
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
February 26, 2025 at 08:40 AM
🤍✨🤍✨🤍✨🤍✨🤍
*TAMED*
[Life humbled me]
GROUP LINK
https://chat.whatsapp.com/HjjBxYMe1CpAEMyNe6k8Pq
MORE UPDATES ON OUR CHANNEL:
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
*Story by : Atipa & Thando*
CHAPTER 8
*Tete*
After a call from Talisy I was left stunned. It was just a week after that young boy came to me. Honestly my heart goes out to him. Talisy surely lost a diamond there. Chandoziva ndechekuti achademba nguva yaakange ambowana akaitambisa nekuda pfuma yapanyika. We all marry for love, loyalty and peace but she left all that for a richer man. Handizive hangu maybe they were not meant to be. Maybe were she is now is really her safe place. Chete anoziva ramangwana ndiMwari . Aaaah zvatinoitirwa nevana so zvakaoma. Kungoda kutiparira chete.
Kana ndimiwo makambozvionepi kuti munhu anotizira ruviri ruviri nenhumbu imwe chete. Apa anotakura midziyo yakatengwa neumwe murume kuenda nayo kune umwe . Zvakaoma hazvo zvandinooneswa pano panyika nevana vandakasiirwa na Taylor ava. Uyuwo Tay kuti uti ishave rehurombe here rakamugara or chii. Haabve ku betting. Kudomupa mitemo ine gumi haanzwe anongoramba ingori ngoma ndiyo ndiyo. Apa tusikana hatubviri kupesuka tuchingokwidza nekudzika tuchipfuura pagedhi pangu. Iye Tay wacho ndozvaanoda kaa zvehove dzisingatane kumedza chirauro. Anozongosvika oita mucheka dzafa zvake . Ipapa mwedzi haupere pasina zvisikana zvamurwira. Kuti unatsoti vanodei chaizvo pana Tay unotoshaya. Ndongotenda Mwari kuti hapana hapo ati auya nemimba.
Ndakabva ndatora phone yangu kwave kufonera mai Talisy. Ndaisada zvinozondinetsa mangwana. Zvirirnani vagare vaziva mabasa amwana wavo pachiri pedo ndisazonzi tete tete kana pane chamuwana. Pachokwadi ndaimunzwira tsitsi muroora wangu. Akashinga kuti achengete mwana wake kubva ari mucheche. Ikozvino mwana wacho ndiye ave kumushaisa hope. Pane nguva yaakatombofunga kuti kuda mai Taylor akamugadzira nekuda kwekumutorera murume kwaakaita. Vakauya vose ndikagara navo pasi asi mai Tay akabuda pachena kuti aive asina chigumbu chaakasungirira. Zveshuwawo dai kuri kunzi pane zvaakaita mwana wakewo aisazoita zvakaipawo. Zvinhu zvacho zvinototemesa musoro mufunge.
Mai Tali : aparei futi sazita wenyu.
Tete : kkkk nekundimhoresa hauchatodi kaa.
Mai Tali : ndogomhoresa nepaiko naiye mwana anogara akandikwidza chihururu mudenga. ..
Tete : haa zva Talisy zvandikona maiguru. Ko handiti ipapa atondifonera hanzi ndigere zvakanaka. Apa akatizira umwezve murume nemimba iya.
Mai Tali : muchireveiko vatete haikona kundivhundutsa.
Tete : mega here nhai. Tese tese hana dziri kurova. Akatiza kwaanga akatizira pakutanga after basa remurume wacho rapera kwava kuenda kuneumwe. Apa akatakura midziyo yemunhu mufunge.
Mai Tali : nhai jesu wenazareta ! Yuwi yuwi yuwi ! Mwari muriko here hura hwangu huchiita zvakafumuka kudaro. Iiiii vatete ndagumirwa. Aaaah yah mwana andionesa makunakuna namanenji ose panyika. Mimba yacho anotozivawo kuti ndeyani here. Ummm ukaona mwana oita gango revarume haasisina matyira. Ini hangu Talisy ndakumutya , uya acharomba chete akapedza dzinga.
Tete : Talisy andikona ini. Ndakamboedza mufunge. Ndakaedza maiguru. Ndaitiwo ndiro dzinza rangu randakasiirwa na Taylor. Haaa zvaramba , Mwari akandiseka akandinyimawo wekuchemera nekuseka naye. Ndingori ini pachangu handina kana wandinonongedza wekwangu.
