Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹ WhatsApp Channel

Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹

9.5K subscribers

About Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹

Welcome lovely readers๐Ÿฅฐ๐Ÿ˜ We also advertise https://wa.me/+263733696634?text=Hie+mama+Junaid FOR INQUIRIES INBOX 0788 661 401 Thando [Casile] OR 0714793768

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/17/2025, 6:00:34 AM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 17 SHARON Zvinhu zvakangomuka zvakachinja sekutamba sekuseka. Ndaishaya kana nechekuita kana pekutangira zvapo. Munga mufaro wakabva wadzima nekuda kwemabororo a Cheryl. Mai va Jason vakabva vasvika ndiri mudziva rendangariro apa mwana wavo anga angobuda kuseni asina kundizivisa kwaaienda. Ndaive ndaneta nekutoedza kufona phone yake ichiramba. Ndakatambira vamwene vangu ndakasuwa suwa semunhu aive nendangariro dzake. Kana kuvabikira chaiko ndakakanganwa nekuda kwe stress vakatozoita zvekukumbira chekudya ndipo pandakazotirimuka ndokubika ndikavapa. Vayiedza kutaura neni asi pfungwa dzaive parefu chaipo. Vakaguma vanyarara, chokwadi ndaisava ne energy yekutaura tunyaya tusina basa ini ndaive nenyaya hombe yandaive ndakatarisana nayo. Pasina time ndipo pandakafonerwa na Jason. Me : babe "Makadii henyu nhai munozivanawo nemuridzi wefoni ino yandafonesa here" Me : hongu ifoni yemurume wangu imi ndimi ani "Ndinoitwa mai Nox aah amai svikai kaa pa Chitungwiza hospital murume wenyu arwara." Me : kurwara??? Hello hello.... Ndakasvotwa ndichiona foni yakata. Ndakabva ndatoenda kwaiva nambuya nemuzukuru wavo. Me : mhamha hanzi ndiuye kuchitungwiza hospital Mhofu varwara. Amwene : hezvo kurwara kuita zvekudini chaizvo. Chihande tose iwe uchi driver ini ndakabata mwana. Me : ndodii ndofonera bamkuru baba Tammy here nevamwe ndivazivise. Amwene : ngatitange tanoona kuti zvakagozha zvemhando ipi tochiita way forward. Takabuda mumba ndokuenda kuchitungwiza. Mhamha vaive kumashure vakabata muzukuru wavo. Takasvika paye ndokuedza kufona number iye ndichida kutaura kuti ndasvika but phone ya Jason yanga yava kuramba kuita. Takamira paye tichishaya kuti todii. After 30mins of trying ndipo pakaita phone through kwakutoona ine vamwe nurse vaitofambisa kuratidza kuti vari busy. Pavakadaira ndakabva ndatomhanya kunovabata vasati vapinda mu ICU mavanga vakananga. Me : hello ndini munhu wamafonera. The wife to the owner of that phone Ndakataura ndichinongedzera phone yavaive vakabata. Her : okay can you wait a moment ndimbopedza zve patient iri umu I will be back. Me : at least tell me how is my husband doing. Her : I will be back Ka door kakabva katonzi dhwaa ndokusara ndakati tuzu paye. Mhamha : hanzii Me : hanzi ndine emergency hameno kuti zvinonditadzisa kuti ataure kune murume wangu ndoenda wangu here oyenda hake ku emergency kwake ini ndichinoonawo murume wangu. Mhamha : chigara pasi muroora umboyamwisa mwana anguri achema. Rega timirire tigonzwa pane paachagara imomo kusvika rinhiko. Ndakatambira mwana ndokumupa mukaka achibva arara hake ari pazamo. We stayed there for over an hour. I was so frustrated but there was nothing I could do except waiting. Finally the door opened as nurses and two man in dust coats walked out and I assumed it was doctors. The nurse I was waiting for looked exhausted. Takabva tatomhanya na mhamha kunomira pamberi pake. Her : doctor she is the wife of that man. I managed to get her number and call. I used his finger to unlock it. Doctor : okay can you pliz follow me to my office so we can talk. Takatevera kuye including the nurse. Umwe doctor neamwe ma nurse akabva atoenda. Takasvika muye ndokugara nurse achibva aisa phone ya Jason pa table ndokubuda. Doctor : makadii zvenyu Mai nemi mainini. Mhamha : ndinofara mwanangu ririseiwo basa. Me : ndirinani zvangu makadii Doctor : ini ndiri nani , basa kungodato daro zvichitofamba. Mhamha : ndizvozvo chaizvo. Doctor : imi ndimi mukadzi wemuridzi we foni iyi handiti Me : hongu ndini chaiye ava ndivo mai vake nyakutumbura. Ndivamwene vangu ivava. Doctor : okay so nyaya iripo ndeyekuti murume wenyu aita accident nemota achangopinda mu Seke road. Akuvara zvakaipisisa nekuti mota yadhumwa ne gonyeti asi iye hameno abuda sei. Taona akarasirwa mumasora ari muzasi neroad. Mota yaparara beyond repair zvekuti inyasha dzaMwari kumuwana ari mupenyu. Me : what??? Ko kuseke road anga achibvepi ?. Saka amuka here? Mupenyu here Jason wangu hii hiii hii Hana yakarova ndanzwa shoko re tsaona. Ndaitoona ndava shirikadzi mufunge. Ndakarwadziwa kushaya kuti mhepo dzabva nepi zvekare. Mhamha vakandibata ndokundidzikamisa. Ndivo vakazovhunza doctor zvizhinji ini mdichingochema. Pandakanzwa kuti ndiye aive mu ICU mavakatora nguva vari ndakanzwa kutya kuti pachiri nechipenyu here ipapo. Takazoenda kunomuona kwakuona pasina kana pekutarisa angori ma bandage everywhere. Me : babe , my love , Jason chokwadi uri kuda kundisiya nani pano panyika. Tarisa mwana wako he is still way too young to be fatherless. Ko wakatanga rinhiko kunwa doro zvekutyaira wakararadza ysingaoni nzira. Unoda ndicheme nani , ndifare nani iwe uchiziva kuti ndiwe mufaro wangu. Babe pliz wake up. Wake up coz I need you so much. Tarisa mwana wedu haana kana zita , I want you to wake up and name him. Please my love please Ndaitaura ndakapfugama ndichichema. Kana pakadai kunamata simba rinopera. Pandakanzwa kuti Jason was drunk when he had an accident I got shocked. Since ndichiroorwa naye I know that he drinks alcohol occasionally. Izvi zvakandinetsa kuti akazonwirei doro achi driver. Mhamha vakafonera vana vavo vese vachivazivisa. Ini ndakatorawo yangu phone kwave kufonera mai vangu kumusha asi vakati havakundi kuuya nekuti Cheryl aidzimbikana nemirii. Ndisati ndabvunza kuti ainzweii phone yanga yatodzimwa. Ndakati ndozozviona ndapedza zva Jason. Pane pandaimusiya ari muchipatara here ndichimhanya kumusha. Takaita week rese tichinoswera ku hospital but panga pasina change pana Jason. He was in a comma and I was starting to give up slowly. Ndakanga ndangove wemisodzi ndichichema everyday. Mwana wangu chaiye ndaive ndatsividza kuti zita achapihwa nababa vake kana zvazoramba tozviona nekufamba kwemazuva. Mu second week taenda ku hospital kunoona Jason ndipo patakasvika amuka. Ndakafara kani kuita kupembera chaiko. Aisagona kunatsotaura but I was grateful kumuuona akavhura maziso. Akazoburitswa papera svondo amuka . Hama dzangu hapana kana umwe chete zvake akauya kuzoona murume wangu for those two weeks. Kufona it's either dzisadairwa or dzairamba kutopinda zvachose phone dzacho. Day rakaburitswa Jason akaramba kuenda kumba ndokuenda kwababa Tammy. I was shocked kunzwa achitaura nekuti ndaitofunga kuti haasati ava kugona. That's when I realized that all along he was talking to his relatives except me. Tichingosvika mumba ma bamkuru ndisati ndatogara pasi Jason akabva ati... Him : kuramba kuenda kumba it means handisi kukuda padhuze neni Sharon. Buda muno izvezvi handisi kuda kuona face yako Me : ko ndaitasei Bamkuru : exactly vadii mainini vairi kunzinga. Pamba pako here panapa paunotaura kuti uyu ngaabve uyu agare. Asi waka kakanisika pfungwa kani patsaona hauchazive mukadzi wako. Him : mukoma if you love me Sharon must leave right now. Mhamha : haa kapenzi tanga watiudza kuti chii chakakonzera umwe doro iwe uchityaira mota. Zvakatanga rinhi zvekudhakwa kunge benzi. Him : zvakatanga musi wandaziva kuti ndakaroora muroyi kwete mukadzi. Asi Sharon chii newe chaizvo. Ndakakutadzirei inini zvekubva wandidaro. Chiona manje manyepo ako kwaakazondisvitsa. Why didn't you tell me kuti une mwana hee ndati wakaregererei kutaura kuti uri mvana ine mwana. Mhamha : mwana upi wazvinzwa kupiko Bamkuru : mainini ari kutiiko uyu. Jason haasi ava kutopenga here imi vanhu. Him : kupenga kudiko hee kupenga kudiko kwamunondiudza. Ndakanetsana namukoma vangu na maiguru. Ndakatadzira mai vangu ndichiti ndiri kugona zvichaita ndigarewo nemuridzi wemoyo wangu nguva yakarema. How could I have known that the one I gave my heart is the biological daughter of the woman I married. Someone I call a wife. Even when I fell out of love with you I still respected you as my first wife because I thought you were perfect. How could I have known that I married a green snake under the green grass. Everything is fake like everything is fake. Bamkuru ,: uri kutiiko iwe natsotaura nyaya yako zvakanaka. Him : Cheryl mwana wa Sharon Bamkuru : chirudzii , wazviziva sei iwewe. Him : I was secretly dating her. Me : JASON... Him : putsek musurunyoko usatinyaudza dhemeti. Jason kudii kwacho, it's all your faulty Sharon. I actually loved her , I loved Cheryl with my all. I still do love her, she owns my heart that's why I was so protective of her. I was willing to go to any length for her. Unfortunately she got pregnant early achibva aenda kumusha. Zvakandirwadza kunzwa kuti arohwa achibvunzwa kuridzi wenhumbu asi haana kutaura. Ndakaona kuti zviri nani ndibude pachena kuti ndeyangu ndomuroora ndipo pandakanonzwa kuti kana ndichida kuroora ndotonoudza Sharon nekuti ndiye mai vemwana Bamkuru : what ? Mainini is that true Me : I ..I ..I can explain please Him : zvichibatsirei Sharon zvichibatsirei. Will it change the fact that I slept with both mai nemwana. Ndakamitisa mai nemwana Sharon. Mwana waachazvara achakuti chii. Okuti mbuya here Mai vaamai or okuti maiguru sezvo uri mukadzi mukuru wababa vake. Wainyeperei ini the first place. Kundiudza kuti mwana wehanzvadzi yako iye ari wako. That explains why waimuda kudarika vamwe vese. Even fees nechese chaaida zvaibva kwauri uchiti you're helping nekuti anochengeta Mai