
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 28, 2025 at 05:20 AM
https://chat.whatsapp.com/HNL3Wy6hXMNC3Jknolx7Wl
*Kuti usasara kunakirwa nevamwe pinda mugroup or muchannel umo ugariremo ychinzvinzwira kunaka kwaro book redu*
*Chapter 09 and 10*
*Free book*
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
*THEY CHANGED ME 🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸*
*Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒*
*N.B book handipe vanhu inbox vanoda book join the group mobatsirika imomo*
*Chapter 09*
*Thelma*
Ndakabuda panze ndokuyenda kwaiva namama ndokunogara zvangu ivo vachibva vati
Kwakanaka here nhai mai Benna ko avo vauya navamwene vako unovaziva. Makambosangana here or kutotanga kuonana
Me" Evo handitombovazive ini ndatoshaya kuti ndevepi nhaimi hanzi mukadzi waRodie
Her" haa zvemusha uno zvakaoma mwanangu. Pano chaipo unotopashaya kuti pakaita sei. Iyeyu mukadzi waunoona ava kunzi kwati kwati naye aigara achivapa mabhutsu pano zvekuti vaivatiswa panze ava asi nhasi ndiye munhu oshinga kuteverwa kunoroorwa nekuda kwekungoona izvo zvimari zvavakatora kwauri. Haa mai makapiwa nemaoko maviri chaiwo ava uuum surrend
Me" hameno havo vachapamhidziwa kurohwa vasiyei vakadaro havagutsikane. Nhai mama ndinoda kubvunza pane imwe nzvimbo yandinoda kuziva ndoda kuyedako kuswera mangwana
Mama" kupi ikoko
Ndakavaudza kwandanga ndarondedzerwa nabamukuru vachibva vatondiudza zvavo vakatoti hakutombosi kure padhuze zvapo . Pavakapedza kundiudza vakabva vati
Kwakanaka here kwawabvunza mwanangu"
Me" aiwa Mama kune mumwe wandaishanda naye kusouth ashaikirwa namai vake saka ndiko kwandinoda kuyenda hangu nekuti zvanzi body inosimuka neFriday kubva kusouth ikoko
Her" aah asi mai Cain vatakangonzwa kuti vayenda kusouth vasinganzwe zvakanaka vakatonoshaya kanhi. Hii kubva kana vakaita ivo mwari anenge avasekereiko kudaro.
Me: zvinogona kudaro nekuti mwana wavo wandri kuti wandaishanda naye iyeye ndiye akazovatora akayenda navo kusouth I think 4 months ago
Mama" haa ndivo zvokwadi asi shuwa mwari zvavanoita soo. Mukadzi anga ari munhu kwaye hake iyeye. Mwedzi wavarwara iwoyo takanga tabva kumba kwavo kunopembera mwana wavo akanga apedza chikoro chake hamenowo ndechei asi vane mumwe mwana wavo mukomana akanga apedza chikoro. Takatosimuka pano tikayenda kunodya zvedu tichifara pamwe navo. Mai Cain munhu anga asingadade vasikana zvekuti dzimwe nguva ndaitombonoponerako ini ndichiiita zvipiece works
Me" zvagara ndozvazvinoita Mama munhu akanaka haararame nguva panyika.
Mama" asiwo mwari dei vavapa kana makore maviri hawo vambodyawo ziya remwana iye wavakadai kupinza chikoro chinodhura kunze kwenyika uko. Shuwa ndodzidzisa mwana kuti azongoita wekunditengera mishonga here apa nguva diki futi yavakatengerwa mishonga yacho. Ndarwadziwa mwanangu handikunyepere . Musha wavo wakutosara uri dondo shuwa hii mwari vadarireiko. Iye mukomana wavo mudiki kudei achiwana hake mukadzi kwaye anoda zvekumusha agogara pamba nekuti pasina izvozvo musha wavo unotoparara chaiko .
Vamwene vangu vakademba zvakandinzwisa tsitsi vasikana kana ndega ndakatoona kuti shuwa mai ava vakanga varwadza nhai. Takatozotaurirana kuti taizoyenda tese hedu kunhamo kwacho.
