MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 26, 2025 at 07:48 PM
https://chat.whatsapp.com/JuTpK2ay2SF1ecVeV7wSu0 Chapter 07 and 08 https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj *THEY CHANGED ME 🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒* *Chapter 07* *Thelma* Takafamba hedu zvakanakisa nemwana hama vadikani kusvika tanosvika kumba kwavamwene vangu. Ivo pavakandiona handina kuona kufara kwavo ndoona inyaya yekuti ndakanga ndangouya ndri maoko chete ndisina chandakabata maybe ndiyo yakavabata bata. Zvisinei kusafara kwavo handina zvandaikuita ini vaizofara havo kana vakuda. Munhu akanditambira achitaridza kufara ndibaba avo vakabva vatotora mwana wandaiva naye ndokumusimudza vachimuona havo. Zveshuwawo imba yakanga yakavakiswa yakanaka zvayo chero yanga isati yaplastiwa asi yakanga yakanaka. Zvimwe zvese zvakanga zvakanaka chakanga changosara kuplastiwa kunze nemukati zvese. Bag redu rehembe takanoriisa muimba huru ko ndakanga ndichamirirei iyo iri yangu. Zveava Mai vanongoita mamoods izvi ini handingatombozvigone hangu musi wavada kutaura neni ndizvozvo kana vasingade ndiyoyo futi ndongotamba inorira. Pandakabuda ndakabva ndatevedza musha wese ndichikwazisa vamwe vese ko ndakanga ndichamirira kuti vauye kuzondikwazisa here ivo vari vana vamwene. Ndichipedza ndakadzokera kukitchen kwamama ndikasvikowana vakagara pabench pavo. Vachingondiona vakabva vati Wasvika nhasi asi watova kutevedza dzimba usina akupa mvumo futi kuti enda . Wakatombokwana here iwe mukadzi waRoddie or unombopota uchipenga hako . Aaah nhaimi Mai ava vanondishura here ini. Shuwa ndisina kana nekupedza zuva vava kutotangana neni zvobuda here izvi. Mai vainditsvaka havo ivava but ini nenyaya yekuti kutaudzana nevanhu vakuru ndaisambokuda ndakavasiya vakadaro hangu vachingopopota kusvika vaneta. Pavakapedza kupopota baba vakazondidaidza vachiti mwana ochema ndokubuda hangu kumomutora. Ndichidzoka ndichigara pasi Mai vakabva vati Saka iyeyu ndiye mwana anodhumhiswa mbiri yekufanana neni here iyeyu akashata kuita sewekuba kudai. Achitova wepano mwana iyeyu or wakangohura zvako ukaona kuti chiregai ndipe Roddie mimba isi yake . Haana kana ruvara rwepano mwana wako uyu ndewekwani. Vasikana chero waiti unozvigona shuwa unozvikonewa zvachose. Mai vaindizama nepese asi vaishaya pekundiwanira. Pandakanzwa vava kutaura mashoko pamusana pemwana ndakabudisa foni ndokutanga kuvarecoder ndaida kuzoisira mwana wavo azvinzwire mashoko aamai vake. Vakapopota ini ndakangorecoder chete kusvika pavakazoti Iko kunyarara kwako ikoku kuchitombova kwako here or kunotova kwemuroi. Ndanguri ndabvira kutaura newe asi wakangoti zii ipapa hauna muromo wekudavidza iwe. Iwe uri muroyi chaiye handiudzirwe ndainongoona nemeso angu. Mwana mudiki anoita mukwindi wakadaro shuwa haa kumwe kuroorerwa ukuka ndichaoneswa mabasa pano. Pandakaona zvanyanya ndakasimuka kuyenda kubedroom kwanga kuine mabag angu pamwe nemagumbeze ndokusvika ndakuwaridza ndichibva ndambovatata kuzorodza pfungwa dzanga dzanzwa nekuremedzewa nemashoko navamwene vangu vanoita sevasina kana order ava. Ndakazomuka nguva yafamba ndokuita zvekubika sadza nemufushwa ko pamba pacho mufushwa waitoita sekuti ndiwo wavakanzi vadye kwadoctor nekuti waisagara usipo zvachose and vachiubika almost like everyday. Ndichipedza kubika ndakabva ndayenda kumba kwangu kovata chikafu ndakangopa mwana wega nekuti ndakanga ndatofizuka. Pandanga ndava kuvata