
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 17, 2025 at 07:43 PM
*Follow my channel uwane more books:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b
*Join our main group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT
*PASSIONATE EVIL*
Written by
*_Mama Jay_*
And
*Tinoh🎓 Mutsinze*
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
Chapter 13
RATIDZO
"Mugove veduwee pamwe pacho panomboda tidaro here Inga wauya nephone yacho nhasi wani wakuidii futi nhaiwe". Ndakataura ndichiibata ndokubaya chibibatani chekulocka ndaisada kuti atomboona mamassage a Joshy
"Ndoiputsa iyi". Akadaro ndikati
"Hameno ita zvaunoda handiti ndiwe wavakutotonga pano handichina peace pamba pababa vangu nekuda kwako hameno kuti kubvuma munhu kuti ndokuda imhosva here. Rudo rwacho runosvikepi ruchirwadza kudaro ndozvinoitwa murudo here zvekuti unoshaiswa mufaro nemunhu hauenjoye kudanana kwacho kuchema after kuchema iputse ndanetawo ini newe". Time yacho baba vakabva vabuda iye akavatarisa baba ndokuramba vakamutarisa zvikanzi
"Ndava kutoenda zvangu ndinovimba mishonga yandakuzodzai munoita zvakanaka regai ndiende, phone yako iyi Ratie". Ndakaitambira maziso angu akajenga misodzi akabva ati
"Ndanga ndakanganwa munodya tsambatsi". Ndikati
"Kudya tsambatsi kuti ndiri mwanana here ndodzidii"
"Okay ndadarika nemumapani umu ndikaona kamuti ketsambatsi kanga kaka nuna zvekuti uye dzinonaka". Aidaro achiburitsa tsama mukanhava nxim ndaidzidii ini dzaiva dzakasvibira kuita black Black but handina kumbodzida ini. Joshy aindivigira zvima chocolate nezvinonaka iye anouya netsuro netsambatsi andisiye zvangu ini. Ndakadziramba achibva atokanda dzimwe mumukanwa akafamba achienda ndakasara ndikatura mafemo ndakagara paveranda baba vakauyawo vaiva vasungwa neimwe micheka iyi yaiva nani yaiva yegreen pane iya mitema iya vanhu vekuchurch kana vaizouya vaiti Chii ichocho vakauya vakagara pandaiva ndikati
"Nhai baba saka muri kutopora chaizvo here ndichidanana naMugove uyu kana kuti" Havana kumbodaira vakatotarisa divi vaitotya kana nekunditarisa mumaziso ndikati
"Ndipindurei please baba zviri kundiremera kudanana nemunhu uyu munozviziva kuti ndine mukomana wangu and ari kuuya kutaura kuno ari mundege ndinomuudza kuti kudii. Ndakada Mugove nekuda kwekuti imi mupore make sure zvinopera zvese handisi kufarira relationship iyoyi zvachose, anoita zvaanoda pano makanyarara akauya kurara pano musipo hazvindifadzi ndiri kutorwadziwawo inside muchanzwa kuti ndadonha neBP ndimi mega mubereki wangu kuita izvi kuda kuti ndigowana shoulder rekuchemera asi imimi hamude kutaura kuti zvakanaka here kana zvakadii chenyu kunyarara ini hangu ndiri kurwadziwa nazvo". Pane kuti vandipindure kana kutaurawo neni baba vangu vakasumuka vakakamhina vachidzokera mumba ndakapererwa moziva. Handiti munhu ndeanotaurawo here kuti mwanangu zvakadai zvikadai pane kuti vanonyarara ndoziva zvipi ini. I was doing this for ivo vanoti zvinonakidza here kuvata uchibatwa batwa zasi nemwana wen'anga ivo vakangonyarara.