Mazuva akatanga kufamba vamwene nemuroora mutsva uyu yakanga iri tsika nditsikewo. Ndoona pavakanoroora vakasiya imwe mari nekuti zuva nezuva vaibuda kumhanya pamashops vachinotsvaka madrinks anotonhorera vasikana. Aimwiwa nemaviri maviri apa kuzomwa vachiita chikuwe ndoona kwaiva kuda kundidenha zvangu but ini ndaisava nemoyo sewehuku. Ndaitogutsikana nezvandiinazvo izvozvo.
Mazuva akatanga kufamba zvawo neSuturday tikagadzirira kuyenda kunhamo navamwene vangu. Takasimuka kuma 4 pm hedu ndokupinda muroad. Patanga tatoti fambe chinhambwe bamkuru vakandifonera vachindiudza kuti vakanga vava pedyo nekusvika iniwo ndikatovaudza kuti takutosvikawo. Takanosvika hedu zvakanakisa and paisavawo kure zveshuwa ndofunga takangofamba about hour takanga tatosvika. Patakasvika body yakanga isati yasvika so takagarira zvedu paiva nevamwe vakadzi hedu. Mota dzakazosvika kuma to 7.
Dzakanga dzakarumana mota kutaridza kuti shuwa kujoni ikoko vanga vasimukawo nehuwandu hwavo. Pakasvika body vanhu vakatanga kuchema havo zvakapisa tsitsi. Chero wakanga usingade kuchema waitongopedzisira wachema wega nekuda kwevamwe vaichema ava. Body yakadzikiswa kuiswa mumba vanhu ndokumboyimba havo ndokuzonyarara vaibika vava kudzokera kumapoto kupedzisa zvavaiita.
Pandanga ndagara namai bamukuru vakabva vandifonera zvekare vachitondibvunza kuti masvika here ndikavaudza kuside randaiva vachibva vauya ivo nemukadzi wavo pamwe nemumwe mukomana or murume ndaisamuziva hangu asi ndakazonzwa kuti ndiye munikina wavo pamaintroductions avakandiitira. Vakanditora oaiva namai ndokubva tafamba hedu kuyenda paisava nevanhu ndopatakanomira ipapo
Team ndisati ndayenda kure regai ndipupure chivi chakandibata panvuva yandakaona bamukuru nemunikina wavo. Pandakaona munikina wavo uyu ndakaita sendidiiko handina kutonyatsonzwisisa zvakaitika pandri but ndofunga vazhinji venyu maiziva nyaya inoitika kana waona munhu akanyatsosikwa mwari vachida. Munhu anovaraidza kuona wekuti chero ukanzi the whole day wakamutarisa unobvuma. Mwana anga aripo hake iyeye jealous down. Ndakamedzerera mate ndakamutarisa apa ndakamutarisa kudaro iye akangoyerekna arasira maziso ake kwandri. Ziso rake rakandipa kumerera kunzwa kupindwa nekachando chaiko. Ummm apa ndakatombobatwa neruchiva mukadzi wemunhu apa
Bamukuru vaingotaura havo asi pfungwa dzakanga dzatoyenda nemunikina wavo uyu. Ndakazongovadavira pavakati
Ko kusouth makabva zvadii nhai mainn nekuti kana ndisingakanganise maiva pabasa imi muchichitova nurse
Pavakadaro ndakanzwa maziso angu achiita kushwinya nemisodzi hameno why. Ndakatadza kutaura misodzi yava kutobuda izvo zvakatovanetsa vachibva vati
It's ok mainn chiregai kuchema handiti. Nyaya yenyu muchandiudza kana zvenhamo zvadarika musayenda musina kundiona parizvino ndombokusiyai namaiguru venyu ava vari kuvanda kubika hanzi ndakaneta mosara bho ini regai ndimboronga nanababa kuti zvomiswa sei zvirongwa.
