
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 22, 2025 at 07:07 PM
*PASSIONATE EVIL*
* WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K
*kune vanoda kupinda mugrp plz join link
https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897
*tine fb page zvakare follow &like*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL
Written by
*Mama Jay*
And
*Tinoh 🎓 Mutsinze*
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 22
JOSHUA
Ndakamboramba ndakamira navo baba. Ndakazoona vanyanya kuramba vachingogomera ndichibva ndamutsa mota. Ndakafunga kuenda navo kuHarare hospital, asi ndakabva ndarangarira mukurumbira wayo waingotaurwa wekuti vashandi vepo vakawanda vakanga vasisina hanya nevarwere uye kushaikwa kwemishonga yekupa varwere. Waigona kunobhadhara mari yakawanda , asi pasina kurapwa kusvinu kwaunoitwa. Ndakabva ndapinda mutown, ndaive ndatofunga zva private doctor ndiye aitogona kurapa baba zvakanaka uye zvinooneka chero akadhura zvake. Ndakaenda pane wandaiziva , ndakasvika ndikamuona aripo.
"Hie brother "
"Hie mutendi makadìii? This is doctor Siziba , what can I do for you?" Akadaro ndikati
"Doctor my father is dying"
"Don't worry my dear. Doctor Siziba is the best Doctor ever. Where is your father?"
"He is inside the car" takabva tafambisa kuenda kumota. Doctor Siziba akatoratidza kuvhunduka zvakanyanya pavakaona baba.
"Ndibaba vako here?"
"Yea doctor "
"Asi amhuna kana kufanana uye mainonokerei navo kusvika vazosvika pathos state"
"Kufanana kune basa rei nhai. Ndoda kuti baba varapwe chete, kunonoka taiti zvinogona kupera" ndakanzi ndiise mota mukati. Takatakura baba vakabva vangopihwa bed. Ndakambotura mafemo ndakagara kumakumbo kwavo vachirapwa. Ndaive ndakangotarisa andina kutaura kana chinhu. I dropped a tear. Ndikaona vachi smiler , vaida kundivhara , asi ivo achinyatsonzwa kurwadziwa zvavo.
"Haa vanoita zvakanaka. Makati nonokei chete kuvarapisa."
"Dambudziko rinombova rei?"
"Andisati ndanyatsoita ma test angu ose zvakanaka. Apa ndangoisa mushonga wemaronda nekuvabaya ma injection ekuderedza marwadzo. Ndichavaita zvakawanda then tova ne good answer kuti dambudziko rinombova rei?"
"Maita basa chiremba. Ini ndakusiya baba pano ndimboenda kumba"
"Zvakanaka Mr Joshua. Toonana madzoka. Trust me , Your father will not die" ndakangogutsirira ndichitofamba kubuda. Ndakatenga chikafu ndikadzoka kupa baba. Ndakabva ndazoenda kumba zvangu. Ndakasvika mama vakagara pavheranda voga , zuva raive rakupisira kunonyura zvino. Ndakaisa mota muparking ndichibva ndatura befu. Ndakadzika ndikafamba kuenda paive namama. Ndakasvika nekuzvikanda pamakumbo avo ndikatsamhira nemusoro pazvidya zvavo trying to hide everything. I faked a smile ndakavatarisa vakati
"Haiwa ndibvire hausi gotwe iwewe. Watadza nei kurara pana Ratie muroora wangu"
"Aah nhai mama zvine basa here?"
"Ko waenda sei usina kundioneka ini amai vako? Wakupengeswaka nerudo mwanangu" ndakangoseka ndikashaya zvekupindura. Ndakazoti
"Mama you know ndave wekuno. Asi ndoda kuramba ndichienderera mberi nebasa rangu saka ndoda kufambira zvebasa"
"Horaiti mwanangu. Sure makoti anoda kuchengetwa uyu." Ndakamuka ndikati
"Ko , gogo vari kupi?"
"Zvagogo vako , vanovarairwa naiyo pool yatakaisirwa nababa vako pano iyo. Ndiko kwavanoswera ikoko"
"Ok mama" ndakadaro ndichisimuka. Ndakabva ndapinda mumba ndikanochinja hembe dzangu ndikapfeka dzakachena. Mama avana kana kubvunza ndaive ndasviba nei kudaro pamwe vakangoti semunhu aive abva kumusha zvake.