vako. Wakadii kundiudza chokwadii Sharon now ndoitasei manje. I hate you nemoyo wangu wese please buda muno. Mhamha : wakandiita benzi kaa paya mukadzi wako akatonditsamwira asi ndaitaura zvandaiziva. Jason akauya nekamwana kaye kuchipatara kuzondiona . Kuda vakafunga kuti handisati ndamuka here kwava kutotanga kudanana pamberi pangu. Pondoti nditaure ukati mhamha vakavenga hama dzangu. Iye muchimbovanzireiko chokwadi kana muri mvana muri mvana hazvichinje. Chiona manje manyepo aya kwaakusvitsai. Nxaaa unosemesa Sharon uri kakutu chaiko newe Jason wacho sakasikamu remwana. Baba Tammy ndidzosere kumusha handigarire ndove dzakadai. Rimwe roti kunyepa rimwe richihurawo nekuside asi mukaka ndakatosvinirawo sevamwe. I don't know how to explain the feeling l had when all that was being said to me. Apa ndaive ndaita kunonzi kutsva kudumbu nekumusana. Ndaitangira papi kutsanangura nyaya yangu. Ko iyo marriage yangu yaizovei. Chokwadi ku replacwa mumoyo mewandinoti murume wangu nemwana wandakatakura nine months because of one lie. Pachinambo chekuti ndipopotere murume aka hura ndiri kutonyara manyepo angu aita kuti mwana wangu amitiswe nemurume wangu. How do I even explain this to the world. That's why hama dzangu dzisina kuuya nhai. Ndakapererwa kushaya simba chaiko. Kuti ndiende kumusha kwangu ndainotii. Kwabamkuru ndaive ndadzingwa Jason asingachade kundiona. Ndakatakurana nemwana wangu kudzokera kumba kwangu ku Waterfalls. I had no plan , my mind just froze and all I had was regret. I regretted lie to my husband but above all I regretted taking Cheryl in. End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ โค ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ’” 587
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/16/2025, 8:21:12 PM

*Welcome new members. Vasiri kuona ma chapters ekumashure use these links*๐Ÿฅฐโคโ€๐Ÿฉน Read , Like and Shareโค๏ธ 1 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1114 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1125 3 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1135 4 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1143 5 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1167 6 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1177 7 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1186 8 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1198 9 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1210 10 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1220 11 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1232 12 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1243 13 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1256 14 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1269 15 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1282

โค๏ธ ๐Ÿ™ โค ๐Ÿ–ค ๐Ÿ˜ฎ 15
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/19/2025, 10:57:36 AM

๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ uptown girls woyeรจe Ndauya nechizimbe zvekare you know I don't disappoint ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ Iri book rakanyorwa nehunyanzvi hwevanyori vaviri vane njere dzakarodza . Huya uzonzwa kuti BUSINESS DEAL Rakamira sei . Musikana uyo akaitwa gamble her feelings nemaparents ake nekuda kwe business deal , acharambwa publicly zvikanyadzisa akazoitawo rombo akaroorwa na secret admire vake but love was not her potion it was also a ...Business deal . HOW MANY LIKES PA NEW BOOK โค๏ธ Love , romance , drama and sorrowful moments arimo ari tiii Hatibike mbodza pinda muchannel uone zvirikutora nzvimbo ririkutanga nhasi chaiye chaiye usabvume kusara wega ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 8
Image
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/18/2025, 10:55:15 AM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 18 SHARON I was you when I had Cheryl. Yaivawo misikanzwa yehwana hudiki I didn't get rapped or anything like that. Ndakanyengedzwawo nemukomana aifudza mombe pamba pedu. Mufunge zvakatanga sekutamba ndichangobuda tumazamo ndiri grade 6. Aingotaura tumwe tuma language twenyaya dzemumba yemukati so. Pamwe otombondibata garo or zamo ndichingomusiya. Zvakaguma zvandinakidza zvekuti ndini ndaive ndotoda kutambira mudhuze naye ndichibatwa batwa. He taught me everything I know. Like how to kiss, how to arouse a man. Anything nasty that I do it was all him. So we did that for a long time zvekuti ndanga ndakumunetsera kuti arare neni. Airamba achiti ndiri mudiki but ndaisamboda kuzviteverera izvozvo. Rimwe zuva ndatopedza kunyora grade 7 ndakatiza mumba kwava kuenda ku room kwake. Ainge adzoka kuzodya masikati asiya mombe nemashamwari ake. Pamba Mai nababa vaisavepo vaenda kumusangano ku church. Ma brothers angu anga aenda kubhora kuchikoro ndikati ndiwoyu mukana wekumbonzwa kuti zvinodii nekuti ndanga ndava nemwaka wakareba ndichishuwa kurarwa. Ndakatosvika shasha yakarara mugumbeze ichiti musoro ini kwava kutopfekera imomo. Akamboda kundidzinga asi ndakabva ndaisa maoko angu mubhrugwa ndokutanga kumubata kusvika munhu atozobudirira kurara nneni. Zvairwadza zvekuti ndakademba but wekuchemera panga pasina. Zuva rakazodoka mukomana uye asisipo pamba aenda. Ndakatozoziva kuti ndatizwa ndaona aita mazuva asina kudzoka. Fro there ndairara nechero angoti Sharon huya. Ma teacher , vana vechikoro vahombe, vakomana vemombe wese hake angondipfimba ndaibvuma ndotorara naye. Ndakazoona kuti ndine nhumbu ndava form 1. Ndaisaziva muridzi , nguva yacho kwaisava nema DNA test. Nyangwe dai aiveko mari yekunoitisa gurumwandira revarume iroroa test kuti ndizive baba vemwana ndaiyiwanepi. Ndakarohwa kunge ndichafa nababa vangu ndichibva ndaendeswa kuhanzvadzi yavo yaive yakaroorwa kure. Mazuva acho mukoma anga achangobva kuroora Mai Charity vaitove nemimba yode kuzvarwa. Pandakaenda kwatete vanhu mumusha vakanzi nda transfer. Ndakanosununguka mwana wangu gore randaifanirwa kuita form 2 ndokubva ndadzoka kumba . Mwana akabva anzi achipihwa maiguru vongoita sevakayamwisira ini ndoenderera mberi nechikoro. Nekurwadziwa kwandakaitwa nemimba uye nhamo yandakaona I vowed never to let another man use me. Ndaive ndave focused nechikoro asi ndakafoira form four yacho. Ndakashaya akandibhadharira kuti ndinyorere sezvo baba vanga vafa kwava kugara pamba. Ndakambotizira ndikatonoita 2 years ndiri kumurume asi mimba yakaramba ndikadzoswa. Munharaunda hapana anga achandida ndichinzi ngomwa. Zvairwadza, ndaive ndakatamba nehupenyu. Ndaingove chipota namadziro pamusha pavabereki vangu. Mwana chaiye ndaisagona kumuchengeta financial asi kumupa rudo rwamai ndaizama. Ndakazowanirwawo basa remushop ku Harare ndipo pandakasangana na Jason and I gave love a chance. This time ndaida kuita semwana kwaye kuti mdisawanirwe chipomerwa semunhu anga ambopinda mumba akabuda asina mwana ndainge ndoziva kuti ndagara ndine problem yembereko saka kuti ndigare zvaida kutoita hunhu nemutsa. Takadanana zvakanaka mdakaudzawo maiguru mai Charity pandakaona kuti Jason ari serious. Vakati nditaure zvemwana asi ndakatya kurambwa so handina kumuudza. Musi wemarooro ma brothers angu nevakadzi vavo vakati nditaure asi mhamha vakaramba nekuti vaityira imba yangu. Ndakaroorwa ndikachata zvandaive ndisina kutarisira. Mwana ndaive ndava kuchengeta financially apa anga akura kaa zvekuti kana tainzi tiri ma sisters zvaitobuda. Akati anga akakasika kuenda kuchikoro futi mwana wacho . Ndakaroorwa ndakura zvisingaite and nhumbu yakabva yarambawo kubata asi Jason was patient and supportive. He stayed till zvaita, ndaive ne wish yekugara nemwana wangu achiraramawo good life. Ndaisada atambiswe nemafudzamombe sezvandakaita but handina kuziva kuti kumutira kumuisa mumba kwaizondisiya muna taisireva. Ndakachema kusvika voice raenda ndichifunga kuti saka mwana wandakazvara nemurume wandakada vaitorarana ndiripo kusvika vamitisane. Yes ndakatadza pakusataura chokwadi but iye Jason wacho aizorarirei nehama dzangu. Kana aida mukadzi stereki akadii kutsvagawo kure. Cheryl aive adzokorodza the same mistake I made yes ago. Saka mwana wake ndaizomuti chii, muzukuru here or mwana. This truly became a burden of History. The sins of my past came back to haunt me. Ndakatoona kuti pano chekugarira ndega ndega hapana rega ndiende kumusha Kuna mai ndononzwa kuti varongei. Pochinzwii kana padai nekuti haa ndega ndaigona kutongopenga. Ndakarongedza bag rangu nere mwana kwava kupinda mumota. Zviye zvekuti ndo driver sei ndine mwana asina car seat raitove drama. Ndakamutora kwava kumuisa kumashure akarara. Ndakamusunga ne seat belt kwava kutora futi tambo yecharger mumba ndokumusunga kuti asatombo mover. Ndaka driver kusvika kwaSeke nehusiku kwakuwana Cheryl akati rapata ari kudhuze nemoto achitoratidza kunge ari pa nhoo yerufu. Me : mhamha ko akaitasei Cheryl. Ndiko kurwara kwamaireva here mwana ari serious kudai musingaende kuchipatara nhai. Mom : unongosvika ne noise wambotikwazisa here. Me : mhamha ndiri kubvunza kuti mwana wangu anorwara kusvika pakudai tarisai kucheneruka kwaaita kunge munhu asina ropa imi makanyarara. Muri kuda atange atonhora here. Mom : iwe Cheryl wauri kutaura atonaya uyu pane zvaaiva. Wani pawakafona uchiti mukwasha aita tsaona ndakakuudza kuti mwana ari kurwara iwe wakakoshesa murume hakozve. Me : kukoshesa murume kudii kwacho pane pandaisiya ari muchipatara here. You didn't even tell me kuti zva Cheryl zviri this serious kaa. Apa hamuna futi kundiudza kuti mukwasha akauya kuno mukamuudza nezva Cheryl makatadza kutaura naye zvakanaka here. Maiguru : ndakazvireva paye kuti kudanana nemunhu musingamuudze chokwadi hakuna kunaka makanditi ndine godo nekuti muroorwe. Ndakakutii sezvo