Vakafamba havo vachibva pataiva pamwe nemunikina wavo uye ndokusara ndava kutorwa kuyenda kumota namaiguru. Takasvika kumota kuye vachibva vati
Ngatimbogarai hedu muno tichazobuda mbayi mbayi ini ndakaneta zvekusatoda kana kuonekwa nevanhu chaiko basa ndichazotangawo zvetym tym
Takapinda mumota ndokugara zvedu vachibva vati
Anonzi aniko babby
Me"Benna
Her" wow what a nice name
Me"thanks
Saka nhai mainn ndiudzeika nyaya ini ndofarira kutaurisa ini ndikanyarara handinzwe kwazvo chimbondiudzai about your selfka timbonzwa then Ini ndozokuudzaiwo dzangu nyaya pamwe tikashare ndokubatsirika kwatingaita
Handina hangu kuremerwa nekuvaudza pamusana pangu. Ndakavarondedzera zvese kubva kutanga kwelife yangu kusvika kwayava vakataridza kubatikana zvavo ndokubva vatoti
Yaa ndizvo zviri mulife mainn asi zvongoda kushinga. Pane zvemwana zvekushandisa chiregai ndichingotokupai zvimwe zvandanga ndavigira mwana wavatete vangu ane mwana wake. Ndanga ndangotouya nazvowo hangu but ndanga ndisina nguva ndabva kumutumira zvimwe saka chiregai ndikupei zvandiinazvo. Mapumpers emwana nehembe pamwe nemafuta nezvekugezesa zvacho mombobatsirika ini ndikayenda kusouth ndichaita plan yekuti mutevere kubasa. Ndakanzwa hangu bamukuru venyu vachitaura nezvenyu day ramakasangana navo vakakupai lift. Vakauya vakandiudza kuti ndine vamwe mainn vandaona but vakati havana kuona mufaro mamuri hameno vakazviona sei.
Iii mai vanga vane rudo zvavo ava
. Mapumpers akanga achitova mapepa 2 aye ane ma100 aya. Hembe dzemwana dzacho dzimwe dzaitova hombe zvadzo zvekuti ndakatoculculater ndikaonawo nevana vavamwene vangu vatochena zvavo. Mafuta ekuzora aiva magaba 3 mahombe ejohnson aye . Hiii mwari vanga vakanaka chokwadi. Vakazondirondedzerawo how her life was vasati vasangana nabamukuru. Shuwa zvakanga zvakangodawo kurema sezvangu asi vakazoti kubva zvavakaroorwa nabamukuru havana kana zuva rimwe ravakadonha misodzi.
Ndakazvifarira hangu pamwe nekuzviyemura magariro avanga vakuita nemurume wavo. Takagara zvedu chikafu takangodya chaiva mumota imomo chechirungu ko ndanga ndichachiziva here mudumbu makatombovhunduka chaiko.
Takatanga tichaita nyaya dzamara takunzwa hope ndokugadzira ndokuvata hedu taizomuka kana vanhu vava pakati nekuimba tomboimbawo nevamwe. Patanga tavata kudaro ndakazopatika ndanzwa kubatwa zviri soft . Maoko acho ndakamanzwa kuti haasi emunhukadzi zvachose apa akanga andibata pachidya changu. Ndakavhura maziso zvishoma nezvishoma ndoktarisa munhu anga andibata zvekundimutsa wacho ndokuona vari bamnn vaye vakanga vakamira kunze kwemota. Pavakaona ndamuka vakabva vanditi
Sorry mainn nekukumutsai ndauyawo ndinoda juzi rangu riri mubag mukati imomo shuwa sorry ndakukumutsai.
Ndakangovatarisa hangu ndokubva ndati
It's fine regai ndibude muzotora henyu
Him: noo mainn handina kuti budai ini manga makavata makablocker way saka ndangokumutsai kuti ndikwanise kupinda chete noo musabuda panze parikutonhora motonhodza baby wedu
Me: ok pindai henyu
Ndakadziura vachibva vapinda ndokuvhura bag ravo ndikaona vachibudisa jacket ravo apa kungovhura kwavakaita bag mota yese yakavharira kuti nditi iperfume here or ichii handitozive ini. Vakatarisa kwandri vachibva vadzokerazve mubag ndikaona vakubudisa rimwe jacket zvikanzi
Kana makubuda muno mowedzera rimwe jacket iri nekuti ramakapfeka haridziye iri. Mwana regai nditora kababby blanket kari muroom mangu kandakatenga ndikupei mugoisa pamusoro kana makumubereka.
