
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
February 27, 2025 at 05:28 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40
Pindai muchannel medu muwane book from chapter 1 please
https://chat.whatsapp.com/FgrkiGxuoG27N5gFwRkjSn
Our group link iyi pindai rinouya nenguva book zvakare
BOOK # 15
MAI ROSSAH
By
Mai Maka aka Masimboti
0786923205 (calls and sms'only)
Chapter 3
Mai Rossah (Firidha )
Ndakasvika ndikagara padombo Mai Shanti vakati
"Unogarirei ipapo .Mapoto haasati atsva aya"
Aiziva here kuti ndaingove ne Aluminium yoga yoga .Akange atonyunguduka kudhara ,ndakamuti
"Shaa mapoto atonyunguduka ayo "
"Ndopandoti unononoka kufunga zvako Firidha ."
Akamhanya kuda kubuditsa zvimwe zvinhu ndikaona azorora zvake akauya padhuze neni akati
"Iwe Jiri aive murudzii ,l mean anobva kupi tribe yake ?"
"Unozviziva wani kuti handizvizive and handitozive zvachose "
"Zvave zveku rafurana here Mai Rossah ini kungoda kuziva zvangu .Ndatoshamisika kutiwo munhu anopfuka ne one day ? Zviriko here nhai Mai Roo "
"Veduweee kupfuka kwekudii .Ihure rake rapisa iri. Imbori marii per night zvekuti asvika pakupisa imba yangu ?"
"Ma 10 ukawana munhu anobhadha asi vana Fortunate manje vanoti dhurei hanzi vanorova chikapa mupengo kutsvitsa munhu mumarata emba achikacha "
"Kukacha kudii ,uri kureva goi koi?"
"Ehezve iwe ukamuona achizvifambira unomuona sei ?"
"Handizvitarisi ini zvemahure ndozvidii ?"
"Ane kadeya mumakumbo hanzika ndiwo avanoti masexy legs varume ava.Hanzi hakadi kuzoti tasvu kuvhurika kadeya kacho .Ipapa kake ukakaona unobva watongoona kuti akakavhura mbichana zvaendwa ,murume anoita go mad. Anonyura kupinda wose nemaporo "
"Nhai imi mai musinguru ,makazvizivirepi zvose zvamave kutaura izvi ndiudzeiwo hamusirimi munoti here hamuchina hwira kwira nevarume.Wakamuonepi murume anopinda nemaporo mukati "
"Ko ndati ndinayo here .Apa kungozama kukuonesa kuti nei Fortue apisa imba .Anoziva kuti anokosha uye anorira paAmavheni pano "
"Zvichibatsirei zvekuririra kukwirwa nenyika yose nhai imi ?"
"Wakasara Firidha hauna chaunoziva .Varume vanongoda tunhu twekuti unotopererwa .Imagine kuti deya rataikura tichingoseka kuti mateya mateya izvezvi ave kutotrender ,asina deya irombe .Unogona kunzwa kuti kwave nemapiritsi ekuvhura vanhu deyaka "
Ndakaseka ndikati
"Kwana iwe saka wati todii nemusikana wedeya wachona apa ?"
"Wanga uchifungei naye iwewe .Plus taziva kuti ndiye here nhai iwe Mai Rossah .Imbobvunzaka Roseline tinzwe "
Ndakamudana mwana akangobata chi 5ltrs chaive nemvura akabva ati
"Mama ,uya musikana akauya akarohwa nadad usiku hwese vachishandisa chinhu chavo ndiye auya pano achivatsvaga dad .Ndamuudza kt dad havapo akabva ati unovaudza kana vadzoka kuti Fortunate auya akatora mari yake "
"Saka ndiko kutora mari yacho here kwaaita apa, Kune vanhu vane moyo yakaipa chokwadi "
Vakadaro Mai Shanti ndikatiwo
"Saka haana kukurovai here ?"
"Haana uyu angoti unoudza Dady vako kuti mari ndatora akabva adira zvinenge parrafin patende pedu achibva akwena matches akasiya pave kubvira "
Moziva ndaitika avarova kana kutuka ndipo pandaiona mukana wekunomhanyara kupolice .Apa ndaimhan'ara sei kuti ndapisirwa chitangwena changu izvo zvaisabvumirwa .Uyu aingoda kugadziriswa size kwete mbichanaba .
