MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
February 28, 2025 at 12:02 PM
*NDIRI KUKUPAI BOOK RINO kuti mudzidze uye munakidzwe CHINGOITA FOLLOW CHANNEL CHETE UNORIWANA RESE* https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L VAYA VANODA GROUP RACHO PINDAI LINK RIRI PASI APA https://chat.whatsapp.com/EH6V7Jko0sz0Gsi1OOhwuZ Vari pa Fb Ndokumbiro following yenyu book remahara iri munoisa ma like nema comments page ikure guys link iri https://www.facebook.com/profile.php?id=61573000265085&mibextid=ZbWKwL https://chat.whatsapp.com/7seI2y7dTfUIXamwmEtHfj *Ka uchida kunakirwa nemaboook gara wapinda mugroup risati razara* *Zvekare uchida machapter emberi pinda mu channel nekuti ndomunotanga kusvikira book dzimwe nguva hariiswe kumagroup asi mu channel rinoiswa,follow channel link iri pasi apo* 👇👇👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L *MY WISH* 🌹🌹🌹 A story written and created by Mai Laa 0777505853 0717679222 Chapter 2 LIZZY "Haa Tambu vasikana haukure wakaita Seiko wandivhundutsa",ndakaona Ari Tambudzai shamwari yangu ainge andivhindutsa,ndichibva ndajamba zvekuvhunduka chaizvo.ndichinozviwisira kure kuitira ana gogo vasaone, "Kwana Rizi wanzwa kwana,haunyare kudongorera vanhu ko ukawana vachiita zvisina basa" "Zvisina basa ndozvavari kutoitaka Saka ukuti ndikuonei" "Heee watii",akadaro achitosimuka kuenda pawindow,aidzidawoka nyaya bhururu wangu,and kutodarikwa ndokwaaisada.ndakatoramba ndakagara hangu pasi ndichitofa zvangu nekuseka and I'm sure vari mumba vakazvinzwa chete nekuti ndakanzwa ava kuti,"ndaswera hangu maswerawo gogo",and akatozopedzisa atobva pawindow paya. "Ko hanziiko kudongorera pa window",ndakanzwa gogo vodaidzira. "Ndandikudongorera Rizi..",vakabva vamudimura asati apedza "Kudongorera Rizi hasiye wandikunzwa achiseka here ipapo",vakadaro gogo vachidongorerawo panze zvino nepawindow paya "Ndiye ndandikut Rizi anga achiti Gogo varikukanga heavy minyu Mumba umu Saka ndanzwa moyo ndikadingorera" Ndakaona gogo vosekerera zvekuratidza kufara,"rega ndibva ndawedzera ne cup Yako yemvura mumvura yesadza yandandaisa ugodyawo" Ndakamutswinya tsoka Tambudzai zvekuti akanzwa kurwadziwa achibva ati"awuu",achikotama "Ko chii",vakamuvhunza gogo "Ukangobvuma sadza iroro ka watchout Tambu",ndakadaro ndichimuzevezera munzeve dzake. "Mudumbu gogo mukurwadza,mudumbu ndakutoenda kumba musaise henyu,Rizi ndiperekedzo" "Ukuchaya here",vakamuvhunza gogo. "Ehe" "Ehh kubva enda unochaira kumba kwenyu",vakadaro gogo vachitobva pawindow. Takatarisana ndokubatwa netsetswa ndokuita kuti bvaru nekuseka.tichitofambawo kubuda kuenda. "Saka gogo vachiti ukati ndikuchaya waizoita sei" "Vatya kusemedzeswa ka kkkk" Takaseka and tainyasoseka kuti gogo chavakasira kudzinga Tambu inyaya yekuti pamba pedu hapana toilet Saka vashaya kuti akazoda kuchata aichayira pai. "Ahh vachinyanyawo Sekuru vako kuda tunomaka kungotadza kutenga bag one re cement vovakisa toilet" "Ahh vakasangana vese vari two vane brain dzakafa,iwe hanty paya takachera gomba retoilet mumunda umo,tikatososrrawo mapango nehuswa,asi gogo vakaita sei kupedza huswa hwese vachivesesa moto,Sekuru kutoshinga kutora mapango hanzi kwatonhora vakadziya" "Paya ndakasvotewa Rizzy iwe,ne effort yatataisa veduweka" "Ukutodaro wauchitovakwidza ndege yemashanga paya ukuziva here kuti vabika Alevel yangu",tainge takapa tsuro yangu Zita na Tambu "Iwe unorevesa here Rizi,ko vabika A Level sei ahh veduwe,apa yaine mauta ko vadarireiko" "Zvese mudondo shaa ndandikutiwoka kakabara ndochengeta tuvana twobarazve ndichingodaro  kuzoona panozonyorwa A Level ndendatoraiserka Mari svinu" "Une nharo Rizi hona ndakakuti zviunze kumba tizvichengete,like zvatakaita pa hanga paya,ukuziva wakatora Ari mazai 5 musango ukaunza kumba zvikachechenywa