
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 18, 2025 at 04:58 PM
*Follow my channel for more books. Usaite stress!!* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b
*Join our Main WhatsApp group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT
[02/17, 21:41] Tino Mutsinze: *PASSIONATE EVIL*
Written by
*_Mama Jay_*
And
*Tinoh🎓 Mutsinze*
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 15
RATIDZO
Akatanga kundipopotera ndikati
"Unonditukirei nhai Mugove ndakuita sei"
"Ndiwe unoudzaka vanhu vako kuti vandirove wamuudzaka kuti andirove handichadi kukuona uchiwadzana nevanhu vechirume pano"
"Ndamuudzira papi kuti akurove ini nhaiwe hamuna kurwa mega here hausiwe wamutanga kumurova here akakurira"
"Saka uri kuzama kuedza kuti ndorohwa naPonai ini"
"Hamenoka tiri kutaura zvataona handiti akurova here apa hauna simba Mugove kungoda kungo tyisidzira chete ndokwaunogona kurova dololo, enda hako unogezesa baba mumba umo"
"Handina kufambira izvozvo ini"
"Saka wavingei kana usina kufambira kuzogeza baba munhu anga atouya kuzovageza ndiye akurova akaenda". Ndaida kungomusvotesa nezvekurohwa kwake zvikanzi
"Ndiye achavageza ini handiite izvozvo, wabikei ndine nzara". Ndikati
"Mugove ukwane wazvinzwaka usandijairira iwe"
"Ndakujairira papi? Asi andina kodzero here dzekudya pano nhai mumwe wangu? Adifanirwi kukutya nekuti tichava tose kwehupenyu hwese Ratidzo my love." Ndakaseka ndikati
"Unoda kudya chikafu chinotengwa nani iwe uchiramba kugeza baba vangu apa ronda racho ramuka rakarundira nyama kudaro muri kurapa kwazvo here imi nababa vako? Pedzezvo wondiudza zvekuva newe hupenyu hwangu hwese , you don't have respect Mugove. Unondichengeta nei iwewe hee? Im regretting zvese zvandakaita dai ndakaziva ndiaina zvangu kutambisa nguva yangu Mugove."ndakataura ndave nehasha zvisingaite. Akaramba akanyarara ndikati
"Baba vangu havasi kupora vari kuwedzera apa makandipinza muzvinhu zvenyu muchiti vanopora sei ratanga gumbo racho kana makarapa nemazvo? Chii chimwe chandaifanirwa kuita chandisina kuita nhai?"
"Vanhu vechichurch chenyu chenhema Havana kumbosvika here pano, Ratidzo unofanira kuziva kuti zvatiri kuita hazvinei nechichurch havapori mukapota muchipinza zvivanhu zvenyu". Ndikati
"Saka uri kuda kuzama kuti church yedu haina basa vane basa ndimi"
"Ngavachiporaka baba vacho, ndati ndine nzara ini". Ndakaramba ndakamunyararira ndikadzokera zvangu mumba maiva nababa vangu ndakawana vakangorara gumbo ravo raiita kusinira mvura inonhuwa ndikati
"Ko iyi mvura iri kumbobva payiko nhai"
"Hameno mwanangu dai Mwari andizorodza zvake ndatambura ini"
"Zvino motaura zvekuzorora ini ndakaita kuti mupore here baba ndendakuita sei? Tarisai ndakatozvipinza mumukanwa mamupere , apa Mugove wacho haana kana chaanomboziva. Chaanongokwanisa kutaura zvisina basa chete.". Vakangonyarara zvikanzi
"Auya here Ponai ndoda kugeza"
"Aenda uyo kwauya Mugove saka Ponai aramwa akaenda manje ndakumuti akugezei ari kuramba"
"Ndonzwa kutsva Rati ndikageza ndonzwa zviri nani ndigezeseiwo purizi". Vakadaro ndikati
"Regai ndinodana bamunini". Ndakabuda mumba ndichimhanya kwandakasvika vasisiko hanzi vaenda kumaricho avo vese namainini mai Melo paingova nezvivana zvavo zvidiki. Ndakatura mafemo ndikafamba ndichidzokera kumba, ndakawana mukitchen mava kupfungaira chihutsi ndikati
"Ndiyaniko avesa moto"
"Ndoda kukanga maputi ndanzwa nenzara ini"
"Nzara kuseni kuno here nhai Mugove inzara rudziiko wabva kumba kwenyu usina kudya here hindava uchijairira iwe waramba kugeza baba vangu , asi kukanga maputi ndokwaunogona". Aiva atoisa Chipoto akukanga amwe achidyiwa kuita sebenzi chairo. Ndakasiyana naye ndikaenda kwaiva nababa vangu ndakawana vamuka vagara vakurura hembe yekumusoro zvikanzi
"Ndoda kugeza Ratidzo ndoda kugeza inotonhora"
"Bamunini ndavashaiwa ini ndava kutongokugezesai ini ndokuisai mudish"
