TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 25, 2025 at 07:29 PM
*PASSIONATE EVIL* *MUNHU WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by               *Mama Jay* And       *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 26 RATIDZO Ndakamira zvekupererwa chaiko kushaya kuti vanhu ava vakaonana kupi ko baba vangu vakawanikwepi nhai ko vainzi vakafa wani. Akasvika akandimbundira , asi kuti ndimumbundire back ndakaramba ndakasticker kutoshaya kuti ndodii chaiko "Ratidzoo" akandidaro ndikati "Joshua" ndakamudana zvinyoro nyoro voice rangu rakazara shungu chaidzo zvikanzi "It's okay honey its okay baba vakandiudza kuti waiva waenda kunotsvaga zvingava batsira don't worry babe ndakasara ndikavatorawo ndaitoziva wega hauzvigoni babe wangu zvaikuremera. Bamunini vaisikubatsira vaiva vakavhunikawo gumbo wanga wangosara wega I'm sorry babe nekukusiya day riya uri musituation yakaoma kudaro." Yakaita kuyerera misodzi kunge rwizi rwadira ndikati "Handisi chinhu pamberi pako Joshy handisi chinhu Joshua handifanire kunge ndiri mumapapiro ako zvandakaita izvi ndisiye hangu Joshua" "No Ratidzo ndotokunzwisisa handei tinogara pasi mumba" akadaro akandibata ruoko baba vangu vaiva vangomira vakanditarisa vakavhura maoko avo kuti ndinopinda mavari ndikatadza. Kuti ndifare kuti ndaona Baba vangu vakamira vega vachitema huni chakava chishamiso kwandiri. Ndingadai ndaifara ndichipembera pamwe chete navo , asi chii chandaiva ndakaita ndaiva ndangova gaba rinorira kuti wuuu risina chinhu. Ndasakadzwa kare naMugove muviri wangu wabatwa batwa nababa vake chidhara chapera meno kare kare. Vakafamba vachiuya kwandiri vaikamhina havo , asi waiona kuti munhu asimba. Vakasvika vakandibata pamafudzi zvikanzi "Ratie mwanangu" "Baba" ndakadaira ndichichema zvikanzi "Zvinoita zvakanaka haufari here kundiona ndakadai mwanangu. Ndaifunga kuti musi waunondiona uchadzana nekupururudza uchifarira kupora kwangu asi hazvina kuita sekudaro what's wrong my daughter ndotozviziva kuti kwawaiva waiva uchitsvaga zvekuti ndirarame , asi mukwasha wangu wawakanditsvagira ari pano uyu akandibatsira ndava kufamba. Kwasara maronda badzi asi mukati mainditadzisa kufamba hamucharwadzi kana mwanangu haufariwo here haufariwo here neumwe wako akamira neni panguva yakaoma kudai". Ndakangotura mafemo vachibva vandibata kuti umwe uku umwe uku tichinopinda mumba, vakasvika vakandigadzika pasofa revanhu 2 ndokubva vagara umwe kuside umwe kuside. Ini ndaingochema chete kuti nditaure kuti mainzi makafa nen'anga iya ndakatya kuti Joshy anogona kuziva kuti ndaiva kun'anga ndikangonyarara. "Ratidzo kana wava kuramba uchichema wava kukanganisa mweya wangu manje hazvifaniri kudaro Inga baba uri kuona vari kufamba wani unoda vadzokere kurwara here shaa wakutokanganisa manje ukaramba uchidaro". Ndakapukuta misodzi ndikagara zvangu Joshy achibva asimuka zvikanzi "Regai ndinotarisa poto yangu". Akatisiya nababa tiri vaviri I think aida kutipa nguva ndoona kudaro. Zvikanzi nababa "Mukomana uyu mwanangu usamurasa chero zvofa zvodii akandibatsira zvakanyanya ndakanga ndisisina tarisiro yekuti ndingawanikwa ndichifamba zvandiri kuita izvi. Wakandisiya ndava rufu Ratidzo , asi akauya akandibvisa pano akanondirapisa kuzvipatara zvinodhura. Zvakaramba kushanda abhadhara mari dzake kusvika vabereki vake kundiramba ini vakandirasira kuimba yembwa vachiti ndofira