TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 20, 2025 at 08:38 AM
*PASSIONATE EVIL* * WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by               *Mama Jay* And       *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 18 PONAI Ummm Ratidzo zvaraive benzi. Kuti titi mweya yekun'anga kwaaive ayenda here kana kuti mwena wemumusha mavo imomo ndakazvishaya. Pandakatoona Joshua ndakaona munhu akanakana zvose chiso nemoyo. Pandaimuona pama pictures muphone yaRatidzo ndaingoti kubudawo kwemunhu aigara hake kunze kwenyika achishandisawo phone yakanaka , asi haa ndakazozvionera pamhino sefodya kuti aive murume chaiye. Ndakaenda kumba ndichingonyemwerera nekunzwa kufara. Ndakasvika kumba kwati hunderere , shiri dzaive dzochema. Ndakawana baba vachipedzisa kumona chipoto chesadza. "Chihera ndinoshaya kuti sei uchindijairira kudai?" Vakadaro baba vasina kundiona ndakamira pamusiwo. "Monai makanyarara Mukanya. Ndiko kuti mudzidze. Ponai anongobuda paadira , hakuna kumwe kunoendwa kunze kwekwaana Ratidzo. Pedzezvo moteerera manyepo aanotaura ekuti havadanani. Zvino ini nhasi ndonzwa kurwara chaiko bikai zvenyu baba vaPonai. Ini nevana vangu takatomirira kudya. Kana iyewo adzoka anosvikodya ramabika iroro" baba vakatura befu vakaramba vakatarisa mama vakati "Saka wave kundiranga nemhosva dzaPondai here? Pondai kana akaroora Ratidzo zvine basa rei? Chakaipa paari chii? Ndiko kusaka waida kuramba kumupa pekurara nekuda kwemoyo wako wakaoma. Usaita sezvinonzi iwe hauna kuzvara vanasikana wazvinzwa here?" "Chiregai ndipedzise baba" ndakadaro ndichipinda. "Ndibvire kumapoto angu uko Ponai. Wageza kupiko maoko ako zvawabva kunobata Ratidzo mazamu ake? Iko kurwara kwababa vake kwatiparirawo. Ponai hauchabviko , akaita mimba moziva kwekuenda ini andidi kumuona pano. Ndakakuudza nezva Getrude iwe tana kuramba. Pese pese Ratidzo!!" Munoziva kutaurirwa manyepo kunongonakidza so. Amai vangu pakurondedzera manyepo vaive shasha. Ndakaseka ndokubva ndanogara pedyo navo. "Dont rush mama , calm down ok" "Don't tell me to calm down Ponai. Unoti andina kudzidza nhai" "Hahaha , pamuchato waRatudzo ndoda kuita best boy mama" "Muchato wake naniko iwe uriwe mukomana wake" "That's really really bad mama. I'm your son , apana pazvichachinja. Munondivengera manyepo iwaya mukazodemba mangwana. Ratidzo is my best friend pasina kana zverudo zvatinoita. Musikana wangu ndinaye ende pamuchamuona muchamedzera mate zvenyu mama. Tarisa muone ooh" ndadaro ndichivaratidza mapictures aye andakatora Ratidzo naJoshua vachitsvodana. Vakabva vatura befu zvikanzi "Ndi..ndi...ndiani wake uyu?" "Ndiye mukomana wake iyeye aive mhiri atouya nhasi. Ko , iro zimota raauya naro hahahaaada , kana murume wenyu uyu akatadza kuritenga. Asi mosweroti Ratidzi this and that. Ane choice mwana uya muregei hake. Manje manje ari kuroorwa. Andidanani naRati inini ende anditomboenderani nemukomana wake zvachose. I dont know why you hate Ratidzi kudai mama. She is very beautiful,  well mannered    nezvimwe zvakanaka zvakawanda paari. Please mama , stop insulting Ratidzo , andisi kuzombomira kutamba naye kusvika Mwari vamuropafadza" Vakangotura befu vakaramba vakanyarara. Ndakanopakura sadza nekuti zvaisaita kuti baba vapakure ini ndiripo. Ndakatora rangu ndikaenda kuimba yandairara. Ndakanodyira ikoko kusvika ndapedza. Kunze kwaive kwatosviba ndikarara nekuti ndaive ndaneta. Ndakarara kudaro ndakatanga kurota hope. Ndaiita kunge ndaifamba munziva yaiyenda kwaana Ratidzo. Ndakasvika pamba Pavo ndaneta ndiyo nguva yandakaona mota yaJoshua ndikanyemwerera. "Rati Rati , uripo here Rati?" ndaizviziva