ndipo pandakatanga kutaura nababa Benna ndichimuudza pamwe nekumunzwisa mashoko amai vake. Pazasi peaudio yandakamuisira ndakanga ndakanyora kuti "ndri munhuwo ndorwadziwa Rodie. Kunyarara hazvirevi kushaya mashoko ekuvadavidza asi ndakakurira kuimba yaiva nehunhu isina kundidzidzisa tsika dzakaita seidzodzo. Taura namama vasandidaro. Ndinongotovada samai vangu ini asi kana vakundidai soo iii handichaziva kuti zvozopera mushe here" Akatora nguva asati andipindura ndofunga aiteerera audio yandanga ndamuisisira. Papera kanguva ndakazoona yava kuti 'typing ' ndikaziva ava kupindura. Mushure maminutes mashoma ndakaona yauya massage yanga yakanzi " Thelma ini ndizvo zvandisingatombode zvachose. Hauna kana week wava kumusha ikoko asi watova kutanga kucomplainer chii newe. Ehe ndizvoka zvavaona saka votadza kutaura here zvavari kuona. Iwe wambonyanya kubatikana nechii pazviri" Me: saka iwe apa uri kuzama kundiudza kuti zvavaita izvi zvakanaka here nhai Rodie. Saka ini ndini ndinotova neproblem Mai vako vari right handiti . Him: iwe usada kundinetsa Thelma wazvinzwa kana uchiona zvamai vangu zvisingakuitire ndisiye ndakadaro.mai vangu ndevangu and hazvichinje nekuti ndazokuroora iwe. Kana uchitonzwa usingade zvekugarisana navo vakadaro mari yangu yawakabva nayo kuno muka unovapa izvezvi uvasiye pamba pavo Me: manje nhasi wazoibopa nekumuswe Rodie mari handimbovape Mai vako ivavo vawakajaidza kuita as if mukadzi wako. Ndizvo zvamanga magara makatotaurirana henyu nhai. Mari handivape kana ndichiyenda ndinoda kuyenda nayo kumba kwedu igonodyiwa nehama dzangu . Iwe handi Mai vako wakabva mukuvatumira yangu 6000 saka ndizvozvo Him: kana uchida kundizama zviite uone Thelma ndati kana uchida kundizama zvizame hako . Kasira kutomuka izvezvi unovapa mari iyoyo. Yako yaunotaura nezvayo wakadii kuitaura panguva yayo Me: blatshit musha wemapenzi . Ivo mwari vakakusekai seiko shuwa zvekuti mhuri yese moita mazipenzi. Kana zvanga zviri zverudzi kudei amai vako mutorwa vakangwaraka zvino zvavanongova hutsiwo kuita sehanzvadzi yemumusha menyu shuwa. Munonyadzisa imi puu . Mari handivape kachembere kasinganyare kasina hunhu Him: Thelma usada kundijairira wazvinwa pamba ipapo mangwana ndinoda kunzwa kuti watopabva mari yangu wasiya futi ichashandiswa koroora mumwe mukadzi ane hunhu kwete iwe. Ndagara nditori nemumwe mukadzi ane vana 2 vangu. Iwe waiva benzi rangu randaishandisa pese pandadira. Zimunhu rakadzidza asi risingagone kushandisa chikoro charo wakapusa iwe Thelma. Chero ukachiyenda hako ndapedza newe imba wakandivakisira saka ndicharwadziwa nei. Apa kuyenda kwako mari yangu unenge waisiya futi waita and see uchida usingade inosara. Mai vangu vaukuti vakaoisa ivavo vakapisira zvemwe kwete simba remwana wavo. Chero ndakanga ndagara ndabatikana iyi message yaiva pekupedzisira iyi yakandikanga mate mukanwa. Shuwa Rodie ndaifirira ndichiti anondida izvo ari kundishandisa hake. Ko kuzosvika pakundiudza kuti ndakapusa handigone kushandisa chikoro changu. Kana simba rekureplyer ndakarishaya zvachose kusvika misodzi yava kungoyerera. Nekuda kwemashoko ake aanga andiudza aya ndakazviudza kuti zvatokwana. Ndichiri mukati mendangariro kudaro ndakaona door richivhurwa zvisina kana knock wena ndokuona vari Mai vake Rodie avo vakasvika vachindiwaranurira jira vachirikandira kure vachibva vanonga mwana wangu negumbo zvikanzi Saka ireri gora ndiro rawatsamwira zvekusvika pakuda kundikonanisa nemwana wangu iwe benzi iwe. Manje chirega ndikuudze chisikana. 