Ndakaswera ndava kutobhoikana chavaigona kutaura ndechekuti ndinonzwa nzara chete zvaMugove vainyarara. Ndakanobika sezvo vaiva varequista chikafu pamwe pacho unodemba kuti dai ndakati vapfuure zvavo ndisare neimwe life ndega hapana chandaimbotya ini chero Joshy dai aindiramba ndaitadza here kugara pamba ndichirimawo chibage ndosakura pandoziva kuti ndokohwa. Garden ndichirima ndichitengesa, ndaiva ndakura ini and vamwe vezera rangu vaiva vakatoroorwa ndaisambotadza kuzvishandira ndiripo pamba ipapo ndichirarama asi ndakati upenyu hwavo hwakakosha kudarika zvese. Ndakanobika rice ndokuisa nemapotatoes amwe andaiva ndakachera kugarden aiva asina kunyatsoita zvakaita zvidiki diki nekuti ndaisadiridza nguva zhinji. Ndakanovapa vakadya kupedza mazuva aya vaiva vodya chaizvo ndapedza nekusvotwa kuramba ndiri pamba ndichitaura navo vasingadaire ndakazviendera hangu kugarden munodiridza ndiriko, mainini mai Melo kubva zvavaiva varohwa vaiva vasina kuzodzoka kumba. Ndakatozobviswa kugarden ndaona vanhu vekuchurch vachisvika pamba vaiva bamunini ndikabva ndavhara garden yangu ndokupurura makumbo aiva nemadhaga ndikaenda kumba. Ndakawana vanhu vakutoimba hymn song yekuti _Ishe taungana_ ndikasvika ndichibatirawo pamusoro. Ivo baba vaivamo nezi dhende ravo regreen raiva rakasunga gumbo, vanhu vapedza kuimba vakanamata zvekuti munamato une power ndokubva tazopedza tagara ndakuda kuvagadzirira tea yekuti vamwe zvikanzi nevamwe vaiva muvhangeri mukuru wepasangano pedu
"Usazvinetsa mwanangu nezvekudya takanaka chose, tanga tauya kuzoona baba ko iwe wakaregerei kuuya kuchurch musi weSabata". Ndomusi wandaiva ndarara ndichibatwa batwa zasi Friday yacho Saturday ndaiendepi zvangu ndaiva ndarara ndichikanywa kudaro. Ndakangoti
"Ndinouya next week". Ndokutonyarara zvikanzi nevamwe munyori
"Ko mabandage akapera here mava kusunga nemicheka kudai maronda anoda mabandage"
"Handina kunge ndakamawacha". Ndakakasira kudaira ndichidaro zvikanzi
"Zvakanaka tiri kuenda kuGuvambwa musi wa13 mwedzi watatarisa iwoyu saka tanga tichiti tigomboenda nemi baba gumbo iri rinoonekwa naMudzidzisi". Mudzidzisi ndivo baba vedu Paul Mwazha ndoona baba vakatya kunobatwa zvekun'anga vachibva vati
"Ike zvino ndava nani zvangu riri kupora"
"Ehe asi Mudzidzisi anofanira kuisa maoko pamusoro paro". Vakabva vanyarara Havana kuzombogarisa vabuda bamunini vakasara varimo zvikanzi
"Ngatiitei zvekuti mumbopora aivako mudzidzisi iyeye makatanga kurwara kare mukoma vaidii kuenda nemi hatidi kukanganisa mishonga. Hapana champion kunze kwemvura idzodzo dzana Alpha naOmega dzekunzi gezai nadzo makangori mabvira kugeza nadzo". Ndikati
"Apa vanenge vachipiwa naMudzidzisi vamene bamunini handit vaisipiwa neivava vana muvangeri vekuno here. Mudzidzisi vaya vakatumwa naMwari and Havana chirwere chavanokonewa vakanamatira Inga wani mwa..." ndisati ndapindura zvikanzi
"Nyarara iwe ukaona mukoma vangu vakafa ndiwe unenge wavauraya nekusanzwisisa kwako ikoko" ndakabva ndatonyarara zvangu ndikati regai vaite.