kuti vaivharirana kana Joshua auya. Pandakacheuka ndakabva ndaona Fadzi achiseka akanditarisa. "Fadzi , why are you laughing?" "Ndotadza nei kuseka. Iwe uri pano sei usiri kuperekedza muchato waRatidzo?" "Muchato? Uriko riini wandisina kuona kana kunzwa?" "Izvozvi handei  , hausi kuona kuchena kwandakaita here? Vana Melo nana baba vake vose ndiko kwavaenda" "Noo , Uri kunditaurirei iwewe?" "Heya , chisara wakadaro wakanyanya kupusa" ndakamhanya pamota yaJoshua iya yandaive ndaona. Ndakarova rova mota iyoyo ndichimudeedza asi haana kana kudavira. Patakati fambei ndakutevera Fadzie , takabva tasangana naJoshua aive akapfeka suit yakanaka veduwee. "Ponai , I was looking for you everywhere,  where have you been?"  Ndakataura ndichidedera ndikati "Ndasvika izvozvi , where Ratidzo nhai?" "Ratidzo ndiri kumutsvagawo" "Hey hey Ponai ndakuudza kuna Ratidzo kare. Lets go nhaiwe tinowaka mupunga wapera uko nemaheu. Kune mafizhongo ndati" ndakatarisa pasi ndonyara. "Ponai ndiye musikana wako here?" "Kwete Joshua. Anogara apo muvakidzani waRatie ari kuziva kwaari" "Saka handei , what are we waiting for? Pindai mumota" takapinda tose mumota iya. Joshua akarova Mota toenda. Takazotanga kunzwa kurira kwaiita ngoma. Nguva diki taive tasvika. Vanhu vaive vakaungana , ndakatanga ndini kudzika mumota. Ndiyo yega mota yaivepo. Paive pasina kana imwe mota. Ndakarohwa nehana pandakaona Ratidzo na Mugove vakamira vakabatana maoko ngoma dzichirira pangu pangu. Ndakangotarisa Joshua ndatopererwawo , he dropped a tear ave kudzungudza musoro wake. Ratidzo paakationa akabva ango..... ndakabva ndapepuka. Ndakange ndakadikitira zvekunyorovedza machira angu. Ndakamakandira kure ndikasara ndangova pamhene. Ndakabvisa chishoti chaive chanyorova ndikakandira pasi. Ndakatora tauro rangu raitova nyoro ndikapukuta muviri wangu. Ndakati Mwari wePauro Mwazha dai mapindirawo. Ndakatora gemenzi rangu ndikapfugama pasi ndikanamata. Ndakatura mweya yese yekun'anga kusvika ndagutsikana. Pandakapedza kunamata , kunze kwaive kwatochena , zuva rati vhuuu. Ndakasimuka ndikambozamura nekushama n'ai ndakamira kudaro Ndakatora magumbezi angu ndobuditsa panze. Ndakatanga kuita basa sezvo ndaive ini mukuru. Amai vaiti vairwara nezuro wacho. Vakazomuka ndatopedza zvose kusuka nekutsvaira panze kana muimba yekubikira zvose. "Waita hako mwanangu nhasi wandirerutsira." "Muchitendeiko mhamha , ibasa redu tose" ndakabva ndafambisa kutora tauro Rangu nesipo yekugezesa. Ndakafambisa ndoenda kurwizi rwaingova pedyo nemusha wedu. "Ponai woenda kupiko?" "Kunogeza , ndinoda kubuda" "Kubuda kuenda kupi nhai mwanangu husiku huno" "Husiku here ihohu , iro zuva rati kata kata kudai. Manje manje rinenge rorova nhongonya" ndaitaura ndichifamba kuenda. Andina kucheuka. Ndakasvika ndikageza nguva diki diki ndaive ndadzoka. Ndaida kuenda kumba kwana Ratie kunoona kuti aive ararasei nababa uye naJoshua. Hope dzangu dzaindinetsa. Ndakapfeka zvakanaka ndikanokumbira bhasikoro raTaurai akandinyima. Aive mukoma wangu wekwa bamukuru mukoma wababa. Zvekunyengerera munhu ndaisazvikwanisa.  Ndakazongoenda netsoka.  