9 months hadzina jangano wazvinzwa. Rodie mwana wangu kwete wako wekuti ungamuudza zvako akakuteerera . Anototeerera ini Mai vake kwete iwe muuyi. Zvemwana wako uyu waunototaura haana kana nematuro ese pano uyu . Rodie anotova nevamwe vana vakomana vaviri nemukadzi waanoda kutoroora asiri mhengera mumba sewe. Nekukasika budisa mari yemwana wangu yakakwana tione undipe ndinoda kuyenda kovata Ndakavatarisa neziso rekuti ndakatomboda kuti ndivakande mbama asi ndakazogumira kure. Pavakaona ndaramba ndakagara vakabva vabata mwana wangu zviye zvekuda kumurovera pasi vachibva vati Ndati kasika kundipa mari yangu iwe or else mwana unomushaya hameno kuti ugozoudza chikomba chako kuti akayendepi mwana wevanhu Mabatirwe akanga akaitwa mwana wangu akanga asisina kunaka and nekuda kwenjere dzavo dzinoita sedzakatamba nemapenzi ndakaziva kuti vanogona kutomukanda kure mwana wangu zvikayendwa. Mwana wangu ndaimuda kudarika kana mari yacho plus mari ndakazviudza kuti ndichaiwana imwe saka ndakasimuka ndokuyenda pabag ndokunotora mari iye ndichibva ndavapa yese vachibva vaita mwana wangu wekuregedzera lucky ndakatozomugamha kudei zvaisava izvozvo ndaibata tsvai. Vachibuda ndakasara ndotora foni yangu ndokuyenda pachat raRodie ndokubva ndamuisira message yakanga yakanzi Hongu ndakapusa sekuona kwako asi you will pay back zvese zvandakakuitira iwe mira hako uone. Ndaikuda ndichifunga sekuti ndawana wekugarisana naye izvo uri mharadzi yakadaro. Kana usati wakamboona kuchinja kwangu chimira uone. Unondiziva ndakapfava and ndizvo zvandanga ndri but you and your mother you have changed me. A am now no longer the Thelma you used to know am now changed wait and see. Ndakabvapo asati pindura but yakanga yatoyenda zvese nekuverengwa yakanga yaverengwa. Kana hope musi uyu hadzina kana kubata ndichazama kuronga nekurongonora. Umwe moyo wangu waida kuyenda kujoni kubasa asi mari ndakanga ndisisina zvachose and kana kwekuiwana kwacho ndaitoziva kuti hakuchina. Kana usina musi wawakambotuka chinhu chinonzi marriage hausati wasangana nezvakaita sezvangu. Musi uyu ndakatuka kana akauya nepfungwa yekuti vanhu vanoroorana uyo wandaisaziva kuti ndaiyani. Ndakanzwa kumwe kuvenga zvakasiyana siyana zvinoitwa muwanano ini. These people have changed me. Ndaiva ndisina moyo mukutu asi vandidzidzisa vanhu ava kuti being patient and kind is a crime saka ikozvino tichapedzerana. End of 07 Love you team https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj *THEY CHANGED ME 🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒0774565330* *Chapter 08* Ndakazongobiwa nehope zvekutamburira asi dzakandishupa kuuya nekuda kwepfungwa. Makuseni ndakamuka kwava kuma 8 zvangu ndikawana varidzi vemusha vaita basa rese vapedza ndikati handinei nazvo ini. Pandakamuka ndakayenda kukitchen ndiine aim yekuda kuitira mwana porridge sezvo akanga ajaira kumuka achiridya porridge racho. Ndakanogadza kahari kamwe kanga kakaita kadiki ndokubva ndagara pabench zvangu ndakamubata mumaoko mwana wacho. Baba vakapinda mukitchen mandaiva vachibva vanditi Amuka seiko musikana uyu nhai mwanangu " Me" musikana amuka hake baba mamukawo sei imi" Him" haa ini ndamuka zvangu ndinoda kumbobuda kuyenda pamashops apo saka ndati ndibvunze chandingavigira muzukuru wangu" Me" chero mukamutsvakira mazepi akanaka baba mongobvunzawo anoita kuvana vadiki Him" heya ko imi munodeiwo mofarora drink ripi