Ndaiva ndisati ndazopindura massage yaJoshy iya ndakapindura ndakangoti
"Can't wait dad" ndokusiya aiva abvawo online ipapo paakasenda mapic yaisazoita nyaya yakanyanya achiti waverenga ukasandipundura. Zuva raiva ratozovira zvaro ndakuda kubika zvemanheru. Hana yaingorova kuti kudoka kwaro kwaraita mangwana kuchiedza mumwe munhu anenge asvika owana zvakaita sezvizvi. At least baba kun'anga vakabva ndaizoti kudii ini? ndakapedza kubika ndovata ndisisina mufaro zvangu. Mai vaJoshy vakafona ndava kuda kurara
"Hello mama"
"Wanzwa here kuti murume ari mundege mwanangu"
"Andiudza ndiri kufara mama"
"Kana ini ndotoda muchato musazonyadzisa imi manzwaka munhu ngaabwandire anzwe kutya nemuviri wake". Ndikati
"Okay mama kana iye akati tochata".
"Chirara mwanangu varisei baba". Ndikati
"Vari nani havo". Ndaisava comfortable kutotaura navo mai vaJoshy ndakabva ndaidzima phone yacho ini zvekuramba ndofonerwa izvo zvairovesa hana yangu. Mangwana acho ndakamuka ndichitsvaira yard ndokuzonopinda muroom mababa ndikati
"Mamuka sei baba ririsei gumbo nhasi". Zii zvavo ndakafugura jira ini
"Hezvo ko rikuramba richibuda mvura yeiko yakanyorovedza machira kudai imi mainzi mava kupora nhai baba". Vakatotanga kuyeredza misodzi ndikati
"Munochemeiko baba handiti makanzi mava kupora here". Ndaidaro ndichisunungura zidhende riya imika Imi raiva rava zironda kudarika mwena yaivapo iya rakaburitsa nyama dzese panze ndakakasira kuvhara hana yangu yarova zvine simba nekuda kweronda iroro ndopakapinda bamunini vakasvika vachivhura zvikanzi
"Uri kuonaka vanhu vekuchurch vari kuramba vachiuya pano ndovari kukanganisa zvinhu izvi gumbo iri ranga ropora iri asi zvimunamato zvenhema zvakaitwa ndozviri kukonzeresa zvese izvi woita sei ipapa kana zvadai hee". Ndakapererwa ini ndikabudamo mavaiva ndatadza kupindurana navo bamunini.
Ndakambonogara panze ndakabata shaya. Ndaive ndakutanga kufunga zvakawanda wanda munjere dzangu. Ndaiti ndikadananawo naMugove , baba vaibva vapora zvachose asi ndakatozoona kuti ndaizvinyepera. Hurwere hwacho hwairamba huchitokwira. Pave paye ndakaona vabuda bamunini kwave kumira pandaive ndiri vakanditarisa. Ndaitoita kudedera setsanga iri mumvura.
"Ratie , saka wave kufunga zvipi zvazvadai?" Ndakati
"Ini apana chandichaziva ini. Ponai was right zvaaitaura"
"Zvekuti?"
"Kuti dai tasiya baba vangofa. Tarisai marwariro acho avari kuita haasi kupera. Mari yese yaperera kurapisa ivo , apa ndonzi ndirambe ndichidanana naMugove chete. Ini ndanetawo ini baba" vakaratidza kupererwa vakati
"Iwe unopenga chete iwe. Usarase tariro ndakuudza kuti vanhu vekuchechi ava ndivo vakonzeresa zvese izvozvo"
"Saka vakadzoka muchadiiii navo?"
"Havafaniri kutombopinda mumusha ndichadzosera vachiri kunze kwemusha chaiko uko" ndakabva ndatura befu asi andina kutaura ndakaramba ndakanyarara. Mashoko chaiwo aive andiperera. Bamunini vaive vakufamba kudzokera kumba kwavo. Ndakabva ndasimuka ndikanopinda Maive nababa. Ndakaona vachiri kungochema ndikanzwa tsitsi. Ndakavabata ndikati.
