
Cooking & Baking ZW 🇿🇼
February 28, 2025 at 08:34 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40
Pindai titangire pamwechete mashura amai Rossah aya Pindai umu .
https://chat.whatsapp.com/FgrkiGxuoG27N5gFwRkjSn
Our group link iyi pindai
Mai Rossah
By
Mai Maka aka Masimboti
0786923205(calls and sms'only)
Chapter 1
Mai Rossah (Firidha )
"Haaaa handidi zvekuenderwa mberi seweti ini .vhura door iri tione apa "
Vakakava door riye raive risina kusimba rikawira mukati Rossah akabva ati
"Mama mukai dad vauya avo"
Aitaura nevoice raishaker mwana wangu baba vake vakabva vapinda vakati
"Muchakamuka nazvino here pamba pano "
"Ayehwa tanga tavata baba "
Ndakadaro vachibva vati
"Manga.musina kukotsira.Ndamunzwa Rossah achindituka apa ,worse zvinyadzi.Andituka zvitsverudzi mwana wako ndizvoka a mwana haana kumbokutukai dady ,Rossah ndiye anokasika kurara pane vose anenge aneta kumhanyira makombi "
"Unondiita sascum mai Rossah mwana anga achitaura manje manje apa unoti ndakadhakwa nhai "
"Hamuna kudhakwa Dady wani ndiri kutaura zvakanaka "
"Sadza ngariuye zvaro unozoti baba vaye vanoda zvinhu "
"Sadza hapana ,hatina hupfu "
"Uri mukadzi rudziiko nhai iwe .Wadii kutenga hupfu hwacho .Wamboshanda mariiko nhasi wacho?"
"Kwanga kusina mari ndangoshanda 3 dolas chete .Ndatenga mafuta katsaona ke dola nemafuta ekuzora "
"Ko rimwe dola rachona waisepi .?"
"Ndanga ndichitika mangwana ndowana pekutangira kuhodha kune vaye vanouya nemafruits ."
"Ndipe hero kuno .Ndinodarika ndichikupai kana ndave kubva kubasa kwangu uko ."
Kubasa kwacho kwaitaurwa handina kuziva kuti ndekupi nekuti mazuva ose vaingotenderera vachibuda kuseni kuti vari kuenda kubasa kwavo .Kuti vauye nechinhu pamba hapana chandaiona .Ndakabviswa mundangariro idzi nevoice ravo raive gobvu vakati
"Ndipei zvamabika "
"Hatina kubika "
"Muchivata nenzara nevana
6 here ? Zvinoitawo here izvozvo?"
"Hazviite Dady asi panga pasina option "
vakabva vati
"Ndokubvisa muromo unenge makandangari anenge gambi rambuya aRhodha iwoyo "
Mbuya waRhodha wacho waive nebase raitengesa mbanje Saka vanogona vairiziva zvavo zvaisazivikanwa izvi .
Ndakabva ndatoenda pa mute chaipo .Vakaseka ndikasimuka ndafunga kuti maive masara mapine apple maviri mudengu rekumusika nemango maparafini 4 ,Vaisada mango so ndakatora zvima pine apple zvangu ndikamenya 3 ndikada kucheka vakandipa mbama yekuti ndakanzwa weti kuti tsvoti ikadxika muzvidya cz ndaisave nepant ,racho raivepo ndakange ndariwacha .Ndiro raive rekumusika oma ndikupfeke .Ndakanzi
"Unobata zvihenge (pine apple )usina kugeza maoko iwayo handiti wanga warara apa uchikwenya zasi yako yakaora iyoyo netsvina "
"Aiwa Dady "
Ndakapindura ndichipinza chidress pakati kuti chijegere weti yaibuda vakabva vazviona vakati
"Nhai iwe Firidha ,saka uri kutoitaka weti ipapo .Dundira rako rakasikwa sei ,ndiwe kutodzesa vana vose kuchururudza magudza angu newetika ? "
Rekuberekwa ndainzika Benfilder Mushambi .So ndakakura vanhu vachingoti Firidha Firidha .
