Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
February 28, 2025 at 11:57 AM
*this is too long but beneficial to those with kids studying shona. kana imi vakuru you will learn zvimwe* https://whatsapp.com/channel/0029Va9ECquGE56jlNyqPQ1K *batsirai vana homework* 1. mukadzi anozvara vana vakafa anonzi *svusvura*. 2. mwana anofira mudumbu anonzi *pfonda*. 3. vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi *tsuro/muzvarireivhu*. 4. muroora mkuru mumusha anonzi *ndangaruvanze/hosi*. 5. mkwasha mkuru anonzi *nhangaruvanze*. 6. muvhimi wechikadzi anonzi *maisiri*. 7. mwana anofa asati amera mazino anonzi *gambe* ● mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.* ● mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.* ● mwanakomana wamambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.* ● mwanasikana wamambo (murozvi) anonzi *vamoyo).* ●munda mutsva unonzi *gombo.* ● tinorima nzungu nenyimo *mutseu.* ● tinorima muriwo *mubindu.* ● munda waimborimwa kare unonzi *gura.* ●tinorima mupunga *mudoro.* ● murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.* ● *mhanje* mukadzi asingabereki. ● *ngomwa* murume asingabereki. ● *pfunda* murume akafirwa nemukadzi. ● mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.* ●*nherera* mwana akafirwa nevabereki. ● *musiyiwa* munhu akafirwa. ● *tsiru* imombe hadzi isati yabereka. ● mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.* ● *mhou* imombe hadzi inobereka. ● *ramba* imombe hadzi isingabereki. ● *mufushwa* muriwo wakaomeswa. ● nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.* ● *shupa* izai risingatsotsonywi. ● *gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika. ● nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.* ● *manda* mafuta enyama. ● *horomba* igudo guru rinofamba roga. ● *chitunha* muviri wemunhu akafa. ● munhu asinganzwi anonzi *matsi.* ● pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.* ● *bofu* munhu asingaoni. ● *chimumumu* munhu asingatauri. ● mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.* ● makudo anorara *pachiro.* ● *nzuma* imombe isina nyanga. ● *tsote* imhuka hadzi isingabereki. ● mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.* ● *dore* imombe yakwegura. ●munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.* ● mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.* ● mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.* ● *vahosi* mukadzi mukuru paguru. ● *murongo* mukadzi mutsva. ●*nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika. ● *mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako. ● *gota* imba inorara vakomana. ● *nhanga* imba inorara vasikana. ●murume akwegura anonzi *harahwa.* ● mukadzi akwegura anonzi *chembere.* ●musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.* ● musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.* ● mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.* ● munhu akafa karekare anonzi *mukare.* ● wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.* ● munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.* ●nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.* ● *bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri. ● *fende* munhu anehutsvina. ● *bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga. ● muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.* ● *bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha. ● *chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka. ● *chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa. ● *chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa. ● *humburukwa* murume akafirwa nemukadzi. ● *gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana. ● *mbeveve* munhu asingatauri. ● kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo cherudo rwavo. ● *nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari. ● mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.* ● *gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake. ● *chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye. ● *danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora. ● mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.* ● munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.* ● *barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete. ● munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.* ● munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.* ● *mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi. . ● *charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura. ● *chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe. ● doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.* ● kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.* ● kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.* ● *hurudza* murimi anemukurumbira. ● *nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara. ● *chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa. ●*dongo* musha wakatamiwa. *mhuka nevana vadzo* hwai - shere gava - hambwana inda - rakadzi kamba - shasha garwe - ganyamatope tsuro - nhowa shumba - handa rwaivhi - mandishaya hove - rereza katsi - chidharimbo shoko - maidei/shokorana mbira - chiduwa njiri - chinjerete mvuu - handachibvuwa bimha - tsvana mbeva - manditeya nyuchi - zana datya - zunguzurwa/buruvuru nzou - mhuru huku - nhiyo gudo - rushiye munhu - rusvava. *tsumo* 1. afirwa haaringwi kumeso 2. aguta haaoneki 3. aiva madziva ave mazambuko 4. akuruma nzeve ndewako 5. akwewa sanzu akwewa namashizha aro 6. ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa 7. ane marengenya haacharike moto 8. ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni 9. anokutukira badza unokupa upfumi 10. apunyaira haashayi misodzi 11. ashamba haanokorerwi 12. atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo 13. ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro 14. atswinya arwa 15. avengwa anhuhwa 16. benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani 17. chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba 18. chafamba chasvava 19. chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo 20. chaitemura chava kuseva 21. chakabaya chikachokera 22. chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa 23. chakafukidza dzimba matenga 24. chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu) 25. chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira 26. chakatanga ndochakachenjedza 27. chako ndechako kuseva unosiya muto 28. chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo 29. chapinda munzeve chavaridza bonde 30. charova sei chando chakwidza hamba mumuti 31. charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba 32. chati homu chareva 33. chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope 34. chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho 35. chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri 36. chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri 37. chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa 38. chawira pasi mudzimu wembwa 39. chekuba hachigari 40. chembere masikati usiku imvana 41. chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota 42. chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta 43. chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu 44. chenga ose manhanga hapana risina mhodzi 45. chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho 46. chidamoyo hamba yakada makwati 47. chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho 48. chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto 49. chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora 50. chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena 51. chigare chenda kudya akaitakura 52. chigarisano ndicho chine mhosva 53. chigere ibwe muti unowa 54. chikomo shata divi rimwe ritambire pwere 55. chimwe nachimwe chine nguva yacho 56. china manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe 57. chinogova ruoko muromo haugovi 58. chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe 59. chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka 60. chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro 61. chinokura choga isango munda kukura huona tewe 62. chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa 63. chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba 64. chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho 65. chinotanga mberi mashura 66. chipitipiti chakazvara chimwandamwanda 67. chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro 68. chirere mangwana chigozokurerawo 69. chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho 70. chiri pamuchena chiri pamutenure 71. chiripo chiripo ndarira imwe hairiri 72. chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto 73. chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo 74. chisi hachieri musi vacharimwa 75. chisingaperi chinoshura 76. chitaurirwa mbare dzekumusana 77. chitende chinorema ndechine mhodzi 78. chitsva chiri murutsoka 79. chitsva chitsva munamba wejenachena 80. chivendekete anoseka chimedure 81. chomukuru anopa omene 82. chomukuru hachikumbirwi 83. chura kugara mumvura handi kunwa 84. dare harizondi munhu rinozonda mhosva 85. dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu 86. dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa 87. dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga 88. dzvinyu kuzamba zuva huona bako 89. fodya haina manenji semhamba 90. fodya haina shura sedoro 91. gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa 92. gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana 93. gona ana gona vakewo 94. gona rehupfumi iziya 95. gondo kuengerera raona zumbu 96. gore haribvi pakabva rimwe 97. gore musandu 98. gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku 99. gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro 100. hakuna dziva risina chura 101. hakuna mombe inokorera pamarekete 102. hanya nani chidoma chekwachivi 103. hapana angagone chisingagoneke nagona 104. hapana chembwa tenzi vararira mutakura 105. hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo 106. hapana mukuyu unovinga shiri 107. hari haiviri isina mukuchidziri 108. hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi 109. heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano 110. hope hadzina ndima 111. hove dzinokwira dzine muronga 112. hove huru dzinodyira kwodoka 113. hukwana inodya ndeiri pana mai 114. hurudza inofa ichinzi inodya 115. hwahwa hahuna mbuva 116. ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete 117. idambudziko rehope kurota kwawakarambwa 118. igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo 119. ikamwe pagore hembe yenherera 120. imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo 121. imbwa payadyira haipakanganwi 122. imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo 123. inotanda yomunyepi younyerere haitandi 124. ishe ndishe, muranda muranda 125. ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno 126. isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo 127. kakara kununa hudya kamwe 128. kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi 129. kana shumba ikashaya nyama inodya uswa 130. kana wadya imbwa idya iri hono 131. kandiro enda kandiro dzoka 132. kandiro kanoenda kunobva kamwe 133. kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka 134. kubaya tange hama vatorwa vakutye 135. kubikira mweni kumudzinga 136. kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo 137. kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada 138. kuda chemungozva kubata mwana 139. kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa 140. kudya chevapfupi nekureba 141. kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama 142. kufa izuva rimwe, kuora igore 143. kufa kweane hari anosiya mazonde 144. kufira mafufu segonzo 145. kugara nhaka kuona dzevamwe 146. kugarika tange nhamo 147. kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto 148. kugutswa nguva shoma senzara 149. kujaidza makudo neanokamhina 150. kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye 151. kukonwa kwedare kukonwa kwamambo 152. kukurukura hunge vapotsva 153. kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga 154. kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi 155. kupa kuturika 156. kupedza nyota kuenda padziva 157. kupfuma kwemuchana mudzimu wake 158. kuramba dzvuku kuona jena 159. kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro 160. kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo 161. kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva 162. kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo 163. kure kwegava ndokusina mutsubvu 164. kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika 165. kurembera kwedamba handiko kuwa 166. kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma 167. kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu 168. kureva ndokunei, kutarisa kurevawo 169. kurova imbwa wakaviga mupini 170. kurumwa nechekuchera 171. kusaziva kufa 172. kutaura kudzikisira kuita makata 173. kuvhunduka chati kwata hunge une katurike 174. kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu 175. kuziva mbuya huudzwa 176. kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira 177. kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira 178. kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama 179. made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe 180. mai musuva usingasevi muto 181. makunguo zvaakatya akafa mangani 182. makunun’unu maodza nyemba 183. manenji kuona kamba ichitamba nembudzi 184. mangachena inoparira parere nhema 185. manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru 186. mapudzi anovira kusina hari 187. matakadya kare haanyaradzi mwana 188. matanda makuru mazunguniswa 189. matende mashava anovazva doro 190. matukirwo ababa kunema mwana 191. matsotsi haagerani 192. mazvokuda kufa namaronda enyora 193. mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari 194. mbiri matende inoputsika 195. mbudzi kudya mufenje kufananyina 196. mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa 197. mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu 198. mhondoro kurura inotanga wayo 199. mhosva haiori 200. mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye 201. mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa 202. miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo 203. mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira 204. mombe yenjeni kutokama wakasungira 205. moyo chena unobayisa 206. moyo muti unomera paunoda 207. mudzimu vakupa chironda vati nhunzi dzikudye 208. muenzi haapedzi dura 209. mugoni wepwere ndeasinayo 210. mukwasha mukuyu haapere kudyiwa 211. munhu akanaka haararame 212. munhu haarerwi nebonde 213. munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa 214. munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa 215. munongedzo hauzvinongedzi 216. munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe 217. muonerapamwe chuma yemuzukuru 218. muramba kukombwa muramba hweni 219. murombo haarovi chine nguo 220. murombo munhu 221. muromo chipfukuto unopedza matura 222. muromo haupi chinopa maoko 223. muroyi munhu kubayiwa anochemawo 224. muroyi royera kure ugowana anokuviga 225. musanyengerera makudo neanokamhina 226. musha mukadzi 227. muto wetsenza ndiwo mumwe 228. mutsa worutsoka kuperekedza ziso 229. muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo 230. mviromviro yemhanza inotanga shosha 231. mviromviro yemhanza mapfeka 232. mvura inoera usinayo 233. mwana asingachemi anofira mumbereko 234. mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi 235. mwana washe muranda kumwe 236. mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda 237. mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi 238. mwana wenyoka inyoka 239. mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa 240. n’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya 241. ndakaziva