TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 19, 2025 at 04:50 PM
*Follow this channel for more books utapirirwe:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main WhatsApp group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *PASSIONATE EVIL* Written by               *Mama Jay* And       *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 17 RATIDZO Ndakazeya zeya nedzungu raiva randibata ndokuzoti bengenu pava paya , ndakatarisa tarisa ndikaona kuti aiva asina kubuda Joshy. "Zvabvepi zvinhu izvi" ndakazvibvunza kudaro ndakazvibata ndokubva ndakasira kufamba ndakazviviga ndaida kunoisa mumba. Joshy aisafanira kuona zvinhu izvi paazondibvunza ndaifanira kumuratidza zvinhu izvozvi. Ndakanoisa mumba mukabag ndokudzokera panze kunoti nditsvaire hamenowo zvaiva zvangoita body yangu ndaifanira kuzozvirasa kana Joshy aenda. Zvaisava zvinhu kwazvo I think Mugove nen'anga yavo vaiva vagadzira kuti tirambane naJoshy. Pandakangofunga izvozvo hana yangu yakarova ndikati ndozvirasa ndokuzongoshinga nekuti , asi aida kuzviona iye Joshy. Ndakatsvaira ndikasuka maplates iye akatozomuka ndakutoda kuti ndinotenga chingwa ndibike tea mari ndaiva nayo handiti aitumira iye Joshy. "Mamuka sei Chirandu" ndakataura hangu kudaro asi ndaitonyara hameno nei ndainyanya kunyara zvakadaro. Mugove handina kana nechimwe chandainyara paari zvikanzi "Hesi masibanda wangu wamuka nguvaiko kana ndakuroora handidi zvemunhu anomuka time idzi". Ndikati "Aah" "Yes ndendichida kumbokumbundira kemakuseni iwe wondirasisa nekumuka handizvide. Akatarisa tarisa zvikanzi "Ndakutozvidza pamba pababa manje huya mukitchen umbondipa kiss tione". Ndikati "Haa Joshy mhani unopenga here" "Joshy ndiyani". Akadaro ipapa ndaiva panze akandibata ruoko tikapinda mukitchen ndokubva tamira padhuze nemukova asi tiri mukati. Akanditarisa mumaziso zvikanzi "Unoziva ndokuda here iwe unozviziva here Ratie". Ndikati "Ehe kana neniwo". Akabva andimbundira zvikanzi "Usazondisiya Ratie" "Why wadaro handikusiye ini" "Ummmmmmm pane hope dzandarota nhasi handina kudzinzwisisa okay baba vaingorapwa kuchipatara chete here babe or pane somewhere kwamakambovaisa". Ndikati "Vairapwa kuchipatara ava Chirandu, asi chiii marotei?". Ndokubva ati "Never mind wandisiirawo mvura yekugeza here" "Ehe ndiyoyi wakundityisa Joshy warotei" "Zvapera babe ndafunga kuti makamboenda navo kuchivanhu , but wati hamuna maybe hama dzenyu dziri kuplana kuvaisa ikoko , but ummmm my word of advise ndeyekuti musavaendesa kwese kwese tangai maona kuti kunoita here mogona kuzopinda matisingazogoni kubuda handitika babe wangu hadzisi dzese n'anga dzinorapa sweetie. Ndava kutongotaurawo zvangu but ndarota baba vakakombwa nevanhu vandisina kuziva kuti ndivanani vachiratidza kuti vari kuronga matare asiri akanaka ipapo. Iwewe wanga wakasungirirwa mumuti nechemudenga wanga uchidaidzira semunhu anoda help but ndandisinganzwe kuti wauchiti chii babe saka beware even hama dzavo dzikauya dzichiti handei kwakati nababa ndokumbirawo masibanda wangu ramba Mwari vari kumusoro kudenga vachapodza makumbo ababa vedu aya varivo. Rangarira nyaya yaJobo babe zvakapera zvese pfuma, makwai, vana everything. Kusvika iye pakuita mapere mbudzi muviri wese mukadzi wake chaiye akasvika pakumugadzika kudurunhuru. Kugomba ramarara babe achiti hauchakodzere kugara mumba nekuti une maronda asingaperi tuka Mwari wako iyeye waunoti unonamata but Job akadii babe, unoiziva wani story yaJob. Akaramba akatsungirira pana Mwari akati ndiye akandipa upenyu nepfuma nevana ndakabva mudumbu ramai vangu ndisina chandinacho ndichadzokera zvakare ndisina chandinacho. That faith ndoyatiri kuda pasituation Ina baba right now sweetie baba vedu takavatarisa ndiJob