Mai Shanti vakatura femo vakati
"Shaaa ini takaita pungwe uko tichitamba zvigure ,tiri kupedza nguva apa .Handei tinorare kumba mangwana toona kuti tadii nekugadzira tende yenyu hantika ."
"Okay asi kutoisa ava mubhara kani "
"Ko nei ?bereka Reuben ini ndobereka uyu Reliance ava vahombe vanofamba vega ndizvoka "
"Okay thanks wangu "
"Hapan zvekuita shaaa kubatsirana plus kuti tiende nebhara kuAmavheni nhasi mangwana tidzoka naro zvakare hazviite .Mangwana Shanti anotorovha zvake kuitira kuti Isusu tiite zvekutsvaga Joshua uyu "
"Okay Mai Shanti handei "
Takabereka vana tikabva tapinda nenhimbu yemuma E takanganga kumaD .Yaityisa road yacho nepakange pave netime asi taifanira kutoenda chete .Takafanba zvakanaka tikasvika vasikana vari busy kutotanba karadio kamai Shanti zvavo ndikabva ndaona kuti hapana nechaifungwaba apa .Kwaitove kupedza nguva chaiko kuvatsamwira vana ava .
Mai Shanti vakabva vatoti
"Isirai vana chikafu Rossah vasati varara "
Waizoziva here kuti ndiko kumaD kwataigara kuye kwakange kwave kuita sekumwe kunhu kwandiri .Vana vangu vaivhunduka magetsi ndikabva ndaona shena yacho yawaive nayo ndikati
"Rossah iwe chisana kuisa mvura vana vageze ava .Hona shena yavainayo "
"Mama veduwee .Shena yavanongosiirara nayo mazuva ose here iyi .Ini ndakaneta pfudzi rangu riri kurwadza "
"Waitwa sei pfudzi "
"Takazosvika sinhi riya rave pamashoulders nekuti taisada kuita noise nebhara "
Mai Shanti vakandipa ziso raiti Hazviko kuti mwana anodzvara chitunha pashoulder vachibva vati
"Sinhi rachona makarikanda side ripi Rossah ?"
"Ikoka kwakatorerwa mai Paurosi kuye .Takati vakasire asi mvura inenge yakavadzikisa zasi chaiko nekuti kwakaita murove day racho zvekuti hakuna chakasara mudam iroro ."
"Isirai mama rimwe sadza vasikana ."
Moziva kaive kekutanga kunakirwa nechikafu pa12 years dzandaive ndagara nababa Rossah ?
Sadza harinaki iri chero rikaita taste inengei chero rikaita nyama uchiziva kuti anytime uri kurohwa .
Ndakaridhedhedza ini sadza raive nematemba .Takapedza tikanorara nevana vose kubedroom.kwamai Shanti .Ava vasikana vakuru vakarara mudining .
Akamuka Shanti atori mugear rekuenda asi Mai vake vakabva vamuudza kuti pane kwataida kuenda .Hatina kumbovaudza kuti kumba kwakapiswa .
Takabuda pamba kuma6 namai Shantie vangu .Bhara takasiya day iri tikabva taudzana kuti kuri kunzi tavaona taizovaviga mumasango tozodzoka kuvatora later manheru .Takapinda mumaSebakwe and moziva kuti masikati aisatove neproblem.nekuti maiwandiwa murwizi macho .Takafamba namai Shanti kusvika makumbo ave kudavira aya kuti pano taibva nekufamba .Takabva tambozorora tichiitira kuti tiwane simba .Mai Shanti vakabva vatoti
"Mai Rossah Joshua hatichamuoni uri kuona guwe rakakukurura zvinhu kudai .Maybe atove kunyanza chaiko uyu ,"
"Ummm Saka wati todii manje "
"Kutogara ,kutevedzera zvevasikana .Hameno kana achizobuda yave ngozi inozobuda zvayo "
"Asi inoita ngozi here ngatimbotaitei seisiri yedu "
"Ehe ngozi ingozi Mai Rossah chero Ari mwana wako chero mubereki ingozi .No ways "
"Pakaipa mwana wangu haaponi this time"
"Siira Mwari .Plus umboitewo zvekuenda kuchurch Mai Rossah "
"Izvezvi ndicharambidzwa naani kuenda kuchurch kwacho ndoenda shamwari .Kungoti handina kana hembe yekupfeka .Ose marengenya . Baba Rossah vaisada kana kukuona wakapfeka hembe inoonekeraka ."