"Baba munoda kumbogeza. Mave nemazuva imi musiri kugeza. Ronda riri kubuditsa mweya iri" vakati
"Daidzaka Ponai andigeze. Ndiri kuita kunzwa kutsva chaizvo"
"Anouya manje manje. Ko imi baba ndakakubvunzai musingadari. Muri kufara here nazvo"
"Ùuuumm Ratidzo mwanangu. Andina mhinduro yandinokupa parizvino panyaya iyoyo nekuti wakaramba kunditeerera kare. Ndakati ini musandiendese kun'anga, asi makandimanikidza. Ndizvo zvawaitsvaga. Ukatsvaga makudo mugomo unoawana." Ndakangotura befu ndikafamba kuenda panze. Mashoko Ababa vangu aive andirwadza zvakanyanya. Ndakadembawo chandakabvumira kuenda kun'anga kwacho. Hapana kumboita nguva refu ndakanzwa Ponai ataura.
"Ratidzo wakabatirei shaya" handina kudaira ndakangodzungudza musoro wangu.
"Kuuuya pano andiregi hangu. Kunyangwe ukanditsamwira chero ukadiii , ini ndotoramba ndakamira newe kuti Mugove aregere kukuvhiringa zvachose. Muchato wako naJoshua ndiwo watiri kuda ende ndoda kutova best boy wenyu"
"Ponai ndoda ugeze baba. Rega ndiise baba remvura pamoto" akati
"Mvura ichipisa tichitaura zvaMugove. Unodanana netsvina unoidiii? Zvino vapora here baba zvawakamubvuma? Kana vapora ngavagezeka vega tione!! Uchasvinura hako kubva kuhope dzenhema dzawakarara idzodzo" pandakasimuka kuti ndinoisa gaba remvura pamoto. Ndakanzwa
"Mugove mugove kuitasei? Unombonyatsova ani pano iwewe?" Hana yangu yakarova zvakanyanya. Aive Mugove aive asvikawo
"Ponai nyarara" akanditarisa akati
"Muromo ndewangu , kunyarara handinyarare. Rega ndimuudze chokwadi nhasi"
"Unoda kundiudza chokwadi chekutii?" Akadaro Mugove zvikanzi naPonai
"Chekuti iwe Uri mwana wen'anga rudziiko inoda kudanana nemunhu wekwa Mwazha nenzira yakadai? Munhu anopfimbwa kana aramba wosiyana naye panekunyengedza munhu kuti kana ndikadanana newe baba vanorarama. Kuita kumanikidzira rudo haiwawo. Leave Ratidzo alone."
"Unombotemba nei iwewe?"
"NaMwari wangu. Ende andisi kukutya Mugove let Ratidzo enjoy her love life please" Mugove akabva arova Ponai chibhakera. Ponai akatoseka ndokubva arova Mugove chibhakera , Mugove paakangobata ziso rake , akapihwa bhutsu achibva adonhera pasi ndiye ziii akadaro. Ndipo pandakaona kuti aive asina kutosimbawo zvake.
"Ponai unorwa nemwana wagodobori une chokwadi here?"
"Kutyei? Next time haandijairire zvekare. Ndave kuenda , achasara ogeza baba vako kana amuka ipapo. Rudo rwako naye haruna kwarunosvika I'm telling you!!" Ndakazotadza kuisa mvura pamoto ndomutsa Makumbi paaive adonhera. Aive aramba akangoti rababa kunge arohwa zvakanyanya aah zvayaitovawo ndonda nhai veduwee.
"Aiwa muka Makumbi usaite kunge wanyanya kurohwa. Unoda kufira pano kuti zvidiii?" Ndakadaro ndichiita wekuzvuva. Ndakamuzendamisa nemadziro emba. Ndakatora mvura ndikamudira kwave kutora bhaibheri chairo. Ndakamubata musoro ndonamata. Andina kumbotaura mashoko akawanda aive avhunduka.
"Ratidzo unopenga here iwewe? Uri kunamatira ani?"
"Iwewe!! Zvino hauoni kuti Mwari ane simba kukunda ren'anga here? Ndakunamatira watomuka wani. Wanga watoendaka kunyikadzimu. Baba vari kunyanyisa kurwara nhasi. Zvamuka zvakakwidza" akaita hasha ipapo achibva atanga kundi.....
End of chapter 13
Stay tuned........
❤️
🙏
😂
😢
👍
😮
222