TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 20, 2025 at 04:19 PM
*Follow my WhatsApp channel usasarire vamwe vachinakirwa:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main WhatsApp group for more:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *Follow my Facebook page:* https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL *PASSIONATE EVIL* Written by            *_Mama Jay_* And      *Tinoh🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 19 RATIDZO Mhosva yangu yandaiva ndakapara naMugove ndoyandaitoshaya ini kuti ndeyei chaizvo. Seipapa paanongoyerekana anyuka ndaishaya kuti anodei chaizvo? Joshy aiva atsamwa kushaya kuti aiva atsamwirei zvaiva zvakaipeiko kumupfekedza necklace  yacho nhai. Mugove waiti chero ukamutukazve ukataura zvaunoda haatirimuki anotokuitira zvobowa. Waisvotwa ukazvirega naye ndakafara pakauya Ponai ini aimutya and akabva atobva pamba akaenda ndikati Mwari maita. Ponai handizive hangu kuti ndaizomutenda nei chokwadi aimira neni panguva dzese, akanoona baba vaiva vakachena vasiya vagezwa naJoshy zvikanzi "Nhasi baba vari clean chaiko , asi watova gezesa here" "NdiJoshy asiya avagezesa uyu chero azoenda atsamwa hake asi asiya andibatsira" "Agona zvekuti ini rega ndibaye wakanzwa here kuti bamunini vakakuvara" "Eeh wani paya akauya achitaura Melo" "Haa panotoda Mwari gumbo rakakuvara iroro chisara zvako zvimwe zvacho unamate Ratie hazvidi kurelaxa zvako muface wako anokuda uyu asi iwewo dzidza chokwadi, kutaura chokwadi chete ndokunokuita uite free saka ita zvinhu zvako uchingwarira ndichamboenda zvangu kuGuvambwa padhuze ipapa ndasuwa munhu wangu". Ndikati "Hmmmmm vana Ponai" "Kudii kwacho iwe hauite here maitsvodana zuro ndakatarisa wani rega ndiende". Akabuda akaenda ndikasara ndichitura mafemo kasadza kaaiva asiya pane randakamubikira achiti anonzwa nzara ndakarisiya mukitchen ndikati ndaizodzoka ndoripa baba ndabva kwabamunini. Ndaida kunonzwa kuti vanonzi chii kuchipatara kwavainzi vaiva vanoadimitwa. Ndakanooneka baba ndakawana hangu vakatarisa mudenga vachitaridza kuti vakayeverwa ndikati "Baba ndava kumboenda kwabamunini ndinonzwa kuti vari sei" "Zvakanaka" ndozvavakaita ndikabuda hangu ndakawana paina Melo ega akagara nevanin'ina vake ndikati "Hevoizve vana vababa vangu". Bamumini ba Melo vaingova nevana 4 chete vasikana 3 nemukomana 1 aiva wenumber 2 kutevera Melo "Hevoi si Ratie" vakaitirana vese ka1 ndikati "Ko mama varipi" "Vaenda kuchipatara kwaenda baba havasati vadzoka" "Hoo kubva paya kuseni Inga pakaipa saka madya" "Tabika sadza tadya" "Hoo kana mama vasina kudzoka munozouya torara kumba kana muchitya mazvinzwa" "Horaiti" akadaro Melo ndokubva ndanotarisa mukitchen macho maiva netsvina maplates asina kusukwa ndikati "Melo wakura iwe wava munhu mukuru kana kunyengwa wava kunyengwa ipapo form 3 chiri kunetsa chii kuti mumba mugare makadai hauna kutsvaira kubika ndokwawagona Aiwa chinja maitiro mumba muchene umu". Akangosmiler ndokubva anyarara hake ndikasiya ndatsvaira tsvaira ndokuzoenda kumba. Ndakati ndosvika ndakanzwa kuti gunduru mukitchen ndikatoti hameno , asi