovane nyaya yese,ndovakamuudza kuti uyu mwana wako,ende akabva azvibata,kungoti hataizorambawo hedu,nekuti vakaunzawo tumari nekamombe,zvedamage,patakakonana hanzi Muroora ndaauye mumusha,iii  ndakavava,ndikati mwana wangu agare nechikwambo chakadaro bodo,Saka zvakatotanga uchiri mudumbu vachirifurira kuti uyu mwana wako Ari umu,Mai vako vaimbozama kunzvenga asika benzi ibenzi pavaonana zvaitotorana chete" "Ivo mama vaitii manje,vaiti zvakambofamba Seiko" "Hanzi I mistake,hee handimude,ahh zvamai vako,chandoziva dzasi yake inoshoshera chete,haadi kuona vemikumbo mitatu ava" "Mistake Seiko nhai gogo zvekusvika pakuzvarisana mwana,aiwa hakuna mistake yakadaro" "Iwe ainzwa here Mai vako,ndakamuudza poto ndaichengetedzwe asi ahana kundinzwa,zvandogarokuudza izvi Rizi,gara wakakwidibira poto haa kwaani,anenge aitovaviwa kana kuti yaitotutuma hayo poto yake yaakabva ada kukukudubura kudaro,mheno system yaaita yekutiza husiku achienda kujiti mheno twuvakanonwa twakaita poto yake ifashaire azosvika pakuguma akavata nechikwambo chinenge baba vako" "Moziva gogoka daily ndogaro zvivhunza same muvhunzo iwoyo kuti mama vakambonyasofungeiko" "Ahh ndakanyara mhoti musi wacho kudaidzwa nehusiku vana vabatikidzwa vari musvo,uku poto yatokudubuka muto watorashika ndivoka vakatovhura masuwo baba vako ivava,Sekuru vako vakatomborova ASI vakazosiya vatoona kuti vangauraye,Takabva tauya Naye kumba upi munhu angade kuti mwana wake agare nedzerendende,pasina nguva mimba yayabata,takavaudza ndopavakabvisaka ma damage Acho kusvika azvare,kwakumuti chienda kubasa ndisare nemwana iye kana endei kubasa,mitiswei ikoko na boss,ndakamuudza usadzoke pano,Murume wekumumitisa akabvisazve damage kuitira mwana,ASI akati mukadzi handidi ndine mhuri,makore apfuura aya akazowana Murume akaroorwa,ASI akaita sei kubatikidzwa hake nechikomba,manje ini na Sekuru vako takatoudzana kuti pano mwana waakaunza ndi Rizzy chete vamwe vese hatidi kuvaona,unoona rizzi poto ikanyasochengetedzwa ine benefiti iyi,hino Mai vako tudhemeji twatakawana haiwawo" "Ahh ivowo mama vacho vambori neshungu nekuuya kuno here ivava,kana shungu yekuti kumba kune vabereki neniwo mwana" "Anoita shungu yeiko achifunga varume,muzukuru kana uchizoda kuita benzi igopa Murume wese wese poto,unoita benzi rekugumisira,poto inopihwa munhu one uye akafara nayo isuwo tinotodyawo nayo",nyaya ya Mbuya vangu yaingove ye poto always. "Zvakaoma,mabikeiko Gogo" "Mune tsuro ndaiisa dovi" "Maiwanepi" "Mudangaka ko ndinovhima here inini wekuti ndinganzi ndaiwanepi,muvhunzo wako une kakuganza nhaika Rizi" "Ahh gogo nhai tsuro yangu yandakauya nayo ndichiti ndiitewo project yangu here amana,apa yaitori nemawuta",ndakadaro ndatorwadziwa "Ehe ndatorasa tuvanaka pandandichiicheka ko yaichimbooneka kuti ine mawuta nekufuta ikoko,iwo mafuta haa chikafu chawauchiipa chine hutano" "Gogo amana nei muchidaro imimi