kuudza murume kwarema chiudzai mwana chokwadi mukati achiri mudiki. Zvino nehudiku hwake azokuparirai kaa Me : mhamha vaivepo pakundisimbisa kuti ndisataure ava. Ndaityirawo marriage yangu. Honai ndanga ndakura ndisina kuroorwa . Muno mumusha ndaive ndaitove chidembo ndichisemewa nevazhinji. Maiguru : munoti dai makaudza Cheryl kuti ndimi mai vake even dai aizopfimbwa nemurume wenyu handiti airamba here. Me : handina kumbozvifunga, asi nyangwe ipapo ndaingove tete kwaari aizodanana nemurume wangu zvekusvika pakumitisana sei. Ndotoda amuke andiudze kuti akazviitirei. Mwana waachazvara ndinomuti chii ipapa. Maiguru : aaah mhai ini rega ndiende tomutsana mangwana vatete morara zvakanaka. Mai : neniwo ndave kutonorara nguva dzafamba mangwana ndinoda kunopihwa imwe midzi kwambuya Gono uko pamwe Cheryl angamuke Me : mhamha makatanga rinhi kuita zvemidzi. Mungaenda nemwana wangu kun'anga ini ndisipo manje ndiko kudii ikoko Mai : zvichibva newe wakarega kamurume kako kachikanganisa mwana. Hurwere huna Cheryl haude church uyu. Zvechivanhu ndizvo zvega zvingatomuyamura. Me : handisi kunzwisisa, hurwere hwai husinganzwe munamato Mai : ndakamubvisa mimba Me : matiii???? Mai : waida tidiii hee, nyika yaizotii. Taimuchengeta sei mwana iyeye . This was the only solution to the problem. I did it to save your marriage Me : mhamha muri kutamba hanty Amai : undikwanire iwe kutamba kudii waida ndidii. Ndizvo zvataifanirwa kuita kwauri dai pasina zvese izvi. Me : mhamha mune chokwadi kubvisa mwana wangu mimba ini ndisingazive. Mhamha makaisepi moyo hee makaisepi moyo. Musha wese kupfurirana kuuraya mwana wangu. Munoda kundiparira ngozi here. Amai : usangochema nhema uchindinyangadza. Dai uri umwe uri kutonditenda izvezvi soo. Ipapa ukadzokera kumba wotonoudza mukwasha kuti mimba yakasvodza mogara zvakanaka hapachina chekutya. Pukuta misodzi iyo nonsense . Uri sasikamu ndizvo zvawakatorera mwana kuti anoitwa mukadzi nemurume wako manje. Ndiwe usingafunge uri benzi ramai wakatadza ma duties ako. Ndakange ndamukudza zvakanaka Cheryl uyu iwe wakunomudzidzisa chipfambi chako chawakandiitira pano. Me : mhamha ndimi makundidai nhasi pamusoro pekukanganisa mwana wangu kwamaita. Mhamha mandirwadzisa muri Mai vangu chaivo imi. Saka chibereko chenyu hachisi kutorwadza ipapa nezvamakaita. Iropa kaa ramakadeura iri mhamha. Amai : fokufu kakutu nxaa umuke uchidzokera kumba kwako kwete kuda kundivhiringidza uchindiudza zvisina basa. Musha wose wakatoona zvakanaka kuti mimba iyoyo iparadzike. Wava kuda kuti mwana mwana nekuti abviswa mimba asi ndiwe wanga wakafuta apa uchiti aputsa musha wako. Taugadzirisa musha wacho wava kutichemera wototinongedza huroyi husipo. Chienda unomhan'ara kwawada horaiti. Haubatsirike Sharon mwana rudzii asinganzwisise mai vake. Ndakapererwa nezvakaitwa mwana wangu. I never thought that my family will take such drastic measures in the name of saving my marriage. Zvakandibata handidi kunyepa nekuti ndaitya kuti Cheryl anogona kungofa. Zvaaiva zvacho zvaisaita zvachose. Aive acheneruka kuti mbuu zvekuti wega waiona kuti mwana haachina ropa. Aisa pfakanyika kana kuzungunukawo kuratidza kuti pachiri nehupenyu. Ndaitoona riri Jeri svinu raive raitwa namai vangu iri. Husiku hwose ndakarara ku kitchen ndakatarisa Cheryl. Mhamha vakazouya vakabata zvigubhu zvemushonga kuseni ndokutanga kumunwisa. Cheryl akazomuka papera mazuva asi aisagona kufamba kana kudii. Handina chandakagona kutaura naye sezvo aidzimbikana nemiiri. Pese pandaive kumusha Jason haana kubvira afona kana kamwe chete zvako. Chero kutongovhunzawo mwana haana. Ndakasiya Cheryl ave nani kwave kudzokera kumba. Zvandaive ndasiya kuri ndizvozvo. Ndakagarako mwedzi wese kusvikira Jason azouya nehama dzake. Takakwazisana ndipo pavakataura zvavaive vafambira. Bamkuru : mainini tinoda kuenda kumusha kwenyu tinogadzirisa nyaya yakaitika Me : ehoi bamkuru ndazvinzwa hapana chakaipa Bamkuru : sezvo iri weekend tomuka tichienda kaa tigare tazvipedza. Me : ehoi. Eeh bamkuru mwana haana zita nanhasi uye haana birthday. Jason : ndotoda ma DNA coz handikutembe what if asiri wangu Me : what?? Bamkuru : Jason hausi wava kunyanya here. Of course mainini vakatadza pakunyepa asi mwana ndewako usadaro wangu. This is the same thing mainini did. She denied her child akazoguma ava mumaoko ako. Don't go down that route. Do right by your son , he is innocent. He didn't chose to be born under such circumstances Haana kupindura Jason akabva ati zii. Takaenda kunobika namaiguru. Maiguru : ko makanyeperei nhai Me : I thought I was protecting my marriage. Hupenyu hwairwadza maiguru but at least ndakazowana akandida. Kuti ndimubudire pachena ndakaona sekuti ndinobva ndasiiwa saka ndakaona kuzvivanza kuriko kunoita Maiguru : makadzima moto nepeturu mainini imba haimbode manyepo. Me : zvakaoma zvino bamnini venyu vachandida here ipapo. Maiguru : he is just angry . He feels betrayed but I think he will come around but panotoda prayer chaiyo coz we all know how he is kana atsamwa Me : pakaipa. Takaendesa chikafu asi Jason akaramba kudya. Mwana wake chaiye haana kubvira amubata aive na Mai vake. Zvairwadza handidi kunyepa. That look yandaipihwa nevanhu years ago ndiri kumusha ndiyo yandakaona pameso pa Jason zuva iri. Ndaitomusemesa chaiko zvekuti I'm sure he stayed for the sake of his family. Mangwana acho takamuka tichidzokera kumusha apa ndanga ndisina kutaura kuti nhumbu yakabviswa kare. Ana mhamha vacho handina kutovaudzawo kuti ndiri kuuya nehama dza Jason vakazongoona tasvika End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ โค ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿคธโ€โ™€ 694
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/14/2025, 5:05:27 AM

*Welcome new members. Vasiri kuona ma chapters ekumashure use these links*๐Ÿฅฐโคโ€๐Ÿฉน Read , Like and Shareโค๏ธ 1 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1114 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1125 3 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1135 4 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1143 5 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1167 6 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1177 7 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1186 8 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1198 9 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1210 10 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1220 11 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1232 12 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1243 13 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1256 14 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1269 15 https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03/1282

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ–• ๐Ÿ˜‚ 8
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/19/2025, 6:25:16 AM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 19 CHERYL Who would have known that my once perfect life would turn out to be a total disaster. This feels like a dream, it's like I'm watching a horror movie , wrong turn to be precise. I want to cry so hard but I don't know where to start. My whole life was a lie. I want to shout , I want to vent my frustrations but I for some reason I feel numb. It's like my world stopped the moment my baby's soul got separated from mine in a ruthless manner. It's been a long time since I woke up from the dead and I haven't spoken to anyone other than myself. It's only wild thoughts running through my mind. I wish to die, I don't even understand why I survived when I drunk that orange juice which was spiked with abortion drugs. I never knew that my granny would be this heartless. She seriously killed my unborn baby in called blood without my knowledge. Everyday I ask God why me , so many lies and secrets led to this betrayal. I committed a taboo and everyone blames me for getting pregnant and sleeping around. Moyo wangu handingati une ronda asi wakatotsemuka kuita zvigwishu zvigwishu. Ndaiti pain yekurohwa kwandakaitwa ndichibvunzwa muridzi wenhumbu ndichirega kutaura. Pain yekuziva kuti vandaiti vabereki handivo vakandibara ndiri gora risina dzinza kana mutupo. Vandaiti tete ndivo Mai vakandivereka. Ndega ndaizvibvunza kuti nei vakandivanzira zvinhu zvakadaro. Kureva here kuti dai ndisina kumitiswa nemurume wamai ndaitosvika pakufa ndisingazive akandizvara. Ndaitove nechigumbu mumoyo chekuti mai Charity vanondishara pavamwe vana havandipi rudo runondigutsa izvo kwani havatoziviwo kurwadza kwemimba yangu. Mashoko andakatukwa nemusha wese pakauya Jason achiti anoda kundiroora nekuti ndiye muridzi wemimba akandibaya moyo achinobudira kuseri zvekutondisiya ndine maronda akadzama. Ndakatombo fenda kaa ndichinzwa kuti Sharon ndimai vangu kwete tete. Zvaisandibudira pa age ndipo pandakazoudzwa nyaya yacho zvizere yekuti ndakazvarwa sei. Ndakabatikana asi wekuudza ndipo paive pasina. Pachinhambo chekuti ndipopotere kuvanzwirwa chokwadi ndaitotukirwa chihure chinenge chamai nekuudziwa zveshavi rechipfambi randaisaziva. Jason akangobva maziso akajenga misodzi asina kana kuoneka. Chifumi chacho ndipo pandakapihwa drink nambuya Gono vainge vashanya ndakati ndazivikanwa izvo kwani ndaive ndarongerwa dhende. Ndaisa ziva kuti kubviswa mimba kunorwadza kudaro. Vese vanobvisa ii vakashinga , ndakakungura rufu mudumbu muchimonya kunge ndaisungwa matumbu ne barbed wire. Pasina time ropa ranga rakubuda richiita kubvinza chaiko. Ndakachema ndichideedza gogo vakutondiudza kuti shinga kusvika kamwana kabuda. Veduwe ndakarwadziwa pandakazvibatanidza kuti pano mdabviswa nhumbu ndisingazive. Ndakayieredza