"Ko paye pandakakupa iye Skala isingawirirane neni paye,Wakafamba nehusiku 12midnight kudzosa ukati baba Rossah vati mafuta anozorwa nemahure handiadi pamba pangu "
"Zvanga zvakaoma shaaa ndihwo hupenyu .Ivo vana Rossah vanozotaura kuti mai vedu vakazodai vakazoti "
Akaseka akati
"Ndosaka Rossah wacho akagara apedza bhora .Akange azviona mwana kuti pano pakaoma mai vanosvika mukufa vachingotindingurwa sengoma.yezioni "
"Usataure uchidaro Mai Shanti miti nemashizha zvine nzeve izvi "
"Heya saka wati zvinzwii manje apa Mai Rossah."
"Handina chekufunga .Ndave kutoda kuti tinovake musasa tirege kuramba takaungana kwako tichikupa mutoro .Usatambe nekufeeder vana 6 panguva imwechete .Woti imwezve meal zvakangodaro .Handioni zvichiita ini .Handei tinovake "
"Mapango hatina asi dai tatotsvaga masengere apa "
Paive padzotswa remasengere tikabva tapindapo .Taive nekwadzo tikatanga kutema tema ndikanzwa heyyy mudumbu mandisunga ndiripo .Ndakabva ndatoti Kuna Mai Shanti
"Shaaa mudumbu mangu muri kurwadza ndoda kuita tsvina "
"Mai Rossah munhu wemukadzi haasi wekusiya tsvina pose pose unogadzirwa nayo kana kuti inotorwa yotengeserwa Ivo vanorombera kubata goridhe ivava wotanga kuitisa vanhu mari kabisira iwe uchitambura kudai "
"Saka uri kuyedza kuti here nhamo yandiinayo ndeyemadhoti atakakura tichingosendeka pose pose aye "
"Handina kudaro .Iwe nhamo yako aive Joshua Jiri. uchaona kuti zvinhu zvako zvichatanga kutobalancer low low .Kungoti wadzoswa Shure nembwa iyi yapisa imba .Apa aitira maune ,anoziva kuti nyaya yacho hakuna kwainoenda ,uyu anozongoda kuitirwa plan rimwe gore chete "
Ndakanzwa zvandikurira ini ndikapota seri kwemaswngere kuye ndikabva ndafugura hembe kuda kutonona .Ndakanzwa kutonhorwa kumagadziko kwangu ndikacheuka kudai kwave kuona maihweeee heanoyi mashura akagochwa. .Raive saga rababa Rossah vanhuweee .Tsvina yandainzwa nanhasi handizivi kuti yakabva yaendepi .Ndakada kuridza mhere asi yakaramba kubuda .Ndakabva ndanoshevedza Mai Shanti vakauya vachipopota kuti taifanira kuzodotsera tiri kumusika .
Takadungamidzana kuenda paye ndikabva ndanongedzera ndikati
"Vari umo honbarume Mai Shantie"
"Honbarume vapi iwe unongotyawo .Wamamira pai apa tifukidze unongosiyaka zvakadaro hautye "
"Iwe usataurise Mai Shanti ,ndati hona baba Rossah vari musaga iro "
Akajamba Mai Shanti akada kuridza mhere ndikamubata muromo iwoyo aaah Aida kuridza mhere yei ipapo .Handiti takange taronga kuti munhu tiende naye kumba here .Taizooenda kumapurisa tave kuita start afresh.Akabva aofugama.pasi chaipo akabva atanga kuyeredza musodzi aripo ndikamuti
"Hauna kushinga Mai Shanti ,ko vana vakauya kuno vega . ?"
"Firidha Usade kundibata kumeso iwewe .Ndiani akaisa baba Rossah musaga kumunira kudai "
"Ndivo vasikana Mai Shanti ."
