TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 25, 2025 at 10:07 AM
*Munhu wese handei kuchannel tinogarirako kunotanga kuuya book:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main WhatsApp group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *Follow my Facebook page:* https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL *PASSIONATE EVIL* Written by            *_Mama Jay_* And      *Tinoh🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 25 RATIDZO "Kudare!! Ini handidi hangu kuenda kudare kuna baba vako ini". Ndakadaro ndotya zvavaiva vandiita musi uya zvikanzi "Nemhaka yei usingadi, apa uriwe unondinetsa futi uchiti ndidai ndidai wava kuramba hande unoti zviri kundinakidza here ichiramba kudai. Handina kuremara ini ndakambowana pandiri pano ndaisava Jaya ini kakomana kakoka ndiko kari kufambisa mishonga yekuti nditadze kurara newe" "Kakomana kapi nhai Mugove handiti ndakatosiyana naye here dai ndaimuda ndiri pano here ini uchiita zvaunoda neni handiende kudare kuna baba vako ini. Enda iwe handiti ndiwe une isingamire here endazve ini handina Chinondinetsa ini". "Ini ndorova Ratidzo handidi kupikiswa" "Zvaita seiko Mugove wava kuda kurova muroora zvamboita seiko anotaura nemunhu here Masibanda unoda kumuroverei" "Ndiri kuti handidi kuenda kudare kuna baba vake oti tinoenda ini handidi ini veduwee". Ndakadaro zvikanzi namai "Ko iwe unomumanikidzirei nhai Mugove mwanangu kana asingadi endaka iwe kwaunoda kuenda munoda kunodiiko unoda kuti zvakambiitika zvidzokorore here uchafa usina mukadzi ukada kuti mukadzi wako waunenge wawana atambire tambire muhapwa dzababa vako ndiri kutokuudza ooh" "Mhai siyanai neni Lucia akatosiyana naRatidzo uya raiva hure remakoko saka siyanai neni please nemukadzi wangu ndoita zvandinoda naye inini anoteedzera zvandoda inini not zvamoda imimi mukaziva izvozvo munobatsirika zvakanyanya siyanai neni zvenyu" "Aah hoo endai henyu vanangu asi ziva kuti ndinokuda Mugove mwanangu" "Zvinei neni" "Kungotaurawo samai moyo wangu hautodi kuti muendeko nhasi hameno nei ndiwe muchengeti wangu pano unovhima uchiuya neusavi baba vako Havana kana chimwe chavanouya nacho pano kunze kwekugara ikoko vachitaimira vakadzi vevanhu. Vairapa kare baba vako vasati vabata bata zvakawanda Ike zvino zvangova zveutsinye chete nechihure zvavava kuita baba vako saka uummm hameno endai henyu asi moyo wangu haudi. Masibanda mwanangu" "Mhaa" ndakadaira zvikanzi "Usateerera zvimwe zvinotaurwa navatezvara vako kana maendako. Ndaiva ndatofarawo chose kuti mwana wangu aita zvakanaka ava nemudzimai akanaka akabva kuimba yeuMwari zvino uumm" "Hapaitwe zvaMwari pano". Ndiye Mugove akadaro zvikanzi "Heya chiendai". Takatanga kufamba tichienda ini ndaisada zvangu ini asi nekuda kwekutya kurohwa Mugove aityisidzira. Ipapa ndaiti kaya kekuda kuti andivate kana katiza ndotanga kufunga kuti asi ipapa ndakambovingeiko pano ndomudiiko Mugove aisachinja hembe. Trouse randakangomuziva anaro ndiroro ndiroro aisachinja zvake waishaya kuti anoshayei anotadza here kutengesa hove dzacho achitengawo hembe. Iniwo hembe yandaiva ndabva nayo ndakapfeka kumba musi uya dress randaiva ndakatengerwa naJoshy ndorandaingova naro kubvira nekubvira ko imwe ndaigoiwanepi. Raiva