misodzi ndakagara pa bucket ropa richijuja . Marwadzo ekurasikirwa nemwana wandanga ndatarisira kubata mumaoko zvisinei nekuti akaberekwa sei. Ndaive ndatozvipira kuva Mai at such a young age asi mbuya vangu vakati haungazvare mwana nemurume wamai vako unovaputsira wanano yawagara waisa mutswi kare. Zuva rakazosara rodoka ndisingachagoni kana kusimudza ruoko. Ndaive ndangoti ragwada mabhonzo ese aguka guka kunge asisina mwongo. Kuzoedza kwekunze ndanga ndisinga chatozive kuti ndiri kupi zvachose. Pandakazomuka ndakatanga kusanganidzana maziso nevacho vainzi ndivo mai vangu vane kacheche kavo. Handina chandakataura navo ndaisatove nesimba racho. Gogo vakandikurungira porridge rine zvimidzi zvavo ndokudya. Ndakaita nguva ndichingopihwa maguchu emushonga kuti ndinwe kusvikira ndasimba. Gogo ndainzwa kuvavenga zvekuti asi shungu dzaiperera mumoyo. Ndaishaya pekutangira kuvaudza mashoko aive pamoyo pangu nekuti ndaitya kuudzwa mashoko anorwadza navo. Aunt Sharon nemwana wavo havana kuzombogarisa vakabva vadzokera ndokusara nambuya vangu tiri vaviri. Zuva rega rega waive mutoro kwandiri asi ndaisave nepekuuturira. Moyo wangu waive nemisodzi yemwana wangu akafira dzaasingazive. Kutadza ndakatadza hongu asi mhosva yacho yairipwa neropa remwana wangu here. Zuva iri ndaive ndakatogara zvangu pasi pemupfuti waive mudhunduru raive pamberi pechivanze ndichigaya nhamo dzangu. Ipapo ndakabva ndaona mota ya Jason neye mukoma wake dzichipinda muyard yedu. Ndakatovhunduka kuti ko vavingei zvavo. Kuti vaidzwa zvekubviswa mimba kwangu natete here. Dzakasvika dzikamira pamberi pekitchen. Ndakashamisika ndichiona ratouya riri dzinza rose ne mbuya iye yekumbondi tukirira nekundirova. Mai va Jason na mbuya vangu vanenge vakaenda ku course yehutsinye vese. And vanenge vaitoita team work pakundishungurudza. Ndakatoramba ndaka easer ndiri pabvute ivo vachiti gogoi. Tete Sharon vakangonditarisa vakadzungudza musoro ndokutsikitsira. I had became a shadow of myself. Trauma and depression had taken over my body , soul and mind. I had no emotions what so ever and I didn't have the energy to voice out. Gogo vakabva vabuda mumba ndokuti... Gogo : iwe Cheryl haugone kudaira vanhu here. Unoramba wakati zete ipapo usingatambire vaenzi kuti zvidii. Handina kupindura ndakatoramba ndakagara panze ivo ndokupinda mumba. Kana wandakuita chido chekumhoresa hapana even the might Jason that I once loved. Yes it's now loved coz the love has been washed away. Papi pacho pandairamba ndichida munhu wekuti ndikamuitira mimba inobviswa. Hapana kupera nguva refu vanhu vapinda mumba ndakabva ndaona baba namai Charity vachisvika pamba vakadungamidzana. Havana kugarisa mumba ndakabva ndadedzwa ndipo pandakasumuka ndokuenda mukitchen maive nevanhu. Handina chandakataura or kukwazisa vanhu handina ndakangonogara parukukwe ndiri zii. Sharon : mhamha nemi mukoma namaiguru muchiona tauya kudai zvanzi tizogadzirisa hukama tione kufambira mberi nehupenyu. Bamkuru : ndizvozvo chaizvo , sevakuwasha takatadza tinobvuma hedu mhosva uye mukati tiripe tinoita sekudaro. Chatanyanya kufambira inyaya yekuti tionesane kuti todii nemwana asati azvarwa. Gogo : aaah heya iii zvino mimba yacho yakaparadzika Mai Jason : chirudzii Gogo : wakaita BP Cheryl uyu nekuziva kuti Sharon ndimai vake Mai Jason : inga zvakaoma nemaramba kukura . Ko makadii kutizivisa pane mwaka takauya . Gogo : taisaziva kuti munozvitambira sei senyaya yanga isati yataurika nekugadzirika zvakanaka. Sharon : ini handichade ma secrets zvinozorema futi mangwana. Mhamha sei musingadzidze imi kubva pakutadza kwenyu. Munoda kuramba muchidzokorodza the same mistake. Honai nyaya yekuvanza zvinhu payandisvitsa nhasi. Ikozvino Cheryl haasi kutaura kana nani zvake nekuda kwenyu. Chokwadi chiripo ndechekuti Cheryl haana kuparadzika asi kuti akabviswa mimba namai ini ndisingatozivewo. Ndakatozoona mwana akati rabada svondo rapfuura iro pandauya kuno. Ndiregererei nekutadza kukuudzai nezuro pamakauya kumba muchindizivisa nezve rwendo runo. Ndakatoshaya kuti ndotangirawo papi kutaura nekuti ndichakatobatikana nekuita kwamai vangu. Jason : kubvisa nhumbu yangu musina kundiudza here. Manje wangu mwana ndomuda izvezvi soo. Gogo : mukwasha nyaraiwo imi. Inzwai kutya kungoreketa ipo pasina ari kutaura nemi. Zivai kuti makabatirira mwana mudiki. Cheryl ritori jeri iri nezvamakaiita kumupa mimba ari chanana chichiri kubuda mukaka pamhuno . Mai Jason : kana irori ritori Jeri futi kubvisa mwana nhumbu isiri yenyu. Tanga tairamba here mimba yacho zvamakaibvisa. Gogo : imi ndimi musina kutsengera mwana wenyu ikozvino honai akaita chihure chakapusa. Inga Shona inoti mbeva ikapinda mumba haidyiwe rinenge rava gonzo. Mai Jason : haa dhemeti mhani chembere ine zvimbi asi isinganyare. Ndakakatsuura kamuzukuru kenyu kasati kava nemimba kakachema nhema kachipidigurira nyaya yose kwandiri. Muroora wangu akatondivenga asi ndaiedza kunatsurudza musha wake usati waparara. Ndimi mune chibereko chakaora chakazvarara dununu. Sharon akatadza kuita tsvakurudzo uyu chaakagona kundivenga zvese nezimwana rake rine pakati pakafumuka. Muchinyanya kuvanza chokwadi ikozvino mava kugarwa nhaka nevana. Murimbwa dzevanhu musha uno wese. Kunaka zviso njere dzakazara madh*dh*. Beauty without brains very useless people. Apa maka charger mwana wangu roora kunge muri kutengesa fresh meat imi muchitengesa bhero rine tsikidzi mazikuma enyu mese. Gogo : haaa musurunyoko mhani ndimi makadzidzisa vana chihure imi munenge mairara nana bamnini mumusha. Ndimi mune chibereko chakaora manzwa get away ibva pamba pangu. Mungade kuuya kuzonditongesa manje pamuzukuru wangu ndewenyu here. Makadii kamwana kechipini hee. Ndimi musingafunge dai muri vamwe matenda kuti ndakagadzira zvinhu nenzira yakanaka now vana vochigara pasina kugunun'una. Mai Jason : kugadzira kwekuuraya ropa redu here. Gogo : chaizvo asi kudii ndokuti next time muzive pekuisima. Bamkuru : mhamha zvakwana kutukana hakupedzi nyaya muri kutowedzera kuisa zvinhu musango. Ngatingobvimei kuti tese takakanganisa totsvaga nzira yekuzvigadzirisa pane kupopotedzana kwamuri kuita uku. Tsano munotiiwo nazvo. Baba Charity : imi ndimi varidzi vemwana akaparadzika . Mudzimai wenyu ndiye Mai vemwana aive nemimba. Ndombonzwawo mese kuti muri kufungei Bamkuru : aaah ini handizivewo kuti kana padai panoitwa sei. Hapasi panoda kuripwa here nekuti imhosva yatakaita iyi. Sharon : hongu mukoma ndini mai vemwana uye panodawo mai ndichitaura asi Cheryl mwana akakurira mumusha. Imi ndakakutarisai ndimi munomira sababa vangu uye muri sekuru va Cheryl saka mune right yekutaura. Chandoda kungotaura ndechekuti mhamha hongu muri amai vangu handina zvandingazviita asi pakubvisa mwana wangu mimba makatadza. Ndimi futi makanditsindidza kuti ndivanze chokwadi chinova chazosika misodzi nematambidziko nhasi uno. Mhamha ndine hurombo nematambirirwo amaitwa uye kuchinjana mashoko kwaitika. Ndakatadza kufunga chokwadi dai ndakaterera mashoko enyu paye ndakaita tsvakurudzo nhasi ndisiri kuchema. Mhofu , murume wangu ndiregerereiwo ndakatadza ndaisafanira kuvaka imba nemanyepo. Hwaive hupwere shuwa uye kushaya akandiraira. Ndapfugama ndakazvininipisa nemoyo wese ndichikumbira ruregerero . Jason : was Cheryl the only secret you didn't tell me about Sharon : yes Jason : kkkkk so much for seeking forgiveness zvakaoma. Tsano : ini handigone kukuripisai nekuti mukaripa Cheryl munenge matoroora pachishona chedu saka hazvigone kuti muripe. Tongoperera mukutaurirana imomo mozotsvaga chamungaitirewo mukadzi wenyu ndiye wamakatadzira . Bamkuru ,: since mari tisaripa ko ndikaendesa hangu Cheryl kuchikoro semwana ane shungu yekudzidza zvimwe nerimwe zuva angazotiregerera. Chandoda kungomubhadharira fees chete kusvika a graduater. Tsano : ikoko kuda kwenyu uye kana ma zvichibva pamoyo penyu handina chandingarambe. Bamkuru : maitabasa nekunzwisisa tsano. Hameno iye Cheryl ane zvimwe zvaangada here angazoti tamudzivisa kutaura shungu dzake. Tsano : Cheryl pindura kana pane chaunoda kutaura. I kept my mouth shut. Ndaida kutaurei zvangu neziso randakapihwa namai Jason. Hanty vanga vatopedza nyaya dzavo kare here ko ini vanga vachada kuti nditii. Ndakangopukuta misodzi yangu yaingochururuka zvisina muganhu kwakubva ndatobuda mumba ndokudzokera pasi pemuti wangu End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ โค ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿ˜ 559
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/20/2025, 9:04:13 AM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 21 SHARON After tabva kumusha we went back kumba but Jason akangoti Mai vake, maiguru na bamkuru vachibuda iye ndokubva atobudawo nemota yangu hanty yake ranga rava scrapper here after the accident. I thought hameno padhuze paaenda ari kudzoka but akatoita mazuva asina kudzoka kumba. Ndakafonera bamkuru vakati vachamutsvaga but haana kubatika zvachose. Ndakatoona kuti pano nguva iri kufamba mwana asina zita kwakubva ndamuti Kuzivakwashe. Ndakagara pamba mwedzi ichivirikana pasina kana sign ya Jason. Chikafu changa chapera mumba, kamari kese kandaive ndaka saver kese kakapera ndichitenga ma pamper emwana ne porridge. Ndakaona zvandikunda kwava kufonera maiguru. Her : hello Me : maiguru murisei nevamwe kumba Her : ndiri right arisei mucheche Me : ari kukura hake uyu. Her : aiwa zvinokudzwa. Variseiko bamnini Me : ndizvo zvandatofonera izvi maiguru. Bamnini venyu havasi kudzoka kumba kubva paye. Chero mwana chaiye havana kumupa zita kana birth haana. Izvezvi handisisina chikafu. Kamari kese kandaive nako kakapera ndaikumbirawo mutaure navo. Mondiudzirawo bamkuru kuti ndizvo zviri kuno. Her : hezvo ko hanzi chii , vachiri vakangotsamwa nanhasi here. Me : handizive ini maiguru munhu wandisira kuona kana kutaura naye handichatozive kuti ndodii. Her : inga zvakaoma rega ndigotaura nemukaoma wacho. Ivo ndichaedza kuvafonera ndokuudzai zvavanenge vataura. Me : munenge maita basa chose. Maiguru havana kuzofona iniwo kuti ndirambe ndichivabvunza ndakaona zvisingaite. Ndaive ndotonyara kusengedza vanhu mutoro wangu. Ndaingoshinga ndiripo ndakati nhamo hayiuraye. Kuti ndidzokere kumusha Kuna mai ndaitonyara Cheryl. Ndaitoshaya pekutangira kumuti sorry mwanangu for hiding the truth. Ko dai aizobvunza baba vake ndaimupindura kutii. Zvekare ndaive nechigumbu naye nekupunza imba yangu kwaakaita. I was stuck between guilty and regret. I had lost my child and my husband at the same time. On the 25th of December ndakanzwa noise ye huta panze. Ndakabuda kwakuona ari Jason. Akapinda ne gonyeti rake kuratidza kuti aitobva kubasa. Akasvika ndokurimisa pamberi pemba achibva aburuka nebucket. Ndakafara ndichiona makazara fish ndaive ndanzwa nema vegy kani. Semunhu aive asiri 100 percent right handina kukwanisa kupopota ndichibvunza kuti maivepi pese apa. Zvaitoda kutaura nehunyoro nemutsa wakanaka kuti pamwe ndaigona kuregererwa tikaenderera mberi nehupenyu. Me : makadii Mhofu Stage yekuti babe , my love , my king yanga yakadarika tadzokera pachinyakare chaipo pekudedzana nemutupo zvaiitwa nana mbuya vedu. Him : ndiriboe ndakuigirai fish idzi. Mwana ari sei. Me : ari boe rega ndinomutora. Ndakamhanya upstairs kani kunotora Kuziva ndichibva ndauya kwakumupa baba vacho. The good thing was that my boy was a photocopy of his father. Kukura kwaaiita aitowedzera kufanana navo zvekuti handina kuzonetserwa DNA test futi. Akabata mwana wake achibva atanga kutamba naye. Ini ndakabuda ndokumhanya kunogeza kwava kutsvagawo hembe iri nani yekupfeka. Dzanga dzichambo fitter here nekuonda ikoko. Ndanga ndangove mabondo oga, iyo nhamo plus kuyamwisa hazvimbode kusangana baa. Ndapedza kugeza ndakabva ndanobika kwava kupakura ndokunosheedza Jason. Me : ndapedza kubika huyai mudye. Him : ndiri boe Ndakabva ndapusa nemhunduro yake. Kana ini wacho ndakabva ndalooser appetite. Ndakati asi pamwe haasi kuda mavegy kani. Ndiwo wega muriwo wandaive nawo. Fish dzake dzaive dzaka freezer zvakanyanyisisa zvekuti ndakangodzidira mvura ndakamirira kuti dzinyevenuke. Him : mukoma vakati uri kuda kundiona zvaita kaa ndichienda Me : Jason I'm sorry. I'm really sorry for not saying the truth pliz this is toucher I can't take it anymore. Him : you know the funny thing is that I gave you a chance to explain what happened. To tell me the whole truth but what did you do. You lied right in my eyes with a straight face. Me : Jason what did you want me to say. Him : I had to learn from your family that you have a child. Not just that Sharon but that guy akaita munyai wangu akazotondiudza zvimwe. Waive pfambi yedunhu ada avata. Mai muponesi vevakomana vemombe. Ma teacher , madhara , zvidhakwa, vana vechikoro. Didn't you think I deserved to know that as well. Wakamboroorwa ukarambirwa mbereko which was why I doubted our child. Didn't you think I deserved to know that as well. Ndakazvibvunza kuti Mwari ndimi makandipa mukadzi uyu here or mhepo dzedzinza rangu dzisingadewo zvakanaka ndidzo dzakandisundira kwauri. Hauna kumbosiyana ne guyu rakanaka kunze asi mukati makazara masvosve. Ndakanzwa kutya miri wangu wakamerera nezvandakanzwa pamusoro pako after 4years of marriage. The fact that I married a once upon a time sex addict made me doubt kuti addiction iyoyo yakapera here or une dzawaitotsikisa dzandisingazive. Ndaikuda Sharon, hapana nyaya yangu yawaisaziva. Yes I'm at faulty for going after Cheryl. I betrayed your trust and broke our marriage vows but you see you, you did not broke any vows but you lied. This marriage is a lie, it's fake. It was build on lies , betrayal , deception. Ndombofunga kuti maybe you never loved me , it was all for money and not love. You gambled with my heart. Me : if you hadn't cheated then... Him : even when I cheated I never planned to dump you. You had that grip on my heart as my lawfully wedded wife. Ndaiku respect zvekuti even Cheryl aizviziva kuti handidi ushungurudzwe. Ndakatadza , lust blinded me but your lies pushed me away. It tared our home apart. There is nothing else to build here. Apa to make matters worse Mai vako vakabva vauraya mwana wangu asina mhaka. She wasn't even apologetic about it . Vaitoganza vachiti vakagadzira zvinhu asi ukavaona uvaudze kuti hanzi neni pamakauraya mwana wangu makauraya chaitibatanidza. Me : Jason I'm sorry murume wangu ooh ndapfugama Jason please usandisiye. Ndotangira papi Jason, ndinodiwa nani nevana vaviri pliz murume wangu. Ngatitaurirane zvakanaka kani for the sake of our child. I was young kani I didn't mean to do all those things Him : pliz leave my legs l refuse to be chained to your Burden of History. This are your sins of the past and I can't take them at all. I would forgive but forget is something I won't even attempt to do. You can keep this house it's your's. As for the car I'm taking it since yangu yakaparara because of your secrets. You pushed me into drinking that much and I almost lost my life. Ini newe we're toxic for each other hatimbofa takagarisana zvachose. Me : Jason no.. Him : mari iyi feed my child well ndizvo zvega zvaungatondi batsirawo nazvo. Ndakachema ndichitarisa Jason achibuda ne gonyeti rake. Chokwadi imba yandakashingirira kuvaka , handina zuva one randakamboisa gumbo panze. I was a faithful wife. I did everything a married woman is supposed to do but my history resurfaced and everything became dry like a dessert. Why me why , noo this can't happen. I hate the day I got pregnant with Cheryl. I regret bringing her here now musha wangu waparara because of her. Next day ndakamuka ndakunzwa kupera simba nekuchema , kusadya plus kuyamwisa. Ndakabva ndati rega ndinogadzira fish ndibike kunodai wanike dza defrozer asi dzinhuwa kuratidza kuti dzakasoshata kare kare. Ndakatora phone ndikafonera Jason nehasha. Me : uneshuwa kundiigira hove dzakaora Jason. Him : it was to remind you mauyiro awakaita mu life mangu. Zvakaita fish idzo ndizvo zvawaiva nxaa you think ndokuda zvekutokuunzira bucket re fish kuti wageza njuzu here Yeah my life has turned out to be a mess. Ndakambofunga kudzokera kumusha ndarwadziwa nekudadirwa uku but ndakanyara kunosekwa nekusemwa zvandakamboitwa after ndarambwa ku first marriage yangu. Ndakatoti since ndapihwa imba zviri nani kugara ipapo ndotsvaga chinondiraramisa ndiripo. Ndaisave kana ne degree or deploma. Certificate re form four raisambove kwaro zvekuti ringandiwanise basa svinu. Kamari kandakasiirwa na Jason akambondipusha mbichana but January akunopera ndanga ndisisina chinhu. Wekuudza or kuchemera ndanga ndisina. Mai vangu ndaisatoda kana kuvaona ndivo vamwe vakandipfurira zvisina basa now ndava ku suffer ndega manje. Zvinhu zvakachizonatsa kusunga kuzvika ndava kupfekedza mwana ma t-shirt ababa vake ndisisina mari yekutenga ma pamper. Ndakasvika pakuhorera hembe dza Cheryl dzaive dzasara nedza Jason. Ndaive ndafunga kuvhura bhero but then hembe dzacho dzaive quality zvekuti ndaitoda nzvimbo yakati nakei kwekuti ndinoita mari. Ndakabva ndamukira kumbare nadzo kumupedza nhamo kuye. Ndaive ndakambonzwa zvichinzi amwe ma dress anotengeswa mu town anenge atorwa kubhero richangovhurwa ono tengeswa after a steamwa. Ndakasvika ndokumirawo pakachikona kangu ndichidedzera. Zvakanhongwa zvishoma asi ndakazokubva ndichimhanya muridzi we table auya. Ndakabva ndafamba kuenda mutown ndaida kunowaridza ndotengesera ikoko. Nditori busy kudedzera hembe dzangu Kuna Ruzende ndakabva ndaona ..... End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ โค ๐Ÿ‘ ๐Ÿซฃ ๐Ÿ† 687
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/19/2025, 6:30:39 PM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 20 CHERYL Jason nehama dzake nemukadzi wake vakazobuda vachidzokera kumba kwavo. Ndakangovaona vachipinda mumota ini ndakagara pamuti wangu. Handina kana munhu one wandakaoneka. Baba Charity vakabva vandidedza ndichibva ndaenda. Ndakangosvika nekugara pasi ndiri zii pasina kana kumboti matiii or ndauya coz I had no energy to make silly talks. Baba Charity : Cheryl ndiperekedze kudanga muzukuru. Gogo : taurirai muno tichinzwa munoda kunofonyora mwana pfungwa muri mega ikoko. Taurai pano tizvinzwe kana zvisingaite totozviramba ipo pano Baba Charity : mhamha hamusi makuzvinyanya here. Zvamaida makaita uyu muzukuru wangu I have every right to go where ever I want naye. I have a right to make private talks pliz tinyareiwo tisati tadana ana sekuru Gogo vakabva vati zii. Hanzvadzi dzavo vaidzitya zvokuti ... Ndakabuda ndichitevera sekuru kudanga kwavaienda ndokusvika tichibva tagara pamapango. Baba Charity : losing a child is not a child's play. You were robbed of the opportunity of being a mother and that's not fair at all. Handina kunge ndazviziva kuti ndizvo zvarongwa. Dai ndakaziva ndakakuvanza usina kubvira wasangana nehondo iyoyo. Ndiri murume handife ndakatakura mimba asi ndakanzwa kuti kurwadza kwacho kunodarika rufu. Saying sorry won't mend the broken pieces of your life. It won't bring back the life of your unborn child. It won't take away the pain you went through. Yes ungati hupenyu hwako was a lie but it is what it is. These are the sands of time. They can never be wiped away. They shall remain a part of us for as long as we live. But I'm here to ask how you feel about knowing the truth of your real parents, losing a child and the harsh words and treatment that you got. Me : zviri kurwadza izvi.... That's