
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
February 18, 2025 at 02:25 PM
🤍✨🤍✨🤍✨🤍✨🤍
*TAMED*
[Life humbled me]
GROUP LINK
https://chat.whatsapp.com/HjjBxYMe1CpAEMyNe6k8Pq
MORE UPDATES ON OUR CHANNEL:
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
*Story by : Atipa & Thando*
CHAPTER 4
*Taylor*
Mainini : yuwi Jehovah wehondo zvondobaiwa moyo amaiweee.
Mupurisa wasabhuku : ndarumwa amai kani ndarumwa.
Mainini : warumwa neiko. Baba vanguwee zvondofa muripo. Chirengai kujatika pamusoro pangu nhai baba imi munondibaya nduru ikaputika apa.
Ndakaseka zvangu ndiri pachikwenzi chandaive ndakahwanda. Ndaive ndazovagona baba vezuda raipenya vaya. Kuda ndiro raiita vadiwe namainini vangu kunyangwe hazvo vaiva nemhuri. Ndainge ndavanama nerekeni panyama nhete yavaive vakasasika panze senyama yegudo vari pamusoro pamainini vangu. Pandakaona vakusumuka ndakabva ndangoti verere nemumiti ndichidzokera kumba. Moyo waive uzere nemufaro chaizvo. Ndichingosvika mumba ndakabva ndanzwa mainini vachibhidhaira panze vachiita kupopota zvavo.
Mainini : aripi mwana wa Munana ndinoda andiudze kuti daka rake neni riri pai chaizvo. Mwana wepi asina hunhu anonyangira panotambira mai achisiya avhiringa zvinhu. Ini Maidei ndirambiwe nemupurisa wasabhuku nekuda kwechana chitoko ichocho. Iwe Taylor! Taylor buda pano zvako kasira !
Ndakaramba ndiri zii zvangu ndakamira kuseri kugonhi remumba yekubikira. Ndakazonzwa vapinda vachiita kuvira nehasha zvavo mainini vangu ini rambe ndinyerere. Pavakandishaya vakabva vagara pabhenji vachitaura vega . Pavakazoenda kuchikuva kwaive nemigoro yemvura ndipo pavakandiona. Ndisati ndatombotiza ndainge ndabatwa zvangu ndichiita kugogodzwa musoro necup yavaive vakabata.
Mainini : musoro uyu wakazara mazerere chaiwo. Ikozvino pfungwa hadzisi stable dziri kutsvedza sedzakagara pamunhanzva. Chokwadi makunakuna api ekuti unouya kuzondidongorera kudondo uko uchisiya wavhiringa zvinhu.
Me : mainini murikundikuvadza kani.
Mainini : aiwa Taylor ndaneta newe chokwadi. Aiwa ikozvino ndarambwa manje. Unoti chikafu ndichachiwanepi hee. Sei uchimamira paunodyira iwe. Aiwa nhasi chaiye ndinotovafonera mai vako uende zvako kwavari ini ndakutadza.
Vakaburitsa kambudzi kavo vakafonera mai vangu vaive joni vachivatsanagurira. Vakazondibhowa pakutaura nyaya vachisirira. Shuwa munhu kungoti ndanama mupurisa wasabhuku nerekeni vachitadza kutaura kuti ndavabatikidza vachiita bonde muchitondo. Vakabva vatotsanangurira mai vangu kuti havachakwanise kugara neni. Ndakabva ndatonzi kuseni ndaimukira kubhazi ndakananga Harare kwatete vangu hanzvadzi yababa. Zita ndinonzi Taylor Junior Gombera. Ndiri mukomana ane makore 17 , ndakaberekwa ndiri umwe chete namai vangu vachibva vazorambana nababa pavakamitisa umwe mukadzi.
Mushure memazuva varambana baba vakabva vafa nechirwere cheshuga. Ndakamborerwa naambuya mai vababa vachibva vazoshayawo ndokuenda kwandakaita kunogara namainini munin'ina waamai mumapurazi eku Marirangwe tichienda kuMhondoro uko. Chokwadi chandakatemera mupurisa wasabhuku nedombo ndechekuti mwana wake ainge andiramba saka hazvaigona kuti adye mainini vangu ndakatarisa iye mwana wake achindisungira zvinhu. Kunze kuchiedza ndakaperekedzwa namainini kunotora transfer letter nekutosiiwa ndakwira combi. Ndakawana tete vakandigarira pambudzi ndokuenda neni kumba kwavo ku Budiriro 3.
