TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 18, 2025 at 06:21 AM
*PASSIONATE EVIL* *MUNHU WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA kamboma kabook ako huyai munzwe Mugove waRatie* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by               *Mama Jay* And       *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 14 JOSHUA Ndichisvika pa airport ndakangonzwa kufara zvekuti ndakatanga kunyemwerera ndega. Ndainzwa kufara kuti ndadzoka kumusha. Ratie aizoona ndave kufona nenumber dzekuZim oziva kuti ndairevesa. "Joshua my son wauya. Ndafara veduweee!" Vakadaro mama na dady vose ndikavambundira nguva imwe  chete. Joy ndiye asina kuuya kuzonditambira nemhaka yake yekupindura zvaanoda achitaura zvisina basa. Andina kumboita hanya naye kana. "Waita zvakanaka mwanangu wauya. Zvinhu zvakasvikawo nezuro. Your brand new rangrover yakauya zvekare mwanangu takaiona iih wanga uchishanda nesimba abroad uko. Asi waita zvakanaka wadzoka kumusha. Ukasvika KuNharira nezimota rako haa vanhu vakokuona mwanangu. Iyi smart zvayo , ko zvakatanga riini kupfeka ma jeans nhai Joshua?" Ndakati "Aaah nhai mama, inga zvose zvandakapfeka ndezve white wani. Kwataive uku taitoita zve smart mama. Ndokwirawo ndege ndichita sebenzi here hazviite. Lets go home , ndoda kutoenda kuNharira nhasi chaiye nemota iyoyo." "Haaayas , wamusuwa Ratidzo wako. Anofara zvekuti" ndosigara ndichimufonera kungoti kurwara kwababa vake kuri kumushaisa confidence  ndaitomboti ndichaendako zvino phone yake dzimweni dzenguva haiite asi zvawauya iwe zvakanaka. Mwana uya ndomuda mwanangu kuti aite muroora wangu ndinotoona vazukuru chaivo vakanaka paari vandichabata pamaoko angu aya" "Haa mama makutofunga zveva zukuru futi" "Uchi mucheche here Joshua wakura 31 years wakufanira kutiitirawo zvivanhu zvekugara nazvo tarira ipapa kungogara tiri vaviri nababa vako nguva zhinji Joy anenge ari kuchikoro kwake" "Kuchikoro kupi chembere iyoyo" "Kudzidza kwaJoy kunopera here mwanangu akatoti hanzi ini handidi kushandira muno ndotodawo kunze kwenyika koda vakadzidza ndikati nhaka iye muroora kana wamuroora utomuendese kuchikoro asazodarirwa nemadzitete iwaya kuchinzi hauna kudzidza. Ko ndakaionaka nhamo yacho ndouziva ini"  baba vakabva vati "Mai Joshua mukadzi wangu hazviperi here" "Haiwa zvichipererei ndaitukwa ini nana tete  vangu takanzwa nekuudzwa kusadzidza kwese ndopatakazodzidzawo neshungu " "Haa ndomuendesa mama dont worry" akafamba kuenda mumota yadady vangu. Takapinda ungori mufaro wega wega. Takaenda kumba kwedu kwataigara ku Avondale. Yaisava nzvimbo inogara vanhu vasina Mari kwaiva kuri very quiet zvekut, takafamba zvakanaka tichirova nyaya ndaiva ndava kuto driviswa nadad ivo vagara kumasure nemhkadzi wavo tichinosvika kumba ndakashamisika kuona kuina gogo. Patakaisa Mota muparking ndakabva ndazevezera Kuna mama tisati tadzika mumota. "Ko , nemhaka yei musina kunditaurira kuti gogo vari pano? Zvino andivhiringirwe zvinhu zvangu zvose here? Mbuya inoroya iyoyi ndatenda zvangu" ndozvatakakura tichiudzwa