ndasiya ndisina kukiya mukova huku dzikapinda here. Ndokupota kuti ndinopinda wanike ndiMugove ari kutomwa mvura necup huru apa akachingidzira mubucket and aimwa zvinobhowa futi imwe ichidzokera mubucket. Kapoto kesadza riya randaiva ndabikira Ponai kaiva kakwengwa nemakoko kasiiwa kakashama zvese nekemuriwo atoguta zvake. Ndakamira padoor ndikati "Mugove" "Hesi Chimoko" _bhooo_ akadaro achidzvova ndikati "Zvimwe zvacho hazvitonakidze ufunge unogona kuita uchiti uri kusvotesa Ratie but pasina zvazvoshanda. Uri kutocreater ruvengo mumoyo mangu newe nekuda kwezvauri kuita izvi" "Ponai handidi kumuona pano, anga achidei uyezve ndiyani akauya zuro nemota pano Ratie ndakati chiii nenyaya dzekundihurira". Ndikati "Handina kumbokuhurira ini Mugove wakandida ndine mukomana wangu maizviziva nen'anga yako mukati ndikakuda baba vangu vanopora manje ndezvipi vari kuwedzera saka rudo pakati pangu newe ruchiri kubva pai. Nekuti chaisunganidza rudo rwedu irworwo urwere hwababa vangu. Ndichiti vakaporawo ndowanawo kukuda saka ndiudze kuti uchiri kudei pano". Ndaitaura neushingi chaihwo ndaiva ndasvotwa akafamba akaswedera pandiri mukitchen imomo ndikati "Usandibata hako handidi zvekubatwa newe unotondimara" "No inzwaka Ratie sorry nema actions angu , but apa ndadya nekuti wabikira Ponai haungabikire Ponai sadza izvozvo ndoramba. Ndoda kukuudza chinhu 1 secret iripo iyi, vanhu vauri kuti ndivo vaunoda padhuze ava ndovari kuita baba vako vasapora". Ndikati "Ukwane iwe wanzwa" "Uri kuramba here nemhaka yei Ponai achigara achiuya pano, akatumwa kare kuti atambe newe baba vake vane divisi vaida kutora urimi hwenyu zvino muchinahwo here muchiri kurima here imi. Zviri papi zvamakarima kwana Ponai wako iyeye kunei zvakazadza Havana nhamo vhura meso wangu. Hongu ndiri mwana wen'anga , asi inini Ratie ndokuda zvisina ani akamboona. Mukomana wako uya umuchenjerere Ini ndiri mwana wen'anga and handivanzi kuzvitaura asi munhu uya ari dangerous uchenjere kuzourairwa baba naye uya kuvashaiwa chaiko ndikuudze". Ndikati "Never" "Okay, bata umu kana uchiti ndonyepa" haiwa ndakaramba nemaoko angu ini akabva andidhonza ndakavarairwa paari ndikati "Ndisiye mhani unopenga here" "Usaita seusiri kufara nekukubata zvandakuita izvi ndoda kunzwa kuti akapinda here munhu wako apa kana akangopinda chete apa anofa". Aizama kuda kundipatsanura makumbo ndikazama kubvisa achibva atotora mukana iwoyo kundikisa hameno kuti mukanwa make maivavira chii and kakuvavira ikako hameno zvakakandiita nekuti ndakabva ndanzwa kuda kuramba ndichimukissa akaita searega ndikamudhonzera pandiri. Akawedzera kundimanidzira naye ndainzwa kuti his manhood haichaite ndikati "Usadaro Mugove handizvide" "Handina zvandinoita ndongoda kuti upinze ruoko unzwe zvandaita ndomadiro andokuita dai ndaisakuda mudiwa isingamiri kudai inzwa hako". Akandipinza ruoko mubhurugwa make ummmm imika kana hana yakarova ndikakasika kubvisa , asi hameno zvandaiva ndanzwa and aiva nemazivhudzi akawanda futi zasi ikoko ndakamedza mate zvikanzi "Ndoda kubata ndinzwe kuti akaitei mukomana uya" ndikati "Haana kumbondibata kwese ikoko