ASI ndakanyasokuudzai kuti ndikuda kuchengeta tsuro dzangu ndiite kaproject kangu apa,ndikuda ku raiser kamari ndienderere mberi nechikoro ndinyorewo form 4 gore rino,yes last year ndakatadza Makati hamuna Mari asika this year ndofanira kutoita zvisvinu" "Haiwa unozondiudza wakuda Mari kuti tsuro dzako dzaifanira kubereka dzokupa marii ndokupa" "Mondipa muchizoiwanepi,imi makatadza kundipa Mari pandaiida" "Ndotengesaka mhuru yangu yakaberekwa ne damage yekwa baba vako" "Ahh ende gogoka hamusi sereous sure munoti mozotengesa mombe kuri kuda ku replacer katsuro kangu munoonawo zvichiita here,ipapa ndiudzei Moda kuzogara muchindidembera dembera kuti makatengesa mombe nekuda kwangu aiwa gogo idyai henyu tsuro yacho inin handina chandoda back",ndakabva ndatosimuka ndokutobuda. Ndichingobuda panze ndakabva ndasangana na Sekuru ndokutanga kubhidhaira zviya zvekuti vaone kuti ndagumbuka. "Chiiko mhai masibanda maitweiko",vakadaro vachifunga ka kuti ndichamira ndakabva ndatofambisa,pandakacheuka ndakabva ndaona vachipinda mumba.ndichibva ndamhanya kuti ndinoterera nepawindow ka,ndaida kunzwa zvavachasvikoudza gogo. "Wamuiteiko mwana wemupengo ndasangana Naye achibhidhaira apa step yaachirova  kunge baba vake vanzwa kune ndari" "Kkk sekuru va Rizzi ka mazondinakidza kkk ASI benzi racho rakatipaka bonus hezvi danga redu rakutoonekera and pane painonongedzerwa here kunzi imombe yehubenzi" "Idi hapana Kani mazokaita Seiko katsuro kaya ndatouya mukanwa hamuchagarisika umu" "Kuruta asekuru va Rizzy,haa ndakaisa muchikari chaimo,ndaona kuti kakuibva bvandangokanda domasi risina kuchekwa kwakuzongopindura haiwa munozviruma rurimi nhasi" "Ahh kumastoro kwandandiri uko ndandisisatombonzwe nyaya dzadzichitaurwa nevamwe nzeve dzangu dzakungonzwa hwema wenyu amai bhoi muchikaringa,manje mamuti kudiiko mwana wezengenene uyo,azviona here kuti mauraya tsuro kkk ndasangana Naye achibhidhaira ndikati waitweiko masibanda wangu ko handiti ndomutupo wake here" "Kkkk mabva mamudana nemutupo kk mazondisekesa ndamuti ndakauraya, ndombonzi aniko ini amboda kuti pwetere pwetere ndikangomuti chienda Kuna baba vako vatitengerewo muriwo wemanheru" "Ahh richitengei dzengenene iroro,ASI kutocheka mabhora Acho Kani mokanga kanga",ndati vakaita kurova chikuwe vachiita kuseka vese ndokuita kurovana maoko. "Ko yanga iine tuvana ka tsuro yake iyi",vakadaro gogo vachibura chikari Chavo pachoto. "Matuisepi,turimo here muchikari",vakavhunza Sekuru vachidongorera chikari chiya apa vaisandiona kuti ndiri pa window hangu ndichiita kuvira nehasha. "Aiwa ndaturasa ini ahh tukonzo itoto ASI inoratidza kuti yanga yava pedo nekubara" "Usaite westeji iwe enda unotutora kwawaturasa nditugoche" "Ahh mugomba imomo pamwe twatodyiwa nezimbwa mupengo Riya raamunikisi door venyu avo" "Imbonotarisa or hausikuda hako ndinozvitorera ndega" "Haa inini mumabhini handinonge ba" Vakabva