Ndakasvika paNharira pamashops kwave kutopisa ndikaona mota yaJoshua. Iye paakandiona akandimhanyiraa. "Ponai warara sei hako?" "Ndarara zvakanaka ini amheno iwe ndiwe wandinototyira. Hauna kurohwa nemazizi here?" "Haa kwete wena" "Hausi kuratidza kufara nemhaka yei? Joshua sununguka kutaura neni? Chiii chanetsa" "Ndanga ndichikutsvaga , ndanga ndakutobvunza madirections ekumba kwenyu kuti ndiuyeko" hope dziyaaa , dzakadzoka mupfungwa dzangu. "Handei mumota yangu umo Ponai" takaenda hama ichirova. Ndaisada kunzwa kuti varambana kana kukanganiswa naMugove. "Joshua what is it?" "Ponai amheno kana ndiri wrong. Ndakatengera Ratidzi ring ne Necklace ndikamupfekedza asi iye anobvisa. Nhasi azonga ave kundimanikidza kuti ndipfeke zvinhu izvi kusvika tanetsana. Ndaramba ndokuzomupfekedza ari iye , asi pandamupfekedza ring ndakandira kure. Iye haana kuita hanya nazvo kunge akagarwa" akabva atura befu ini ndatopererwa. Ring ne necklace iyoyo ndakambonzwa kuti zvakatorwa naMugove , saka zvaive zvadzoka here uye sei? "Umm ko wabvunza here kuti nemhaka yei ari kudaro?" "Yes , asi Haana kundipa mhinduro" "Rega ndigonotaura naye ndokuudza kuti chii? Pamwe zvasakava ave kuda zvinyowani" "Hooo , ndichatenga zvimwe. Ko baba vake are you sure kuti vaienda kuchipatara or vaienda kun'anga kana kuchivanhu" "Kkkk come on Joshua tiri veAfrica isu hatiite zvemishonga." "Ooh really? Ini kunyeperwa ndiko kwandisingade ende ndakangwara wanzwa here Ponai. Andina kupusa. Ratidzo ndomuda , asi ndoda chokwadi nguva dzose. Rasta wandakasvika aripo ndinai wake" "Brother yake" "But anoita kunge mwana wen'anga wani. Sei akatadza kana kundimhoresa zvake akasarudza kungoenda akanyarara kunge asina kundifarira. OK fine Ponai , rega ndidzokere Harare , unoudza Ratidzo kuti unodiwa neni" Ndakadzika mumota yake , akaenda zvake ndikasara ndakamira ndakatarisa gotsi rebango rake achienda. Ndakatura befu ndikati. "Ratidzo ndakambomuudza. The truthy shall set you free. Hakuna chakavanzika chisingazobudi!!" Ndakafambisa ndave kuenda kumba kwavo. Ndakasvika Mugove akagea pavheranda akabata necklace iya mumaoko. Ratidzo aipopota ari mumba. Ndakazama kuvhura door , asi rakaramba kuvhura. Ndakadzoka back ndikamira ndakatarisana naMugove. "Mugove unonyatsonzwa sei iwewe?" Ndakadaro ndakamutarisa. Akaramba akanyarara ndikadzokorora. "Taura neni shamwari , ukaramba wakanyarara ndokutsika chaiko. Sei uine mweya weshaisano iwewe? Rega ndikuudze chokwadi , wakatadza kuita kuti baba vaRatidzo vapore , kudanana kwamaida kuzama kuita ngakupere now!! Ukadzoka zvekare pano I will deal with you Mugove!" Akatura befu achibva asimuka. Akakandira necklace iya pasi akatanga kufambisa kuenda. "The devil is a lair. We will win the battle , infact , we won!!" Ndakadaro ndichiita kunge ndikapakura gotsi rake. Ratidzo akabva avhura door. "Thanks Ponai wandiba....." "Zip your dirty fucken lips now  Ratidzo before I do something very stupid!" "Ponai!!" "I said shut up!!" "Ndatadzei?" "Hauna kungwara Ratidzo wakadzungaira stereki. I warned you,  asi wakaramba kunditeerera. Ukasiiwa naJoshua iwewe uchafa uri rombe" akatura befu akati "Why?" Ndikati "Abva pano muchiwirirana here? Wapihwa here hug ne kiss yekuti bye bye?" Haana kupindura akaramba akanyarara. Ndakatora necklace iya ndikanopisa. Ndapedza ndakabva ndagara pavheranda. "Bika izvozvi ndangouya ndisina kana kudya. Varara sei havo baba nhasi?" "Baba vari kurwara ava. Iye Joshua angoenda asina kumbotaura kuti ari kufungei hurwe zvahuri kuramba kupera?" "Aigotaura seiko iwe uchiita madhiri ekunyepa nguva dzose? Ndati imbobika tozotaura" ndaive nenzara akabva ati "Kune chikafu mumba ndokupa here udye. Don't put the blame on me kana kuti rega zvangu ndibike sadza racho udye Zvose zvandakaita ndakaitira kuti baba vangu vararame. Saka waida kuti ndiitesei?" "Dai wakaudza Joshua chokwadi kare dai atoenda newe ipapa asina kumbokusiya." "Unoziva here kuti pane mushonga wakazorwa naMugove pa..." "Heeee? Wati kudiii? Wakazorwa pai?" Akaratidza kupusa akaramba akanditarisa End of chapter 18 Stay tuned........
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 266

Comments