Vakaramba vakanyarara ndikatora zidish zihombe resimbi ndokubva ndati
"Mogona kupinda here mudish macho". Vakarembedza makumbo ini hezvo
"Ko rimwe rava kutanga futi here nhai baba kuzvimba uku kuda kudzatuka rondaka"
"Ende ndiro riri kunyanya kurwadza kana kutsika haridi"
"Saka makarapwa chiiko nhai baba, nhaiwe Mugove!!!" Ndakamudana kudaro angadaira here ndikaisa mvura ndokuti
"Kururai henyu ndikugezesei muri baba vangu imi hapana chandombotya". Vakakurura kusara nekashort kemukati chete zvikanzi
"Ndipinze mudish mwanangu ndigeze ndega unozouya wondibudisamo"
"Okay" ndakabatsirana navo kufamba vakapinda kuti vagare mudish makamanikanaka kashort kaya kakabva kanyorova futi zvikanzi
"Ndarwadziwa zvangu" vachiti zenda nedish ndikati
"Baba chikururai chishort ichi mugeze"
"Hapana here ari pedo andibatsirewo kugeza ndakupera simba maiweee pamoyo pangu kani!!!" vaiva vava kuita kudikitira ndakangobvisa ini chishort chacho ndaiva ndisat ndamboona munhu rume akashama ndakatotangira pana baba vangu ipapa. Ndikavadira mvura ndikageza ndokuzoti vageze zasi kwavo vega vakangogeza zvekuchapura chapura mvura. Pakunovaburitsa mudish imomo pakaita hondo kani yakarasika yese pasi mvura yaiva mudish yavaiva vageza iyoyo ndichizama kuvasimudza kuvaburitsamo. Vakakasira kubatira pabed ndikabva ndatokwidza pabed. Mafuta vakazora vega kupfeka ndikabatsira vakazongopfeka trouse risina zvemukati ndikati hamenowo handiti vaiva vageza havo. Ndopandakazozorora kunzwa kuti huu. Ndava kutanga kukorobhana nemvura yaiva yarasika iya Mugove aiva ava mudining akubaya baya radio nekuti ndaiinzwa kushinyira. Makambodanana nemudzimu ndozvandaiita ini pana Mugove and ndaiva ndava kuda kutomuramba ini. Ndaifirei izvezvi baba vangu vari kurwara hapana change rimwe gumbo ratanga aramba kana nekuvageza achidya maputi ndinofirei. Ndakamunyararira ini munhu wepi anongoda attention yevanhu aidaka kuti ndibvunze kuti uri kubairei radio. Ndakanorasa mvura dzangu ndokuenda kukitchen moto waiva waveswa waiva wadzimwa dzimwa maputi adya ese. Unosvotwa kani ukazvirega ndakabatanidza huni ukapfuta ndokukurungira porridge ndava kunopa baba iye aiva agara manje akuteerera hanzi
"Ndichamboteerera wairesi radio Zimbabwe tinzwe zviri kuitika munyika" ini zii zvikanzi
"Chii chawakabata ichocho" zii ndakananga mubedroom ndakanopa baba vangu ndiro yavo pondoti ndidzokere ndinodyawo yandasiya ndakawana achitokwenga kapoto kudya. Ndikati
"Nhai Mugove , asi zvatova zvemuyedzo hazvo zvekuti tiratidzane masimba here zvawava kuita nekuti kutaura sure zvimwe hazviisiri zverudo kana dai waindida hawaimboita zvobowa kudaro"
"Ndaita sei" ndozvaakaita zvikanzi
"Waona here hanga yandauya nayo ndaisa mudish umo ndaiibata ndichitouya kuno pane kwandandakadziteya ndikawana yakabatwa"
"Handiide hangu enda unopa mai vako nababa vako hatidyi hanga pano". Akangonyarara achiwedzera kukokota Chipoto. Akatozoswera aripo mufunge achingonditevera ndikabika sadza akadya ndokubva ndati ndimbogara hangu mudining ndaisada kupinda muspare mangu aiteveramo. Ndagara pasofa paya aiva agarawo pedo neni akutanga kundibata bata ndichiramba
"Ndisiye kani Mugove wambovingeiko kwatovira uri pano uchingoita segoritoto unopenga here"
"Ndoda kumbofeela mazamu aya ndipwanye ndeangu aya". Ndakamuvhazura ndiyo time yakanzi gogoi, ndakatofunga kuti vanhu vekuchurch ndichibva ndada kusimuka ave kundidhonzera pamakumbo apo pandakanzwa kubaiwa baiwa ndoona chinhu chake ndikati
"Hausi kunzwa pauya vanhu here ndisiye mhani". Ndakatoita zvemutsimba kubuda ndichingoti kudongorera padoor wanike maiweeee Ponai aiva andidarirei sure akaregereiko kundinyeurirawo chero paphone hapo ndakafanoita plan. Iye Mugove aiva akuita sebenzi amira kumasure kwangu Joshy akanyepedzera kusekerera , asi aiva asina kufarira munhu aiva pamba uyu zvikanzi..
