Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
February 22, 2025 at 05:23 AM
🤍✨🤍✨🤍✨🤍✨🤍 *TAMED* [Life humbled me] GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/HjjBxYMe1CpAEMyNe6k8Pq MORE UPDATES ON OUR CHANNEL: https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 *Story by : Atipa & Thando* CHAPTER 6 *Talisy* I was so shocked when my very own aunt spoke about pregnancy. Just the posibility of caring so little human inside my tummy scared me to the core. What makes everything worse is the fact that I don't really know who is responsible for the baby. I was having my bread buttered on both sides but now nyemba dziye dzazondizvimbira. Ndakashaya kana shoko rimwe rekuvapindura kunze kwekuenda ku pharmacy kunotsvaga pregnancy test. Ndasvika kumba ndakazvi taster ndokuwana zveshuwa ndinayo mimba. Ndakanatsobata musoro ndakamira pa sink ndichiedza kufunga kuti ndonanga kupi manje I had only two options , kutizira or kubvisa nhumbu. Asi manje ndakatya kufa ndichibva ndarasira pfungwa yekubvisa mimba kure ndokusara neyekutizira. The biggest question was ndonangepi , kwa sir here or kuna Allan. Voice : out of all the choices in life yours was to get pregnant for that fool HD tsaga zvaro asina kana zig. Ndakavhunduka ndichidonhedza ka pregnancy test kaya kachibva katsemuka. Ndakatarisa pasi hana ichiita kurova. Neniwo ndaive ndazovarairwa sei ndakabata ka test pachena pakadaro. I thought he was going to hit me but no. He just stood a few feet away from me achiita kufemera padenga kunge ndere. Me : l..... let me explain Tay : save me the lies I'm not your parent. Ndakarwadziwa ndichiona brother yangu ichivhara door re toilet ndakatarisa kudai. I expected him to care. Zvino ndainge ndasiiwa pachena senyana reshiri kuti nyoka dzidye. Ndakazobva paye ndoenda mumba. Tete havana kana chavakataura vaitofara nemwana wavo vakandifuratira sendisipo. Hakuna chinhu chinorwadza seku ignore wewa. Next morning I walk up ndokuita basa rangu. Tete vachingobuda kuno hoarder ndakabva ndasara ndokurongedza tuhembe twangu ndini uyo kwana Allan. Handina kana kusiya ka note because Tay aiziva kwandaive ndaenda. Ndichinosvika kuye ndakatambirwa zvakanaka. Haana kana kuramba nhumbu yake asi akatofara. Days went by ndichibatwa sezai zvekuti dai ndakaziva kuti ndozviri mumarriage ndakasotizira kare. Pakazoti pava pakati pemwedzi ka grocery kapera bishi rakabva ratanga mumba . Me : wakatorara zvako vamwe varume vari out there vachishandira mhuri. Unoti tinodya mabori here nhai. Allan : Talisy Me : Talisy Talisy kudiii. Zita rangu haritenge preparation Allan. Be a man and do something . Unoti zvinonakidza here kudya sadza nema chunks daily . Nhumbu ine ma cravings iyi. Munopindireiko pakati pemakumbo musingazongone kuzomiririra nyaya dzacho. Remember handina kusiya ndapisa musha. Ndakabva ndabhidhaira ndichienda panze. Ndanga ndaneta with just a week ndichidya maveg nema chunks. Ndakanzwa kuvega zuva randabata pamuviri. Dai kutaura kuno nditori kumba kwatete ndichidya zvirinani pane zvandaidyiswa na Allan. Aivewo murume we display asina kana chaanobatsira. Zvainakidza mazuva andasvika achishanda achiuya netumari zvino apa anga angova rombe raiswera richitevera mumvuri mumadziro memba. Ndakatoshamisika paakati atorerwa tank ko ndaisaziva kaa kuti anoita basa reku filler ma gas. Pese patakadanana handina kubvira ndabvunza nezve basa rake. Ndaiona kutsvinda ndikati aiwa zvakarongeka. Kana imo mumba make yaive one room hayo but maive