all I could say . Ndakachema kusvika ndakunzwa mabayo. Ndiko kakava kekutanga kuburitsa shungu dzangu. Ndakachema kusvika ndatotesa hembe ya baba Charity nemisodzi sezvo vaive vaisa musoro wangu pachipfuva chavo. Takaita nguva takadaro pandakanyarara vakabva vandibata ndokudzika padanga tichibva tagara padombo raive padivi pemuti padyo nepadanga ipapo. Baba Charity : chiri kunyanyokubata chii. Mwana here or kuvanzwirwa chokwadi cheakakubereka. Me : why muri kutaura neni zvakanaka ini ndakaputsa imba yehanzvadzi yenyu. Nei musiri kundipopotera sevamwe. Nei musiri kundiudza kuti ndiri pfambi , mwana wegora sevamwe. Baba Charity : kubva zuva randakaku tambidzwa ndichinzi ndiku chengete semwana wangu ndakabva ndakuisa mumoyo mangu semwana. Nyangwe vanhu vakati chii iwewe uri mwana wangu handiti kaa. Zvinorema , zvinorwadza asi ndichange ndinewe. Handimbozokurase nhasi Cheryl nekuda kwe zvaitika . Kutadza kuri muvanhu chinonetsa ndechekuti vanoona pawatadza asi pavanotadza havapaoni. Yes handidi kunyepa zvawakaita hazvina kundifadza. Nyangwe kudai Sharon aive tete vako zvechokwadi waisafanirwa kupinda mumachira nemurume wake muchivande. Wakaputsa imba yake zvaunoziva iwewe. Hunhu wanga waisepi pawaiita zvese izvozvo. Me : handigone kuramba mhosva yangu sekuru ndakatadza. Ndakamboda kuzvisiya asi bamkuru vakanditi ndikaramba vaibva varamba tete. Hongu mungati wakadii kuudza tete asi tete vaivimba na bamkuru nemoyo wavo wese. Uyezve kuti nditaure zvakandiremera ndakashaya wekuudza. Ndakatadza kufunga ipapo ndiregerereiwo sekuru. Nekusaziva zvakatoguma zvava normal kwandiri. I made a mistake and I regret that every single day. Baba Charity : zvinowanikwa , kusaziva asi izvezvi wadzidza kuti murume wemunhu haatorwe even if ari muramu wako hazviite zvinokonzeresa ruvengo mumhuri. Me : issue yemwana iri kundibata zvakanyanya Baba Charity : with time you will heal. Just don't bottle things in your heart. If you need a shoulder to lean on you can come to me. Me : how come you still love me even after everything. Ndimi mega maisa effort yekutaura neni. Baba Charity : I understand that it takes two to tangle. The blame goes both ways and you're hurting right now. I don't want you to have suicidal thoughts thinking everyone has abondoned you. Me : maitabasa ndamborerukurwa zvandaona zvishoma. Baba Charity : Saka wafunga kudii nechikoro. Me : maybe next year ndenge ndafunga nekuti izvezvi I'm not emotionally stable. I won't be able to handle the pressure from school with all that's going on. Baba Charity : I understand , rega ndino sunungura mbudzi kumakura uko kwavira. Me : ehoi Baba Charity : kkkk Cheryl zviri kukuremera kunditi baba like always. Uri kuedza nepaunogona ku avoider zita iroro kubva tichitanga kutaura. Panguva imwe chete hausi kukwanisa kunditi sekuru. Me : pese pandinoda kuti baba ndiri kubva ndarangarira mashoko ambuya kuti ndiri gora risina kumusha. Mwana wemusanganiswa asina rudzi. Hazvisi nyore kuziva kuti ndakaberekwa nenzira takadaro. Hapana kana tarisiro yekuti ndichazove newandichati baba muhupenyu hwangu. Handina mutupo , handina dzinza , handina baba. Zviri nani kunzi baba vakafa or vakakuramba asi vachizivikanwa zvino apa itori non starter. Baba Charity : usawanze mifungo unoita BP uri mudiki. Kana kuti urambe uchinditi baba kuchirema ita sekuru hanty ndagara ndiri sekuru vako here. Me : ndichaita sekudaro Ndakabva ndadzokera kumba asi ndaive ndatorerukirwa zvishoma. Ndichisvika mbuya vakaedza kubvunza kuti sekuru vatii asi ndaive ndatodzokera pangu pekusataura paye. Kubva musi uyu ndaitaura na sekuru chete vamwe vese ndaisatovacheuka zvachose. Kunyatukwa zvinorwadza sei or kudeedzwa ka 100 ndaisa shama muromo wangu. Nguva yakafamba kusvika tava muna December ndisingataure zvangu. Vamwe vanhu vakatofunga kuti zvimwe handichagone kutaura zvachose asi ndichigona hangu. Sekuru was so good to me. Ndaive ndajaira manje kuvati sekuru. Muna January panga pakutaurika nyaya dzekuti ndi applier kwandaida kunodzidza. Chokwadi ndechekuti ndaisada ma favours kuvanhu. Ndaisada kuripwa , I also didn't want to be compansated especially by Jason's family. Ndaiona zvisina kana yamuro muupenyu hwangu zvese zvavaida kundiitira. Charity : nhaiwe Cheryl uchasvika rinhi usingataure. Kuchiri kutsanwira mimba yemurume wamai here nhai vasikana. Ndaive ndakagara zvangu pabvute pangu paye paakapfuura zvake achitaura nyemba dzake. Uyu ndaigona kumuumburudza right round but ndakatonyara kuti ndimai. Ndaisada zvemuedzo saka ndakangomutarisa ndokunyarara. Chelsea munin'ina wake akabva asvika achibva kuchikoro. Chelsea : sis Charity nhasi kuchikoro kwauya masoja hanzi kune road race vanohwina vari kubva vaenda kunoita masoja. Charity : haiwa masoja handimafarire ini ndakanzwa kuti vanonetsa. I don't what to end up ndava mvandara sevamwe vatoziva vava kungotevedza mimvuri yemuti . Chelsea : haiwa unongozvidawo zvisina basa hautogone kutaura nevamwe zvakanaka rega ndiende. Chelsea uya akabva aenda Charity ndokubhidhaira achitevera mumashure. Mangwana acho ndakamuka ndakananga kuchikoro kwana Chelsea ndisina kana wandataura naye. Ndaida kunoona kuti zvii zviri kuitika apa yaitove Saturday. Ndakatosvika race rakuda kutanga ... Lady : Saka vese vari pa line ndivo varikuda kumhanya handiti. Tati 20km zvichireva izvo kuti 10 km kuenda 10 kudzoka pano ndipo pamuchapedzera. Vasvika ne 45mins ndivo vachaenderera mberi ne training. Ndakabva ndatomhanyira pa line apa ndaive ndaenda ndisina kumbogadzirira zvekunomhanya. Ndaive ndafambira kunoona but ndakazoona uriwo mukana wekunzvenga ma favours andaida kuitirwa na Jason nemhuri yake. I wanted to stay clear of their way. Ndaisada kana chinhu chimwe chinotibatanidza. My life was my life and I wanted to live it my way and on my terms. Chido nechikoro ndanga ndisisina futi. Ndaive nemapatapata mugumbo ndakabva ndatobvisa ndokumasiya padivi penzira. Pito yakaridzwa ndichibva tatanga kumhanya. Vanhu vanoda zvinhu weduwe mazariro ainge akaita vakadzi vakuru nevarume vachena musoro waitoshaya kuti vaidei. Panga pasina kuiswa age limit. Takamhanya vamwe vachimira munzira vamwe vachifenda asi ini ndaingoshinga ndichienda. Ndaingoona vamwe vachimhanya vachibaya tumbudzi (foni) I guess kwaive kutarisa time. Ini ndangoti hameno ikoko ndozviona ndasvika. Mabayo akati andibata , ndakambodzora speed asi handina kumira. Pazvakaita nani ndichibva ndasimudzira. Ndagara hangu ndaimbomhanya kuchikoro asi ndaigumira pa 2rounds izvi zve marathon zvaindiremera. Semunhu aiziva nhamo dzake nechinangwa ndakatoshinga kuruma muromo ndichitsika matama enzira. Ndakazoona Mozi mukomana aifudza mombe dzambuya Gono achiita kukandawo nhanho achienda. Ndakatoshaya kuti mombe asiya nani zvaave kuno. Iyeye ndiye munhu wandakazoshinga kutevera nekuti aimhanya zvekuenda chaizvo. He was the motivation I needed zvekuti ndanga ndava kutsikira tsoka dzake ndiri mumashure. Sandi kurwadza kwainge kwoita pasi petsoka ndichibaiwa nematombo. Mozi uye akazowedzera speed takuzvika kuchikoro ndipo pandakasarira ndaive ndaneta. Speed yake yakandikunda ndakangoti hameno ikoko kana ndatadza kudzibata 45mins dzacho ndizvozvo. Pandakabudikira pachikoro panga pane vanhu noise yakabva yatanga. Apa ndaifanirwa kuyenderera ground kuti ndinosvika pa finishing line. "Mhanya iwe kwasara 5min shinga shinga" Vanhu vaiita kudedzera vachindikuza asi 5min ini ndasarwa ne 400m nezvandainzwa zvacho ndakaona ndakundikana ini asi handina kuda kumira ndakatoti ndinofa ndaedza. Ndakaritenderera ground ndakaita kupfumbata tumaoko ndakashama muromo ndichiita kufemera padenga. Pandaka crosser line ndakabva ndabatwa neumwe musoja wechikadzi ndisati ndadonhanhera pasi. Akabva atarisa time ndokuti... End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข โค ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐Ÿ”Ÿ ๐Ÿ˜‹ 518
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/15/2025, 4:34:31 PM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 16 JASON Munoziva pandakanzwa ambuya vangu vachitaura zvekuti Cheryl ane nhumbu ndakanzwa mudumbu. Ndakatoshinga kuramba ndakagara ndiri chilled kuti vasandifungire. All along ndichirara naye ndaitoti achangoitawo zvakaita Sharon zvekuita makore asati abata mimba. Ndaitoti mbeu yangu ino nonoka kutambirika kumunhukadzi kuti izodyara chinhu chinoumbika kuita munhu. I didn't even think about family planning or morning after pills. Honestly I took all the blame nekuti ndakazvitarisa Cheryl mwana and she is innocent. Ndini ndakatomudzidzisa musikanzwa yese iyi asi ndakaitawo mistake pakukanganwa kuti kunodzivirirwa mimba. Mugoona dumbu ra Cheryl raisambooneka. Wakamutarisa waingoti kusimba kwemunhu akagara zvakanaka achiwana zvese zvaanoda. Ndaitomukumura hembe kahobho ndichibata every inch of her body as I never expected kuti she is carry a little seed of the love we share. Umwe moyo waida kufara sezvo ndaive ne wish yekuti one day Cheryl agotakurawo mwana wedu semucherechedzo werudo rwaive pakati pedu. Izvi ndaida kuzvoziita tanatso planner kuti tozvivanza sei kuvanhu manje apa pakazoitika an unplanned pregnancy chaiyo. Biggest fear yangu yaive yekuti chokwadi chikabuda pachena vanhu vaizvitambira sei. Chandainyanya kutya kusungwa nekuti Cheryl yaive under age chaiyo. Ndakatarisa hangu vanhu vachibuda kuenda kuchipatara. Me : God what have I done. How will I explain this. Mai vangu vachatii nazvo, ko mukoma na maiguru vandakaita mapenzi nemanyepo angu. Harisi Jeri here iri randatarisana naro. Ndaiita kuzvibvunza mubvunzo ndichifamba famba mu bedroom. Stress yaive yandigara zvekuti ndanga ndisingachatozive zvekuita. Sharon : aaah nhai babe mwana ari kuchema hausi