Ndakambogara pabed ndapedza kupfeka. Ndakabva ndatanga kufunga kuti ndaive ndaisa baba kuchipatara. Ratidzo haana zvaaiziva , ndaida kuzama kumuudza , asi kupaparika too much ndikasiyana nazvo andidzimira phone. Ko , vabereki vangu ndaizovaudza sei? Ko pavaizoda kutaura naRatie aizovati kudiiii? I decided kunyarara nekuti ndaisaziva pekutangira. Ndiyo time yandakati regai ndizorore ndimbozvambarara , padoor pachibva paita knock.
"Ndiani?"
"Murume wangu idouya kuno tibhuye timboti mwinyi mwinyi" vaive gogo , ndakatura befu ndatorangarira kurwiswa kwandakaitwa asi ndaiti ndikabata musoro ndonzwa maoko kupisa ndinenge ndatokunda. Ndakangosekerera ndikati
"Pindai mai mwana mumba madhedhi amhutyise umu. My first lady"
"Kekeede , wakashinga zvako kuda chembere isisina mazino mukanwa iyoyi. Asi rudo haruperi mai ravhu , zvino moyo wangu uri kusheka sheka uri kubva kunopihwa rudo ka iwe!!" Ndakanyepera kuseka kunge zvese zvakarongeka.
"Nditaurire pane problem here kupusa Pusa kudai? Ndoziva vasikana vemazuva ano avazive kuti zvakakosha kudai kumudiwa wako. Rega ndikupe tsvodi mumusoro wakaisa dama rako pachifuva changu apa" vakaita sevanondimbundira vakaisa kusoro wangu pachipfuva chavo ndokanzwa hana yavo ichirova. Pavakandiregedza zvikanzi
"Zvinoita zvakanaka , usatye asi simba uye usavanze. Taurira vabereki vako zvawaita kuti varegere kuzokushora mangwana. Waita chinhu chakanaka uye uregere kudzokera zveee kumusha ikoko kana baba ava vasati vapora. Asi mushure mesvondo rimwe chete wozoenda navo!!" She walked out ndikasara ndakavhura ziso. Gogo vaive vazviwana kupi? Ndakabva ndangosimuka ndikaenda ku sitting ndikasvika dady namom vose vagara. Ndakatura befu kasingaperi ndakavatarisa.
"Joshua uri kufara here iwewe?" Ndakatarisa mudenha misodzi ikadonha
"Joshua , talk to us! What is the problem?"
"Ndiregerereiwo mom and dad, it's all about Ratidzo and his father"
"Vaitasei heee? Chiroora kana zvanetsa iwee!!" Ndakaudza zvose zvakaitika kuNharira kubva first day randakararako kusvika pandakadzokera ndikatora baba vake. Mumba makamboita runyararo kwenguva.
"So Ratie aripi kutaura kuno?"
"I dont know , baba vati ivo ari kutsvaga kwavangarapwe but her phone is off"
"Shame , inga zvakaoma" tose takanyarara pakangopinda Joy achiti
"You are a fool , ndakambokuudza Joshua. Zvino chawatorera baba vake iye usingazive kwaari chiiiko? Unoda kuroora murwere? Dai wasiya vafa iwe uchinotsvaga Ratie kana kungosiyana naye" ndakamusvetukira nembama yakarira kuti kwaaa!! Akazobuda ochema. Nemhaka yei moyo wake waive wakaoma kudaro?
"Joy ane moyo wakaoma ndakazvireva Kare. Iwe Joshua wonotora baba kwawavaisa tofamba navo. Ini ndine Chidanho chikuru muchechi saka ndovimba vanoita zvakanaka" mama vakati
"Amen. Ramba uchiizama phone yamakoti wangu ari kunetseka" ndikati
"Thank you so much mom and dady. Ndichaita sekudaro." Ndakasimuka ndikabuda panze kuenda kwaive nagogo.
"Murume wangu."
"Gogo , ndavaudza chokwadi"
"Gudhu , zvino waonaka Kuti hanzvadzi yako ndiyo nyoka asi vabereki vako vatozvitambira. Ndichataura navo ini ndega pachangu. Chinamato dai chaishanda vangadai vakapora kare. Hapasi pese panoda kuti Mwari Mwari muzukuru wangu"
"Gogo muri kuzama kudiii kana muchidaro"
"Usandipikise , ndoda kukupai mazuva maviri kana matatu ekuita zvamunoda asi muchazoona kuti hazvibatsire. Ini nekusanamata kwangu ikoko ndinofunga kuti ndini ndichagona kukubatsira chete ini"
"Gogo , kana muchigona kundibatsira ndiudzei kuna Ratie izvozvi"
"Kuti ufe ne sitiresi here? Anodzoka usatye. Iwe ita baba vapore chete!" Ndakatura befu ndikadzungudza musoro wangu ndapererwa ini. Ndaishaya kuti zviri kufamba sei?