kwauri kuda kuona haana pfungwa dzacho". Ndakadaro zvikanzi "Nekuti akapusaka ndozvinoita vanhu vakapusa akadaro anokurarisa nenzara". Ipapo aiita achindipuruzira mazamu apa ndaisava nebraa ndakasuduruka paari achibva andibata mashoulder aya zvikanzi "Baba vanofanira kudzoka kuzorapwa nababa kudumba kwavo babe vapore ndozvavakataura". Ndaisaziva kuti njere dzangu dzaiva idzo here kana kuti hameno ndikati "Haa ndichaona izvozvo" "Ukadaro manje havapori ndakanotaura kuna baba ndinotorwadziwawo nekurwadziwa kwako saka vakati pane zvakakanganisika kunyanya Ponai umuchenjerere handimuvengi ndisahwira wako , asi pane zvavari kubenefita nemi". Ndakangonyarara zvikanzi "Ndichanonzwa kuti touya tovatora riini". Ndikati "Hameno chero zvazvaita". Ndakadaro ndanzwa phone yangu kuringa ndokubva ndamusiya ndichienda kudining kwaiva nephone dzaiva number dzega ndakatoshaya kuti ndedzani ndichibva ndadaira "Hello". Ndakadaro zvikanzi "Makaenda kun'angaka Ratie nababa ukasandiudza" "NdiJoshy here" "Stop pretending senge usiri kuzvinzwa" "Kun'anga kupi" ndakadaro akaseka zvikanzi "Ita tione zvamuri kuita tone kwamosvika kana vasina kuenda ko zvitambo zvanga zviri muma kumbo kuzvitsoka ndezvei zvandaona pandavagezesa ndezvei zvinenge zvemashavi izvozvo ko chiri muhuro hakuna muteuro wakadaro. Ratie shaa inini ndoda kufamba nemunhu anotaura chokwadi ukandinyepera haaaa hameno ndovenga nhema". Nekusvotwa plus nemabviro aaiva aita pamba ndikati "Ita zvaunenge wafunga Joshy hazvisi zvese zvatoita kumba kwedu zvandofana kukusuma mhani uri boyfriend yangu hausi murume wangu mhani kana waona kuti ndanyepa strek hameno enda". Ndaiva ndabhoikana ipapo baba vangu vakabva vatanga kukosora kosora mubedroom mavaiva. Ndakakata call yaJoshy ndikatodzima hangu foni yacho ndikaiisa muhomwe yedress raive rauya naJoshua ndiro randaiva ndichakapfeka. Raiva rakandifita chaiko. Ndakamhanya kunoona kuti raive dambudziko rei rakanga raita vakosore kudaro? Mugove haana kutevera akaramba Ari panze ipapo. Ndakawana varara nedivi , asi nguva zhinji vaisirara vakatarisa mudenga. "Baba inwai kookora yenyu iyi. Chiiko chaita munyanye kukosora kudaro?" Vakatura befu vakanditarisa vamira kukosora. Ndakaona misodzi yavo yava kutobuda ndikati "Zvaitaseiko baba?" "Ratidzo chenjera kundiuraisa uchiti uri kundibatsira. Nemhaka yei uchiri kutaura naMakumbi pano anodei Ivo vakatadza kundirapa ndikapora?" "Saka munoda kuti ndiitesei baba? Ini andichazive zvekuita ini. Iye atoti Joshua haasi munhu akanaka. Saka ndoziva zvipiko honai ayenda asina kana kutaura kuti Ari kufungei nehurwere hwenyu? Saka moti munhu here iyeye baba?" Vakakosora zvakasimba vakasvipa chikararwa chaive neropa. Ndakanzwa hana yangu kurova. "Rume risinganyepi hariroori mwanangu. Makumbi haana rugare kwauri mwanangu. Ukasateerera ini baba vako unoda kuzoteerera aniko nhai veduweee?" "Haiwawo nyararai apa muzive zvekurapwa chete makanyarara. Iko kun'anga ikoko akusiko here kwamakadzoka mave kufamba apa nhasi makutaura zvakawanda Wanda. Makaroiwa Imi azvimbode chipatara izvi. Izvozvi bamunini vakakakuvarawo gumbo iroro haiwa Ari