namai vedu kuti mai vadad vanoroya and vaisatoda kuti tiendeko kumusha kwavo, dad ndivo vega vaiti  kana vasuwa mai vavo voenda isu taisaenda isu nekutya kuroyewa. vakaseka vakati. "Mwari anoti regai kutya vakaipa , asi muudze ini zvinokunetsai zvose ndigokurwirai kune vakaipa venyu. Vari kuzvifarira havo ava hapana kana damudziko" ndakangogutsurira musoro wangu ndikati "Hòoo , zvakanaka" takadzika kwave kufamba kuenda mumba. Gogo vaive vakagara kuma banch aive kupool vachivarairwa zvavo. Vakabva vatosimuka vakauya kwataiva  tikasangana pakati. "Muzukuru wangu wauyaaaa!" "Ndauya gogo " takambundirana nemufaro. Vamwe vose vaive vatopinda kare mumba. Nguva yandakambundirana nagogo ndine zvandakanzwa mumuviri wangu. Ropa rikatanga kupesana pesana romhanya. Ndainzwa tsinga kuti zhwiii , njere dzichibva dzaita kunge dzambomira kufamba. Ndakaita kakudzungaita zvishoma ndikati pamwe ndaroiwa nezvitsinga nagogo. I shouted "Jesus Christ!!" Vakabva vaseka ndokubva vati "Ndiwe wandakavinga pano iwe ndakazviziva kuti hauchina mazuva akati kuti usati wadonha mhiriyo  kwawanga uri wandivigireiko mhiri nhai murume wangu". Ndaiva ndatoshatirwa vaida kuzama kuita sei kuda kundipinza muuroyi hwavo vakazviona kuti handina kufarira zvachose zvavaiva vaita ndaiva ndangomira mama nadad vaiva vatofamba kupinda mumba. Zvikanzi "Handei  mumba muzukuru usatya hako handina zvandokuita zvakashata ini uri mwana wemwana wangu iwe ndotoshuvirawo maropafadzo nemakomborero pauri nekuti muri zvibereko zvangu, ndakafara kwazvo ndaona muchovha wawakatenga uyu wakabva kunotorwa nabaaba vako zvikanzi ndewemurume wenyu mhai ndikati ndoda kutotangira iye weChivhu iyeye kugara mberiyo ndokuti agoziva kuti vahosi variko". Vakanyenama mukanwa mune mavende imomo ndikati "Ndiyani akakuudzai zvekuti ndine musikana  ari kuChivhu gogo pakaitika anything  happen kumusikana wangu ndimi first suspect yangu". Vakaseka futi zvikanzi "Zvandinooneswa nemwana waMuchineripi uyu zvakaoma"  vaidaro vachitanga kufamba vachidonzva vaiva vava kufamba nemutsvimbo ndikati "Ndiri kutaura sure mbuya why ndanzwa strange  feeling pamandibata" "Joshua!! Ndimama vakandidana maybe vaiva vanzwa voice rangu rakwira zvikanzi  naivo gogo "Aiwa vamwene regai tikurukure kuno nasuwiti wangu uyu itai zvekumba kwenyu ikoko kwamuri" "Haafaniri kutaura nemi nemutauro iwoyo". Mama vaiva vava kukanganwa kuti ndivo vakatiudza kuti gogo vanoroya, ivo gogo vakabva vati "Ndoda kukupa zambuko nekuti Chivhu uko kwaunoda kuenda kunopisa. Saka andidi kuti utsike panopisa wanzwa here muzukuru wangu. Unonamata zvako , asi apa wotomboteedzera zvandinoda ini." Ndakatura befu ndakavatarisa ndikati "Gogo muri kuda kuedza  kudiii?" "Uri kuda here herupu yangu kana kuti kwete? Nekuti kana ukairamba uchaparadzwa. Ukaitambira uchazezwa nani zvake angada kukuparadza kwese kwaunoenda. Andidi kuramba ndichitaura zvakawanda ini." Zvakandiomera kuti nditi ndinoda kana kuti handidi. Ndakazongoti "Its ok gogo" "Haisi mhinduro iyoyo. Ndipe mhinduro kwayo" "Ndinoda gogo" "Gudhu , ndibate