"My love" naJoshy iye Mugove akangosvova nemuhapwa mangu achibva abuda ndakafunga kuti ava kunoita hondo naJoshy , asi kana akatotanga kufamba achibva pamba ava kuyenda. Ini mabvi aiva odedera ndokuzongotiwo
"Aah ko wabva nepi??". Zvekushinga ndozvandakaita izvozvo Ponai ndiye akazoti
"Ibva padoor tipinde iwe, asi hausi kufara kani zana rabamunini vako rinondibowa iro harigoni kugara kumba kwaro here". Akandiponesa Ponai sezita rake chokwadi ndaiva ndava kutoshayawo kuti ndaizoti ndiyani ini Mugove iyeye. Ndakadziura kuti vapinde ndokubva Joshy asvikondimbundira ndakamira padoor ipapo instead yekuti apinde mumba zvikanzi
"Asi hausi kufara nekuuya kwangu here mudiwa? Wabva watadza kana kundimhanyira zvako , kana kutambirawo zvakabatwa na Ponai here nhai kana wanga usingadi hako kutambira ini ko shamwari yako? Anyway ko , varipi havo baba vangu? Ndoona baba ndotodzokera zvangu kana iwewe usiri kufara neni its ok" mashoko ake iwayo ndaisada kana kumanzwa. Joshy aisaziva madiro andaimuita nekunetseka kwese kwandaiita ikoko nekuda kwake pese paaive asipo. Ende ndaifara kuti aratidza kutyiwa naMugove. Pamwe aive akutya kurohwa zvaakaitwa naPonai nekuti Ponai wacho aivepo saka kuda aiva afunga kuti amudzokera kuzomurova zigwara riya zvakaoma. I dropped a tear ndichibva ndapfugama pasi.
"No babe , come ok , nemhaka yei wave kuzvidzikisira kudaro. Unouya muma arms angu umu ndokumbundira kuratidza rudo" akadaro achindibata ruoko ndakabva ndasimuka ndikabata maoko ake ndikati
"Ndokuda Joshua , asi ndatoita kunonzi kupererwa pandakuona hako. Dai wandiudzawo hona tsvina yandinayo handina kana nesimba rekugeza ini. Nenyaya yababa vangu varwara zvakanyanya" akandimbundira zvikanzi
"Ndichifona pai babe haubate phone yakoka iwewe inenge ichingoramba" ,
"Sorry ndendichitonzwa usimbe kuicharger.
haana kuzotaira zvekurwara kwababa zvikanzi.
"Look at me babe , I mean on my face exactly , this way right , then drive slowly into my eyes and you will find an ocean of love and in the ocean , you will find a boat of relationships , waiting for you for a non stop journey into the core of my heart. I love you so much Ratidzo." Ndiri zuva randakatanga kunzwa kudzirwa nemumbundirwa kutonzwa kamusiyano kakakura. Ndakanzwa kunakirwa chaizvo chero nemashoko aakataura. Ndakazembera pachipfuva chake ndakabatirira kumusana. Ndainzwa hana yake kurova akandibata.
Takaregedzana akanditarisa mumaziso angu. Ndiyo time yaakavhara maziso ake akatanga kuswededza chiso chake kwandiri. Ma lips ake aiita kubvundirira , I closed my eyes too ndikaerekana miromo yedu yagumhana kiss ikatsviriridza. Ndaive ndakungonzwa kuti mwaa mwaa mwaa ndave mudenga rechinomwe. Ndakazomuregedza ndanzwa kukosoro pamwe chete nekamuridzo kakaridzwa naPonai kumashure kwedu ndikavhunduka.
"Sisi Melo zvanzi i nababa ane mota iripano yakamira kuseri uko ndeyani? Kana ari wekuchechi...." andina kumutendera kuti apedzise zvaaida kutaura nekuti Joshy aibva aziva kuti takaenda nababa kun'anga
"Horaiti haa haina basa iyi Melo. Ko ivo vari kuitei? Ndambouya ndichida kuti vageze baba asi ndavashaya"
"Haa vari kutadza kana kufamba apa , vatouyawo nemota yamudhumeni iya yamaishandisa."