haitingamire 242. ndakazvida haichemedzi 243. nerimwe zuva gava richadimbura musungo 244. nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inovhionera 245. nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva 246. nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi 247. nhamo yomumwe hairambirwi sadza 248. nhasi chineni mangwana chinewe 249. nhasi ndini mangwana ndiwe 250. nhenha isibi inoroya 251. nherera inoguta musi wafa mai 252. nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi 253. njera yomusaririra ndiyo yeshiri 254. nyadzi dzinokunda rufu 255. nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara 256. nzanga seka dumba, dumba seka nzanga 257. nzira masanga 258. nzombe huru yakabva mukurerwa 259. nzou hairemerwi nenyanga dzayo 260. nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori 261. onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve 262. pabva zino rave vende 263. pachapwa madziva miramba tichanyurura 264. pagara murimi pagara mupopoti 265. pakukutu hapaurayi 266. pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza 267. panoda mwoyo nzira haisviki 268. panodya ishe varanda vanodyawo 269. panomera muswe panonyeredza 270. pasina nyimo makunguo aizodyei 271. pfini yenyoka kuruma chaisingadyi 272. potsi haarwirwi anorwirwa ndipiri 273. rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma 274. raramo idivakamwe 275. rega kutsindira mwena unobuda ishwa 276. rega kuyera nyoka negavi iyo iripo 277. regai dzive huku mazai haana muto 278. rina manyanga hariputirwi mumushunje 279. rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana 280. rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo 281. rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi 282. rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture 283. roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve 284. rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo 285. rwizi rukuru madirano 286. rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya 287. shambakodzi yakarindwa haiviri 288. shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza 289. soko harivhikwi 290. takabva neko kumhunga hakuna’pwa 291. tambe tambe vanoda varivo 292. taramuka panotamba dera 293. tenda muchero ugowisa 294. tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo 295. tenda wakohwa zvemunda wezunde 296. tichaona kunowira tswimbo nedohwe 297. totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi 298. totenda maruva tadya chakata 299. totenda nyemba tanwira mvura 300. totenda yabikwa imba yepwere 301. totenda yavira tsambakodzi yedemhe 302. tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi 303. tsenzi igara yadyiwa 304. tsiru nzenzi manhenda waikama 305. tsuro haipunyuki rutsva kaviri 306. tsuro kotsa muromo 307. tsvaru akadana tivu 308. tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara 309. tswanda inorema yasvika 310. twemudenhe tune ushorwi 311. ubatebate hunourayisa 312. ugaro mwena kutevedza hunoguma 313. ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka 314. ukama hahusukwi nemvura hukabva 315. ukama hunonhuhwa 316. ukama igasva hunozadziswa nokudya 317. ukama urimbo kudambura haubvi 318. ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo 319. ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama 320. ukaravidza chembere nyama inofira musango 321. ukuru hurema hahuvanzwi 322. umambo hutambidzwana 323. umba hwehosi husina marevere 324. umhandara idambakamwe 325. unaki hwemukadzi huri pamwana 326. upenyu hwenungo irima 327. upenyu imhindupindu 328. upfumi idova hautani kupera 329. ura mapako hunozvara mbava nemuroyi, 330. urombo hune nherera kudya ikarutsa, 331. urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo 332. urombo hwenherera kupakwa ichirutsa, 333. urombo uroyi hauudzwi munhu 334. urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso 335. usachenjedza n’anga kurapwa uchada 336. usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza 337. usaguta ukasunda dura 338. usakangira nyimo vane meno avo havo 339. usakurumidza kumedza kutsenga uchada 340. usakusha mbeu mvura yaenda 341. usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera 342. usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya 343. usapinza munwe mumwena unobuda wareba 344. usaruka nhava sora ratsva 345. usarume muromo wenzombe inopura zviyo 346. usashore nyemba nedzinozvimbira 347. usatamba nematope pasina mvura 348. usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya 349. usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva 350. usavaka danga pasina mombe 351. usaverenga mbeva nemudune 352. ushe hauzvitongi 353. ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe 354. ushe hunonyanga dera 355. ushe hunonyangira rema 356. ushe husiirwana 357. ushe idova hunoparara 358. ushe imhute hunoparara zuva rabuda 359. ushe madzoro hunoravanwa 360. ushe muzhanje unokuva 361. ushe vuranda 362. usiku humwe hauodzi nyemba 363. usiku igore 364. uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo 365. utsi hwenyama hautosvori 366. utsva hworurimi hahuna marapiro 367. uzivi wenzira huri mugumbo 368. vadani ndivo vakani 369. vagere pachavo vangonyinda 370. vakachenjera havatsvairani mbeva 371. vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri 372. vakafa havana
😢 🙏 👍 7

Comments