"Handina kuita weti Dady "
Rossah ndaimuona asina kurara ndichinamata kuti vasazvione baba vake ,Ndakabva ndatogeza maoko faster kwave kupedzisa kuvamenyera ndikawaza tusalt vakaruma chimwechete vakati
"Handirarire nanazi ini bvisa apa "
Vakakava ndiro ndikademba kuti ndakange ndabvisirei stuff yepamusika .Vakada kurara vakatadza,vakamuka vakatora mango two vakadzidya vachiridza mukanwa kuita sekahanda .Ndakabatikana ndikabva ndamedza mate kurwadziwa nestuff yangu .
Vakadzvova vachibva vatanga kurutsira mumba imomo .Mango dzinenge dzakanomuzhungunda nedoro riye vachibva varutsira mumba mumagumbezi edu .
"Ndipoo mvura "
Ndakamhanya kuvapa vakakuchukudza muromo vachisvipira muchemba yandaive ndakacheka chigubhu chi 5 ltrs Soo . Rossah aisanzwa veduweee ndaimuona akatarisa zvake .Vakati vapedza kurutsa vakati
"Huya apa ndidye iwewe handiti watadza kundibikira sadza rekuti ndidyeka "
"Vana vanomuka baba Rossah hazvichaite izvi zvekuita umburu vana vachiona"
"Vana varara kare plus Rossah grade 4 ave kuziva zvose , hapana chinyowani ipapo huya tione ndave nenguva newe "
Rossah aive ne11 years vaingoti zvavo grade 4 vachimuenzanisa nevamwe vezera rake asi Rossah wangu aisaenda kuchikoro uyu .Kutoshayiwa mari chaiko .Ndairarama nehwakumukwaku from hand to mouth ndiyo yandaiita iyoyo .
Vakange vaita 4 days vasingarare pamba and iniwo ndaisazvipatikira kuvatsvaga .Ndaitoita zvekumusika kwangu zvopera .Ndaisada kurohwa nyoro ini ndikabva ndatora macondom andakange ndapihwa kuclinic mushure mekunge vandipa STI vakaramba kurapwa zvakare so apa nurse vange vakurudzirawo kuti ndishandise protection.
"Wakamawana kupi macondom?"
"Kuchipatara"
"Wakapihwa naani ,wave kudanana nemanurse anotenga kumusika kwakoka "
"Aiwa baba Rossah handina kumboda......"
Handina kuupedza muromo iwoyo ndapihwa mbama yakavhara nzeve dzangu vakati
"Unoda kundihurira iyewe pano handitika "
"Handihuri baba Rooo ...."
"Iwe unenge une mangoromera chete iwe ekuhura "
Ndakazhakwa vapedza vakabva vanditi
"Bata apa "
Chaive chigubhu chaive nemvura chi 20 ltrs vachibva vauya shure kwangu .Vakanon'ona mukati mepunana yangu vachibva vafemhedza vakati
"Ohhh uri kunhuwa mauronyo (sperm ) Mai Rossah ndeani ?"
"Handina mauronyo baba Rossah .Bonde ndakatopedzisira kuriita paye pandakazorwara nechirwere chepabonde "
"Saka uri kuzama kuti ndiani akakupa ,ndinika ?"
"Aiwa hamusirimi baba Rossah "
"Kana uchiziva zvako nyaya zvakanaka .Asizve handikwanise kurara newe nezvauri kuita izvi .wambogeza iyewe "
Vaidaro vachitowedzera kundikurunga vakazoti
"Ndouya manje manje wanzwaka Mai Rossah "
Ndakafara ndikabva ndatora chiwesi chataigezesa tose nevana ndikapukuta pakati pemakumbo angu kukanganwa kuti Rossah akamuka akabva ati
"Vanga vachikuisai chii mama ,Zvairwadza here ?"