rakonona netsvina ranzwa ko handiti kwaMwazha taipfeka hembe dzakajeka. Takanosvika padumba riya ndokubva kwanzi tipinde takapinda tese tikagadzikwa parupasa zvikanzi "Mudziyo watoramba kushanda muchangotanga basa here nhai Bvudzijena" ndopandakatozivirawo kuti vaiera soko vana Mugove zvikanzi "Ndashaya zvaita sei , asi zuva rekutanga nerepiri zvakanga zvakanaka Ike zvino watogujunuka zvawo hautombomiri zvino muroora wenyu uyu ndopaanga onzwawo kuda nezvangu". Vakamborova hakata zvavo vakasekerera meno iwayo asina chinhu zvikanzi "Vadzimu vataura mwanangu handiniba ndataura izvi" apa vaitaura neshona not nechinyasarandi chavo chiya zvikanzi "Hanzii navo" akadaro achigara zvakanaka zvikanzi "Zvino unobvuma here zvandichakuudza pano" "Kana zvichingoita kuti ini nemudzimai wangu tifare kumba ndinogamuchira chero zvikanzi enda unouraya shumba wozora mafuta ayo panhengo ndinoda baba" vakaseka havo chikweee zvikanzi "Vadzimu vati ini ndipinde hangu nekuti kutaura kuno hapana mhodzi yawati wasima uye hauna simba rekudyara mhodzi iyi saka zviri kunzi muno medu mofana kunge mava neumwe achazotsiva ini achange ari rusvava zvino ndanga ndatotarisira pauri vadzimu vakati bodo Sandie unofana kudyara mhudzi iyi ndini baba vako ndosaka waona zvaita saizvozvo izvo zvekuti unoshaya simba pakuda kusangana nemudzimai wako aisafanira kuita wako aifanira kuita wangu saka handizivi kuti uchazvigashira sei kana uchida umwe mukadzi ndinokutsvagira ini baba vako handinonoki kukutsvagjra mwanangu". Akasumuka zvikanzi "Ratidzo hande". Aidaro andibata ruoko ndakasumukawo ndokubva baba vaya vasumukawo vakavhara chidoor zvikanzi naMugove "Not again baba handidi kupara ngozi muri baba vangu kana un'anga hwenyu huchindishaisa mufaro kuti wese wandawana motora wese wandawana motora ndisiyei zvangu ndibve pano, ooh zvinhu zvenyu ndabvisa izvo handichazvida Sarai henyu nehakata dzenyu baba tsvagai umwe makumbi". Aidaro achibvisa bvisa zvuma zvake ndakatofara kuti at least aiva aziva hunhu hwababa vakewo handiti ndaiva ndamboramba akati ndinotokuenda hezvo aiva azvinzwira. Zvikanzi nababa vacho "Pano haubve uye zvinhu zvangu haubvisi uyu mukadzi Sandi wako ndewangu ndini ndakatanga kubata mikaka iyo muno ndikanzwa ichimhanyisa ropa rangu musi wawamusiya muno ndikabatazve kusvika kunhengo yake ndikanzwa kuti hakuna zvidhori mushonga wacho ndakatougadzira nhasi ari kufanira kuvata muno ndichimudhonza ini nekumupingudza meso ake ayo mahwairiro aanoita anoshota murume uyo uri kumukonewa mwanangu anongoda ini usiku humwe chete anenge anaka uyu ndamu svi** ini ndinoziva kubata vakadzi neyangu iyi". Vaida kutozvomora ndikaridza mhere Mugove aiva ashatirwa ndakamuona zvangu ipapo ndaiva ndamira padoor zvino ndava kushaya kuti ndodiiko apa raiva rakavharwa. Zvikanzi naMugove "Baba musada kufira mumaoko angu umu machembera manzwa here" "Haundiudziri zvekuita pamwana wandakauchika ini wanzwa here mwana uyu ndini ndakaita avepo ini baba vake ndikavaudza kuti ndichakupai mwana nemudzimai wenyu asi kana yanobata mimba dzokai pano asati aponwa ndaida kugadzirisa chivanhu changu kuti ave wangu vakasadzoka ndozvakaita vafe mai vake paakazvarwa uyu". Hana yangu yakati bamu zvikanzi "Yaaa ndini ndakaita uvapo baba vako Havana