Ndakatambira jacket riye ndokubva vabuda havo mumota muya vakuyenda. Ndakasara ndichibva ndabvisa jacket rangu ndokupfeka randanga ndapiwa apa kundifita kwaranga rakaita iii dei akazongonditi ndichiyenda naro hangu.
Vakadzoka nechichira chitsva vachibva vandipa ndokunditi
Ko zvinhu zvenyu zviri kupi ndinozviisa muroom mangu kana makuzvida mongondiudza even pafoni it's not good kugarisa zvinhu mumadziro memba.
Uuum mukomana akanga akuda kundikanganisa uyu. Nakangobuda ndikanotora chibheke changu chaiva nemanapukeni emadhende zvangu nezvihembe zvemwana ko manap kwawo ndainawana kupi nekuti kusouth ndakanga ndakangojaira pumper life saka handina kumboita zvemanaps. Ndakazovataridza nezviye zvandanga ndapiwa namaiguru achibva ayenda nazvo mumba ndokuzodzoka akutora number dzangu dzefoni.
Chero kusara ndakagara mumota ndakazokwanisa here ndakanga ndakutonzwa kunonokerwa nekunoonekwa panze kuti ndakauraya mucheno nebhachi iri manje raisazonyanya kubuda because of mwana mhani.
Takaburuka ndokuyenda koimba chaizvo nevamwe pamwe nekudzana kusvika kuchinoyedza. Makuseni ndakafuma ndiine shena yakaita seyeburwa zvangu haa ko handi takazodzana here imi ndisiyei. Apa takanga tangouya namama zvedu kana kasipo takanga tisina kekugezesa ko taikawanepi iyo nhamo yanga yakatandsvara pamukova. Mama ndakavaona vatobatana nemamwe mamai ndofunga masahwira avo. Ini ndipo pandakazofunga mukomana uye ndokumufonera achibva ati akutouya. Akauya akanditora tikayenda kwaiva ne2 rooms yaakazonondiudza kuti ndoyake achibva apinda neni mukati.
Mumba macho makanga makaita kuzara zvinhu hamo. Akanditi nditore zvandaida kuzopfeka zvacho ndokutora hangu . Akaona hembe dzacho dzakangoita wazvo wazvo achibva anditi
Rega ndikutarisirei dzimwe hembe ndine hembe dzandakambotenga hangu dzevanhukadzi pandanga ndri kuchikoro ndikauya nadzo.
Akasimuka ndokutarisa zveshuwa akabudisa rakanga riri short ne t shirt yakanaka apa kuzoisa bra nepant nhaimi. Bhutsu akandipa matake iwayo ndoona ndeake sezvo akanga asina tsoka yakambokurisawo plus aisava manewone aiva masharu.
Akazoti ndimusiire mwana ndiyende kogeza kwacho. Muimba make maiva nebath mu2 rooms idzodzo so ndomandakangopinda ndokugeza nesipo yake netauro rake ndokobuda ndatopedza kupfeka hangu. Zambiya ndaida kusunga rangu iroro ranga rava netutsvina asi akandisiyisa akandipa rimwe rinewone.
Haa zvinhu izvi zvakandidiya ndiine question mark ini kuti akazviwanepi asi handina kumboda kubvunza zvangu aah hezvo ko zvakawanda ndozvidii ini ndangobatsirwawo kana zviri zvemukadzi wake imhosva yake vachangosotana ivo pachavo
End of 09
Love you team 🥰🥰🥰🥰🥰🥰
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
*THEY CHANGED ME 🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸*
*Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒0774565339*
*Chapter 10*
*Thelma*
Ndichipedza kupfeka ndakabva ndangopukuta mwana since akanga achiri mangwanani ndokumupfekedza zvakanga zvakanakawo hangu ko hembe dzakanga dzirimozve mubag randanga ndapiwa riye. Ndichipedza zvese ndakazobuda hangu ndikasiya muridzi wemba mumba make. Ndichingonoti padoor ndakasanganidzana namaiguru ndofunga vakanga vachitouyawo kuna bamnn vavo. Vaiva nemumwe mukadzi akaita wechidiki soo or musikana hameno. Pavakandiona ndichibuda mumba mabamnn vavo ndakaona maiguru vanditarisa zvekushamisika zviye vachibva vati
Mai Benna mumba umu munani umu.
