
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
February 19, 2025 at 06:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
Lets follow channel dzimwe nguva ndoshaya data saka book ndogona kuisa kuchannel chete
MAZVITA
STORY BY MHAMHA ADEL
NEW BOOK
CHAPTER 2
MAZVITA
Nguva yandakatarisa foni yangu ndakaona iri vedio call ndakadaira ndikaona chiri chihwitsi changu Craig. Ndakanzwa mufaro uchiwedzera nguva yaakandifonera akabva atonditi,
"Baby hindava kundinyara nepafoni apa ukuratidza kuti wakatsamwa futi"
"Aaaah iwe ukuda kuti ndiregererei kutsamwa iwe wakati uchandifonera uchangosvika saka wakaregererei kufona nezuro"
"Kkkk handiti ndakati ndofona ndasvika here bby, pawakaona ndisina kufona zvoreva ndaive ndisati ndasvika"
Voice raCraig raitapira kunge rakaiswa sugar chaiko ndainyatsonzwa richienda pakati kati pemoyo wangu zvekuti ndaibva ndatanga kunyara chaiko ndaive ndakungo tarisa tarisa pasi chete.
"Unoziva bby kuti nguva yaunenge uchinyara kudero runako rwako rwunobva rwanyatso buda here?"
"Uuum ichokwadi here ichocho or kungoda kundifadza nenhema chete"
"Maya bby kutokuudza chokwadi, apa ndakutoita kunge ndakabva ikoko mwedzi wakapera ndatokusuwa chaiko"
"Chero neni ndakusuwai ddy pandakaona musina kufona nezuro ndaive ndakutya kuti zvimwe maive matondi kanganwa maona vakanaka kudarika inini ikoko"
"No bby handifi ndakakukanganwa nekuti uripakati pemoyo wangu uye ndoda kuspender the rest of my life with u bby. Ndikango pedza chikoro ndoda kubva ndangounganidza mari yekuroora togara tose"
"Ok ddy I will wait for u mozozvivhurira mega zvinhu zvenyu taenda kuhooneymoon"
Pandakadero ndakaona munhu achiratidza mufaro pachiso chake, takazotaura hedu dzimwe nyaya kusvika azocutter call yake. Ndakabva ndarara ndakatarisa zvangu mudenga apa smile ichisvika kugotsi nemufaro chete. Ndakazongo batirwa nehope mufaro ungori bvupfuwe kwandiri, ndakarara kudero handizivi kuti aive maimagination here kana kuti kwaive kurota zvako ndakugara naCraig pane imwe imba yakanaka zvekurevesa. Taive tane vana vedu vaviri matwins mukomana nemusikana apa pamba pedu paigara pelaine mufaro wakapfurikidza. Ndakasvotwa nguva yandakatanga kunzwa kuda kuenda kutoilet ini ndairota hope dzinonakidza kudero. Ndakambotora nguva ndakarara ndisingadi kukanganisa hope dzaidakadza kudero. Asi mongozivawo hunhu hweweti kuti kana yabata zvayo unozongo muka. Pandakadzoka kurara zvekare handina kuzorota zvakare zvakandi svota chaiko. Ndoziva mose muri kundiseka henyu kuti ndaive ndakupengeswa nerudo asi ndoziva mose makambo pinda murudo ende munokaziva kafeeling kacho kekudiwa nemunhu waunodawo.
Mazuva akafamba apa pamba pedu paive pakugara paine mufaro zvekuti nyemwerero yaigara yakandigara chaiko. Amai vangu vaigara vachindibvunza kuti asi ndaive ndane mukomana here asi ndaivarambira chaiko. Vakasvika pakutsvaga vamwe gogo vechikuru kuti vanditarise kuti ndaive ndichiri ndakazara here kana kuti zvaive zvakaendwa. Kutaura chokwadi ndakasvotwa asi chekuita paive pasina. Ndakavanzwisisa hangu amai vangu kuti vaindityira havo uye vaingoda zvinhu zvakanaka chere mulife mangu kwete zvakaipa.