"Asi gogo musadaro imi ndine stress izvezvi mozviziva here"
"Stress yei ini bhebhi rako ndiripo wani" ndakaseka ndikati
"Haiwawo" ndokubva ndasimuka vakasara vachiseka zvikanzi
"Dai wakangotora musikana wako musi wawaendako uya wakauya naye wakadhuva chiramwa badzi"
"Asi chii nhai mbuya"
"Chimboita zvemurwere zvareva".
"It's okay" ndakabva ndadzokera zvangu mumba ndikanopinda mukitchen ndakawana muna Joy zvikanzi
"Pamuchaziva kuti munhu wenyu ari kutasviwa nevamwe varume muchasvinura bro kuita semashaya vasikana Inga maiva kuvarungu wani"
"Nhaiwe haugoniwo kundipa runyararo here ndikava nepeace iwe wako mukomana asingatasvi aripi, chirega ndikuudze shaa musikana wangu uya uya imhandara wanzwa"
Akaseka achikasgidzwa nemvura ndikamusiya akadaro. Ndokuenda kunogeza ndichimbono relaxa kubedroom kwangu. Ndakapedza kugeza ndokurara pabed ndakazvambarara ndakatryer phone yaRatie bit it was not reachable.
"Why Ratie what have I done to you kuti undidai nhai sweetie ndakatadza chiiko inini wane neumwe mukomana here. Ko aikupeiko chandaisatadza kukupa inini Ratie ndokuda wani unozviziva wani I'm in pain manje ndava kurwadziwa zviri kuitika pakati pedu zviri too much babe dai wabatikawo wandiudza kuti chiii chiri kukunetsa". Ndakamusendera massage ndichidaro kuwtsp yakangotika ka1 ndikakanda foni uko ndokubva ndarara. Hope dzacho kuzosvota kurota ndina Ratie tichitamba mumvura akatosenga mimba mufunge kwakubva kwangouya zishiri zidema rakasvikoti mhaaa pamusoro pedumbu akaita kuridza mhere ndichibva ndati pepu. Strange dream ummmm ihope rudzii dzakadaro kuti asi tichaita mwana naRatie agotadza kurarama abvutwa nevaroyi ndakatadza kuzvinzwisisa ini. Kwakubva ndatomuka ndikati ndidzokere kuhospital kuya ndinoona baba Ratie ndinzwe kuti kwazonzi dambudziko chii.
Ndakabud ndikapfeka pfeka nekugeza kuface ndikanooneka vana mama zvikanzi nadad
"Rega ndikuperekedze son"
"Thank you dad" ndaiva nestress hope dzandaiva ndarota dzaitondikanganisa ndaingoona vision yezishiri riya richimhara Ratie. Zvekut baba vangu vakapedzisira vabvunza ndikambozama kuvanza but ndakazongoti regai nditaure zvikanzi
"Ummmm unofanira kusimba pachinamato usanyanyo teedzera mbuya vako avo. Ndimai vangu asi vanoita zvemishonga hongu kune vainobelieva asi isu takagamuchira Jesu kuti ave Mambo nemuponesu we upenyu hwedu. Uye ndokusaka kuchurch kwedu kuchiimbwa song iya yekuti _Eli Jesu vanomutenda havanganyadziswe_ ukatenda kuna Mwari mwanangu havafe vakakunyadzisa. Apa Mwari vatokuratidza zviri mberi kukupa chenjedzo kuti mogona kuita mwana mobvutirwa saka gara paminyengetero"
"Thank you dad". Ndakadaro ndokubva tasvika kuya kwatakawana pasina kana change asi maronda aiva agezwa zvakanaka. Takabvunza dambudziko zvikanzi icancer and ndozvaingotaurwa kwese kwavaienda naRatie ndozvaiindiudza ndikati
"Saka vanopora here"
"Yaa tichatryer kuti vapore". Zvikanzi nababa
"Tokumbirawo kumboenda navo kumba panga pane treatment yamamuchiita here"
"Tine mushonga watiri kuvaisa unoda kunyatsoitwa nemazvo munenge muchizodzoka navo everyday morning tichizogeza maronda". Ndikati