Me: muna bamnn ndanga ndichichinja hangu mwana since vakatora mabags madeko vakamaisa muno saka ndazongochinjira mwana kuno"
Her" am surprised zvekutoda kudonha chaiko. Bamnn varimo mumba umu. Manga muchichinja mwana varimo mukurevesa here mainn
Me" yea sorry maiguru kana ndakanganisa but ndivo vakatotora mabags angu mufunge vakati vanomaisa mumba pamwe nezvinhu zvemwana
Her" haa mainn makuda kunditangira imwe sorry yava yei manje yamava kundipa ndangobvunzawo ini anyway chiyendai henyu tisati ta......
Havana kuzopedzisa havo kutaura zvavaida nekuti bamnn vavo vakanga vatova padoor. Vakamira vakatarisa maiguru vavo vachibva vati
What's going on manguva mataura padoor pangu ndichikunzwai mukuita meeting yei panapa"
Maiguru" haiwa bamnn hapana hapana zvenyu ndanga ndichitoona hangu Mai Benna ini otherwise mamukasei
Him" dei ndanga ndisina kufirwa namai nhasi is the day I was going to tell you ndamuka ndri bho but nenyaya yamama iyi handisi bho but kuother side kuye am feat hameno nei
Her" I can see kana neni ndanzwa kumwe kufara mandri zvekuti dei zvaisava zvamai izvozvo ndatombozhinya chaiko. Kana tete Meju ava ndaonawo change kuface kwavo
Him" regai zvenhamo zvimbodarika henyu ndokuzivai vana Meju"
Her" Mike ukandisiya unobvei hako. Ndiri pakuchema Mai vangu nothing much imbondisiyawozve ndakakadaro
Him"chigumirai pano handi mutemo wedoor rangu mouziva henyu chibayai makutaurisa
Maiguru" haa touziva hedu ndosaka baba Benna vanga vachibudamo ava
Him" maiguru
Her" eheka tototi baba handi room yenyu haipindiwe nevanhukadzi saka ndibaba ava havasi mukadzi"
Akaseka hake achitodziura padoor kuti vapinde vachibva vandibata ruoko vakadzokera neni mukati zvikanzi
Mwana motomupa tete Meju timboyenda kumapoto wena kunobika. Tete Meju mombobereka mwana ndiyende namainn kunobika kaava
Mike" mwana haana kana problem kana asinganetse mondipa ndotamba naye hangu ndakagara kumota uko but motanga mandipa chikafu pamwe neporridge rake ndomufeeder kuti asazonetsa
Vanamaiguru vakazoita zvekugeza zvavanga vafambira havo ndokutobuda vapedza zvese. Ini nguva yese yavaigeza ndakanga ndakagara naMike achitamba naBenna pabed pake hake. Mike wacho aisatomboita semunhu afirwa zvake aiva achitoita kuseka naBenna. Vana maiguru vakatozobuda ndaneta nekugara zvangu ndisina anondiitisa nyaya ko handi Mike aitamba nemwana here.
Mushure mekanguva takazobuda hedu mwana ndakasiira Mike chikafu taizonomupira kumota ikoko. Porridge ndakapiwa rechirungu handitozive raiva raani asi ndakapiwa rechirungu ndokugadzira ndokuyendesa pamwe netea yaMike . Ndakawana atova kumota akamira nemumwe mukomana hake vachiita nyaya. Ndakasvika ndikamutambidza tea yake akagamuchira akaisa paseat zvese neplate yaiva nechingwa. Ndichipedza akabva ati
Mai Benna meet Noel my childhood friend. Noel this is Mai Benna
Him" Ok haa tichanyatsozivana zvedu nekufamba kwenguva zvanhasi tingati tazivana here panhamo pano.