kukuroyai ane mukurumbira. N'anga ndiyo inotozvikwanisa izvi"Havana kupindura. Ndakapukuta ropa ravaive vasvipira pasi ndikabva ndatobuda. Zvaive zvakundibhowa andidi kunyepa. Ndakaenda kwaive kwasara Mugove ndikawana achizunza mazibvudzi ake. Ndakada kuziva kuti sei aizunza mabvudzi kudaro? "Mugove kwakanaka here?" "Baba vako vave kusvipa ropa , kunyepa here?" "Kwete ichokwadi saka ndinofanirwa kudiii?" Chiso chake chaive chotyisa. "Ndakutaurira kuti iwewe uri kukanganisa zvakawanda. Ponai ngaachirega kuuya pano zvachose. Mukomana wako iyeye wawaidada naye zvaabva pano manga muchiwirirana here kana kuti angoenda?" "Kwete atina kuwirirana angoenda" "Ndakuudza kare kare , asi chete iwewe unononoka hako kufunga. Mukomana iyeye Ari kuda kuraya baba vako. Ndaona vabatwa pahuro zvekti iwewe ndikangokusiya pano baba vanosara vachifa" Mashoko ake akaita hana yangu irove. Ndakatura mafemo ndakamutarisa ndikati "Saka unoda kuti ndiitesei?" "Toenda tose , godobori vachanotiudza mberi ikoko kuti baba todiii navo?" "Aiwa zvawatodaro Mugove handichambosarii. Handei tose kumba kwenyu baba vangu vararame." Akasekerera akanditarisa. Haana kunonoka akabva asimuka tikapinda munzira kuenda kumba kwavo. Munzira mese ndaingobatwa batwa naMugove. Zvimwe zvacho ndainzwa kubhoikana , asi zvimwe ndainzwa kunakirwa nazvo ndave kufunga tsvodi yaaive andipa kumba. Takasvika ikoko ini ndaneta apa zuva rapinda munaamai vavo "Rwendo uru rurefu Mugove. Ndiri kunzwa kuda kurara nekuti ndaneta." Ndaitsumwaira maziso angu azara hope. Akandipa pekurara kumba kwavo akati "Ratidzo wosara pano , ino ndiyo gota yangu yandinorara. Ndave kumhanya kudumba Kuna godobori ndouya ndokutora kana wodiwa ikoko" "Wokurumbidzawo kudzoka." Akabva abuda akasiya musiwo usina kunyatsovharwa. Ndakabva ndagara paairara iye Mugove paive mechimubhedha chakangoshata shata. Ndakamboongorora Mumba imomo ndisati ndazvambarara. Pandakarara ndakabva ndanzwa kuvhurwa kwedoor. Ndakasimudza musoro wangu ndikaona kamwana kaye zvekare. Kaive kasina hembe yekumusoro. "Musabve pano , munozobva pano mushure memazuva maviri" ndakarohwa nehana "Baba vangu vanofa nenzara" akati "Nzara haiurai murwere nekuti agara haatofariri kudya. Kana ukapikisa zvandinoreva vachafa" achibva atobuda ndakanzwa izwi rechikadzi rakati "Uri kutaura naniko iwe wakashama kudaro kunge wasvikirwa?" Haana kupindura nekuti andina kunzwa mhinduro yake. Mai vaye vakabva vavhura door vakapinda "Hezvoo , ko ndamboziva kuti mune munhu muno? Wapinda nguvai uye wauya nani pano" ndikati "Ndauya naMugove angosvikoti ndigare muno uye ndisabude" "Uri chiiko chake" "Mu..mu....." "Taura hako usatye ndiri amai ini" "Musikana wake" "Musikana wake? Nezvawakapfeka izvo zvekwa Mwazha? Wakanyatsopfimwa Seiko naye Mugove heyeeede inga rudo ibofu chokwadi. Nhaka ndiwe musikana wake waanogarofambira nhai? Uri mwana wekwaani?" "Kwa Sibanda" "Wati kudiii?" Vakaratidza kunge vaive vashamisika. Kunge vaikuziva kumba kwedu kwacho uuumm hana yangu yakawedzera kurova End of chapter 19 Stay tuned.......
❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 272

Comments