vane maronda , mairima you told me kuti ndakaendeswa kuchikoro nemari yekurima chibage garden everything ndaona danga apo but rikuratidza kuti harisisina mombe dzakaenda kupi". "Dzakatorwa nabamunini, ndokwadzakugara". Ndaiva ndava kuda kuchema mashoko a Joshy was too much airwadza aiva ekundisimbisa hawo but uuummm aiita kundidzimba pamoyo chaipo. Ndakanzwa kuda kuchema , asi ndakazongozvishingisa pamwe nekuzvigwinyisa. Ndaisafanirwa kuchema , asi kutongova strong enough to face any challenge ini my life. Life is like a wheel , it turns around all the time." "Handiti uri kuona hapachina zvese izvozvo huku chaidzo dzavakuverengeka , but it's a phase babe zvinodarika hatingopai rutendo rwedu kunaMwari. Baba vachatosimuka panhovo pavari paya vagofamba sweetie wangu vagorima munda wavo like zvavaiita before, i love you" akapedzisira achidaro ndikapukuta misodzi yaive yakutobuda zvikanzi "Aah babe come on uri kuchemei manje handizvide izvozvo". Aidaro achindipukuta misodzi mukupukutwa imomo ndakabva ndanzwa softness pama lips angu. Ndikatsinzinyira maziso aiva anyatsondibata kugotsi uku andidhonzera paari. Ndakamubatawo pamasholder apa tikatanga kudyanana miromo takadaro ini misodzi yaingoyerera chete , but zvainakidzirira handidi kunyepa "Ko iye Ratie ari...... hezvo" ndimainini mai Melo vakasvika pamukova wekitchen vachidaro ndakangozvigarira pasi ndega pabanch nekunyara Joshy akaramba akamira. Zvikanzi "Nhaiwe Ratie" "Mhamha" "Ko asi ndiye uya wekunze kwenyika". Ndakaramba ndakanyarara iye Joshy ndokubva azogarawo pasi ndikati "Sorry mama" "Nei hako varipi baba" "Vachakarara uyu anonzi Joshua" "Haiwa ndazviziva kare hesi hako mukwasha wangu ndini mai vake iyeyu zvino tazopanana introduction zvisizvo tichaonana hedu, asi zvamamuchiita handina kufara vanangu. Ini handirovi imbwa ndakabereka mupini, Ratie" "Mhaa" "Pano pamba pababa namai vako pano hazvichinji chero kukanzi mai vakafa baba vanorwara Havana zvavanoona ini mai vako ndatoona handitodi. Hazvina kushata kushanyirana muchionana sezvizvi , asi zvekuti muite mukadzi nemurume mumba mavakoma vangu kwete. Kitchen ino yakasiiwa yavakwa namai vako kana mukomana wako uyu auya kuzoroora tikaona mozoita henyu chero mukaita muri pachivanze apo huku nemagarikuni zvichikukuridza we don't mind ko munenge mava veduka manzwaka vanangu" "Haa sorry mama" ndiJoshy akadaro zvikanzi "Tafara nekukuziva, iwe Melo hauna kumuona here zuro waiva waonaka iyeyu wemhiri" ndikati "Ndandichiti ndichauya" "Aaaah , kupi baba vako vakatotakurwa nengoro madeko mudhumeni akazoramba akati pasina mari handiiti" "Ko chiiko chakamboitika" ndakabvunza zvikanzi "Vakavhunika zuro nengoro iyoyo yakazovatakura zvakare. Ndambovaudza kuti musaenda nengoro iyi chimombe chababa vako chiya chemakwapa chinopengesa ndakavati "Musasunga chimombe ichi, unongovaziva baba vako tiringindi nharo ndiye kata muchingoro tande kumaricho kwataisakurira magokoko matatu emabagwe ndoavaisungira chimombe ichocho. Takanoti todzoka ini ndaifambira musure varimo vachimanyisa chakangoti tenu nekwaChokoto kuya ndiye muchuru pavakada kuti vajambe nengoro ichitevera ichinoti pagumbo gaaa bonzo kubuda kudai mupimbira hameno kuti richafamba here kana rogurwa. Apa handina kana nemari yekuchipatara variko kuChivhu uko vanongochema kana neni ndiri kutya izvezvi hona hako zvakaita gumbo racho". Vakanditaridza ndikati "Yuwii" akaonawo Joshy zvikanzi "Wava musha wezvirema bamukuru havafambi ava vodai apa handina kana cent, ndandatouya kuzoudza bamukuru kana une mari Ratidzo ndotokumbirawo chero Dora haro rekuti ndinobhadhara ndiri kupererwa mwanangu". Ndakatarisana naJoshy akangosumudza tsiye ndikati "Ndine 30 chaiyo". Ndaitotora pane iyoyo yaJoshy yaitumira "Yese iyo