zvikatanga kuwanda pakazosvika form four wakango register chinyararire tikanonyora vasingazive nazvino havazvizive kuti wakatoturika ma A Mumba,vanongoti ka haa takakushaira Mari,ingadai wakaunza Alevel kumba takaichengeta" "Ndaingotiwo ndimbochengetera pamba pamwe zvinoitawo" "Honakà nhasi yaiswa mupoto" "Saka wavatii" "Shaa zvakaoma saninga Sekuru kusvika pakutonotora tuvana mugomba...",ndakamutsanangurira zvese. "Eish so todii,hanga dziri kumba uku,unokwanisa kubhadhara fees ye first term,tatichiti padzedzichizoberekawo une uchingobhadhara fees then pakuzononyora registration yochibvawo ku Alevel project zvino zvakaiswa mupoto todii" "Haa ndoita plan don't worry " "Handei kumashops tinotsvaga Byer ka anongotora hanga ka1,titengese tisina pressure tibva tanobhadhara kuchikoro,nekuti last time paya takazenge tava ne pressure takuzotengesera vemubytcher vakuti vanoda makgs and zvakatipa Mari iri less than yataitarisira" Takabva tangofamba takatonanga kumashops. Hapana aiziva kuti ndakazenge ndakunda kunyora o level,even amai VA Tambu chaivo,hanga vaingoti takatengesa tikadya Mari,plus semunhu aisave nenyaya na gogo vaingofungawo kuti imwe mari ndakaendesa kumba. Yaive idea ya Tambu kuti ndinyore,ndakange ndatozviramwawo gogo pavakati vashaya Mari,asi Tambu akandipa idea yekutengesa hanga and zvakatofamba,dzainge dzawanda. Tambu akandibatsira ndikano register kuchimwewo chikoro chisiri chandaidzidza ichi kuitira pasawane anozoita makuhwa,zvakabatsira chaizvo,ndakanyora ndikatopedza,ndaingobuda pamba semunhu akuenda kuhuni ndotomhanya ndononyora,ndodzoka ndotsvaga huni,vagara vaisapopota ndikabuda ndikanonoka,chavaida ihuni chete. Kuita Kwa Mwari kunoshamisa ndaive ne U ku Practical only then C kushona amwe ese aive ma A. Tambudzai akaita kubuda misodzi yemufaro achiona ma results angu akafara,agara hake ainditemba,naiyewo ainge akapasa zvaireva kuti aienderera mberi nechikoro. Hondo yakazovepo pakuti ndichaenda sei kuchikoro kwacho. "Rizi iwe ndafungaka idea,iwewe wochinyebera gogo kuti beam yakuti uuye kuchikoro and wovati ndakutomodzokorora form Four  then wobva watongonopinda form 5 Yako" "Ko uniform manje yeku Alevel yakasiyana neyataipfeka" "Zvatovapoka kutobata head tovaudza chokwadi vokutendera kupfeka blue iyoyo,or kunyepa Kuna gogo  kuti wava mu prefect ko hanty ndoinopfekwa nema prefects here" "Good idea" Tatakutosvika hedu pamashops,tichibva tananga pamhene yataida and takafara nekuti aka offer kutenga nema $7 per bird Saka taitoda kuzonoona kuti angaite mangani. "Hona daddy Rizi",akadaro Tambu "Vauya,ahh vauya nhasi hanzii hanty vanosiuya Kuma 29_30 ikoko here daddy vako" "Ndoreva vako",Mufaro wangu wakatombisuduruka ndichibva ndacheuka ndokuona vanonzi baba vangu vakaita kumira vakatarisa vanhu vaizvinwira doro ravo.uku vavakapfeka spaghetti top yaitosiya dumbu rese panze,ne ka jean trousers kadiki diki,mamirire avavakaita aitove ekuratidza kuti vaitidawo Doro iroro. "Iwe Huhwa,ibvapo uri kukupfura nemhepo uchatirutsisa wane mazuva mangani usina kugeza",akadaro umwe Murume ainwa doro,and kuti Huhwa raive word rinoreva kuti mupengo. "Ndipeiwo mukoma ndingoti dzvutu huro yatsva",vakadaira baba vangu "Kana uchida ndikupe tanga wandiudza kuti wane mazuva mangani usati wageza" "Ese",vakadaira vachiisa ruoko kuti vapiwe doro Vese ipapo vakabva vaseka,one wacho akazoti,"Huhwa iri doro hatikupeba,iziya redu iri,mabhachi edu aya,tikudya Mari yekuroorwa kwemwana wedu" Umwe akati "iye hanti anonzi ane mhandara yakura here,Huhwa roodza mwana umwe doro kkkkk gegege" "Uyo mwana wacho uyo akamira apo",hameno kuti ndianiko akandiziva vese bvavatarisa kwataive. Pandakada kuti ndifambe a step,ndakanzwa kunzi dzvii zvine Simba,kucheuka kudai kuona ndi baba vangu. "Eliza mwanangu,vaudzo vandipo