kumunzwa here nhai weduwe. Apa anenge abvira kare achichema uri kufungei zvekutadza kunzwa mwana. Ndakavhunduka Sharon paakadaro. Ndaive ndisina kutonzwa kuti adzoka ndiri busy kuronga ndichirongonora pfungwa dzezvandaive ndatarisana nazvo. Me : sorry I was just worried about mainini Cheryl . Hanzii na doctor Sharon : Cheryl andipedza simba babe. Handina kana pekutangira. Handisi kutoziva kuti ndoti chii right now. Doctor vati she is three months gone can you imbagine. Kumubvunza muridzi wayo haasi kutaura. Ndatombofenda pandazvinzwa andirwadzisa hake. Me : three months Sharon : can you imagine babe. Me : shit ma 1 Sharon : rega nditonoona mhamha vari kurongedza kuti vaende kumusha right now. Pamwe akambonorohwa nana mukoma anotipa answer iri nani . Me : eish kurohwa futi ko akasvodza nhai madii kutaura naye zvakanaka Sharon : haasi kuda kaa kutaura kwacho ndiyo yega option itoripo. Wadii kuchinja wavaperekedza Me : aaah eish ndakanganwa kukuudza kuti ndafonerwa na Jonso ati pane kabasa kaabata Saka ndoda kumhanyako Sharon : Saka vanoenda nani mhamha vacho I can't drive nemwana. Handisi kuda futi kuva pedyo na Cheryl ndingafe nebp Me : mari iyi hire mota or something ndabuda ini. Ndakabva ndatotiza ndokubuda ndakananga kumba kwa Jonso. Hapana kana basa raimbovepo asi iwe mabororo aive amuka kumba uku ndiwo andaida kutiza. Kana kuenda kumusha kwaSeke ndakatotya . Jonso : ndatsikwa nechibaba Me : Jonso ma 1 atanga. Ndati ma 1 atanga kani Jonso eish pari kupisa baba. Pari red haa pakaipa wangu Jonso : Jason dzikama undiudze nyaya yako mhani wakuda kupenga here. Gara pasi titaure sevarume kwete kuda kundipengera panapa uchingozeya zeya seunotamba ngoma ye Zion. Me : haa fokofu mhani Jonso : Saka hasha ndedzei taura nyaya yako tinzwe Me : ninez vane pregaz Jonso : wakamitisa hama yemukadzi kkkkkk ichoo chakawana kari fertilized kasingazeze kugamuchira mbeu. This is good news mhani Me : unopenga here unoti good news asi wakanganwa kuti ndine mukadzi plus Cheryl mwana mudiki Jonso : iwe sei usingatende Mwari. Hauone kuti Jesu anokuda here. Kuwana ka babe ka mhandara kobva katoita mimba na one na one. Hauone kuti kwaSharon zvakatora time here obvious aitoda mubatsire. Me : imbomira kutaura zvisina basa ini ndiri panguva yakaoma. Vakazviziva kuti nhumbu ndeyangu unoti zvinopera mushe here. Jonso : we should celebrate shamwari hapana kana nyaya apa. Babe uya anokuda chete haazombokusiye uchisungwa. As for kamukadzi kako ako haiwa kanojaira soon kuti kwana mainini. Chiri kutodiwa apa kufanounganidza mari ugare uri ready Me : nxaa haubetsere wangu Jonso : ukutsvagei pano kana ndisingabetsere Me : hapana kana chine musoro chawataura apa. I need a solution not this Jonso : solution ndeye kuti ita zvawafunga Jason. Either kutiza hanty uri kutya Jeri here or kumira nemunhu wako. Ukamira naye haambomusiye uchisungwa mwana uye. Me : rega ndiende hapana nyaya svinu yawataura apa Jonso : my man hoyooo Ndakatobva pamba pa Jonso ndava more confused. Ndakawanika Sharon ari busy kuchema akagara muroom ma Cheryl Me : babe Sharon : Jason chiri kunyanya kundirwadza ndechekuti Cheryl haana kubvira akabva pano zvekuti ndingati akaita mukomana kunze. Machemero akaita pandamubvunza andisiya nemubvunzo mukuru mumoyo nemupfungwa. If she is 3months gone it means zvakaitika ndiri mu 7months going to 8. That time ndaive pano and aiswera pano everyday. Anga asati akumboenda kuchikoro zvekuti ndingati akamitisirwa ikoko. Hatina gardener kana guard pano wekuti ndingapomera. That leaves me with only one person Me : uri kutiiko Sharon Sharon : ndiri kuti ... Mwana akabva achema ndikati Mwari maita henyu . Ndini ndakaita number one kumhanyira kunotora mwana kwave kutanga kumusvusvudzira. Sharon akauya but haana kuzotaura nyaya iye futi she was just quiet. Manheru acho akatambira nhare kubva Kuna mai vake. Ndakatonyepera kunge ndabatwa nehope ndichida kunatsoteya nzeve kuti ndinzwe. Sharon : mhamha Amai : haa Cheryl aramba kutaura. Arohwa zvisingaite kuno zvekuti ndatozochema kuti vamurege asi haana chaataura ari kungochema chete. Sharon : Saka mati zvinzwii Amai : aaah hameno ndapererwa ini rega tigozoona kwaedza. Sharon : horaiti mozondiudza kuti madii. Moyo wangu wakarwadza ndichinzwa kuti babe wangu akarohwa. Ndakaeredza misodzi papillow ndichinzwa pain kunge ndini ndarohwa. Ipapo ndipo pandakazonatso dzamisa pfungwa ndikaona kuti ndingaurayise mwana asina chaakatadza. Ndakanatsofunga kuti paarohwa nhasi apa ane mwana wangu mudumbu ko akawana chinomuwana ndinozorarama sei ndichiziva kuti ndini honzeri. Rudo rwaive mumoyo mangu ndirwo rwakandituma. I realized kuti more than my life itself I love Cheryl and I can't watch her suffer alone. Ndakaona zviri zvinhu zvakanaka kuti ndiende kunomununura ndotaura nyaya yangu ndega. Maybe hama dzacho dzikanzwa kuti ndinoda kuroora uye mukadzi wangu ndomuda vaindinzwisisa sezvo ndinenge ndabvuma mhosva yangu. Handina kurara ndichifunga the pain yaive na Cheryl. Ndakamuka kuseni ndokunoita full payment yemba yeku Belvedere ndava kuita ma preparation ekunotora mudiwa wangu. Kana vakaramba kunzwisisa ndaive ndatozvipira kutiza naye hangu toenda kure kusina anoziva. Ndapedza ma pocesses emba, ndaive ndaisa muzita ra Cheryl. Ndaive ndaba chitupa chake chaive na Sharon. Ndapedza ndakabva ndapfuura ndichinoona Jonso Me : ndafunga kutevera mukadzi wangu Jonso : ninez here Me : ehe haa I love her shamwari. Ndomuda mwana uye and I can't let her suffer ndiri mupenyu. I can take care of her, I have money saka. Ndakarwadziwa nezuro ndichinzwa kuti akarohwa. What if vakazomukuvadza. Hazvibatsire kuti ndirambe ndakanyarara ndichitya Jeri at her expense. Ko akazozviuraya afunga kuti ndakamu betrayer. After all she didn't choose to be pregnant Jonso : ndizvo zvandaiedza kukuudza paye pawaiita tuhasha tusina maturo. Dai zvakarongeka ndaikuperekedza manje uku kune chimoto unogona kungobvako uchidzingirirwa nembwa saka haa I can't go with you. Me : I understand wangu ndoenda ndega. Akabva atondiperekedza paye kusvika pamota yangu. Ndakasvika kumba late Sharon atorara ndichibva ndangorarawo ndichigaya horror dzangu. Makuseni ndakamuka ndakabata steering ndakananga kwa Seke. Sadombo wangu aive mwana wasahwira wava ambuya vangu saka ndakasvikira kumba kwake ndokumupira nyaya yangu. Him : mupfana iwewe haunzwe hanty. Ichi chimwana chekunaka wakachigona sei muno mumusha chaive chanzwa nekutuka wese aisvika pedyo nacho. Nenguva diki iyoyi wanga watochigona zvekutochimitisa haa ooh tora sando dzako. Takamboti taurei kusvika zuva rakwira achibva ati tichienda zvedu kwana Cheryl. Ndakatosvika mwana akakombwa mumba makazara. Hana yanga yava kurova zvekuti ndanga ndakufunga kutiza kudzokera kwandaive ndabva but pandakaona mudiwa wangu akazvimba face maziso akati piriviri ndakabva ndazvishingisa. Iye akanditarisa zviye zvekutya chaizvo. Munyai wangu akabva aisa nyaya mudariro achitaura zvandaive ndafambira zvekuti achipedza kutaura mumba makaita runyararo rusingaite. Vamwe Mai vandaisaziva ndivo vakati. "Aaah mukwasha zvaabvuma zvakanaka hanty auya ega akati anoda kuroora Saka handione chakaipa apa. Barika ririko uye hazvisi zvitsva kuti tete vano parikwa nemwana wehanzvadzi. Ndichi chivanhu chaicho ichi kusimbisa ukama. Kutonatso charger makadekara apa baba Charity" Hapana akavadaira baba Charity nemunin'ina wavo vaingodzungudza musoro. Mhamha ndivo vaive vatsvukisa maziso vachingochema. Mai Charity : ndakambozvireva izvi amai kuti zvamaita izvi hazvibude asi makanditi ndakavenga tete Sharon. Chandoziva ini hakuna foundation yemba inovakwa nejecha pasina cement nekuti inodhirika. Nhasi chionai pfimbi yenyu payatisvitsa. Baba Charity : ndakange ndazviramba zveHarare izvi amai. Ndakambokuudzai amai asi Sharon wenyu nharo mazviona kaa. Ndakatotadza kuziva kuti chii chava kuita vanhu vakakavadzane pachavo nekuti ndaive ndakatarisira kumhanyiswa mufunge zvenyu. Gogo vechikuru vaivamo ndivo vakazoti.. "Pamusoroi mese muri muno. Mukwasha nyaya tainzwa yamataura asi isu tese pano hatigone ku charger mari pamwana uyu. Sezvo mati munoda kuroora hapana chakaipa asi mai vemwana ndivo vamasiya kwamabva.. Me : vandasiya kwandabva??? "Hongu ivavo vamatiza nuchiuya kuno ndivo mai vemwana uyu. Kana vanga vasina kubvira vakataura kuti vane mwana matozvinzwa. Kana muchiri kuda kuroora motodzokera monovatora vouya vareva zvavanoda pamwana wavo..... End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ โค ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿ‘€ ๐Ÿ‘ 634
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
Atipa & Thando Novels ๐Ÿ“–๐Ÿ“š๐Ÿ–‹
6/13/2025, 9:22:54 AM