musoro wangu ini ndokubatawo wako." Ndakabva ndabata zvikanzi "Ukanzwa ropisa ruoko wozobvisa zvinenge zvatoita" "Ndatsva gogo" "Hahaha , saka Mwari ari pauri ane tsitsi. Anoda kuti ubatsirike. Wakurumbidza kudairira vadzimu zvatoita. Woenda wakasununguka hako , usakanganwa kuti ini ndakazvarwa musiwa fifitini mwedzi uno mugore ra 1935. Ndoda Keke chero mazino ave kudonha hawo" "Haa gogo" "Zvokwadi ndorevesa mwana womwana wangu kusvika pandiri pano ndangoo Hari yofanzirofa handinawo akamboti mhai hero Keke bhavhadi renyu mudye" "Ndokutengera chimoko" ndakadaro  ndichivabhabhadzira musana ndikavadenha ndichiti "Ndipei hero gumbo retatu iro ndikubatirei" Vakaseka zvikanzi "Tava kuwiriranaka wava kufaranuka". Zvesure ndaiva ndisisanzwe kutya pana gogo ndakangoseka ndokubva tapinda mumba. Joy ainzi haapo. Ndakava nenguva diki yekufara nemhuri yangu. Takabikirwa chikafu chakanaka tikadya tiri pamwe chete. Ndapedza andina kuda kuita zvekunonokera nekuti simbi inorohwa ichapisa. Ndaida kutoenda KuNharira ikoko nekukurumbidza. Ndaive ndisina need yekugeza zvangu nekuti ndaive ndafamba nendege ende ndaingonhuwirira. Ndakawedzera spray chete kwave kutora zvandaive ndatengera Ratidzo wangu ndikaenda kumota. "Family , ndokuonai ndadzoka. Ndave kumboenda Chivhu" "Lets pray Joshua. Hatifambe rwendo tisina kunamata" gogo vakabva vandipa sign yekuti buda before prayer. Ndakangoti. "Haaa mombe haikoreri pamarket mama. Munhu haanamate kana kureurura akuda kufa zvobatsirei ndagara ndiri mutendi Kare hapana chinondiwana" "Joshua hauchade zvekunamata iwe ndazviona imba ino ndeyechinamato ino. Saka uri kuenda nedressing yako iyoyo?" "Yakaipeiko mama Inga shirt ndakaisa button  wani pahuro apa plus ndeye white minamato ndakabanker kare ini mama ndaitsanya sei kunyanya Ratie paisabatika apa ndaitombot asi kupusa ndozofunga kuti kupusiswa nerudo, chimoko bye ndava kuenda" "Aita raki musikana iyeye motokari yoenda ndisina kugara sit rangu" Ndakaseka ndichibuda vana mama vakasara vachinamata chero neniwo futi ndakatotanga kunamata nechemumoyo ndichienda kugarage kunotora mota yangu. Hongu mishonga yambuya yaiva yandiita munhu akashinga asika mukuru wazvose ndiye ari kudenga muchinda werugare Ndakaimutsa mota ndoenda KuChivhu. Zvizhinji ndaizobvunza ndave ikoko. Ndakaita only 2 hours or less ndainge ndatova muChivhu. Ndakabva ndatenga tunonaka Naka ndokuzosimudzira ndakananga Nharira. Paitongova pedyo neChivhu zvekuti nguva diki ndaive ndasvika. Ndakabva ndamira pama shops ndotsvaga wekubvunza. Ndakabva ndangoona mukomana wandakatoziva kuti uyu mutendi we Africa yedu nekuda kwedressing yake. Ndakabva ndamudaidza. "Mukoma , muri kutaura kuno here?" Ndikati "Yes ndiri kutaura ikoko. Ndingambokukanganisaiwo zvishoma nekukumbirawo kutaura nemi" "No problem bro" "Pano ndipo pega panonzi paNharira handiti" "Pano pamashops. Tine chikoro negomo nezvimwewo ichingova Nharira saka imi munoda kuenda kupi?" "Kunonzi kwa Sibanda" "Kwaana Ratidzo here?" "Exaclty!! Haa uri mugari wekuno zvechokwadi. Ndingafara zvakanyanya