TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 19, 2025 at 08:23 AM
*PASSIONATE EVIL* *MUNHU WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA kamboma kabook ako huyai munzwe Mugove waRatie* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by               *Mama Jay* And       *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 16 MUGOVE Kurarama kwangu kwese ndaingokura ndisingazive kurohwa. Kakawanda  ndaiona kuti vanhu vairatidza kutya nekuti ndiri mwana wen'anga apana kana munhu aive akamborwisana neni. Pandakarohwa na Ponai ndakatoshaya kuti sei ndaive ndaratidza humbwende hwakadaro? Ndakanzwa kunyara uye kusvotwa zvekuti mabasa ese andaive  ndakutumwa  naye Rati ndairamba. Pandakazoona Ponai uya adzoka aine umwe mukomana aive akachena , ndakamboramba ndakamutarisa ndakamira kumashure kwake , asi ndaive ndava kudedera kutonzwa kutya chaiko mumuviri mangu. Kwete nekutya kurohwa zvekare , asi kutongonzwa hana yangu kurovawo zvayo. Ndakangotanga kufamba kubuda mumusha waana Ratidzo ndave kuenda. Ndaiti ndikafamba zvishoma ndotocheuka ndichifunga mashoko aaive asvika achitaura ekuti my love. Dai ndakaziva ndisna kudzoka nephone yaRatidzo. Paphone iyoyo ndipo paaiitira zvinhu zvake zvisina basa. Pandakaona zimota raipenya ndakanzwa godo ndichibva ndamira ndakaitarisa. Ndakanga ndatombofamba chinhambwe. Ndakati dai mweya wavaGororo wandibatsirawo. "Hesi kani Makumbi, ndaona wakamira pano kubva kare hanziiko uri kungoridza tsamwa zvako" akadaro musikana wandaisaziva zita rake , asi saisava kekutanga kumuona. "Ndiwe ani?" "Ndinonzi Fadzi ndinogara pamusha uyo. Tisu vavakidzani vaana Ratie zvekuti kana paine chanetsa haa tokubatsira hako" ndakaseka ndikati "Asi uri kutoziva zvako kuti ndini ndodanana naye here?" "Handizvizive ini itondiudzaka  iwewe? Asi ndakangoita kakufungira hangu nekuti haa zvamunomboita zvinotoratidza hazvo iye wakamugona seiko musikana wekwaMwazha gege" akataura achiseka Seka senzenza ndakabva ndati regai ndibvunze kuti "Imota yaani wake iyo. Mukomana akanaka so murefu akasimba zviri pakati uye mutsvuku zviri pakati haana kuzonyanya" "Aaah andimuzive ndichanomuona. Kana tazosanganazve ndokunyeurira Makumbi" ndakatoona kuti haana kana nyaya musikana uyu chaaive nacho makuhwa chete. Ndakangofuratira ndava kuenda. Ndakaenda ndichiita zvekumhanya nekuti ndaida kukurumbidza kuonoona baba vangu   Hanga yangu ndaive ndazongoisiya kumba kwaana Ratie ndave kumhanyamhanya ndaida kuitora ndonopa mai vangu nekuti aiva airamba ipapa ndaiva ndotorwadziwa kuti aizosara akatobikira munhu wake iyeye.  Ndakazosvika kumba ndarukutika nekumhanya. Ziya rakanga Rati chuku chuku zvipfeko zvanngu zvati nyakata naro ziya. Ndakasvika nekuzvikanda pamberi pababa vangu ndikaramba ndakati zvambarara ndichifemera pamusoro sendere. Havana kunonona kunonoka kurova hakata dzikaziva kuti vaive votaura nematare Ko zvaita sei kwakanaka here kunobviwa nhai makumbi wangu.? Vakadaro baba vachiisa tsvimbo yavo pamusana pangu vaizama kundidzikamisa ndikati "Ndibvunzirei matare nekuti kana ini ndiri kutadza muzvinzwisisa." Vakabva vaseka chako vakaroha hakata. Pave paye vakabva vati "Uchayeuka here zuva rawakakanda zvinopenya penya mudehenya mangu. Ndakakutaurira kuti zvine simba. Wakazvichengeka here?" "Hongu ndinazvo asekuru" "Enda utore udzoke nazvo pano . Ndoda kuzvigadzira Kana wodzokera wodzokera nazvo wonopa musikana wako apfeke zvekare uchaona zvichaitika kwaari."  