Mai Tali : chiregai kuzvidya moyo vatete. Tongotarisa hameno Mwari. Ini ndaneta nekuchemera Talisy. Hapana chaachaita chichandivhundutsa.
Tete : eho mai Tali rega ndimbodongorera Taylor. Ndiyewo umwe uyu aaah . Ane yakewo ndaza yevasikana kotiwo zve betting zvakazotanga izvi. Ndotogara ndakabatira hura mumaoko kuri kutya kuunzirwa mimba.
Mai Tali : asi hamuonewo kuti mbeu yehanzvadzi yenyu inenge yaive yakaora here. Kkkkkk akazonyanyawo kuroora akwegura.
Tete : hai ibvapo kkkk pamwe mazai enyu ndoanga aora.
Mai Tali : bye bye musandifonera futi unless mukwasha akuda kumbowedzera zvima cents. Ma zimdollar aakatipa aka expire.
Tete : hiwe siyana nemurume wangu kkkkk.
Ndakaisa phone yangu pa tv stand kwava kubuda panze. Ndakacheuka ndacheukazve kuita sekuti mutsipa uchatyoka asi Tay handina kumuona. Ndotoshaya kuti zvino ndogara ndakakiyira murume mukuru mumba here sendiri kupfuya mbudzi.
*Taylor*
Me : mupfana tsano wagwan.
Allan : low low wena sei tetez paden.
Me : aaah iwe ndatovatiza ndanzwa vari pa call. Ndichazongonotukwa ka one ndadzokera kumba.
Allan : kkkkk I can't believe you. So any news about Talisy.
Me : I don't know zvotoda kubvunza vatete vacho.
Allan : pakaipa
Me : I thought you would have moved on by now.
Allan : easier being said than done. Mjolo wakanditsemura moyo . Kuita kuutswanya tswanya.
Me : dzingori nharowo dzenyu dzekupinda murudo. Ita sei , rova makumba wakaenda. Love is fake chibaba.
Allan : how do you do it though. Coz all my life I have never dated two or more girls at once. I love hard and they always break me. ..
Me : for a man you're really weak. ..
Allan : blame the heart dude. .
Me : but you still owe me tsano. You were busy with my sister for months.
Allan : I hope you know you have been reaping all my profits. Every time you're here , unosiya wapedza mabanana angu.
Me : zvino haunyare munhu mukuru kuchemera profit yema banana. Kkkk asi wakashinga wena. Kutonatsovhura musika wako iwo uriwo wawakarambirwa.
Allan : makurasika tsano chiendai.
Me : haa amana. Ibho futi but shaa chisiyana nekuridza nesong iyi zvakubhowa.
Allan : chiregawo kuuya pano wakundibhowa.
Na Allan takazongowirirana although our relationship was weird . It's because he didn't agree much to things I did. Pese pandauyira kuzomuona ndaizvika akagara pamusika wake achiridza song ya Killer T yekuti Ngausandidaro mjolo. Once or twice I caught him crying. That guy is really hurting inside. Handisati hangu ndambonyura murudo and now ndakutotya. Kana zvirizvo zvinoita heartbreak zviri better ndiite zvemakumbo chete tichigumira pakufadza nyama. Ndichibva kwa Allan ndakabva ndambodarika neku betting ndokusoti kumba zvangu. Ndakanosvika tete vakandimirira pa gedhi. Ndichinosvika paye ndichida kuvamhoresa vakabva vanditsemura mbama yakandisiya nzeve dzichirira. Pane vanhu vakatanga kuseka kumashure zvakandipa kucheuka ndichiona kari ka ex kangu nemafriends ako. Eish ndakasvotwa coz tete vakandinyadzisa big time. Ndakabva ndatoramwa kupinda mumba macho kwava kunorara kuzvima cardbox zvaiva kuseri kwemba. Ndaivanzwa vachindishevedza asi handina kudaira zvangu . Vainge vandibhowa zvekuti tete.
Tete : hezvo nhaiwe Taylor ndipo pawakarara. Urikuda kudzidzira kuita street kid here iwe. Tuhasha twako tunenge twegurwe utwu kaa twakuzondibhowa. Unoda ndikutye manje pamba pangu pano. Wochitoita Mwari wangu kaa ndokunamata . Chawakatsamwira zvekubva warara panze kudaro nechando ichi chimbori chii. Haa veduwe kaa haikonai kutunidza mademon muchidai.