kana ukandibatsirawo" "Waaaw , my name is Ponai. Ratidzo is my best friend!" Ndakamedzera mate ndikati "Best friend??" "Kkkk Joshua come on!" "Ko , unotoziva zita rangu?" "Kutadza nei iye Ratie anogaroimba nezvako pese paari. She is like a sister kwandiri usandifungire zvakaipa. Handei ndikuperekedze nekanzira aka" "Wait tsano , ndini ndine mota iyo iri apo. Kunosvika mota here?" "Ehe inosvika. Maihweee , nhasi anonofara zvake. Ratidzo iiiih" takabva tanopinda mumota toenda kumba kwaana Ratidzo kwacho. Ponai aitova munhu anotaurika naye uye anoseka zvake. Ndakatonzwa kurerukirwa zvakanyanya nekunzwa kufara mukati nemoyo wangu.. "Saka baba vake varisei Ratidzo haabatiki mhani musikana wacho ipapa ndava nemadays asingabatiki zvake kushaya kuti chii naye". Akamboti zii zvikanzi "Ummm vanorwara  baba vake asi Ike zvino vanenge vari nani zviri kumu dusturba zvakanyanya zveurwere hwababa vake izvozvo , asi zvamauya kudai chibaba magona moita muonera pamwe anokudai mhani mufana wacho. And pandakuonai ndaziva kuti ndimi ndasara zvangu ndoita sendodzungaira ndandakuonai kare kuti chibaba chapindira muNharira" "Makandiona kupi" "Paiko pamoshaikwa mufoni yaRatidzo kubva ku lock screen woiswa  , password  inongova Joshua wapedzazvo home screen pana Joshua kuwtsp profile  kuna Joshua Walpaper yekuma chats ndimi mukuru muri kutonga munodiwa zvekurevesa". Ndakaseka ndikati "But ndiri worried nesudden change yaakaita pamazuva mashoma adarika iwaya hameno  kuti chii haasisiri free zvaiva kare apa kana baba vake vachinyanya ndiri kutofunga kuvatora ini". "Tatosvika ndipapa pamba pacho kuti aripo iyeyu". Akadaro Ponai uya ndikati "Hameno, Asi anenge agoendepi ngatisiyei mota kuno kunze yakanaka hainzwikwe  zvayo ndoda kuona reaction yake paanondiona ndikamisa mota payard hazvizonyatso ita chiremerera". Akadaro zvikanzi "Aah tadii kungosvika". Aiva akungoita hameno hameno Ponai uya ndikati "No ngatiburuke pano". Takaburuka aiva oda kufambisa kuenda achindisiya kumba kwana Ratidzo kuya ndikati "Shamari handiti wandiperekedza here kundisiya kwava kwei futi". "Aah sorry mukoma". Akadaro achimira ndikanyatsozvi gadzira boo boo ndokutora tunhu twangu twandaiva ndavigira babe ndikati "Chindibatira" "Haa" ndikati "Urikutyei nhai Ponai  ndini ndofaniraka kutya ndine excitement  yekuona babe". Akangoseka Seka ndokufamba hedu kuzoda kudeedzera ndikati "Iwe mhani hindava so". Akadzikama kwakuzoti tava kusvika kuveranda ndikati "Rugare mapositora"  ndozvataiitaka kwaMwazha ndakanzwa kunzi "Haaa iwe mhani ndisiye ndione vanhu vasvika pamba unongoita sedzisina kukwana seikowo nxaaa". Aiva Ratidzo airatidza kubhoikana hameno ndiyani aibhowa mudiwa wangu iyeye.  Akavhura door repamba pavo pahombe mavaiva achibva anditi baa  chaakaita kushama muromo akauvhara kumasure kwake kwaiva neumwe mukomana or murume hameno aiva ane rasta richirembera nekuma shoulder uku and hana yangu yakati bamu , pandakamuona mukomana iyeye. End of chapter 14 Stay tuned.....
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 276

Comments