vatosimuka Sekuru ndokunanga kugomba kuya uku rekeni dzavo dziri muhomwe,uku chihat chinenge bhareta chakaita kupendekerwa,ndakaramba hangu ndakavatarisa ivowo Havana  kumbocheuka havo ndakaona vasvika kugomba kuya vave kuvhungunyura mugomba muya vakanhonga kuratidza kuti vatuwana ndofunga twaitove six kana ndisina kukanganisa kuverenga pavaisimudza ruoko vachinhonga. Pandakaona kuti vava kudzoka  ndakabva ndahwanda kuti vasandione pandakangonzwa kuti vava mukati ndakabva ndadzokerazve kunodongorera nepawindow,kutoona zvesure Murume mukuru vari busy kutobvura tunhu twaiita semakonzo apa twaitove red tusina kana mvere. "Haa kuruta henyu baba imi,ezvi muridzi wacho haambodya murio iwowu anenge akaita kugumbuka akaisa muromo mumunho" "Ahh ndozvatingaregerere kudya nyama izvozvo,haiwa atibvire,ezvi ndandikutofunga kuti nditaure na Mushanhi,Murume wa atete vake mamuziva" "Ehezve Murume wa Tete vake Roice,hanty ndovanotedzana nezengenene iri here,mukuda kuvadiiko" "Haiwa ndaangotipa paanapo chero paanogona ,votora  Rizzy onovabarira uko,handiti Havana kana dwee yemwana,onoita chimutsamapfihwa chatete vake" "Asika Roice wacho kana vanhu vekumba kwacho pane akambotambira Rizzy here,or vakangomuona semabasa ehupengo hwe zengenene ravoro" "Ah asika iropa ravo,better anozvara,havamborambe mhani kukudzirwa dzinza uko" "Aiwaka ini ndoda kuziva kuti haazode kumutora mahara here,ahh dhemeji ndotoida ka,ini hazvinei kuti vakuda kunokudza nzinza ravo" "Ahh kubarirwa haumboita mahara Kani pamwe inotozouya iri dhemeji ne roora racho pamusoro,regaka ndigozotaura Naye,vakada anongogara pano opiwa mwana aripano,hunge Roice wacho asina kuzvifarira,nekuti zvekuti ozonoputsa musha wemunhu hazviite" Ndakanyasofunga hangu munhu aitaurwa nezvake Tete vangu ava,nekushaina kwavaiita,ko vaive vanhu Vaya vane Mari dzavo vachiwana zvese zvingadiwe nemunhu,chavavasitorina mwana. Tete vekuti ukada Kumhoresa vanopfeka mask nema gloves,ini ndakavaona umwe musi kumashops,ndichida kuvamhoresa vakandifinyamira face,vakatonzi na Mai vavo vanova  gogo vangu,"wamuziva here" Vakafinyama face vachiti,"ndingatadze kuziva mwana akaitwa kumahumbwe",kamutaurire kavakaita kakandibata hangu.yes ndakakura ndakajaira kunzi mwana we zengenene but the way yakaitwa na Tete day iri yakangondibata hameno kuti why. Ndakazongoti,"makadii Tete" "Hesi,Mai vako vakadzoka here kumujolo kwavanouya vakazvara kunge imbwa",vakavhunza vachitoratidza kusava nehanya. Veduwe nemazvarire anoita imbwa aya umm ndakabaikana. "Mama havako" Vakangodzungudza musoro wavo vachienda,Saka ndiye munhu wandainzi ndigoroorwa nemurume wake,sure nekushaina kwavanoita,handiti ndinenge ndatozvipa Ronda pahupenyu hwangu. Ndiri pakati pekuyeva Sekuru na gogo ndakatonyura mundangariro,ndakavhunduka ndatekenyedzwa End Muriko here uko
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💃 🤷‍♂️ 108

Comments