"Iwe Rossah imbonyarara zvimwe zvacho .Uri kuwedzera kundipa stress ipapa .Unoti Dady vako vanondipa stress ishoma here "
Akabva arara mwana wangu ndikanzwa tsitsi kuti deno andiita mwana aitozoona zvose zvaiitika uyu .Hatina kumboita 40 minutes takarara .Ndakatanga kunzwa mavoices seevanhu vaiuya pamba ndikasimuka kudongorera nepakawindow kaivepo ketriangle.Chimba chaive chema cardbox neplastic kunze ndikaona ndivo baba Rossah.At least Rossah akange atorara zvake .Vakabva vapinda ndikashayiwa kuziva kuti waive naani aive akapfeka katiketi kanogumira pakanotangira vakati
"Mai Rossah ndadzoka asizve kunze kwanaya uku ndaida musebere uko nevana vako ndoda kurarawo apa "
"Makasimba here ?"
I said kumukadzi uya aive akapenda muromo kunge shure yegudo akabva aramba akandinyararira akati
Josh kasira shaaa une plan here .mind you chikwereti hachidi drama rose iri ndizvoka "
Ndivoka vainzi Josh ,Zita ravo chairo raive rekuti Joshua ,iri Josh yaive short cut chete .
"Haunzwi here Firidha iwewe "
"Matii Dady "
"Iwe ndati unganidza masaga ako one side apo "
"Ahh munoreva vana here ?"
"Ita faster shaa ingadai watopedza."
Ummmm aida kuita sex nemunhu wake ini ndirimo nevana .Kunze kwacho kwakabva kwaitawo sekwavhurirwa ndikabva ndaona kuti vadiki ava vaigona kurara chero kuvashifter asizve kwaive naRossah aitomuka chete .Ndakavazvuva pasaga ipapo ndichibva ndaona amuka Rossah akati
"Mukutiisa divi rinonaya mama "
"Muka Rossah ndoda undiperekedzewo "
"Kupi mama ?"
"Kusango kutoilet "
Akatsokota maziso mwana wangu akabva ati
"Maswera sei Dady ,maswera sei "
Hure riya harina kudavira asi mwana akange amhoresa nemoyo wose .Ndakatora kazambiya ndikafugidza Rossah tikabuda .Maida ndiudzewo mwana kuti muno mune Lula Lula ngatibve muno zvichiitawo here .Ndakakwidza naye muchinga megomo maicherwa makomba mumine yeku Gaika kumaChina kumakorokoza emuKwekwe mataishandisa kuita toilet.Taitoenda nemapadza ekucherera .Taisave netoilet pamba pedu .Takange takaisa zvimacardbox kuita dzimba tichibva mu Amavheni ndimo mataigara kuD so marentals akange atidzingawo kubva ikoko tikauya kunokaka matende asi kwairambidzwa .Taizviona musi waiuya porisi .Kazhinji taiyedzerwa tiri kuAmavheni police station tatorwa tose .Vanhu vazhinji vairamba vachiita zveku
So ndakapindamo ndikanyepera mudumbu kwave kutora nguva ndakatonona ipapo .Ndaitargetaka time yababa Rossah yekupedza basa .Ndakabva ndatonona kwe 10 minutes kusvika mwana ave kubvunza kuti
"mama muchiri kuitei ipapo marwara here mama ndinoshevedze Dady "
"Ndatopedza Rossah mwanangu usatye ndopedza ndiri right inyaya yekungoti ndaita mudumbu chete "
Akamira mwana .Takazodzoka pamusasa imi woye ,kunzwa kuti mumba mune vanhu vari kuita bonde ndichiri kugedhe chaiko .Ndakavanyarira zvangu ndiri muberere memba kuhwanda mvura ndichifunga kuti ko vana vaisamuka here nenoise .Vakapedza ndikabva ndapinda ndisina kunzi pindai .Veduwe ndakaona ninji chairo , Mukadzi uye ainanzva jnr wababa Rossah ndikanzwa kutya .Kwaitove kudya mauronyoka ,avo vese imagine.Kwaisave kupenga here ikoko .Hameno kuti aisarwara nazvo here nekuti airatidza kuti aive munhu wehusiku .
Vaitouya as far as Harare nekuti Kwekwe yaitozivikanwa se city of love .Maitenderera mari in all sectors .