Ndakatsvagirwa nzvimbo kwakuiwana pa Glen View high 2 nekutoenderera mberi nehupenyu. Tete vangu vaiva ne tuckshop saka ndaiita ndichimbonoshandako ndabva kuchikoro nema weekends. Handina kutana kujaira nzvimbo plus advantage yekugara mutuckshop ndaiona type ne type dzemababe. Pakazopera svondo ndaive ndatova nevasikana vangu two. Ko vaimbonetsa here kunyengerera, ndaingovanokorerawo mamints ekutengesa iwayo ndichivapa. Tete vangu vaive cool zvekuti vasinganetsi. Ma school days taingove ini , tete , Ruvimbo mwana wavo musikana mudiki na tsano murume wavo. Vamwe vana vavo two vahombe vaive kuma boarding umwe ari form 6 mukomana , ne form 4 musikana.
Days went by zvinhu zvichifaya vasikana ndanga ndatove nevatatu. Zvino rimwe zuva ndabva kuchikoro ndakabva ndaenda kutuckshop ndichida kunochinja tete ndokuwana kune bongozozo. Vaive mbuya Rudo vaive vauya nemuzukuru wavo wandainge ndichidanana naye hameno vaidei. Lucky hapana akandiona kuti ndasvika ndakabva ndangopinda mu barber raive paside pe tuckshop ndokuhwanda imomo . Rakaita bongozozo pa tuckshop vasikana vangu vachirwa. Ko Mercy ainge azosvikawo ndokunzwa Rudo achitaura zvekuti ndiri mukomana wake ndipo pavakatanga kunetsana. Ukuwo vatete nambuya Rudo vaitukana zvekuti nenyaya yekupa zvinhu zvemu tuckshop kumuzukuru wavo.
Pakazopera bongozozo vanhu vaenda ndipo pandakaenda mutuckshop maiva natete ndichiita sepasina chandiri kuziva zvangu. Ndaiti tete vachavhunza kana kupopota asi vakatondikwazisa nemufaro ndokunditi ndidzokere kumba kunoita basa ivo vachiita zvemu tuckshop vega. Pavakazouya kumba manheru vakavava tete vangu zvandaisatarisira. Asi zviri zvekutukwa ndainge ndajaira ini zvaingopinda zvichibuda. Chainge chavarwadza zvinhu zvandaipa vanhu zvisina kubhadharwa saka kubva zuva iroro ndakabva ndatanga zvekuenda kuzvindege kwaienda vamwe. Apa ndaive ndamboramba kaa ndichiti njuga dzinopa hurombe asi pasina mazuva ndini ndakange ndave number 1 kupinda mu Mwos ndichinoita zve betting.
Me : tete oyi ..
Ndakataura ndichivasvitsa $30 dollars. Yaitove friday madoka pandakapfuura ndichitora mari yandaive ndahwina pabetting iri pa Tichagarika pamashops after ndahwina. Yaive $50 saka ndakasarawo neka $20 kandaida kugovanisa barika rangu neyekuzono kanda futi ku betting pamagame e weekend.
Tete : waionepi mari iyi Taylor.
Me : ndaihwina ku betting.
Tete : nhai Tay watanga zvenjuga shuwa. Ukuda kuita rombe rekupedzisira here nhai mwana wehanzvadzi yangu. Tarisa uone mamarks ako kuchikoro haasi kufadza. Pa consultation mateacher ako ese ayi complainer asi hauna kana mwedzi miviri uri pano. Mari ndinoida zvangu asi kwete iyi.
Me : tete kani musadarozvee munondiomesera. Ndinoverenga hangu mabook kutanga nhasi chaiye asi mari torai mubatsirikewo. Ndisiyei ndiite zve betting ndichitokubatsiraiwo kana ndaita mhanza kudai pane kuti ndipote ndichiba zvinhu mutuckshop.
Tete : haya wati pane pandingakuramwe here uriwe wega hama yandinotarisawo sababa. Nhamo yekubarwa tiri vaviri iyi apa musha wacho wobva waparara ndichisiiwa nemi mega muri vaviri na Talisy. Izvezvi mai vake varikuchema zuva nezuva kuti haanzwe. Ndoshaya makatoodza ani muri vaviri aaah. Vana vaTaylor mandishungurudza.
Ndakavanyengerera kusvika vatora mari iye. Rimwe zuva ndakanzi natete ndiende kuno hoarder iri weekend kwakumbopfuura nemu mwos ndichibva ndafunga zvekuspinner mari kuti iwande. Ndakabva nda beta live game zvino team yangu half time yakabva yatadza kuburitsa kana score. Ndakabva nda toper mari ndikati parinopera ndinodzora chete asi 90 mins dzakakwana njuga dzakaremera kumusoro setsvimbo. Ndaive ndasara nemari shoma shoma chaiyo zvekuti ndakazongotenga pack rema zap nemaputi. Kana zveshuga zvandaive ndatumwa zvakaramba kubatana. Ndakasvika kumba ndakauna una semunhu asangana nematsotsi. Kana zvekunyepa nazvo ndakazvishaya.
