
MAMA NATIE ZIMπΏπΌπΏπΌπΏπΌπΏπΌπΏπΌπΏπΌ SHONA NOVELS
March 1, 2025 at 09:59 AM
FOFOE AND THE FOUR BROTHERS
πππππππππππππππππππππ
By
James T
https://whatsapp.com/channel/0029VaNecW3BA1ey59eAhP3u/101
Chapter 02
FOFOE
Ndakatanga kurota ndiripatsime paya mutsime muya makangobuda ziShiri riya imi ndakatombodonhedzwa nemhepo yayaiburitsa nemapapiro ayo .ini ndakaona kuri kuguma kwehupenyu hwangu nekuti mukuriro wainge yakaita Shiri yachoka chiona maziso kuita kunge eshato
Ini ndakatoramba ndakamira ndakaitarisa ini hameno mazisimba andakanzwa soo tattoo rangu richibva rabaka blue ndakaona Shiri iya yagodama maybe to show some respect
Tattoo riya rakaramba rakabaka Ndakabva ndatarisa Tsime riya chiona mhepo zvayanga yakuita kazambia kandainge ndakasungira kuita kunge kachamononoka nemhepo
Ndakaramba ndakatarisa mumvura muya ndokubuda maVision kubva ndichizvarwa vadzimu ndokundigashira as their daughter .Nepandaiimba zvangu ndiri musango .Pakazondipedza manje pandaitamba chikende and ndakabva ndaona mvura yaiita maWaves ko ndaitadza nei kuzviona pandaitamba kuti mvura yaiita maWaves kurikufarira chipo changu nhayi
Tattoo rangu rakazongodzima .ini ndainge ndakunzwa kupera simba and ndakanzwa kunze something chabuda mandiri pamwe ndovadzimu vakadaro .Shiri yakazouya ndokundivhara nemapapiro ayo ndakaScreamer ndokupepuka ndakadaro
"Hezvo ko kunze kwatochena ingaa ndararisa nhai "
Ndaitodaro ndichitomuka pandainge ndakarara .ndokugadzirisa rupasa rwangu .ndokubuda ndichitora mutsvairo ndokutotanga kutsvaira ndichiimba
Pandaiiimba ndakaona tattoo rangu rakabaka ndakavhunduka nazvo ndokucheuka kumaShure ndokuona rino Zishiri .ndakatsokota maziso angu ndichifunga kuti pamwe ndikurota ayiwa ndainyatsoona real.life chaiyo .irowo rakabva rambururuka mudenga mazimhepo ndokusimuka .marara ese andainge ndatsvaira ndokudzokera kwandainge ndatsvaira nhaimi aaa zvakandibower shame anyway ndakazoita basa rangu ndokutonwa svutugadzike yedu naGogo ndokupedza nichibva ndaita basa rangu ndokupedza
Zuva rorova nhongonya ndakabva ndatofunga kuenda kwana anesu .sahwira wangu
Ndakapfeka umwe mucheka waindifita zvekuti wainyatsoburitsa maCurves andainge ndinawo ndakabva ndanyatsobuda Fofoe chaiye .Nditori munzira ndakasanga naBhobho minzira mukomana uyu ayindibhowa akabva ati
"Hesi kani tsvarakadenga yangu "
"Hesi kani chipukandipemwenje changu"
"Sakaa ukunditi ndakashata manje"
"Ehe ukuti unovaraidza kuona here iwe naiwo mazino anoita kunge achabuda mukanwa iyawa wototi unovaraidza kuona here iwe"
" Kunyangwe ukandituka asi chingoziva kuti uriwangu chete .ende zvinhu zvaukuda kuita mbiri nazvo uchizvitambise kuTsime kwenyu ndezvangu izvi"
" Iwe ukureva kuti ukuti dako iri nderako"
"Ehe ndezvangu"
Ndakabva ndatoti kuswera ndichinetsana nemunhu uyu kunonetsa ndakutomutsauka ndichitomashaker iwo magaro acho ndopaanondidi
Ndichangomupfura ndakanzwa kuti paaa kumagaro ndarohwa kambama.imi mukati haisi ngozi yandichaita.
Ndakangotendeuka ndichimupa gwati
"Aaaa iwe ungandirovere nekuti ndakubata itwo twunagaro twakasvava itwotwo ndotwaurikuda kushamisira natwo apa ndezvangu zvinhu zvachol zvawakasenga .Zvino nhasi dakukuratidza kuti baba vemusha havarohwe"
Mm ndainge ndatosuwa ini Bhobho ainge akagwinya riri zimonya chairo zvekutoti ndakambonzwa kunzi arikudiwa naMambo kuti ayite jinda ravol cause humonya hwaayinge ayinahwo kaaa ndosaka akabva ashatiswa munhu ahapihwe zveseka
Paainge andisimudzira ruoko achida kundirova ndikati unonyepa iwe
Ndakangokwinya kazambia kangu ndiye tsoka ndibereke .ko pakufukura ndopandaidanwa ndichidaira kaapa.akambozama kuda kuteera but akatadza .ndatokumberi ndamusiya nechinhambwe Ndakabva ndatanga kufamba ndichitoseka hangu ini .Ndakatoenda kumba kwana anesu ndakatomusvikira ariko
"Ko asahwira urisei"
Achingonditi baa akabva atanga kusek
"Sakaa chii chinosekesa nekundiona"
"Nezuro wanga wakuda kuita maGuts naPrincess wakapuhwa twekwako ka ndiye dhii"
Imi ndakasekwa ndakutoda kuchema ndipo paakazoregedza kkk
"Sorry sahwi ndandichingotaurawo hangu
"Iwe uchindiseka"
Takazongonyengetedzana hedu ndokunditi
"Wambonzwa here guhwa rafamba muraini "
Ko zvenyaya ndozvandaida izve
"Tipei tinzwe"
"Hanzii ana Prince vese vakuuya chishanu apa nhasi chipiri pangosarwa nemazuva maviri kuti vauye apa pachange pane mutambo"
"Mmm inga havo ini handiendi kana newewo hapana kwatiri kuenda"
"Sure"
Shamwari yangu chandayidira yaindinzwisisa .Takazotandara atova mazuvarodoka nguva dzekuenda kutsime dzakukwana .Ndakaonekana naSahwira vangu kuti ndiwane kugeza nekuti nhasi dakunovapedzera zvekwamai pedzera zviya
Nditori munzira kudzokera kumba ndakasangana neuno
Zinyoka shato chairo iripakati peRoad yakanditarisa yakanyatsosimudza musoro
Ini ndoku....
End of Chapter 02
βοΈβοΈβοΈβοΈβοΈβοΈβοΈβοΈβοΈβοΈπππππππππ
β€οΈ
π
π
π
7