Vakapopota zvavo tete vangu. Vainge vandiona kuseni vari busy kutsvaira yard. Tofunga vakabata ma card box vachida kumasudurudza kuti vatsvaire kwakuona ndiri mukati mawo. Vapedza kupopota vakabva vangosiya mutsvairo pasi kwava kuenda. Ndakasara ndichimuka paye ndichiita kuhetsura. Chando chaive charara chichindibvuridza husiku hwapfuura zvekuti handimbotadzi kuita flue. Ndakanyawaira ndichipinda mumba sembavha kwava kuona tsano vangu vakagara vachinwa zvavo tea. Ndaida kupfurira kuspare kunotora tauru rekugezesa ndisina kutaura navo . Ndatofamba chinhambwe vakabva vati ...
Tsano : tsano huyai mugare apa timbotaura.
Ndakananaira ndichidzokera kwavaiva kunogara pasi . Kana kuti ndichivakwazisa ndakatadza nenyadzi . Ndakangogara ndakatdikitsira ndamirira kunzwa zvavaida kutaura. Ini navo taisanyanya kutaura tese. Kwaiva kungomhoresanawo sevanhu vanogara vese asi tsano vangu ndaivatya. Izvo zvavaivawo wega uchivaona unodedera. Vaiva hofori yerume vane kahutema kasina kunyanya kuti ndoo nemhanza huru yaipenya chaizvo. Nehu giant hwavo ndaitongotya kuti baba ava pavaindibatira ndaisararama chete.
Tsano : munhu kuziva kupfimba achindundurudzana nezvisikana muroad kureva kuti akura handiti. Kana mava kuda zvemusha motaura ndisatambisa mari yangu ye fees. Zvichida mongoenda kumatongo ababa venyu monotangira pavakasiira. Ngakave kekutanga nekugumisira kuti mukadzi wangu atadziswe kurara hope nekuda kwenyu manzwa. Ndiswere ndichinetswa nevana vatsano vangu vakadzikama. Handidi kutaura nezve nyaya iyi futi. Itai semurume zvenyu zvekuti mukatsiurwa moti muromo pfundumwa kutokwikwidza nemadzimai ane mimba zvigume nhasi. Musiye futi tsika yekupinda mumba mangu mondinyararira semunobhadhara rent. Mungachienda zvenyu ndatopedza so.
Yeah izvi zvaitsamwisa manje kudarika kurohwa kwandakaitwa natete asi ndakatya kutozorohwerwa kutsamwa. Ndakangopeta muswe wangu ndakananga kunotora tauru kwava kunogeza. Ndichipedza ndakabva ndadya ndokuenda ku tuckshop. Ndakaswera ndakadzikama zuva rese . After 2 days mashoko avo anga a fader ndokuchisimudzira nehunhu hwangu zvandanga ndajaira. Asi ikozvino ndanga ndave kutamba ndakachenjera. Ndai avoider kutsamwa zvekusvika pakuramwa kurara mumba chero tete vakandigumbura zvinengei.
Umwe musi ndaka bunker lesson ndichinoona kababe kangu ku ground kwakubva ndasangana nevakomana vemuneimwe class vaiva nembiri yemusikanzwa pachikoro. Ka babe kacho kandaida kuona hakana kubudikira zvakaita kuti ndigare neboys coz lesson raiitwa muclass re Maths raitondibhowa. Chi topic chavo chema surds chaitondivhiringa brain zvekutotadza kushandisa calculator. Musi iwoyo ndowandakaona mafia riri busy kumoneredza tupaper. Ndaisaziva kuti joly rinoputwa munhu ugotosara ziso rakati piriviri kudaro. Ndakatodzidziswawo neboys zvekuti handina kutana kubata. Apa munakiro wacho neka flavour ke joly kaye haa ndainatsakunzwa parere moyo. Ndiri busy kukweva kamudzanga kejoly vakomana vaye vakabva vangosimuka vachimhanya umwe neumwe nedirection yake zvekuti ndakasara ndichiringa ringa pasi ndichifunga kuti kuda vaona nyoka ndichibva nda....
:🤍
:✨
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
👏
💐
😍
161