Zvakanaka baba, asi ndisati ndaenda kunotora zvinhu izvi. Ndoda kuziva kuti memhaka yei gumbo risiri kupora? Pane kuti ripore riri kutowedzera kurwadza nekukura maronda acho , Izvozvi amuka ava kurwadza ese rimwe racho ratozvimba" "Usanditaurire!!" "Ndiri kutorevesa VaGororo. Izvi zvave kuita kuti kudanana kwangu naRatie kuregere kunakidza. Handifungi kuti ndinomuroora ini" "Unoda kunonokerei kumuroora? Simbi inorohwa ichapisa mwanakomana wangu Inga wakaenda kuchikoro wani. Hazvina kuita , vanhu vaya ha havatendi saka vari kunonoka kupora uye iye murapwi wacho pachake aive asiri kutenda kuti pano paVaGororo panopedza dambudziko rake. Iye kana wadzokerako zvekare unomuudza kuti zvanzi nasekuru dzokai nababa varapike. Ndakange ndavati vagare pano vose baba nemwana kwemazuva matatu asi iye haana kugara pano. Chinamato chavo zvekare chinogona kuvhiringidza baba vakatadza kupora zvakanaka" "Ndatenda hangu asekuru. Ndashaya kuti sei ndanzwa kurova kwehana yangu pandaona mukomana asvika akamuti my love  ndatya zvekuti ndikati ndogona kurwiswa ndikarohwa" "Dare Rati enda unotora zvinopenya iwe udzoke nazvo pano!!" Ndakabva ndati kwanyanu , ndakabuda mudare nenhendeshure ndikazonotendeuka ndave panze. . Ndakasvika ndadikitira nekuti paive nechimufambo kubva kumba kupinda musango maiitira baba vangu zvehun'anga hwavo. Ndakasvika amai vakamira nekanin'ina kangu kaive Kaine misodzi pamatamba. Ndakatonzwa moyo kurwadza ndikati "Zvadiiiko nhai munin'ina  wangu? Jaya guru radai harichemi" amai vakabva vati "Anokona kuchema nei? Wadzingirwa fees , baba  havachina mari yavari kundipa kuti mwana ayenge kunobhadhara fees yake.  Inga iwe wakaenda zvakanaka  tichingobhadhara nemari iyoyo yavanowana ikoko vachibhadharisa vanhu. Zvino uyu aita munyama" ndakatura befu ndikati "Inombova mariiiko?" "$20 yega nekuti ndeye temu ino chete" "Rega nditarise mumba mangu kana ndaiwana ndokupai. Tinotodawo ma doctors nema lawyers mumusha nekuti chin'anga ichi mukaperera ikoko mose munofa muri marombe" "Taurisa ipapo mwanang,  Ndizvo zvandaikuudza nwanangu iwe wakadzidza iwe dai wabvisa ngundu iri mumusoro iyi waenda kunotsvaga basa. Izvozvi kana ukaroora unomuchengeta sei mukadzi usingashande nhai?" Ndakaramba ndakanyarara andina kupindura. Ndakapinda mugota mangu ndikatarisa zvandaida. Mari ndakazongowana $15 chete ndikati ambofanonobhadhara iyoyo. "Waita hako mwanangu uwedzerwe pawatapudza!" Vakatenda zvikuru Ndakapinda munzira kudzokera kudare. Ndakasvika baba vabuda vasisimo mudare. Ndakangogara ndakavamirira kusvika vadzoka. "Mange maenda kupi nhai VaGororo?" "Kunozvibatsira hangu. Wadzoka nazvo here Kanda mudare tiite basa"  ndakabuditsa ring iya ne necklace yacho ndikakanda mudare. Vakabva vapwatika kuseka. Izvi vaiwanzozviita kana vaona kuti hapana simba ringavakurira pazviri. Vakarova hakata nekutaura chirudzi kwenguva refu. Vakatora mushonga vakaisa vakadirazve