Me" mondivigira chero handisarudze zvangu Him"zvakanaka mwanangu Havana kuzogarisa vakabva vabuda havo baba vakuyenda. Vachingobuda Mai vakasara vopinda mukitchem mandaiva vachibva vati Chiiko chamaisa pamoto icho" Me" ndikuda kumboitira mwana porridge hangu saka ndaisa mvura Her" iya ko motoda zvekutobika bota makauya makaisenga here sugar neupfu nhai vasikana. Zvangu hazvibatiwe muchamirira zvandinenge ndakupai ini semuridzi wemusha Me" ini ndomira asi mwana porridge ndomuitira musingade muchida mama ndomupirei punishment yakaoma kudaro Her" hoo wakazovata uchizvisimbisa pauroyi hwako nhai ukati ndomuka ndichivadavidza vandizive handitika . Me" and ndicharamba ndichikudavidzai kusvika amen. Yamada ikozvino toiita makuda kutoyenderera manje. Moona kunyarara kwangu moona sekuti ndakapusa. Because mabenefita neni mava kundiona segomba remarara Her" chibuda mukitchen mangu kasira tione kana ndabika ndichakupa kana ndichida futi Me" Ok regai ndibude Ndakasimuka ndokutora mwana wangu ndokubuda ndokubva ndafamba kuyenda kumamwe makichens ndakananga kwevamwe mainn vandanga ndangoita sekuona semunhu ari bho soo. Ndakasvika ndikwana vachitokurunga porridge ndokubva ndavamutsa hope ndokubva ndati Mama kana porridge renyu raita ndokumbirawo rekuti ndipe mwana arikuchema nzara uyu Her" aaah vamwene vako vakubvumira here kuuya kuno muroora nekuti handide zvinozopesanisa vanhu . Kana vakubvumira handina dambudziko nechikafu chemwana ini ko chine basa rechii chikafu kana chiripo.chinodyiwa kana pasina hapana" Pakundibvunza zvavamwene kundibvumidza apa ndakamboshaiwa mhinduro asi ndakazongopedzisira ndangoona zvakanaka kuvaudza chokwadi kana vaizondivenga vaindivenga asi chokwadi vachiziva. Ndakavaudza kuti mai varamba kuti ndiitire mwana porridge nekuti vati handina kubva nesugar. Havana zvavo kuzoramba vachidavidza vakayenderera kumberi nezvaiita kusvika vapedza. Vachipedza kubika porridge vakaisira vana vavo newangu vavo vaiva 4 wangu wechi5 . Zvavo zvivana zvakanga zvava kugona kudya zvega so vakabva vati Ndipeika muzukuru kana asingarambe vanhu ndimudyise porridge nhai muroora. Imi motorawo ndiro yenyu moisa yenyu mudyewo muwane kumutsa nyoka. Benna aisaramba hake vanhu zvachose saka ndakatora ndokuvapa vachibva vatotanga kumufeeder zvavo. Pavakapedza neniwo ndakanga ndapedza kudya ndichibva ndarongedza maplates ndokubuda nawo panze. Kungobuda panze kwandaita ndakabva ndaona vangu vamwene vakamira vakaita kunditarisa neziso rine kutaura chairo. Ndakanowasuka pavaisukira ndokudzokera nawo mumba umo mandakangoti ndichipinda mama vakanga vatova padoor zvikanzi Hoo imi ndimi vaparadzi kaimi. Saka mazogona kupakurira wangu muroora porridge kuti zviite sei. Kumba kwangu hakuko zvekuti anogona kubika bota akadya nemwana here Me" mama siyai vanhu vasina zvavakuitirai. Hamusimi here manditi hamukwanise kuti ndibike nekuti handina kubva nesugar nehupfu saka chava chii chamuri kuita siyai vanhu nedzimba dzavo kana manyanya kutsamwa pedzeranai neni ndini ndauya ndikavati ndipeiwo porridge racho" Vakanditarisa neziso rakasara munzara riye vachibva vada kundipa mbama but ndakavabata vasati vaisvitsa kwandri ndichibva ndavasaidzura kure uko ndokubva ndati Imi mai makutozviona sekuti ndri mukadzi nyina wenyu handiti manje game yamada iyi will end in tears wait and see. Hamundinyare makaita sei. Vakamuka vachiita kupupa Mai mwana asi handina kuita hanya nazvo zvangu. Vakapopota kusvika vaneta and kupopota