Me"yaa ndizvozvo shuwa tichazozivana hedu
Ndakazobvapo ndakuyenda hangu ndaizodzoka kana ndava kuzotora ndiro dzanga dzauya nechikafu idzi .
Basa rakatanga kuitwa zvaro kusvika pakapera kucherwa guva. Body yakabudiswa vanhu vakanga vakuimba isuwo zvekubika takanga tapedza zvedu saka takanga tava kuimba nevamwe. Pakanga pabudiswa body ndipowo pandakaona Mike achidonha misodzi pamwe nabamukuru ndakavaona vachichemawo. Maiguru ndivo vakazoyenda kotora mwana kuna bamnn since vakanga vachingochema vanaye apa kuti ini ndiyende ndainzwa kunyara zvangu kuti ndonotangira payi.
Hurongwa hwakafambiswa zvakanaka body ikasvika pakuchengetewa zvayo. Zvimwe zvese zvaiitwa zvakaitwa vanhu ndokuzotanga kupararira manje. Iniwo ndiwo musi wandaidzokera saka ndakayenekana nevandaizivana navo vana bamukuru namaiguru vakanga vati vaizondifonera kana vanyatsopedza zvenhamo ndotaura nyaya yangu. Mike akanondibatsira kutakura zvinhu zvangu achibva anozviisa mumota yamukoma vake since akanga ati anotiperekedza tese namama. Mama vakauya tichibva takwidziwa ndokuyendwa nesu hedu tikanotisiwa pagate chaipo . Paakatisiya akabva abudisa 20 us ndokuibatisa kuna Benna zvikanzi mama vakutengere masweets handiti
Kwaingovawo kuda kunzwa vanhu munhu wacho aibvirwa aimbotaura here. Chinhu chandakanyanya kufarira zvinhu zvandanga ndakapiwa naMike haana hake kunditorera akandisiya ndiinazvo . Iye achingoyenda mama vakabva vati
Ndiye wacho wawaishanda naye here uyu mwanangu or
Me"aiwa mama haasiye uyu munikina wevandaishanda navo angonzi azotisiya namukoma vake
Mma" ndiye mwana wamai Cain wandaitaura nezvake asina nguva apedza chikoro uyu watakabva kopemberera
Me"hoo haa ndanga ndisingatombomuzive hangu
Mama" bva moyo wakanakawo here vana vacho vakatodza Mai vavo chaiko hapana ane moyo mukukutu unotoshaya kuti mwari vanozviita sei shuwa.
Me"yaa shuwa vane moyo wakanaka mufunge. Zvese izvi ndangozvivigirwa nemukadzi we wandaishanda naye uye hanzi ndezvemwana
Mama" yohwe inga mwari akanaka chokwadi. Hii vagare kure nemoto havo vakwanisa kuchengeta nherera nedzakaramwiwa nemabambo
Me" haa kana neni ndafara mama handide kunyepa ndanga ndatosvika pakupererwa chaiko kuti ndowanepi zvinhu zvekuti mwana ashandise asi mwari vandirangarirawo nepamwe
Takazobatsirana kutakura takuyenda muyard zvedu tichifamba kastep kevanhu vari munyasha. Tichisvika pachivanze ndakaona vamwene varivhura ziso ndikati hamusati matanga. Ndakawedzera kufamba zvangu ndichimodela ndikaona vava kuuya heavy ndikati ndezvavo izvo. Vakasvika vachipa mama vandanga ndiinavo chibhakera nhaimi vachibva vadonha pasi zvikanzi
Iwe ndiwe wakutora mukadzi waRodie kunomutrainer chihure iwe wakamira sani. Shuwa wakabva naye pano kubva nezuro uchiyendepi naye kwamava kudzoka makaremerwa kudai. Uyu muroora wangu haasi wako wazvinzwa nhasi ndinoda kukuzivisa nzvimbo yako pano pamba ndinoona zvangu kuti wakutozviona sekuti ndiwe Mai vepano iwe uchingovawo hure zvaro rakauya kuzondinetsa pamurume wangu ndozvawava kuda kutodzidzisawo naThelma uyu .