mumba mavo ndikapara ngozi. Haana kundirasa akagara neni imomo nambuya vake mai vababa vake vanorapa zviri genuine zvisina urombwa zvisina usatanisim mukati. Ndakangoiswa mushonga badzi wakanga wakaita zviupfu so vaipinza mukati meronda umu vachibaya nechavaiva nacho zvairwadza asi nhasi ndiri pano. Angova maronda chete aya ava kutosvava futi uri kuonaka kuti asvava kuma tive ese aya chasara kupora chete. Ndozvandiri kuti kuya kwatakamboenda uchizama kuti ndipore mwanangu rega kunyeperwa n'anga iya ndeyenhema ine utsinye badzi inobatsira zvine utsinye mukati mwanangu kwatova kukumbira usadzokere". "Akaita hake Joshua" ndomashoko ega andakakwanisa kutaura ndaiva netsvina isingaite kwana Mugove ndaiva ndangogeza kamwe ndikatukwa futi kuti ndaiva ndagezerei ndisina kutaura. Hanzi taifanira kugeza tese, Joshy akauya nesadza raaiva abika ndikati "Ndoda hangu kumbotanga ndageza". Akabva atotora bucket akadira mvura zvikanzi "Pane yanga yagara iri pamoto hande unogeza iyoyi" "Wandiisira mvura yekugeza here Joshy" ndakadaro zvikanzi "Nekuti ndokuda Rati handinyari kutaura kuti ndokuda pana baba vako ava ndinokuda nemoyo wangu wese. Ndakangonyarara hangu kwakubva ndasimuka ndikaenda kwekugezera. Akasiya bucket akabuda hake ndakasara ndikachema ndega ndirimo kugeza kwacho ndaishaya kuti ndogezereiko nhai munhu angova neburi zvaindirwadza veduwee. Ndakazvidira mvura hangu ndokupedza ndikapfeka dzimwe dzandaiva ndavigirwa nekuti dzandaiva nadzo dzaiva dzisisaite. Ndichipinda mumba ndikazora mafuta akandipa sadza rangu ndikadya, asi handina kure kwandakasvika moyo wangu waiva wakaremerwa. Ndapedza kudya iye Joshua akabva ati "Ini baba ndava kumboenda kumba ndoda kunotaurirana nevabereki vangu sezvamoziva tanga tisinganyatso taudzani asi Ike zvino ndava nesimba rekutaura navo nekuti Ratidzo musikana wangu adzoka. Ndoda kunovaudza kuti ndava kuda kuroora nekuti kuti ndirambe ndichidhonza nguva nemazuva handichakwanisi ndipo panozoitikazve zvimwe zvinondiparadzanisa naRatie" "Zvakanakai vanangu mongoita nzira dzinodiwa muchurch" "Ndizvozvo Ratie chindiperekedzawo pamota". Ndakabuda ndikamuperekedza nyaya dzairamba kubuda kana naiye akazvionawo akapedzisira andibhabhaisa akaenda. Ndakasara nababa vangu tiri 2 ndakati handimbonyarari zvandaiva ndanzwa kun'anga iya ichitaura ndaida kunzwa ndikati "Nhai baba ko n'anga iya munoiziva here" vakaita kakuvhunduka zvikanzi "N'anga ipi" "Yaikurapai" "Ummmm tadii tachisiyana nenyaya iyi nekuti ini ndakatopora mwanangu handichina kana panorwadza sezvandareva" "Zvakakonzera maproblems mulife yangu maiiziva henyu muchinyepedzera kuita semusingamuzive Joshua ndichamuudza kuti kudii zvakanaka hazvo baba. Ipapa yaitoti makafa ndakauya pano ndikawana pakazara ropa kukanzi makafa" "Haa kufa handina iwe mukomana wako anokuda mwanangu chisiyana nezvakawanda" Ndakatoona kuti vaisada kutaura nezvenyaya yacho ndakaenda muspair mangu ndikanochema ndirimo ivo vakabuda vachiti vava kuenda kunoona bamunini. Neniwo ndakaona kuti kuramba ndakavata hakubatsiri ndisinawo kuona Ponai ndaida kuona kuti aiva sei. Zvekuti anoroya zvaitaurwa nen'anga iya aingova manyepo ega ega hapana kana kuroya kwaiita Ponai naJoshy. Aida hake kuwana kurara neni zvaakaita izvi Mugove iyeye, ndakabuda mumba ndokufamba ndichienda kwana Ponai. Ndakawana mai vake varipo ndikavati "Makadiiko amai" vakaramba vakandinyararira ndikati "Ponai aripo here" "Unomudii mwana wangu ibva pano ndiwe une zvikomba zvakarova mwana wangu" ndakashaya kuti vaida kuzama kurevei chaizvo. Ndakatozobatsirwa naye Ponai wandakaona achibuda mumba make mairara. Aisatogona kunyatso famba muviri wake waiva wakazvimba zvimba nekutsvuka tsvuka kuratidza kuti akarohwa. "Svika Ratie". Akandidaro ndokufamba ndichienda kwaari mai vake vakaridza zitsamwa ndikaenda akanditi ndipinde muroom make nekuti aisagona kumira nguva refu aida kutaura akavata. Ndakanogara hangu pastool yaivamo iye akwira pabed pake zvikanzi "Ndafara uri mupenyu Ratidzo moyo wangu wairwadza kuti ini zvandakanzwai ko , kuzoti Ratie mupenyu here". "Ndiyani akakurova Mugove" ndakadaro zvikanzi "Umwe ani kunze kwen'anga yako ndakakuudza Ratidzo kuti munhu uya aisava akanakaba uya. Ndakaenda kumba kwenyu uko ndichida kunoona kuti zvapakanzi zii zii uripo here handina kuona kuti akabva nekupi chandoziva ndechekuti ndakarohwa musoro kuti ndizive nei handizive. Ndakashaya balance ndikada kudonha akandigama achindirova mhino ndikatanga kubuda ropa. Hameno kuti pamba penyu paiva pasina ropa here nderangu raibuda mumhino. Akandifuridzira zvinhu zvaiva mumaoko ake zvakandipedza simba ndopaakakwanisa kundizvuva achinondiisa mudondo maakanondiponda zvekuti ndakatadza kana kumuka. Hapanawo akandiona kusvika musi wandakanzwa zvisimba zvichiuya ndokutanga kufamba ndichiuya kudzimba kune vanhu. Munhu haafi nekuti ashaya chekudya kana kudii ndakazviona paneni ini ndakagara mazuva akati kuti ndakangorara ndisina kana simba kusvika musi wandaona Joshua. Ratidzo kana uchiri kuda hako zvaMugove wako ndokumbirawo ubudire Joshua pachena. Uya munhu ari pachokwadi kwete nhema dzauri kuita dziya kana baba vako vachifa rega vafe chinouraya munhu inguva nekuti iwe ndiwe uchapedzisira wafa nemunhu wako uya". Ndakayeredza musodzi ndikati "Baba vakapora akavarapa Joshy handizive kuti ndomutenda nei ndiri kurwadziwa Ponai ndodii naye Joshy" "Pakudii kana uchimuda siyana nemhondi iya munhu uya haasi right" ndikati "Ndakatomusiya ndakatiza zuro asika handisisiri mhandara ini husikana hwakaenda naye ndomuudza kuti kudii Joshua". Akatura mafemo zvikanzi "Chokwadi chinosunungura enda hako". Akandidaro aisava Ponai wandaiziva uyu airwadziwa asi kunditi enda ndisat ndanyatsotaura naye ndakaona sekuti andidzinga. Zvisinei ndakasumuka ndikabuda mai vake vaiva vabva panze havo ndakaenda kumba kwandakawana baba vasati vadzoka ndikasvika ndikavata. Ndakatozomuka zuva ronovira baba vadzoka vachit bamunini vaiva vadzokera kuchipatara gumbo ravo raitomboda mazuva kuti ribatane variko kumba zvaisanyatsoita. Mazuva akati fambei ndina baba vangu tega ndaisava nephone yaiva yakasara kwana Mugove iye ndaisaziva kuti kurwa kwaakasara achiita nababa vake kwaiva kwazovasvitsa papi. Nekuti aiva asina kumbotevera ndaisiziva achiita pamba pedu dambiro asi apa kana haana kuuya. Joshua akazouya patopera week akasvika ari makuseni akachena like always achisekerera. Ndakaforcer smile akapinda akagara mumba zvikanzi "Ini baba handisi kugara ndauya kuzotora Ratidzo ndoda kuti ndiende naye kumusha kwedu ndinomuratidza mbuya vangu". "Zvakanakai mwanangu ko vana baba vakazoti kudii" "Haa vakati zvinowanikwa tava kufambidzana vaifunga kuti hamupori even mama nambuya vakadzokera pakare ndakawana vakumbirana ruregerero saka apa ndati ndiende nemusikana kunoona mbuya