mvura yaive nemushonga dzamara ndazoona zvinhu zviya zvichisimuka. Zvakatanga kufamba zvega nekudenga ndobva zvamira neche pamusoro zviri mumhepo vakati "Unoda kuti kana azviona chii chiitike?" "Ngaapfekedze mukomana iyeye afe Vasekuru" "Hooo, zvichaitika sekuda kwako Makumbi wangu." Vakarovazve hakata vachiratidza kuti vagarwa. Zvakabva zvadonhera pasi. Vakatura befu ndokuchizoita zvekare zvikabuda zvikaenda. Ndakanyemwerera ndikati "Saka anofaka" "Hongu anototi afe , asi anonofira mberi kwete pamusha pana  Ratidzo azvizonaki." "Zvakanaka Gororo mhukahuru chero afa chete" ndakaombera maoko angu ndave kubuda mudare muya. Ndakabuda nenhendeshure. Asi kuti ndichidzokera kwaana Ratie same day zvakanga zvisisaite ndaizoendako mangwana acho *RATIDZO* "Iwe siyana neni" akadaro Ponai  pandakamubvunza kuti uri kubon'ei kwakubva ndaenda kubedroom ndakawana  Joshy achiti kuna baba "Saka hazvisi kumboita kana zvechipatara handiti nekuti haa muri kurwadziwa". Ndakati nhasi hangu pamwe vachagona kutaura  kuti ndakamboenda kun'anga ndikati "Hazvisi izvo hazvishandi" ndakadaro ndichidira drink achibva ati "Saka pakaipazve nekuti rakadai hariite vanga famba sei" "Havatofambi kuti vasumuke kuenda kutoilet ipapa ibasa chairo zvekuti vakati vanononzwq kuda kuenda kutoilet ndotambura" "Ma1 babe wadii watora nezvimwe zvandatenga wavapa vadye" "Kana ndoda kokora chete". Vakadaro ndokubva ndavapa tikamboti garei garei ndokuzobuda mavaiva avabandager ronda riya nema bandage avo chaiwo  kwete micheka iya. Takabuda varara ndokunogara mudining zvikanzi "Rega ndiise mota payard apa ndanyanya kuisisiya kure". Ndikati "Wauya nemota here" "Eeh asi ndaisiya kuseri uko". Takabuda tese tikasiya Ponai akagara hake ega ndikati "Iiih ndeyako here iyi Joshy yakanaka kudai" "Joshy ndiyani" akadaro  achindidhonzera  paari kuseri kwemota ndikati "Ndiwezve kune umwe here anonzi  Joshy aah". Ndaiva ndava kutonyara achibva andikissa fut zvikanzi "Kunyara kuchapera uku unenge wakuchemera kiss iyoyi uchiti wabudirei uchienda kubasa usina kundikissa nekundirova garo rangu". Ndikati "Ini handimbodaro iih" "Pinda ndidrive tiise kufront" "Aah kupindira padhuze ipapa here" "Uchibvisa matsva mota yako babe". "Aah veduwee" ndakadaro ndikabva ndagara ndifunge kuti dai anga ari Mugove ndaiikwirira kupi mota zvangu.  Akanoiisa kufront ndokuzobva ndaenda kukitchen kunobika ndakamusiya achitaura naPonai zvaizoita here kuti munhu asvika pamba worega kubika, ndakapedza kubika kasadza kadete nemufushwa ndomuriwo waivapo. Asi ndaiva ndabika hangu zvakanaka zihanga remunhu uya ndaida kutozorirasa. Ndakamupa zvikanzi "Wabika favorite  yangu babe sadza nemufushwa rega nditombovhairira mai vangu pano ndivadenhe". Akatora pic zvikanzi uchanzwa vofona, and Havana kunonoka kufona ndakabva ndatozotaurawo navo zvichinzi "Ndodawo kubikirwa mufushwa uyo mwanangu and kana ouya kubva ikoko murongedzere please" "Okay mama ndinoisa don't  worry"  akadya akapedza rese kuti tsvai Ponai akazooneka oenda ndikasara ini naJoshy ndaiti kuda anodzokera asi kana aingovapo pakaenda Joshy ndopandakazoratidzwa zvandaiva ndatengerwa. Hembe idzi refu dzekuchurch kwedu maduku acho zvima