BURDEN OF HISTORY โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน๐Ÿ’‰โคโ€๐Ÿฉน Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 15 CHERYL Life yainakidza ndichidiwa na bamkuru. Ndainatsonzwa kuti now zvakuendeka and pavari ndakawana soulmate yangu chaiyo. The chemistry, the bond , the feelings everything was a pure match. Sanike tete vasipo ndini ndaitove Mai vemba, muridzi wemurume. Bamkuru vaishanda local asi taisasana day and night. Chandaida ndechekuti vaisandibata semwana uye vaindipa rudo rwaindigutsa. Ku chikoro ndaisatove nenguva nema friends nekuti bamkuru vari one was enough for me. He was my friend and partner. Besides I didn't want to expose my relationship and private life to the world. I liked it private , I didn't wanna show off. It's not because I was ashamed of the man I was dating, maybe I would say I was scared of getting caught by our family members. I didn't want us to end at all. I was willing to sacrifice everything just for him. Even if it comes to a point were the truth gets out and he asked me to be his second wife , I was ready coz to me it was him I wanted. I didn't care about the position and everything else. It was only him, his love , care , affection, attention , body and soul nothing else. Around the time auntie gave birth I couldn't travel to go and see the baby coz of the exams I had. But I did video call everyday just to check up on her. Ndanga ndisisa feeler guilty about taking her man behind her back because at the end of the day she was Jason's wife to the world. She was loved and got everything she wanted except the trust and loyalty that was broken. I felt like I didn't do any harm to her marriage coz things stayed the same like before I was in the picture. Ours was just a private thing that didn't disrupt any life. Ne one day rakaenda Bamkuru kunoona mwana ndanga ndatovasuwa zvekuti. Ndakatoona kwadoka ndikaziva kuti munhu haasi kudzoka. Ndakazvinzwisisa hangu kuti munhu ane mhuri so I can't always be the first priority. Pavakazodzoka taitosasanirana svoto chaiyo nekuti ndaiziva tete vava pedyo kudzoka. After two weeks vakabva vauya na gogo. I was happy to see her back but gogo manje vaitombondi vhiringa mutambo wangu na bamkuru since vairara neni. Handina kurara manheru acho ndiri busy nenyaya na gogo vangu ndichiudzwa zvese zvakasara zvikaitika kumusha. Mangwana acho ndaive ne lecture kuseni kuma 8. Ndakabva ndamuka ndichigadzirira kubuda. Ndakanogeza mu bathroom then came back ndakuda kuchinja. Gogo : ko iwe watomuka husiku huno Me : ehe gogo mamuka sei. Gogo : ndamuka zvangu ini muzukuru wangu. Yowe saka kuchikoro kwacho munotanga nguvai Me : na 7 Gogo : aaah vanozonyanyawo kudzidzisa husiku. Asi kure zvakanyanya kani Me : haa kwete zvakanyanya asi mota ndidzo dzinozowandisa muroad umu munenge musingafambike ndosaka ndamukira kudai. Ndakatonyepera gogo kuti 7 nekuti mbuya vangu vaiwanza ma calculations. Ini ndaizvizivira kuti kubva na 7 kusvika kuma 8 inguva ya bamkuru Saka ndaibva pamba kuma to 6 kuti zvi balance. Ndaizongoda ten minutes dzekuzomhanya kuchikoro kubva pamba pataisasanirana hedu. Even tete vaiziva zva 7 ko ne form four yavo vaizivirepi zviri muma technical college nekuma university. Ndaitotaura nagogo ndichitsvaga hembe yekupfeka mu wardrobe zvangu. Mazuva aya hembe zhinji dzinge dzisisakwane. Ndaive ndasimba kani ndava memagaro nema hips zvekuti gogo pavakasvika vakatorumbidzawo muviri wangu kana tete chaivo. Ma bra chaiwo aive asisakwane ma zamo ati kurei. Ndakabva ndatora rimwe track bottom rangu since kwaitonhora. Ndakapfeka neka crop top ndichibva ndabata jacket mumaoko. Ndaizopfeka ndakubuda. Me : gogo tell me how do I look Ndakadaro ndaichito ndenderera mativi ose kuti vandione Gogo : mazuvano wasimba Cheryl kuita gadzi chairo. Wabva wazadza mutirauzi iyoyo kuita kunge uchapaduka haiwa haikona kuzoshaishira vanhu vanokuda vachikuvhangeta kudai. Vashoma varume vanoendesa hama dzemukadzi kuchikoro. Chengeteka muzukuru usarasa hunhu nezvaunoona kunze uku. Dzidza upase ugozoshanda basa rakanaka Me : ehoi gogo ndiri kudzidza nesimba Zveshuwawo kupenga ndaipenga hangu na bamkuru asi handina kubvira ndakatamba nedzidzo yangu. I had dreams , and I was busy working towards those dreams. Ndakabva ndatomira ndakatarisa gogo ndakasumudza maoko mudenga ndichivabvunza kuti ndosunga sei bvudzi rangu. Gogo : Cheryl swedera pano tione Ndakaenda padhuze navo kwava kumira vachibva vandibata top yaive yakakwira mudenga yakasiya dumbu panze. Vakaivhura ndokuita nguva vakatarisa dumbu rangu zvekuti ndakashaiwa chirevo chazvo. Vakabva vamuka ndokugara pamubhedha vakaisa makumbo pasi semunhu apererwa. Me : gogo chii paneiko padumbu pangu. Ndakatonomirawo pa glass ndokusimudza top ndichizvitarisa tarisa asi hapana chandakaona kunze kwekungoti ranga risisiri flat ndakangoti kusimba. Gogo : Cheryl une chokwadi kuita mimba munhu akatanga kuenda kuchikoro zuro uno wanga watofarisa kukanganwa chazuro nehope. Me : mimba haa gogo itai serious imi mimba ipi ipapa Gogo : iwe handipenge wanzwa. Zera rangu rino mdingatadza kuona munhu ane nhumbu. Une nhumbu iwe ndanga ndichitoti wasimba izvo inhumbu Me : handina nhumbu Ndakarohwa mbama ndichibva ndadonhera pasi nemagaro. Ndakasumuka paya kahana kasisina kugadzikana. Ndaive ndakufunga kuti maybe ichokwadi nekuti ndaingorara na bamkuru pasina kudzivirira. Gogo : wakaguma kuteera rinhi Me : kuteera?? Gogo : handisi padambe newe wanzwa ndati wakaguma kuenda ku period rinhi Me : period aaa handichazive. Gogo : inhumbu iyi Cheryl asi chii nhai. Wanga watofarisa zvekumitiswa nguvai ipapa Vakadaro vachindibaya baya dumbu nechigunwe zvehasha chaizvo. Ndakabva ndapusa two minutes idzodzo. Gogo : bvisa mutirauzi wako Me : gogo Gogo : usandipedzera nguva ndati kumura kumura tiono Vakataura vachindirova rova maoko. Ndakabva ndabvisa bottom riye Gogo : kumura pant Me : aaah gogo kuti zvadii Gogo : kumura ndoda kuona hanty wati hauna mimba rega nditarise kana uri mhandara Me : aiwa Gogo : uri kuramba Me : ehe aah nhai handichazi mwana mudiki ini. Eeeh ndakazvitikitwa nambuya vangu ka pant kakadamburwa. Vakandisundira pamubhedha ndokunzi ndivhure makumbo asi ndakaramba vagotanga kunditswinya vachindirova rova kusvikira ndavhura. Ndakapinzwa chigunwe bvachanatonyura smart. Gogo : Cheryl chokwadi naMwari nhasi ndinokuuraya wanzwa. Ndoda undiudze kagora kawakatakura ndekani. Ndakarohwa nepush ndichingo kunguruka ndichiedza kuvhara. Vakandiriva kusvika moyo wamira ndkuchigara pasi vachichema. Vakachema kani mbuya vangu vachindidembera zvekuti ndega ndakakuma ndorwadziwawo moyo. Taichema tese ini ndichingotiwo sorry gogo neku side. Kudonzi muridzi ndiani haa ipapo pakaramba kutaurika. Vakandirova, vakanditswinya asi handina kutaura. Kana vakarwadziwa nemimba yangu ko vakazonzwa kuti ndakatorera mwanasikana wavo one murume vanotii nazvo. Nemudiro wavanoita mukwasha wavo ndakatoona kuti hazvitaurike better vandiuraye zvavo asi handimbofa ndakataura. Gogo : izvezvi nhasi chaiye ndiri kuenda newe kumusha. Ukambonorohwa nababa Charity unotaura. Kana wakabatwa chibharo wotiudzatizivi asi pano hausari. Wandirwadzisa Cheryl handina kumbotarisira zvakadai kwauri. Ndiwe mwana wandaiti ane hunhu, ndakatora nguva yangu kukuraira asi ndaiudza matsi asinganzwe. Ndinonyarira pai wandinyadzisa so pamberi pemukuwasha hee. Ndanga ndava kungochema nekudemba mumoyo asi zvanga zvichabatsirei. Kana kuchikoro handina kuzombokuenda. Gogo vakabuda vakandisiya ndakagara ndichizvibaya nekufunga. Ndaisava kana ne plan imwe chete zvayo. Me : God how did I end up pregnant. Ndaiita kutaura ndega chaiko. Pakadai kana prayer yaisashanda. Apa kuti ndiudze bamkuru haa ndakatotya worse. Ndakafunga kuti ndava kudzokera kumusha, kwatova kusiya chikoro ndisati kana ndambopedza semester imwe chete zvayo. Ko ivo bamkuru vakatadza kufungawo zvekudzivirira mimba seiko. Tete ndivo vakazouya kuzondidana kuti ndidye. Ndaisave ne appetite asi kuti ndirambe kuenda kunevamwe ndakatya. Ndakatoziva kuti kuuya kwavo kuzondidana vaive vatoudzwa nagogo kuti ndirimo. Besides kana ndava kubuda ndaisiya ndaoneka manje apa vakangoona iri zii zii Tete : ukati rega ndirovhe ndimboona mbuya vangu. Weekend yatokuitira kure kaa Me : ehe mamukasei tete Tete : ndiriboe hande unodya ko nhasi hindava kuita low kudai waitwei na mbuya vako Me : hapana hangu kutongoneta chete ndakanonoka kurara. Tete : ko zijuzi nderei kuri kupisa uku apa bvawati zi hat mumusoro. Me : ndiri kutonhorwa Tete : yowe handei Takabuda takateverana ndokunogara pa table. Handina kana kusimudza musoro wangu ndakamhoresa bamkuru ndakatsikitsira. Vamwe vaidya ini ndichingobaya baya chikafu chacho. Ndakatoona kuti ndikaisa spoon mukanwa hachitsengeke kana kumedza chaiko ndaidzipwa. Gogo ndipo pavakabva vataurawo zvekuti ndine nhumbu. Dai makaona muvhurirwo wakaitwa ziso na bamkuru apa vaive nechikafu mukanwa vakabva vakachidzwa tete ndokumhanya kuvabhabhadzira vachivapa mvura. Ndakangoti dai vaiziva havo vaitovasiya vanatsodzipwe. Sharon : mhamha mati Cheryl ane nhumbu. Aaah imi nhumbu ipi , yani nekudzikama ikoko. Haana kwaanoenda she is always here. Kuchikoro anoenda ne cab achidzoka pano Saka muri kutii... Gogo : ndamutarisa uyu anayo mimba asi aramba kutaura muridzi Sharon : aiwa ndazviramba ini let's go kwa doctor. Hande pa mbuya Dorcas padhuze apo. Matadza kuona chete mhamha Cheryl haamboite zvakadaro. She is intelligent anoda chikoro, she doesn't have a boyfriend not even a friend. Bamkuru vaive zii zvavo kana kudya vakabva vamira. Vaingove nekagubhu kemvura mumaoko vachingotura befu nekunwa padiki padiki. Tete vakabva vatosimuka ndokutora ma car keys vakati tiende. Tete : babe nditarisire mwana ndiri kudzoka. Mhamha varikuda kundivhara vakuda kungoenda na Cheryl kumusha chete I'm sure haana nhumbu uyu. Takasvika kwa doctor Mai nemwana vachingoitisana nharo ini ndiri zii zvangu. Kunotariswa kudai wanike ndatova 3 months pregnant haa ndakanzwa kutsva chaiko. Tete vakafenda haa raitove drama. Pavakamuka vakanditarisa misodzi ichiyerera. Vakatadza kana kutaura for some time kusvika vazoti... Tete : who is responsible Cheryl Handina kudaira kunze kwekueredza misodzi.. Tete : did someone force himself on you. Why usiri kutaura pliz tell me my baby inhumbu yaniko iyi Ndakaramba ndiri zii tikadzokera kumba. Gogo vakabva vatoti tirongedze tipinde munzira that very day. Tete vakabvuma but ivo vaisara coz Mai va Jason vaiuya kuzoona muzukuru wavo. Ndakatoti better tibve vasati vasvika zvavo. Zuva rakanodoka ndava kwaSeke ndakakombwa nemusha wese vachida kuziva muridzi wenhumbu. End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ โค ๐Ÿ˜ข ๐Ÿฅน ๐ŸŒน ๐Ÿ’™ 702
Link copied to clipboard!