Akayeredza musodzi akabva ati
"Joshua ndine hurombo nezvakazoitwa nemwana .Kwaisave kuda kwake asi you pushed her akakutema Ukafa .Tave kukumbirawo kuti tikutore udzoke kumba unochengetwe pakanaka .Mwana akatadza tiri kutoshayiwawo zvekuita isu zvaunotiona tichipipitika nerwizi kudai .
Fortunate apisa imba uko .Vana Havana pekugara .Kana uchigona muka unomurwisa nesimba rako rose ,Usamukire mwana wako Rosaah "
Mai Shanti was a drama queen.Angataure dzaana Fortue dzainzwika naani nhai veduwee
.Ini ndaive ndakangomira zvangu achipedza akabva ati
"Mai Rossah apa hapasi safe pamasengere panouya munhu wese kuzotema apa ngatibvise saga redu titsvage imwe poshto tovatora manheru anhasi .Hona apa mvura yachona iri kutoda kunaya unoziva "
"Ehe iri kutinhira shaaa ."
Takabva tatamga kuitisana nharo ini ndichiti tisiye ipapo iye achiti tichinje .Kuchinja manje kwaisaita nekuti rwizi rwaive rwakati maku nevanhu saka taivaisepi .
Takazovhuna mashizha tikasiya tati
"Touya tichikutora baba Rossah ikezvino hakufambiki ."
Takabudapo tiri speed masengere tichiita ekuzvuva .Zvaisazoitaka kusvika tisina chinhu kubva kurwizi daily so takasvika pamba kwave kuona paina Roseline akati vana Rossah waive vaenda kumusika .Imi woyeee Rossah naShantie zvaida kusvikepi .Takapererwa moziva .Takazotanga kucherera mumwe musasa namai Shanti tikazosara kudokerwa mbariro tasungira .Ko plastic yaida kubva pai. Handiti chitunha chaida kuuya chichipinda mumba here .Takabva tatotanga kupusa Mai Shanti vakati
"Kune 10 ye fees yaShanti kumba .Taisana kutenga plastic ugadzire muhombe musasa
apa patachera panokwana apa re10 rinoita .Akabva atonhanya kumusika Akadzoka naro plastic akati
"Ndaitwei nevana vako "
"Zvanzi chii "
"Vari kupopoteraka imba yakapiswa hanzi tauya kuzotsvaga Fortue .Infact vatombodzika kubase kwaana Fortue kwacho vakashayiwa vanhu .Ivo nhasi vaendaka ku Globe and Phonix uko "
"Hanzi kune pay kani ?"
"Ehe hanzi iriko nhasi manje vanorarakoka you know basa ravo "
"Ko vakusiyanisa here Gaika neku Phonix uko "
"Ehe wave kusiyanisa hanzika pano pave kufambidzana neiyi inonzi chii ?"
"Chaka here ?"
"Eheee iyoyo ndiyo iri kubatana nepedu pano .iyi Globe and Phonix yave kuzvimiririra hanzi inyaya yekuti vashandi vakawanda lu Phonix so wave kuiswa iri hakazvimirira yoga ."
"Hooo saka vana vako wavaudza here kuti vasatambure kutsvaga munhu ari kubasa kwake "
"Vana handivaudzi zvakadaro .Vanoswera vatevera .Ikozvino maoko aRosaah achiri kuswinyiwa neropa Saka anoda kuchengetedza anogona kudeura rimwe tikasamupa control nekumuudza zvakashatira murder ."