kwavo vaitaura zvakangorerekera kuti ndiyende asi ndakavaudza kuti manyangira yakasvinura hakuna kwandoyenda pano ndichagara kusvika mudhuri wangu uyu wadonha . Baba vakasvika pakudzoka vachingopenga. Baba havana zvavaitaura zvavo vaingovawo munhu akanyarara . Vakangosvika vachibva vanditambidza mazepi emwana pamwe ne2litres yedrink vachibva vatodarikira. Takasara tikaudzisana zvavaitsvaka zvakanga zvava kuuya manje. Ndakavatuka ndikaona nemisodzi yakudonha ndikati svatu waro. Vachiyenda ndakasara ndava kudzokera mandanga ndabva zvangu ndokubva ndanodira drink ndokurinwa navamwene vandanga ndiinavo ava pamwe netuvana twavo. Ndakazobuda ndokungonanga kuroom kwangu ndichibva ndasvika ndichivata zvangu. Pandanga ndakavata ndakaona foni yangu yakuringer akanga ari Rodie aitopopota achitaura zvekuti waitei Mai vangu ndichibva ndamuti I am just getting started Rodie.mai vako vakasachinja vachafira mumaoko angu sechibhorani mira hako uone. I am tired of being used wazvinzwa am tired Him: Thelma zvawavaita izvozvo ndinoda kukuvinga mira hako mwedzi upere uone Me" pamwe nwedzi uchatozooera Mai vako vafa ndavarikita dei watokasira kuikwereta mari watevera or kutumirwa pane yavakatora kwandri wauya wazondiita zvaunoda zvacho ugoona kusiyana kwazvo zvandaimbova nezvandava Akapopota asi hazvina kana kundibata zvachose ndaiita kumupindura nyobvo zvangu ncaa munhu wekwani. Musi uyu yakaswera iri bhidhayi bhidhayi pachivanze navamwene vangu. Taingopesana zvedu semombe dzasangana kudhibha kana shungu ndakanga ndisina zvachose. Mazuva akatanga kupindana Mai vakanga vasisataure neni zvachose. Chikafu ndainodya kumba kwavamwene vaye . Ndakanga ndisina kana shungu nazvo zvachose zvangu. Mumwe musi ndakaona Mai vachigadzirira hameno kwaida kuyendwa. Vakazouya kwandri zvikanzi Ugadzire ubude muroom mauri kushandisa imomo munoda kuuya mukadzi waRodie watiri kuyenda koroora Me" kana muchine njere dzakati kwesere nyatsaikufunga mugozvipindura. Imba yamuri kundiudzira izvozvo ndeyani. Imba yandakavakisa nemari yangu nesimba rangu morevesa imi. Machira amuri kundidzingira futi ndeangu saka mukutaura nezvei manje. Kana mune njere maitondikumbira zvakanaka kuti tokumbirwo room yekumuisa kwete zvekundiitira semunopenga soo kunditi buda muroom yauri kushandisa. Makajaira Mai huru huru kudya zvavapfupi nekureba. Her" unoita imba yako pamusha pako pano. Wakanoroorwa nani iwe zvawava kutaura zvemusha wako? Me" Ok mava kuramba muchindinetsa imi endai muchidzoka mouya muchisangana nemapurisa muchitaura mashoko enyu iwayo muri benzi remai haikona. Zvekussnondiroora handi kusakara kwenjere dzenyu. Kudai njere dzaiva hembe taiti makaoiwa dzemubhero dzakamboshandiswa nevamwe. Vakaridza tsamwa vachibva vatanga kubhidhaira vachiyenda zvavo hameno vaiyenda nani kunoroora kwacho. Zveshuwa vakayenda vakanoroora vachibva vauya naye mukadzi wacho akanga achitova nevana vakakura vakomana 2 avo vakasvika vachida kumhanya mhanya kupinda muimba yangu but ndakanga ndakalocker door ndakaisa makeys mubra zvangu. Vakasvika vakazama kuvhura door but ndanga ndakakiya and ndisina kana smile pachiso zvangu. Mai vakauya vachibva vati Ndipe makeys iwe Ndakaramba ndakanyarara zvangu ndichitoimba ndaisada kutaura navo vanondinyangadza. Vakayenderera kumberi nekutaura asi ndakaramba ndri zii zvangu kusvika mukadzi uye wainzi waRodie wacho auya akandiwapura mbama mai mwana hanzi Haurambe wakangoti dukuzuzu iwe tichida makeys ekupinda mumba. Aai