doro",ndomadeedzere avaindiita Vanhu vese vainditi Rizi but ava vaiti Eliza. "Ndisiyei mhani" "Uyu mamuona mwana wangu",vakadaro vachindidhonzera kuvanhu Vaya uku Tambu handina kuzomboona kuti aendepi,apa baba vangu vavakaita kundibata zvine Simba. "Tamuona mudhara mwana wenyu" "Chindipo huro one chete",vakadaro ruoko one ruchikumbira rumwe rwakangondibata chete. "Unotipa mwana wako here Huhwa" "Oi ndipeio Kani",vakadaro vakutonzwisa Tsitsi and zvairatidza kuti doro vaitorida. "Ahh ini handiroore mwana we zengenene,yuwii ko akahakira baba vake gaya unodzipwa husiku",vese vakabva vati pwati kuseka "Haa plus uyu akatofanana chiso chake na Huhwa Ii kana ndigare nehuhwa Mumba haa bodo",vavakutoita kunakidzwa nekuseka Kani,uku kuti ndipfakanyike paisabudika ndandakaita kubatwa zvinesimba I once heard kuti benzi rine Simba risingaite. "Huhwa nemwana wako mukunhuwa wet Amana",vaidaro vachibva vaseka. "Ndisiyei Kani,dakuenda" "Ndiri daddy vako mwanangu,ukuda kutengerwei,Uda mota here ukudei ndiiutengere",vakadaro vanditarisa "Tanga wazvitengera doro Huhwa wozotengera ka huhwaless mota asi yemawayaka",zvaivanakidza voseka. Ndakashaya kuti ndodii,uyuwo Tambu ainge aenda ndofunga anga atiza,ndozvatinosiita tikangovaona tinotiza manje apa anga atiza achindisiya. Ndiri mukati mekushishikana kudaro ndakanzwa vandisiya ndokuona vachiita kuombera maoko kutarisa kudai kuona ndi Tambu aivatambidza ma Nyati maviri. Chandakangoita kurova speed ndichibva pedyo navo.Tambu achiteverawo. Ndakazozorora ndatoona kuti tava kure and havasi kutevera. "Waita hako Tambu' "Shaa ndandatopererwa ndashaya kuti ndodii" "Haa wauya at the right time inzwa maoko angu ne side iri zvakungonhuwa" "Wotonogeza hako,iwe hanzi nemusikana wemushop mandatenga hanzi havatengerwe doro kwanzi everyday vane vakutokutsoma iye anoti akatozovarova be broom kuti zvipere" "Ahh manje vanokuwanira kupi hanty wangotenga uri kuno vanokuwanira kupi" "Rizi type idzi manje dzine sharp memory ndopekut dzikazongondiona manje pese pese ndendakungonzi nditengero" "Ahh manje wazviparira haiwa wauchazviitirei" "Dzoro rako Rizi hautende nhai,dai pasina ma super iwayo hanty dai vavakangokubata chete nazvino,instead yekuti ndatengera baba vako chinwiwa wakutoganza hako hauko iwewe" "Ndiriko mhani tambudzo " "Kwana it's Tambudzai uko,ndosaka wadyirwa tumanyana twako kkkkk" "Manje handiribate sadza iroro nhasi vanodya Vega" "Nyasonovaramwira Rizi handei nekumba kwedu toribvonga woenda wakanyazoguta usazofendaka uchibaramwira" "Good idea" Takabva tatoenda hedu kwana Tambu ndokunobika tikadya ndokusuka. "Asi Rizi ka ndikuona senge kuti tisatengese mazai iwe,Mari inobudaa pahanga iri one is enough than kutengesa mazai,look anytime hanga dzikuenda ku off season yekukandira so tetakudii it's better tingoziva kuti tichange tichipa huku mazai dzichirarira totengesa dzava hanga" "Tambu pfungwa dzako ndodzega dzandakada kuramba nadzo only pazvinhu zvese,haa wangu unobatanidza" "Ndendichingoitirawo kuti usazondikanganwawo one wapachandoka" "Pachando ndendaenda manje ndichinoitei" "Wangu,hausati wambozvinzwa here kana kuzviverenga kuti vanhu vanokura life yekujoinidzidzira joinidzira iyi ndovanhu vanova successful in life manje,gaya yaunoitwa nemachembere ako,gaya sekerwe yaunoitwa tichifamba muroad uchinzi mwana we Zengenene,look Rizi ese aya ma testimonies emangwana aya,dzichava nhoroondo" "Iwe inyaya dzemuma movie dzaukutaura idzi Tambu nemumabook haiwa uchaonaka tochonera paruzevha iwe" "Ndati Yako nyaya inofanira kungonzi mwana we zengenene uya ,ndiri panoo ka ndichakuti Hi oneday ko Shona une usisatotaure kkk" "Handiende manje ndane energy yekunyasonotsamwira tsuro yangu manje" Ndakaoneka ndoku..,, End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 47

Comments