"Ndiri kupanzwa Mai Shantie so apa wanga wati tidii manje "
"Kuvaudza nyaya yababa wavo "
"Wanga uchida kuvaudza kuti chii .Vanonodzika naSebakwe kusvika kumasanga vakanomuisa ikoko ,Itosiya tinomutore tozovaudza tatobva kupolice kuti baba vari pano "
Takavhunduka tanzwa vachiseka Rossah naShanti vakati
"Manonyurura mhondi Kuna Sebakwe .Handina kukuudza here Shantie kuti pane zviri kuita vasikana ava behind our backs .Mazvidirei zvekutsvagana naJoshua .Munoziva kuti panosungwa munhu here pano "
Ndakagadzirisa huro ndikati
"Rossah mhosva hairove mwanangu tangoti vapihwe a proper burial ndiko kuti vazive kuti wakavatema.nemistake "
She smiled achiratidza hasha nekurwadziwa zvose akati
"Ndiani akavatema nemistake mama "
"Iweka Rossah handiti wakavatema nemistake here "
"Ndakavatema ndichida mama ndaida muzorore .Ndaivashayira mukana .Ndakamboda kuvatengera mushonga wemakonzo chaiwo mama .Dady vaikurovai daily kukubuditsai mututu vachikuitai zvisina basa muchichema .Isu pano hatiendi kuchikoro asi vana Shanti vasina baba vachienda .Ini zvangu ndakaona zvakakodzera kusaita baba kwacho nekuti asina baba ari kutorarama life iri nane kudarika isu tichiti vabereki vose varipo "
"Rossah ka Usaite seune mudzimu wazvinzwaka iwewe "
Mai Shanti vakamugamha achitoda kurudunuka mwana wangu akabva aseka akati
"Mai Shanti do you know kuti Mai vangu vaidyiswa nhengo yadady yesikarudzi ini ndakatarisa ,do you know kt mai vangu vaitorerwa Mari yavanenge vashanda kumusika daily.Chikafu chinodyiwa pano ndivava mama baba varipo vachitenderedzana naana Fortue .Ipapa apisa imba makarara musina kutiidzawo .Ini ndotoda revenge chete .Yangu haiperi yakadaro handidi kunyepa."
"Unozviziva here kuti ukaramba uchidenhana nevanhu zvinoyendwa izvi ukauraya futi mumwe "
"Hazvina basa mama Mai Shantie ,chandiri kuona apa mhechekuti uyu anoda kujairira vanhu haangabhadhari chikwereti nekupisa pakagadzirwa namai vangu. for now ndichamboda kuita focus nemufaro wamai vangu "
"Hatisi kuramba Rossah asi zvekuti vanhu vafe hazviite ,hatichadi rimwe drama isu reguva ."
"Iri radad ranga rabhobha ndimi matoita zvekundiitira mafunnies zvenyu kunonyurura mhondi iyi "
"Hatina kunyurura Rossah .Tavaona vari panze pemvura kumasengere ."
Shanti akabva ati .
"Madii kusiya mavapitipidza mumvura "
"Aaaah Shantel "
"Ehe mama.monotiratidza tivaise mumvura kepiri ukaona vabuda this time vochipihwa a proper burial ,vanenge vaine nharo mbishi"
Kwakadoka tikabva tangotenga chingwa chemadola for 2 chiye .Takabva tapa vana mafreezits .Kuchidoka takasiya taisa Roseline nevana Mumba .Waive safe nekuti Fortunate aisavepo .Takahuzvaira tiri 4 bhara tikaenda naro .Takasvikapo tikabva tasimudza saga riye apa rakange rawedzera kuremawo sei .Tichiriti godi mubhara takabva tanzwa inzwi rakati
"Hands up .Muri kuda kunoiswa chii mumvura "
Veduwee isu taida kuenda navo kumba asi Rossah ndiye akange anzwika achiti munhu mumvura evidence iparare .
Ndakahuta ndichiona porisi ndikaziva ne uniform yaive yakaiswa A pahomwe ndikaziva kuti aive wekuAmavheni police station .Ko vakange vapinda nanguvai murwizi kudai .Taiziva vachipindaka Wednesday neFriday murwizi manje Monday ummm paive pakaoma waive vakawanda Imi vakabuda tikabva taiswa cheni tose tiri 4 tikanzi
"Fambai muende kunotaura nyaya yenyu mberi ."
Vakabva vatoti
"Thanks guys munhu aitoiswa mumvura uyu kechitwo and gaisazomboziva aripi .At least tabata vanhu vacho faster faster .Ndakanzwa kupera simba ndichiona kuti iri raive Jeri ratakange tave kutoenda tose tiri 4.Ko kana Fortue akange achadzoka akapisira vana vangu Mumba achifunga kuti hamuna vanhu nekuti takange tasiya tavaudza vasadavire vanhu vainoka .
Hameno Mwari .Takaiswa mumota yemapurisa tikananga Amavheni Police ,zvinhu zvacho zvaive vakaoma and hazvo ummm .
Stay tuned
Ma.likes ndinomada ndapota zvangu
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
562