kundibhadhara ndozvakaita vafe vaora negumbo wese anouya pano akasandibhadhara anouona mubairo wake iwe ndiwe uchandiripa kukuunza panyika kwandakaita nepfuma yese yandaiva ndakavimbiswa nababa vako vakasandipa ndichakuita mukadzi kusvika zvanaka. Unovabvunza baba vako kuti havamuzive here Gororo". Ndikati "Inga Makati vakafa wani ndonovabvunza kupi". Ndakadaro vachibva vandibata ruoko vachiita zvekundidhonza zvikanzi "Uri mudzimai wangu uchagara kuno kudumba ndichikuita mukadzi chero zuva uyuMugove Sandi wako ndakamushandisa chete kuti akutore uve mumaoko angu iya mishonga yandakakuzora inoreva kuti uri wangu kusvika Sibanda andipa zvatakanga takataurirana". Ndakanzwa kutya baba vangu vaiiziva nakudhara n'anga iyi vaindidhonza vachida kundibisa nhumbi dzangu Mugove akaerekana avadhegemura netsvimbo yaivamo nechepagotsi apa. Ndakaona kundisiya kwavakaita vakati Pera Pera vachinoti zenda nemadziro. Ndakatora mukana iyoyo kuda kutiza asi door raiva rakavharwa vakaita nguva vakadaro sekuru vaya ndokubva vazongouya zvine power kamwe chete kunaMugove vachimupa chibhakera chiri strong nechemashaya apa ndaisaziva kuti kadhara ikako kangaroos zvine simba kudaro. Ndakawedzera kuchema ndikanzi "Nyarara" nezwi gobvu gobvu rababa vaya "Hamutori mukadzi wangu baba majaira imi why muchiita hunhu hwakaipa kudaro" "Ndini ndakaita avepo saka mukadzi ndowangu ndini ndine mbo** inomira yako ndakatoigadzira pandakamuzodza mushonga ndichibata zasi kwake hauchafi wakavata futi nemukadzi chako kunditsvagira ini vakadzi ndichivata navo". "Baba ndokuurayai ini" akadaro Mugove achivarovawo vakatanga kurwa wainyatsoona kuti pari kurwa mikono apa vakatombonditsikirira ndichitiza ndakazongowana way yekuvhura kadoor kaya ndigoti dhugu ndiye tande neroad hameno kwandaienda. Ndakabereka tsoka zvandaiva ndisati ndamboita kumashure kwandaiva ndabva vanenge vaiva vazobuda panze ndainzwa kuti kuri kurwiwa kwete zvekutamba kushaya kuti baba vaMugove simba chairo rekurova iroro vairiwana kupi Chaizvo. Ndakamanya zvandisati kana ndakamboita muupenyu hwangu. Apa ndaiva netsoka chaidzo ndisina kana shangu Muskoka ziskirt zirefu ungazoziva kuti rinonetsa here kumhanyisa handina kumbozvinzwa. Ndaiti ndikaita sendomira ndonzwa kunge kune munhu aimhanya achinditevera. Ndaisada kana kuteverwa naMugove ndaiva ndisisamudi uye ndaiva ndisina kugara ndamuda ini. Ndakazonozorora ndava mberi chaiko. Direction yandaiva ndatora yaisambova kana yekumba zvakatondibatsirawo nekuti kana Mugove aizofunga kunditevera aizondishaya ndaida kutombovata musango ndisatanga nekusvika kumba nekuti ndaigona kuwana avako achiti ndaenda kumba. Ndakafamba veduwee ndokuzonozorora ndawanawo paive pane umwe mutamba so ndikagara ndava kudya. Ndichifunga kuti saka baba vangu vaizivana here nen'anga iya kuzvarwa kwangu kwaitonetsaka , ko ivo baba vakadii kubhadhara. Hameno handina chandaiziva ini vaindirega ndichinzi ndide Mugove vachiziva havo nyaya dzavo ko Inga vaiti havaende kun'anga wani. Ndakatambudzika kushaya kuti ndodii chaizvo ndibvunza ani nezvenyaya iyi , asi ndakamushaya mai vangu vaiva vakafa musi wekuponwa kwangu and n'anga iya yaitoziva. Ndakadya matamba aya kusvika ndazongobatirwawo nehope ndakarara ndiripo, ndakatanga kuona umwe