Iwo ma Commercial sex workers aya aiwanawo nepaaigona isu vana Mai Rossah taidzoswa shure naana baba Rossah vaisada kushanda vaititorera mari ukangoita kamari . Ndakanzwa kutya ndichiona zvinhu zvakadaro.Chakazondirwadza waive vana vangu .Waive vakaita kuungana mucorner vachiona mashura akadai .I think vaitoti dad vari kurova munhu pamwe .Ndakabva ndaignore vekunanzvana ndikati
"Rossah bereka Reuben uyo "
Reuben aive negore ne 5 months ari iye mudiki .Akatakurwa naSis vake ndikatika ndubude zvangu panze nevana since kwainaya .Ndakabuda iye kana kunyara kuti vana vari kunayiwa. lni ndakaona kuti vaitoda kuitazve kepiri ndikati better kunorara mumacabin kumusika kwataitengesera .Takasvika kumusika kuye vanhu vatopera kuparara vose.Tainowaridza ikoko vanhu vachitenga .Taihodha kune vaibva kuZhombe nemafruits ndiwo andaitengesa .Takabva tasvika kuye ndikawaridzira vana macardbox aivepo .Yakatirikita tiripo mvura kusvika kuchene .Ndipozve paisvikira makombi aienda kutown ku Amavheni kumashops .
Ndakaona kuti kwachena taifanira kudzoka kumba. lzvi zvekuti vanhu vose vaizosvika pamusika ndakati churururu nevana haai zvaisaita .Ndakaenda kumba ndikasvika sure Mai iye ichitobudawo padoor ichiti
"Ndouya kumari Yangu manheru usandiudze ngano manheru sezvawaita apa .Ungaite pungwe uchindisandurudza pasina kana cent ?,ndiitiroo mushe manheru ndiri kuda mari yangu pano wanzwaka "
"Unouya ipapa ndave kutongwavha ngwavha sooo usatye "
Ndakasekera mumoyo ndichiti aiiwanepi mari .Ini manje ndakaziva zvangu kuti aitemba ini kana ndichinge ndatengesa .Manje ndaisakuenda kumusika kwacho .
Ndakatosvika nekutora pineapple one mumba ndikamenyera vana vakadya .Ndakazoisa porridge kuma10 nekuti hupfu hwachona hwaisakwana kubika sadza .
Iye hameno kwaaive aenda .Akadzoka ndave kupakura porridge ndikabva ndafunga kuti kumupa here porridge revana raikwana ani .Akabva atoti
"Mai Rossah ndipoo shaaa nzara yandinayo ma one .Handina kuzodya paye nezuro ."
Ndakada kumubvunza kuti aitadza kunzwa nzara nei iye akarara achishedega hure rake .
Nxcooo ndakamupakurira ini maida ndidii zvangu .Ndakaisa muma cup etumbler iye akati
"Nhasi hamusi kuenda kumusika nei ?"
"Haaaa hakuna mari uku nhasi ndombozorora zvangu yekuhodha handitorina zvangu "
"Hamuchatambi ma society enyu epazuva here .?"
Taitamba asi ini yangu yaibva yangoperera mukutenga hupfu hwezuva rachona iroro zvobva zvatovharana zvakadaro .Ndaizongosara ne3 dolas yaikwana kuhodha. so apa akange anditorera dola randaive naroka.Ndakaziva kuti shasha iyi yaida kuti ndinotsvage mari yekuti abhadhare chikwereti chake chemujolo .Ndaisaita zvakadaro izvozvo .I was tired nemunhu aingoramba achindirova achinditorera mari yangu .
Ndakabva ndanzwa
"Gogogoi pano "
Aive mwana wamai Shanti wekumusika wataitengesa naye .Ndakabva ndaziva kuti chachaya. ndini ndaive nesociety yeday iri .So ndakada kusimuka kubuda panze ndikatangirwa nemwana akabva atopinda Mumba ndisati ndabuda achibva ati
"Maswera sei mama "
"Mhoro Shanti waswera sei zvako ?"
"Ndaswera mama .Ndanga ndatumwa namama .Vati ivo wave kubuda kuenda kunhamo asi vanhu vanga vatouyisa mari dzesociety dzavo saka vabva vandipa mari yenyu iyi $5 .
Veduwee ndakaita mudumbu .Shantie aivaziva wani ko kuti bvooo varipo hanziiko .Shanti aive mukuru kuna Rossah negore rimwechete .