"Okay" takavatakura vaisataura baba Ratie vaingonyemwerera badzi and ndaibva ndaona chiso chaRatie pavari. Takanosvika kumba kwati svibei takavabatirana mama vakamhanya mhanya veduwee mudiro wavaiita Ratie vabereki vangu dai vaiziva kuti ari kundustressa sei vaizorora havo. Vakanoiswa kuroom yevayenzi mbuya vaiva voimba nziyo dzavo dzisinganzwikwe zvikanzi nadad
"Matanga mhai"
"Aah kudii hangu ko handichaimbi su" vakadaro ndokubva zvanzi
"Inziyo rudzii iyoyo"
"Mungadziziva here dzedu" ipapo vanenge vachibata bata Zambia ravo. Takanovaradzika boo ndokuvapa chikafu nezuwo tichidya nekunovata. Mangwana acho kuseni mbuya vakafuma vachiti
"Ini ndomboenda kumusha ndodzoka hangu papera mazuva matatu ndichaperekedzwa naiye Joshua uyu". Ndikati
"Aah mbuya ndoda kuenda kunonamatirisa baba Ratie ini"
"Saka ini ndoenda nani ndoenda newe ndskagara pamatha siti" vaipenga mbuya mama vakati ndivaperekedze vaizoita taking care pana baba Ratie. Asi ndakasvotwa ndakaenda navo ndakatsamwa ivo vachiimba nziyo dzavo vasingambozvitarise kuti ndakatsamwa. Vaibva kuMasvingo futi kwaiva kure takanosvika kumb kwaiva mevashandi vakomana vaifudza mombe vaiva vakatsvagwa nababa mukadzi nemurume. Hatina kumbopinda mumba vakatora kapadza zvikanzi
"Toenda kusango uko"
"Kunodii mbuya ndoda kudzokera please"
"Todzokera tese kuswera mangwana usatya hako". Vakadaro vachitodonzva kunopinda mudondo ndakabatiswa kapadza kaya takafambazve imi. Ndokusvika pane kamwe kakwenzi so zvikanzi
"Chera ndoda udzupure kamuti ikaka ndoda mudzi wacho unoenda pasi uya unonoguma"
"Mbuya nekapadza aka here"
"Hongu chera". Kaiva katuku kani kaserima chaiko ndikatanga kuchera ziya kuti chururu ndikati
"Inga wani imwe midzi ingoripo toraika iyoyi"
"Ndoda unoenda pasi chaipo ndiyo tepe rutu yamodzidza chera ndoyandoda"
Kwakasviba wani ndichichera nekapadza kusvika pandakazokwanisa kuita wekudzupura waiva wakareba imi ndikanyatsotura mafemo ndichigara pasi ndaiva ndabvisa hembe. Vaigotaura here busy nekuimba zvavo chionai zvavakaita ipapo vakangotora kekupedzisira kacho katuku kakatesvera kaya vakasungirira pazambiya kamidzi zvikanzi
"Handei"
"Saka tosiya chese chandachera ichi"
"Ehe hachina basa handei" unosvotwa ukazvirega apa phone yaRatie isingaite kana nepadiki. Ndakangosvika ndichigeza kana kudya handina ndokurara mangwana acho ndakamutswa na3 hanzi
"Handei" ndikati
"Kupi nhai mbuya"
"Kugomo iro pane zvandodako" imiwoyee vakaenda futi nekapadza ndakakabatiswa kwaiva kure asi hatina kunyanya kuchera vaingoda kamidzi futi ndokuzopedzisira nemakwati emuchakata avakati ndibvise pamuti tikaenda. Kumba takasvika kuma 9 ndokubva zvananikwa zvimidzi zviya zvikanzi
"Tichaenda Harare kana zvaoma"
"Mbuya" vaibva vanyarara takadzigara 3 days luck kwaipisa zvako zvakaoma ndokubva zvakuiwa kuiwa zvese zvikaiswa muchipepa zvikanzi
"Mangwana toenda Harare" ndikati
"Ehoi mbuya" ndakafara zvekuti ndava kudzokera mangwana acho ndakangot kusvika kumba baba Ratie ungati zvaiwedzera and baba vaiti ndaitofanira kuvadzosera nekuti vaigona kutifira nekut umm. Handina kumira ndakaenda kwanaRatie kwacho ndaiti ndinonomuwana ndimuudze kuti baba vake ndini ndinavo asi ndichisvikako my heart pounded ndaona ropa raibuda nechepadoor chaipo ndikati
"Ratie wangu kani akatouraiwa.
End of chapter
Stay tuned....
❤️
🙏
😢
👍
😂
😮
384