mukadzi achiuya kwandaiva ndaiva ndigere pachitombo ndakagara ndakabata shaya. Ndokubva asvika agara pedo neni asi asina kundiguma ini ndaingoyeredza misodzi handina kutaura naye iyewo haana kutaura neni. Asi akazongoti "It is well mwanangu ndaifunga kuti baba vako vachakuudza kufa kwangu kuri mumaoko ekwawabva ndivo vakandipedzisa nekuti ndaiva ndaramba kuita zvavaida vaida titende nekuvazvarira mwana ndikati kwete ndinoziva murume umwe badzi vakangot muchaona. Zvinopera mwanangu namata namata Ratidzo namataaaaa". Rakasara richiita voice rine maungira munzeve dzangu ndikati pepu kunze kwaiva kwatosvibaka ndakavata ndaiva ndavatisa ndakasumuka pamutamba uya ndava nekutya kwakanyanya. Ndikangonoti undundu pane chimwe chikwenzi ndikati "Mwari ndibatsirei ndovata pano munhu wandaona kuhope ndimai vangu chete. After makore avanonzi vakandisiya ndiri rusvava ndokaiva kekutanga kuvarota zvinotyisa sure". Ndakaduka paya luck ndaiva nehembe ine maoko marefu zvagara kwedu hatipfekeka dzine maoko mapfupi. Ndakagara paya makava airira hana ichirovera muhapwa handina kumboti dziti bori hope kusvika kwakanochena. Pandakaona kuti utonga hwatsvuka ndakati kwanyanu kubva pandaiva paya ndokutanga kufamba nedirection yekuenda kumba manje. Ndaiva ndava nesure kuti Mugove kana kuri kwekunzi akaenda kumba kwedu akaenda zuro akanondishaya. Ndaida kusvika ndotora mari yangu pane yaiva yakasara pa150 iya yakapedzisira kutumirwa naJoshy achiri mhiri kwemakungwa. Ndaida kuitora ndosviko tiza ndoenda kunorarama ndiri hameno nekuti ndaitya Mugove nababa vake kana vangu baba vakafa ndiyani aizonditarisa. Nekusaonekwa kwangu pamba mainini mai Melo vaisambonditambira vaisabvuma zvakadaro. Ndakafamba low low ndaisamanya ndaisava nechekumanyira chacho. Ndakasvika muchirwizi chekwedu ndichibva ndageza kumeso nekugeza sazi kwangu ndainzwa kusvotwa ndikangofunga kuti handisisiri mhandara Mugove akapedza neni kare ndainzwa hasha , asi chekuita paiva pasina zvapo. Pant ndakawacha ndikazunza mvura ndokupfeka rakadaro. Ndakabira chirukova chiya nditarisa kumba pane vanhu vandakaona ndikamhanya kuhwanda mumauswa ndaisada kuonekwa ini ndaisada kubvunzwa kuti waivepi uye unobvepi. Ndakazoona kuti vaiva vana Mai vaPonai vaitaura vachiti "Hameno ndiyani akarova mwana wangu" handina kuzviisa muhana ndakafamba ndichienda kumba kwedu ndichihwanda nemuzvimiti kusada kuonekwa. Ndakashamisika ndichiona mota yaJoshy yakamira paruvanze pedu hana yangu yakati tibvu kurova. Nhaimi mukomana uyu aipenga here kwake kwaiva kundida kwakaita seiko kwekugara achiuya pamba pasina vanhu pakafiwa ipapo nababa vangu. Aisaona ropa here nhai rababa remusi wavakauraiwa. Ndakashaya shumo yazvo ini kwakubva ndanzwa _go go go_ kutema huni ndikati ndiyanizve aitema huni pamba , asi aiva ava kutogara pamba pedu here. Ndakanyangira ndikaona the shock of my life my own father vaiva vakatomira vakatsika danda vachitema huni ndikati chipoko here "Maiweee!!! Ndakadaro ndichida kutodonha ndiri mukuda kudonha kudaro ndakaona vachikanda demo pasi Joshy aitobuda mukitchen medu akabata kadish achirasa mvura panze akaita kekukanda pasi achimanyira kwandaiva. End of chapter 25 Stay tuned.....
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 408

Comments