makanaka. Maybe ainge akatengawo kare basa richiri kufaya. Ndakanatsogara pasi ndega ndikaona kuti life yandairaramiswa na Allan was not meant for me. Ndakatanga kugaya plan yekuti ndibude mu situation yandaiva. Ndipo pandakazoona kuti ko ndikamboedza kutizira teacher zvaidii. Ndakanatsoona zano rangu richibudirira zvakanaka. Uyu Allan ndaisamuudza kuitira kana ndikasanotambirwa ndaiwana madzokero. Plus iye aingofungira kuti ndaneta nenhamo ndikaenda kumba. Pachokwadi life yandairaramiswa na Allan ndaive ndisina kuijaira. Ndaive ndakajaira soft life yandairarama ndichigara namai vangu. Kozotiwo kwatete life was just okay. Ndaisawana zvese zvandaida but it was much better than what Allan was giving me. Allan : babe I cooked. Ndakanatsomutarisa ndiri padoor. Ndaive ndafunga kudzoka mumba sezvo kwanga kwadoka. Ndakabva ndasvikirana na Allan akamira pa stove achisekerera. Ndakabva ndafamba ndichienda paye ndokunokudubura poto yemuriwo kwakuona ari ma veg asina kana domasi zvaro. Me : handisi mbudzi inodya muriwo ini Allan. Allan : Talisy zvimwe dzidzawo kutaura zvakanaka. Why usina respect. I'm your husband for goodness sake. Handina kuronga kuti basa ripere ini. I'm trying wani , why can't you just bare with me . Me : no you bare with me. Do you even know the definition of a husband or. Okay let's me school you. A husband is a man who provides for a woman in his life. And by provide I mean all the wife needs and want she get not sadza nemaveg. Unototarisira kurespector after such a meal. Gegege seka zvako mwana wekwachikonamombe. Allan : mashoko ako anorwadza . Haasi emunhu arikutaura nemurume wake. Me : wakaroora here coz pano ndakagarira mimba yandinayo. Allan : okay sorry kwacho ukuda kudyei ndinotenga. Me : utori nemari uchindidyisa rubbish. Allan : mari iyi ndaiunganidza yekunobvisa tsvagirai kuno nekuti uende kumusha kwedu kunoita chiroora. Remember dzava two months asi hapana hama yangu yaunoziva. Me : hoo aaah wozongotsvaga imwe. Iyoyo totombotenga zvinodyika. Allan : handisikuda kuti mari iyi ipere yese. Ndirikutofunga kuti zvikaramba zvakaoma kudai ndombofano vhura musika or tuckshop nayo . Me : hazvina kana musoro zvauri kutaura. Nastonditarisa Allan unondushorei zvekusvika pakuda kundizvidza ndichinzi ndiye mukadzi abemurume anotsiga tswanda achibva kumbare. Kana watofunga zvemusika wozviitira kure kwandisingakuone. Handidi kunyadziswa zvangu. Allan aiva ari very quite. Handizive kuti kupusa here or kudzungaira zvekutoshaya chekutaura. Kana ukapopota zvenengei anongokutarisa asingapinduri. Zvaairi zvacho ndinotoona sekuti paakandipfimba aive akaputa ini. Zuva iri ndakarara zvakanaka semunhu anga adyawo ma chips ne russian. Pandakamuka kuseni ndakawana shasha ichipinda padoor yakatakura tswanda yema banana , madomasi nema onion. Kana nditi ainge amuka nguvai achienda kuMbare ndakazvishaya. Ndakasvotwa mufunge. Hakuna kudzikisirwa kunodarika ipapo. Ndakanatsomutarisa ndakafinyama coz ndaisemeswa nehunhu hwake plus pfungwa dzechidofo . Ndakabva ndasara ndisina option than kutongobva pamba apa vanhu vasati vaziva kuti ndiri mukadzi wababa vemusika. Paakabuda achinogeza ndakabva ndaisa tuhembe twangu mubag . Ndakabva ndatora ndiro dzese dzaakatenga ndauya . Yaiva set yema dinner plates nema cup acho. Nemapoto ndichibva ndatsiga bag rangu ndokurova pasi ndakananga kwaigara sir. Ndakasvika achiri makuseni and se Saturday ndakawana varipo achirova washen. Sir : Talisy what a surprise after 2 months. Me : babe I missed you. Sir : what happened. Me : zvoda takagara pasi izvi coz ndaneta. Sir : ngatipindei mumba. Takafamba tichienda mumba ndakabatirwa bag rangu. Chiona mumba macho kurongeka kutodarika kwa Allan. Apa yaisave one room kaa. Ndakanatsonogara pasofa rakanaka kudarika ramai vangu. I made sure to look around and I must say I was I'm really impressed. Me : your house is beautiful. Sir : thanks wena kungozama zamawo. So what brings you here after a long time. Me : a lot happened and I couldn't come to school. Let's just say I'm pregnant and my aunt was giving me hell. Vaitoda kuziva muridzi wemimba kuti vamusungise sezvo ndiri below 18 but then ndakaramba kutaura all because I love you. I didn't want to get you in trouble with anything. Ndakatomborohwa , kuendeswa kupolice asi handina chandakataura zvachose. Ndakangovati muridzi wenhumbu akaenda ku South handizive kune hama dzake. Ndakazodzingwa pamba bvandanogara nefriend ndichida kuti vambomira kundironda ndigowana mukana wekutiza ndichiuya kuno. So that's why ndiri pano. Sir : I'm so sorry kuti wakapindana nezvese izvozvo babe. Honestly husingi hwako hwandiratidza rudo and wagona wauya. I'm so happy hauna kundisungisa . Sununguka hako Talie bae. This house long needed a woman's touch. Me : hiii shuwa here. I thought uchandiramba . Sir : aaah ndatombopotsa jeri wati ndingarase makomborero here. I so much love you. Saka mwana wedu anoda kudyei. Me : right now arikuda iwewe. Ndakanatsotaura nekasexy voice ndichinyemwerera bae wangu achibva adyira. Ndakanatsosimudzwa ndichiendwa neni ku bedroom. Yoh ndakaitwei zvezuva iri. Ndakatozosara ndakarara ndakugadzirirwa zvekudya after our hot session. Washen takaidzorera mumba ndokumboita zvekupanana rudo sevanhu vanga vasuwana. Mumoyo mangu ndaifara kwazvo coz ndaisatarisira such a welcome. Kungoti chete ndakaziva kuti ndikaisa nyaya ye under age munhu wangu achakasika kudyira nekutya jeri.. After some days ndakabva ndafonera tete semunhu anga ava nephone. Kuita murume ane mari kwakanaka. Life yanga yava kufaya ndanatsobuda hu yellow born hwese hwanga hwapedzwa na Allan achindizoresa vaseline. Vakadaira zvavo fone yavo tete vangu ndichibva ndati. Me : makadii tete ndi Talisy. Tete : nhaiwe Talisy uri mupenyu. Mukomana wako akauya pano achikutsvaga hanzi watiza kumba nemidziyo chii chakaitika. Me : haa tete pana Allan ndanga ndakatoita mistake paya. Haagarike naye mumhu uya. Musamutevedzera zvenyu nditori kumba kwangu nemurume wangu ini. Tete : uri kutiiko iwe. Murume upi zvee iwe wanga wakatizira Allan. Me : haa tete zvipikowo ndaiva ndakatovhiringika paye. Ndakaenda kwandakagara zvakanaka uyu Allan akatadza kundichengeta. . Tete : babangu wee. Nhai Talisy asi unoshura. Wakambozvionepi zvekutizira varume vaviri nenhumbu imwe chete. Ko ukazoona mwana ari wa Allan uchadii ? Apa wakatora midziyo yake uchiziva hako kuti urikuenda kuchikomba. .. Me : tete calm down . Kwandiri kuno ndigere zvakanaka imi ndimi makuda kutoita problem . Muri tete vangu musabva manyanya kuti Allan Allan iro rombe iroro. Ndafona kuti ndikuzivisei kuti ndiri mutano. Please musaudza Allan kwandiri siyanai naye. It's not like anga akaroora futi kaa. Mumhorese vamwe vese bye. Tete vangu kuzoda kutaura sevakadyiswa na Allan. Naiyewo zvivindi zvacho zvekuenda kunonditsvaga iye asina kana kai kaakandibvisira ndotoshaya aidei. Kungoda kuonererwa chete chete aah. Ndozvinonetsa vanhu vasina pfungwa. :🤍 :✨
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 💐 💚 🔥 😉 183

Comments