Vakada kuvakanda chimwe chibhakera ndichibva ndakasira kuvabata zvangu ndokubva ndavasaidzira uko. Muroora wacho ndakaona ava kuuyawo ndikati jeso mandibairwa uyu ndiye wandakanga ndichitoda uyu. Akasvika akananga pandri ndikamutambira nemaoko maviri ndichibva ndamuisa muhwapwa ndokutanga kurova uku ndichikava . Vamwene vakamboda kuzama kundikweva asi havana kundigona chavakangokwanisa kukweva izambiya richibva radonha ndokusara ndava nekabudura yega. Handina kana kumbonzwa kunyara baba vakanga varipo ini chandaida kugadzirisa vanhu . Ndakamurova muroora wavo ndikazomusiya ndava kuyendera ivo nekuti vairashikawo kutaura vari kumashure kwangu. Pavakaona ndava kuuya kwavari vakaivhura speed vakananga kukaimba kavo ini ndikati munonyepa ndiriko kumashure. Ndakavamhanyisa kusvika vanoti mumba ngori apa pavakaona ndava padoor ko kuzoridza mhere uku vachizvisurira vega vasina kana kumbobatwa. Handina hangu kuzovarova ndakachizovarega manje ndokufamba ndakuyenda kwandanga ndasiya mwana nezvinhu plus Mai ndiko kwavanga varohwerwa nembudzi iyi.
Ndakasvika tikatakura zvinhu ndokunoisa mumba zvedu ndokumbogara namai vachindisimbisa ini ndichivasimbisawo kuti zvichanaka hazvo.
Takazobuda kwava kutodoka tichibva tayenda kumashops kotsvaka zvigrocery nekamari kanga kapiwa Benna kaye naMike. Takangonongawo mafuta pamwe nesugar nestalt . Mafuta takatenga 4 ltres sugar tikatora 8kg tikatora ne4kgs dzesalt ndokutopera kwemari yedu. Sugar takatenga yakawanda nekuti taiziva kuti taizopota tichimboti tikasuwawo tea toita chimira nepoto tomwa hedu ko zveflour tizvidii isu tisina
Patakadzoka pamba ndakaona vamwene nemuroora vachingodongorera zvavo ndikati hamusati mati. Takaita zvataiita tikapedza ndokuyenda kovata. Rodie akafona achida kundinetsa hanzi waroverei Mai vangu asi ndakanga ndatova soja ndaimuudzisa kusvika achizongopedzera shungu mukuti ndichauyako kumba ikoko uchaina zvandoda kukuita.
Kuaap ndakanga ndangotsvakiwa nabamnn Mike avo vaitondibvunza kuti masara bho here ndikavaudza kuti ehe ko zvakanga zvichataurika zvekuti tasvika tikamutsana nevanhu here.
Ndakangotaurawo naye zvishoma zvangu ndokuvata nekuti ndakanga ndiine hope dzekunhamo. Makuseni ndakamuka ndichiita basa as usual mama vakatozomuka ndapedza kuita basa vachibva vandipa mari 3 us vakati endai motsvaka chingwa tombonwa tea sezvo sugar yavapo. Ndakabuda ndokumhanyira pamashops ndokunotenga chingwa . Pandanga ndava kutodzoka ndakaona pamwe paicherwa foundation ndoona ndeyeshop ndichibva ndakonapo hangu ndakanga ndatofunga zvimwe. Ndakasvika ndikakwazisana nevaivapo vacho zvangu ndokubva ndatovabvunza kana vakanga vakatotenga building material vachibva vati muridzi wacho aisavapo saka vakangotora number dzangu vakati kana vazotaura vaizondibata vondiudza
End of 10
Love you team🌸🌸🌸🌸🌸🌸🌸
❤️
🙏
👍
😂
😮
104