Mazuva haatani kufamba apa rudo rwangu naCraig rwaikura zuva nezuva kunyangwe taive kure nekure. Ayifona everyday ndaive ndakuto ziva time table yake yekufona ende aisadarika kubata nguva yake. Mumwe musi shamwari yangu Paidamoyo akauya kumba kwedu akasvika ndakatogara zvangu panze ndichinzwa music yewestlife. Ndaitova ndakavarairwa zvangu nguva yaakasvika ndakazonzwa akuti,
"Haaaa asikana asi mava murudo kani"
"Why wadero"
"Iwewe kunzwa westlife wakatanga rinhi nemavwngero awakaiita"
"Inga unoziva wani kuti zvinhu zvochinja, paya ndaive ndisati ndangoyerera masongs acho chete now ndakuziva kuti anonakidza ndosaka ndakuterera hangu"
Haana hake chaakazotaura panyaya dzerudo idzi, takazotanga hedu kutaura dzimwe nyaya. Paida yaiva shamwari yangu asi amai vangu vaive vakamu maka vaisada kuti nditambe naye. Ndakatombo murovetwa kuti ndisatambe naye asi semunhu aindifarira zvakashaya basa amai vakazongo tirega tichitamba hedu tese. Chinhu chaainyanya kuvengerwa naamai vangu inyaya yekuita zvevakomana uye aive nemakuhwa. Ndaitoti kana ndinaye ndaitoziva nyaya dzekutaura nekuti waizodzinzwa dzakubuda nepasipo. Takati takagara kudero ndakanzwa foni yangu yakurira zvekuti kuti ndiregedze kudaira zvaisaita apa aiva Craig aifona. Nguva zhinj8 dzake aitofona nevedio call chaiyo. Ndaiti ndikatarisa foni yangu ndotarisa Paida kusvika azonditi,
"Dairaika call yenyu asikana inotosvika pakukata makangoitarisa." Apa aitaura achiswedera kuuya pedyo nepandaiva ndakagara. Foni yakabva yakata apa ndakatombo fara nekuti ndaitya kuti ndikaidaira aripo nyaya dzangu dzaigona kuzosvika kunaamai vangu ndikazo rohwa zvangu. Nguva iyoyo yakabva yatanga kurira zvekare akabva ayitora mumaoko angu kwakubva adaira kwakundidzosera apa akabva aisa paloud kwakubva andidzosera. Craig wacho akabva atanga nekuti,
"Bby hindava kunonoka kudaira call yangu"
Ndakatanga ndatarisa Paida ndisati ndadaira apa iye aiva angonditarisa zviya zvekuti pindura apa iye ayiratidza kuti aive andinzwa hake. Ndakazotanga kutaura hangu naCraig apa nyadzi dzaibva dzandibata pose pandinenge ndichitaura naye. Ndakaona Paida auya kuzomira kumashure kwqngu kuti abudewo pacall pacho. Pasina nguva ndakaona Craig akutaura mashoko ane kakusvotesa mukati apa ini kuti ndisadaire zvaisaita. Paida akabva abva kuseri kwangu achibva anogara zvake paaive akagara nguva yose. Hatina kuzotaura hedu zvinoenda kure Craig akabva akata call. Achingo kata chete ndakanzwa Paida akuti,
"Heee vasikana makudanana nana Craig here?"
"Ehe mukomana wangu Paida asi pane chakashata here?"
"Chakashata hapana asikana asi kuti seshamwari yako handidi kuzokuona waita heartbreak nekuti Craig haisi type yako anevqsikqna vakawanda uyu. Akatombondi pfimba ndikamuramba ndanzwa kuti aidanana naLoice wepakona apo paakangorara naye akabva amuramba"
"Uuuum asikana muri kurevesa here zvamuri kutaura izvi or murikuda kungondinzwa henyu"
"Mazvita ndakambo kunyepera here inini, kana uchifunga kuti ndiri kukunyepera ramba uchidanana naye asi kana azokurwadzisa usauye kwandiri uchichema hako. Unofunga kuti kuUK kwaari hakuna vamwe vasikana vakanaka kudarika iwewe uye vakadzidza ozoda iwewe hako usina kana chikoro chacho"
Achipedza kutaura akabva arova chikwee chiya chine kakusvotesa mukati achibva aoneka hake kwakuyenda kumba kwavo. Ndakasara ndochinzwa kuti ndaive ndagarwa nechigodo pahuro zvekuti chero kufema kwaive kondikurira. Ndaiti ndikafunga mashoko aive ataurwa naPaida misodzi yangu yainbva yatanga kubuda chaiko. Nguva iyoyo ndakabva ndadzima radio yandainzwa ndichibva ndaenda kuroom kwangu. Ndakambochema ndakagara kusvika musoro wangu wakutema. Papera chinguva ndakazongo batirwa nehope. Kunze kwakasvika pakusviba ndakarara zvekuti ndakazo mutswa namhamha vadzoka.