ndodzoka ndichimutaridza vabereki vangu" "Heya zvakanaka zvino anoenda ega here" kukanzi "Kana pane umwe anogona kumuperekedza". Ndaingotora iye Melo ndiye aiva munin'ina wanguka. Ndakamanya kwamainini vaivapo vaida kutoenda kuChivhu futi vakatot zvaita zvakanaka vaizowana free transport. Melo zvekukwira mota haana kuramba akatoratidza kufara taisawirirana zvedu naye hameno zvaingova. Ndakagezawo zvakatsiga nehembe dzekuchurch kwedu tikarova read takananga kumusha kwavo. Takasiya mainini muChivhu tava kuenda Masvingo kwacho kwaigara mbuya vake takanosvikako zuva ronorereka. Ndakarohwa nehana ndichiona mbuya vaya vandakamboona kuChivhu ndakatadza kuvanza kuti kuvaziva kwangu zvikanzi naJoshy "Asi mazivana" "Eeh ndakambovaona handina kuziva kuti ndimbuya vako". Vaizvifarira mbuya ivavo asi pane pakazombobuda Joshy mumba ndikasara navo naMelo tiri mukitchen mavo zvikanzi "Muzukuru ini ndokuda semusikana wemuzukuru wangu asika chokwadi chinosunungura wakaudzawo umwe wako zvawakasangana nazvo here". Ndakangotsikitsira handina kukwanisa kupindura iye Joshy akabva atodzokawo zvake mumba nyaya iya ikanyararwa. Ndaishaya pekutangira chaipo takararako kumusha kuya naMelo tiri 2 muroom medu zvikanzi naye "Hanzi mutaure chokwadi chei" "Hameno" ndozvandakaita ndikabva ndatonyepedzera kuvata kusvika ndazongobatwawo nehope. Mangwana acho hatina kugarisa takafuma tichioneka kuenda kuHarare kumba kwana Joshy ndoyaiva first time yangu kusangana nevabereki vake hameno kuti vaizononditambira seiwo. Aimhanyisa mota mukomana wacho hatina kutana kusvika ndaifunga kuti mai Joshy vachange vachifara sekuziva kwandaiita vachiita paphone , asi hazvina kuita sekudaro. Matambirirwo atakaitwa haana kunyatsondifadza ini vese nababa vacho kana ari saJoy worse. Akatozosvika tagara taiva tigere hedu pasi pacarpet naMelo hatina kugara pamasofa, akaita kundimhoresa achiita zvekungotsvaira muruoko so ndikangot Aah hameno. Chikafu takapiwa tikasukawo ndiro ini ndaida kudzokera hangu kumba nekuti tension yaiva pamba apa yaiva yakatosiyana neyekwagogo iya. Zvino Joshua akaramba kuti tiende. Tikapiwa room zvakare yekuti tirare naMelo tiri 2 handina kutana kubatwa nehope and ndakabva ndatanga kuona Mugove achiuya kwandiri ndaiva ndakabata zai raiva muruoko rwangu zvino aida kundibvutira zai riya achiti "Izai rangu iri ndipe hero kuno". Ndikati "Unoriputsa kani Mugove siyana neni handina zai rako ini nderangu iri". Ndakaita zvekuti Pepu ndichinzwa Melo achiti "Sisi Ratie muri kudanwa" ndikati "Naniko" "Nabamukuru" ndakamuka ndine confusion yehope ndokubva ndamuka ndikavhura door kukanzi naJoshua "Huya kuno". Ndakatevera akasvika akapinda neni mune imwe room yandakazoziva kuti ndeyake nekuda kwemapic ake aiva kumadziro neemutumwa wedu ndoaiva akazara ayo chero kumba kwedu aivakowo. Ndikati "Wandimutsirei nhai Joshy" "Vabereki vangu handina kuona mufaro wavo ini babe and zvabva zvaita kuti ndifunge parefu ndava kuda kuroora chasara chete apa kunobvisa pfuma kumba kwenyu. Mangwana mainini ndichanovasiya kumba vega" "Ko ini" "Uchatevera nemari yeroora pano hauchatobvi" "Ndozvatakatenderana here" "Ndozvandafunga inini nguva ndoiri kufamba vabereki vangu vanogona kuzonditsvagira zvimwe ini ndoda iwewe Ratie". Aidaro achindibata kundidhonzera pabed paaiva. End of chapter 26 Stay tuned.....
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 320

Comments