unoona sekut unoshamisira here. Haisi yako imba iyi ndeyemurume wangu iyi. Waiteverera Rodie waiona seasina munhu here ndripo ini mukadzi wake kasira kundipa makeys epadoor remba yemurume wangu. Ndakamutarisa ndikanzwa kuzarirwa kwakanyanya. Ndakanga ndakuda kutomuwira but handizive baba vakabva nekupi ndivo vakasvika vachibva vandibata . Pavakandibata vakabva vati Mai Rodie nemuroora wenyu endai kuimba yenyu iyo ndiko kwamuchashandisa zveimba yemunhu zvisiyei kana iye asingade. Munomborwa nei chaizvo paari. Hamunete here munhu mukuru akaita semi shuwa. Mofarira kutaurasekuti kunouyisa mari sei. Kurai mhani aah!!!!. Vakatakurirana zvimabags ndikaona vava kuyenda kubedroom kwamai Rodie kukaround kanga kakaita sekanoda kubhururuka zvako. Ini ndakasara nababa ndichibva ndavakumbira dollar ndaida kumbotsvaka etym ndipinde paap ndanga ndava netime ndisipo . Havana kundinyima vakandipa itori 5 us zvavo ndokubva ndatobuda kuyenda pamashops koitenga. Ndakatobva ndichiijusa pamwe nekutenga bundle. Ndichipedza kutenga bundle ndakabva ndayenda paap ndokuona pakanga pachingova nevanhu vashoma vanga vanditsvaka . Mamassage a Rodie aiva dzvatsva nefararira ndotoshaya airamba achimanyora achingoona kuti handisi online kuti zvidii. Ndakangomavhura ndokusiya soo. Ndakamboyenda kumacontacts angu ndichitarisa kuti ndombotangawo ani ndopandakasanganidzana nenumber yabamkuru iye. Ndakaviewer profile pic ravo ndikaona vakaisa mukadzi akati kure zvakazongondidudzira zvega kuti ndimai vavo nekuda kwestatus yavanga vakanyora. Eish ndaisava hama yavo asi ndakarwadziwa shuwa nekufa kwamai vavo hameno why. Ndakabaya paye pakanzi message ndikambomira pachart ravo ndichishaya kuti ndotii. Ndakazongizvishingisa ndichibva ndanyora massage yakanzi Makadii bamukuru nenhamo dzamai" ndokuiisa yakadaro hameno havo kuti vaizopindura kutii asi ini ndakanga ndatoisa. Ndakafamba kusvika kumba vasati vapindura havo . Pandakasvika kumba ndakanga ndisina kudzima data so ndakaona voice call and yaiva yabamukuru zvikatondinetsa kuti why vakundifonera. Ndakavhura kuaap ndikaona vaisa message yakanzi Ndinofara mainn makadiwo. Haa shuwa zvenhamo zvaonekwa vazotisiya mama havo tiri kurwa nekuronga kuti tovasenga sei kuuya kumusha hedu but I think Friday tinenge tichisimuka kuyenda kumusha kwakadiiwo ikoko Me"Chipinge kuri nane zvako ndri kumusha mazuva ano. Haa shuwa zvakaoma hazvo Him" aaah ok mainn ndanga ndakatombotryer number yenyu yekusouth ikaramba ndikatoshaya kuti nei . Me" ndri kumusha hangu. Tokushuvirai kufamba zvakanaka kana mava kuuya namai kuzovaradzika . Kana kudei ndanga ndiine mari ndaikwira ndikauyawo kuzochema nemi manje handina mari hangu yekuzokwirisa saka tinongoti mwari akupei mazano kusvika dambudziko richipfuura iri. Him"tinongobva ikoko kuchipinge mufunge imi mobva nechapapi Ndakavarondedzera kwandigara vachibva vati hakusi kure kwakanyanya nekwavo saka vakati kana mukabvunza someone ava nenguva ari muchipinge anokuudzai kuti ndekupi. Ndakazongozvivimbisa kuti ndichabvunza mai ava vaiva nerudo neni hangu kuti ndekupi. Takambotaura zvishoma hedu ndokubva ndazosiyana navo . Sezvo vakanga vati vanosimuka Friday ndaizoyenda Saturday hangu ndoziva ndipo paizosvika body manheru acho Sunday vochengetwa ndodzoka kumba kwangu . Ndakabva ndatomuka mumachira ndava kuyenda kuna vamwene vangu kobvunza zvandaida zvangu End of 08 Love you all ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 110

Comments