ini ndine 5 Dora chaiyo ndoyaiva mumba iyoyo". Ndikati "Saka makanosvika Chivhu nengoro" "Bodo takaenda paclinic ambulance ndoyakazosenga". Ndakasumuka ndikanotora mari ndokuvapa nhamo yacho hamheno bamunini hameno kana vaizofamba. Vakaudzawo baba nezvenyaya zvino baba vaigoitei vaisafambawo. Vakaenda kumba kwavo tikasara naJoshy zvikanzi "Haa pakaipa" ndikati "Kwete zvishoma pakaipisa chaiko". Ndakazombobika kwazvo here kana nekuchingwa kwandaida kuenda handina kuzoenda ndakaita zvemagwinya ini,ndaiva ndatopererwa kwakudya akatogeza baba vakachena ronda ainyatsosuka chaiko achibvisa mazihurwa rosara ratsvuka ropa wainyatsoona kuti kana naivo vaipenya chaiko paface. Tagara ndopaakazoti "Ini ndava kuda kudzokera babe wakatozoramba kunditaridza ring yandakakupfekedza babe unayo here iwe nenecklace yacho kana hausisina hako" ndikati "Ndinazvo kani rega nditore kwacho". Ndakadaro ndichinopinda muspare ndakazvitora ndikauya nazvo ndikati "Izvi unoda ndikupfekedze here" ndaida kutomupfekedza muhuro make zvikanzi "Ummm ummm usadaro handiti ndakatengera iwe here" "Aiwa ndoda kukupfekedza iwewe necklace iyi" and ndaingonzwa kuti dai aipfeka chete zvikanzi "Usadaro kani babe ndakatengera iwewe kani musikana wangu" "Aiwa pfeka mhani". Akabva ati "Aah babe ko zvamboita sei" "Pfeka necklace iyi uri kurambirei kuipfeka manje hausiwe wakaitenga here iyi" "Ndini saka nhaiwe ndozvazvoitwa here mudiwa". Aidaro achisumukawo ndikati "Uri kurambirei kupfeka saka pfeka tione" ndaitotaura ndadodomera kuda kumupfekedza nekuti aiva murefu zvikanzi "Ratie handisi kuzvida usaita seunopenga iwewe, kana uchida zvekundipfekedza necklace iyoyo nditengere iwewe yako kwete kuda kundipfekedza necklace yandakakutengera chii chakadaro handizvide. Utori nemhosva yekurura zvinhu izvozvo wava kuda kundiitira sebenzi pano iwe kwana". "Uchatoipfeka" ndaidaro ndakupinza mumusoro make akangondivhazura ruoko achibva aibvuta ndiye akandipfekedza muhuro mangu hameno zvandakanzwa nzeve kuvhara musoro kuita kurira kuti wwiiii ndikatoita zvekubata zviya zvekusada kuti ndinzwe iye aitoratidza kuti aiva atsamwa nezvandaiita and haana kuzoda kumira akanonga ring akaitarisa tarisa zvikanzi "Nxaaa" achiikanda kure panze handina kumbotaura naye ndaiva ndichakavhara nzeve dzangu. Akatora kajacket kake akapinda mubedroom mababa ndikanzwa ava kuoneka "Baba ndombokusiyai ini ndoenda". Hameno vakapindura kuti kudii ndikanzwa akuti "Mobata nepapa chamoda mopa Ratie uyu anokutengerai ndichadzoka zvangu manje manje kuzokuonai ndava kuno full time ndichamboti dzokerei kunogadzirisa zvimwe zvakasara asi kwenguva diki ndodzoka ndova wekuno zvachose". Ndaiva ndazomira pamukova weimba yairara baba vangu ndakamutarisa zvandainzwa zviya zvaiva zvapera ndakufeeler good akavabata makumbo akamboita chinguva akadaro ndokubva azovasiya akavabata musoro zvikanzi "Ndokudai baba". Achibva avafukidza zvakanaka akabva atofamba achiuya kudoor ndakadziura ndichiti pamwe achataura neni , but ungati aiva anditsamwira nenyaya yenecklace iyoyo iyewo hameno kahunhu kandaiva ndaita ikako. Akakiinura mota yake akapinda ndikati "Joshy" akangosumudza ruoko achitotanga kuimutsa ichitinhira ndikati "Chirandu" ndokubva yatotanga kufamba mota ichibva pamba ndakada kuitevera , but akamhanyisa achibva pamba ndikasara ndichizvirovera pasi time yacho ndopandakanzwa "Chimoko changu" ndakasvotwa chaizvo nevoice iri ndikabvisa chinecklace chiya ndichimutema nacho kumeso akangoshama akaitarisa kunge Dahwa rashaya mvura ndikasumuka pamavhu pandaiva ndakagara paya ndichinopinda mumba. Iye akangoramba akashama akatarisa necklace iya chete.... End of chapter 17 Stay tuned......
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 285

Comments