butsu zvekwamunand nekamwe kadress kaisvika mumabvi umu kari kewhite kaiva nezvimaoko zvipfupi ndikati "Aka kanyanya kuita kapfupi aka" "Kana tichienda out ndokaunopfeka babe look at me ndakapfeka Jean Rodawo  kuchurch  kwedu ndandichinetsana namama ipapa vachiti  pfeka formal yekuchurch ndikati mopenga kakakufita zvekuti zvangoita kuti ndiri mumba muno chete dai ndatombokufeeler wakapfeka ikaka. Ndakazonorongedza hembe dzangu  kwakubva ndazoenda kunogeza ndakamusiya akagara zvake pandakadzoka ndakawana ari pavideo call hameno munhu waaitaura naye ndakangonzwa kuti  musikana paaiti "Ndakakuudza wani kuti handisi kudzoka ikoko ndoda kutoroora musikana wangu shandai imimi" hameno akati kudii zvikanzi "Haa bull shit" achibva aridza tsamwa anenge akabva acutter. Ndakatonozora mafuta ndikapfeka rimwe dress pane aiva atenga kuti munhu aonewo kuti waaapreciater ndapedza ndakaenda kwaiva zvikanzi "Ingirozi  yaniko iyo". Ndakangonyemwerera hangu zvikanzi "Wachena  but hauna kupfeka  chinhu 1 and I'm worried about it" ndikati "Chii ichocho" "Ring where is it babe necklace  tombot haina basa but ring handidi kukutorerwa please". Ndikati "Irimo mumba umu ndichaipfeka hangu ndakaibvisa pandaiita maricho" "Tora tione" "Okay" ndakadaro ndokubva ndagara  ndikati "Ndonoitora hangu apa handeka unondibatsira kubika". Ndakanyangaridza ndichidaro and zvakashanda ndakazobika rice manheru nenyama yehuku baba vaiva vati timuuraire huku, and ndopandakazofunga kuti  bamunini vainzi vakuvara gumbo ndaiva ndisina  kuzonovaona. Ndakati ndozoenda mangwana obvious  Joshy aizodawo kuenda bamunini vakanopisira havo ikoko ndaisada kuti zvakadaro zviitike.  Takadya pakurara manje ndaiva ndoshaya kuti ndomudii I think akazviona kuti ndava kugumirwa zvikanzi "Ndiwaridzire mubedroom muna baba umo ndorara hangu pasi ndichiona kuti vari sei pamwe chete nekuvatarisa kana vakuenda kutoilet ndaona kuti vanotambura pandambova endesa paya". Nekuti  aiva ambovaendesa vachida  kunoita wet kufamba kwaivanetsa ndakati Mwari maita. Mugove akatomborara mumba  mangu mubedroom uya munhu aiva asina matyira uya ndapota zvangu. Ndakatozomuisira mattress yangu pane kuti arare pakadaro zvaisaita ini ndikanorara hangu pabase rega rebed. Takatorara tichichata paphone nemudiwa wangu ndakarara muspair iye muna baba zvinyadzi zvaitaura ipapo waiti huyai muone aiva akangwarisa mukomana iyeyu ndapota hangu. Ndakazongorara nekupera moto kwephone yangu ndokurara kwandakaita kuseni ndakamuka makuseni seni Joshy nababa vaiva vachakarara ndaida  vazomuka ndadziisa mvura dzavo  dzekugeza ndaisaziva kuti anozodzokera nguvai kumba. Ndakamuka ndokubuda panze ndikamira paveranda ndichizamura zvangu semunhu aibva kuhope. Ndakashamisika nezvandakaona mumaziso angu ndikatanga ndacheuka check kuti Joshy aiva asati amuka here. Aiwa aiva achakavata ndakabva paveranda ndichienda pandaiva ndaona zvinhu zviya "Necklace  ring zvauya nani asi Mugove auya kuzozvidzosa takatarara here ndakadaro ndamira ndakanzwa senge door raiva rakuvhurwa ndikazvinhonga hameno zvandakanzwa kuitwa sendarohwa nemagets kunzwa body yangu kut zhrrrr Rima richiti tiba!!! Stay tuned 💗
❤️ 🙏 👍 😢 😮 😂 200

Comments