"Nhai mwanangu ko kuzorara usina kubika kwakanaka here?"
"Mhamha musoro wangu urikutema ndofunga bdanyanya kutsva nezuva time yandanga ndichiwacha masikati"
Ndakaona vakundibata musoro ndikanzwa vakunditi inga temperature yako yakato kwira, chirara hako ndinobika ndigokutengera mapaikiller ukamuka uchiri kurwadza mangwana toenda kuchipatara. Ndakango gutsirira musoro ndichitopinda mumagumbeze kwakubva ndafuga musoro chaiwo. Mhamha vachingo buda chete ndakanzwa call yangu yakurira. Ndakatarisa ndikaona ari Craig aifona. Nguva iyoyo ndakanzwa kumuvenga kwangu kuchiwedzera zvekuti ndakabva ndangodzima foni yacho ndichibva ndarara. Pasina nguva amai vangu vakazouya zvavo nesadza raiva nechicken vachibva vandipa. Nzara ndaiinzwa asi ndakatanga kuridya rairamba kudzika pqhuro paiuta kunge paive nechinhu chaive chakagarapo. Mhamha vakatondi nzwira tsitsi kuti ndairwara. Ndakapihwa mapain eaze ndikanwa ndichibva ndarara zvangu.
Zuva rakatevera ndakamuka ndichinzwa zvinenge zvirinani. Mhamha vakauya kuroom kwangu vakasvika zvavo ndichiri mumagumbeze, ndakavamutsa vakapindura zvavo vachibva vazonditi,
"Nhasi urisei musoro wako mwanangu?"
"Nhasi ndirikunzwa zvakanaka mhamha pandakanwa mapiritsi nezuro ndakazo rara ndakutonzwa zvinenge zvirinani"
"Ok better kana wakunzwa zvirinani nekuti ndazofunga kuti ndiregedze kuyenda kubasa nhasi hazviiti nekuti zvinhu zvandakatumira kuDubai zviri kusvika nhasi"
"Ok no problem mhamha nhasi ndirinani hangu endai henyu kubasa"
"Hookay chirega ndinogeza basa rese ndasiya ndaita changosara kurongedza mandiro nekutsvaira muno. Chikafu ndasiya ndabika chiripo pastove"
"Thanks mhamha"
Vakabuda vakanogadzieira zvavo vakazouya vondioneka vakuenda zvavo kubasa kwavo. Vachingobuda ndakabva ndamuka hangu kwakutanga kugadzira mumba mangu nenguva diki ndaive ndapedza hangu. Ndakaenda kukitchen ndikano rongedza hangu mandiro. Ndichingopedza kurongedza ndakabva ndanzwa nock padoor. Ndakatoshaya kuti aifona ndiani, ndakanovhura door ndikaona pakamira umwe musikana wandaisaziva kuti ndewepi. Ndakanzwa akunditi,
"Ndokumbirawo kuona musikana anonzi Mazvita"
"Munomuziva here Mazvita wamuri kuda kuona or hamumuzivi"
"Handimuzivi hangu asi kuti ndango tumwawo hangu kwaari"
"Ok ndini Mazvita wacho watumwa nani"
Pandakango muudza kuti ndini mazvita akabva aburitsa nhare yake kwakutanga kubaya baya. Pasina nguva akabva anditambidza foni yacho. Ndichingoitambira ndakabva ndaona ari.....
END OF CHAPTER 2
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
407