Ndakabva ndati
"Waita zvako mwanangu vanobuda nguvai mama ndanga ndichifunga kubatana navo ,chidzoka nemari iyi uti zvanzi namama chengetai tozoita yebhazi since vanga vati ivo havana mari vanozondidzosera "
Mwana akabva abata munyati wachona akabva ati
"Okay mama regai ndidzoke nayo" .
Vakasimuka baba Rossah vakati
"Unodzosa mari mumba musina hupfu here ?"
"Ndiri kuda kuenda kunhamo baba Rossah "
"Unoda kuenda kunonyengwa nemagweja ari kubva muma China umu here.Hakuna munhu ari kuenda kuZhombe pano .mwana akabva anzi
"Ndipe heyo Shanti mari yacho "
Shanti akahesitator ndikamutinya kuti atize asi akanonoka mwana achibva abatwa ruoko vakatora mari iya .Rossah aivemo ndikaona pameso pake pachifinyama kurwadziwa nemari yangu yaive yatorwa .Aisaenda kuchikoro Rossah wangu saka akabva atoti
"Mama ndipei ndinotenge hupfu "
Zvaive nane kutenga hupfu hwacho pane kuti dady vake vaitore mari iyoyo .Taisawana kana cent ipapo pamari iyoyo .
Ndakapfugama pasi ndikati
"Baba Rossah ndokumbirawo Mari yamatora yehupfu "
"Iwe iwe ndoda kunotenga ini .Ndoenda kuShekwe uko ndinowana wakachipa pane kuno unoita 7 dolas .Uko hunochipa $4.50 ndobva ndatenga nefish 4 pa 50 cents yachona ."
"Aiwa dady hamutori mari yamama hamuuyi nayo "
Vakabva vapa Rossah gwati rekuti mwana akazeya achibva ati pfaru pfaru akagonya akadaro ndikashayiwa mweya wekusimuka pandaive kunobata mwana ndave kunzwa hana yangu kurova .Paakapfakanyika mwana wangu kubva muvafi handizivi kuti simba ndakariwana kupi .Ndakabva ndaita zvekusimuka nesimba rangu rose ndikabata baba Rossah huro ndikabva ndaramba ndakaidzvanya .Vakandikunda Simba vachibva vandidzvinya vakandidonhedzera pasi ndakarara pasi nemanje vakati
"Ndokuuraya Firidha wanzwaka "
"Ndisiyeyi baba Rossah ndipei Mari yangu apa aah "
Ndakakosora ndikabva ndanzwa mweya uchipera ndikati
"Roooosaaaaah ndofa "
Rossah akabva atora badza kuseri wedoor achibva angoriregedzera baba vake mumusoro ukabva waita zvimedu zviviri chaizvo .Imi woyeee Rossah aiiteiko veduweee.Haana kumira ipapo .Akabva atanga kuujajada ini ndichinzwa Simba kupera ndkarara pasi ipapo .Anenge akatema ka6 kusvika Shanti ati
"Wafa iwe Rossah chivasiya ."
Akabva ananga pahomwe dzadad vake achibva atora $5 dolas iya akati .
"Mama oyiiii mari yenyu iyi "
Achifemera pamusoro sendere .
"Rossah waitei ?"
"Mama mukupedza nguva ipapo ,mukai tinovaise muSebakwe river "
Sebakwe rwaive rwizi rwuhombe rwairasirwa nema tributaries hobho hobho kubva kunaana Kwekwe river nemamwe akawanda marwizi makuru .
"Rossah "
"Ehe mama tonovaisa kudziva rama Paurosi vadyiwe nengwena "
Tairiti dziva ramaPaurosi nekuti pakafira Mai Paurosi vachiwacha ,kudyiwa nengwena so aida kuti dad vake vadyiwe nengwena here mwana uyu .Ndakatadza kana kubuditsa misodzi Rossah naShanti vachibva vatanga kuvamunira mugumbezi ,Ko vaisatya chitunha here vana ava veduweee. Ndaichiitisei chitunha chaJoshua .
Rossah ka , surrend.
End of chapter 1
Ma likes ndomada guys
Share this book please please
❤️
😢
7