"Ko vaitasei?"
"Hamenowo kumaricho kwavanga ikoko. Gumbo riri kuoneka bhonzo"
"Hiiii ndichauya ndovaona" mumoyo ndakati zvavawana. Vainyanya kundivhiringidza. Ndaiwana nguva yakanaka yekusasana naJoshua.
"Handei mumba mudiwa. Ndafara wauya" he smiled tave kupinda mumba. Mweya weronda , mvura neurwa zvainzwika kure kure ndaiuziva mweya wacho. Ponai aingosekerera akagara pasofa.
"Ponai Uri kufareiko kudaro nguva wasekerera asi hanzi chii nemuroora wangu More"
"Haa More adii hake ndiri kufarira zvandiri kuona pano apa, Ndatora pikicha , phone yangu ikati inononga kwete mhichana. Ka iPhone 12 ndakakaitira maricho kwaMujamba. Ndoda kuzoriisa pa profile pangu" ndakaseka ndikati
"Tione"
"Handidi unoda kuona kuti muphone mako"
"Ndichakubata hangu" ndakadaro Aive atitora nguva yataipanana kiss naJoshua.
"Gara hako apa Jushua Unoda kubikirwa chìi?"
"Uumm usafunga zvekundibikira ikozvino ndoda kumboona baba"
"Hauna nzara here? Baba ndavageza vari umu mubedroom mavo
"Ndiwe wageza baba?"
"Yes" ndakapindura ndichitarisa pai ndainyarazve kutarisana naye Ponai aibva afa nekuseka
"Ko mwana wabamini wandasvika ari pano atadza kuvageza here?"
"Haiwawo anobowa uya haana rudo vanosigezwa naiyeyu Ponai manje kuseni ndiye amurambidza achiziva hake kuti haadi ndavageza ini ndega."
"Dai wavasiya ndavageza ini panewe"
"Ungavagona here plus ndandisingazive kuti uri kuuya ini ndakadaro tichipinda maiva nababa. Vaive vakotsira nekuti ndaiziva mafemero avo kana varara. Ndakamutarisa ndikati
"Vanga vachiti vari kutsva , saka vatonhorerwa vakarara." Ndaitaura ndichivhura makumbo avo.
"Nhai Mwari , saka ndiko kuvanani kwacho ikoku. Ko pavaive worse vaive vakaita zvekudiiko nhai babe? Ndabatikana hangu yuwii ronda rese iri apa rimwe gumbo kutotanga futika uku"
"Ratie , iwe Ratie" vakadaro baba vachinja mafemero.
"Baba"
"Ndabatwa nemaoko asiyana nevanhu vose vaindibata. Ndanzwa hana kurova , ropa kumhanya mhanya netsinga dzose , moyo wangu ukati nyevenukei. Ndiani?" Ndakanyemwerera ndikati
"Ndi Joshua baba!"
"Wa.. wa...wati kudii?" Vakaedza kumuka asi vakagomera nemarwadzo vakachema zvakandinzwisa tsitsi.
"Baba vangu Shumba iwee , Shumba Nyamuziwa ndofa , kana yakwana nguva itai ndizorore mwana wangu apinda mumaoko akanaka" munamato wangu neche mumoyo ndakati baba varega kutaura zvaMugove.
"Baba , ndiko kusaka ndiri kushinga kukurapisai tinoda hupenyu hwenyu kwete kufa kwamuri kutaura baba." Akadaro Joshura obata bata makumbo.
"Ratie , unombovatova here netauro tinopisa wakaisa munyu. Zvinobatsira kuti akurumbidze kuoma"
"Vanomboda here? Baba vanochema ukangovabata makumbo iwaya , nhasi ndiri kutoshamisika Masatiro auri kuita vakanyarara" aiva pfanya pfanya gumbo racho kumaside richidzatuka urwa hwakakora zvekuti zvikanzi
"Ndozvinovarwadza izvi urwa uhu hwatova nenguva musingahubudiseka imi"
Aitataura ndakabatwa zvekuti munhu aive andisuwa chaiko.
"Ndiri kuda kookora. Mazuva awanda" vakadaro baba zvikanzi naJoshy
"Ratie vhura maplastics andauya nayo mune coke imomo" ndakanovhura ndokuona makazara zvinonaka. Ponai akatanga kuita sechibhoko chembudzi zvachinoita kana chaona hadzi kunyenama mazino achitsvaga hwema hwaainzwa hwezvinona
"Uri kubhon'ei" ndakamudaro zvikanzi
"Ubve wasiya zvechimunhu chako chiya ndakuvharidzira nhasi". Ndakangoseka ndichienda necoke kubedroom kwaiva nababa
End of chapter 15
Stay tuned......
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
302