Tete vachiona ndisina chinhu apa ndanonoka kudzoka zvekare vakavira nehasha ndikarohwa zvandanga ndisina kutarisira. Ini netuhasha twangu ndaive ndisati ndamborohwa kudaro ndakabva ndakwira zvangu mumu avocado waive pamba. Ndakavanzwa tete vachishushikana vachinditsvaga asi ndakaramba ndakanyarara . Pave paye ndipo pandakazoonekwa naCharity mwana wavo mudiki achibva avaudza. Vakadoedza kundibaya nechimuti asi handina kuburuka kusvika vanorara. Ndakazoburuka mumuti kwachena ndichiienda kunodya sezvo ndaiva ndanzwa nenzara. Kana zvese zvekutsamwa nhema ndakazvitsveta padivi ndavekumboita zvekugutsa dumbu .
Tete
Chokwadi nhamo yaibvi paneimwe mufunge. Ndoti kuzvarwa tiri vaviri badzi pedzezvo Mwari bvavanditorera hanzvadzi yangu yoga zvose navabereki. Ndaitiwozve ivo vana vangu Taylor vaakasiya vaviri ndipowo paneziso rangu asi vana vacho kuti nditi vakagarwa here ndinozvishaya. Baba vavo vaive vasina kumbodaro. Vaive vakanyararisa zvekuti pavakamitisa mai Talisy zvakatora nguva kuti ndizvitende. Zvino uyu Junior misikanzwa yacho yakaoma kwazvo. Apa hushwindi hwacho hwaaive naho wekuti kutsiurwa aibva aramwa nekurara mumba kose hwaityisa. Kuti ndimuramwe zvaindirambira nekuti ndipowo pandaipedzera chishuwo chekuva nehanzvadzi.
Ndakamutarisa paakapinda mumba aburuka mumuti maakarara. Ko kuzozvininipisa kunge munhu kwaye iye anga andirasira mari yangu yose ye business. Kuneimwe misikanzwa yekuti unoti mwana asi kwete izvi zvekutuma munhu case reshuga nerice onouya akabata mazap nemaputi. Akanatsozvityora zvake Tay kuita hanzvadzi yangu paigere kwava kundikwazisa. Akandimutsa nemufaro mukuru ndokubva ndamutambidza ndiro yechikafu. Pane pandaida kutswamwa kusvika rinhiko nhai iyo yaive yatodeuka. Mari yeku hoarder ndaive ndisisina. Apa hana yairova kuti nhaka gore rino ndaidzingwa pamba nemurume business rawira mudondo.
Apedza kudya Tay akabva asuka ndokurongedza ndiro. Akatora mutsvairo ndokutsvaira akashaina mumba kusiya mava kupenya zvaanga asati akamboita. Akabva anovhura ku tuckshop ndokuswera achitengesa zvishoma zvaivamo. Paakaunza mari manheru ndakaona pakashota dollar ndakaziva kuti ndiye atora ende riri kuenda ku betting. Kana kuti utsiure unotoshaya pekutangira. Munhu wandakarova zuro nhasi ndorova zvee here. Ndakangopeta maoko angu ndakanyarara ndakatarisa. Achipedza kudya zvamanheru akabva abuda ndokunorara kutuckshop zvake.
Me : hello
Ndakadaro ndichidaira phone yainge yarira ichindibvisa mundangariro. Vaive mai Talisy vainge vafona. Nechemumoyo ndakangoti henaro mwana wehanzvadzi yangu apara ipi futi zuva rino. Aitove makuseni ndiri mushishi kugadzira mumba uyu Tay ainge asati adzoka kutuckshop kwaaive arara.
Mai Tali : tete ikozvino ndazvitadza. Aiwa ndakazama asi iii pana Talisy ndageza maoko sapirato tete hi hi hi.
Me : hazvo ko zvomochema nhai maiguru pasi kana chisvinu chamareva. Adiiko sazita wangu husiku huno.
Mai Tali : tete zvandaitirwa na Talisy zvikukutu. Izvezvi ndanonuramwira ku social welfare haa ndakundikana ini ndakamuwana achii....
:🤍
:✨
❤️
😂
🙏
👍
😢
💐
😮
85