MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
March 1, 2025 at 05:28 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Pindai muchannel guys , ndogona kujambira machapters nemistake kumagroups please https://chat.whatsapp.com/FgrkiGxuoG27N5gFwRkjSn Our main group link iyi pindai rinouya nenguva book imomu Book #15 MAI ROSSAH By Mai Maka aka Masimboti 0786923205(calls and sms' only) Mai Rossah Chapter 7 "Mari munayo here mama ?" Akadaro Rossah ndave kuda kugeza .Takange tisina kugeza kubva kuseni.Mai Shantie vakange vasina kumboendawo kumba .Ndakapinda mataigezera ndikateverwa naRossah achindibvunza mari ndikati "Ndadzosera Mai Shantie 10 yavo iye yavakatipa yekutenga kweshe " "Dai tisina kumbovaka musasa dai mhino dzakafembera, lzvezvitave kuita makuloss asina nebasa rese" "Taigara pai mwanangu,chero Dady vako vaichemerwa pai .At least Mai Shanti ndivo vakaita Mwari wedu ndivo vakatibatsira paye ." Akaramba akanyarara ndikabvisa chishort chiye akati "Ndipei ndibate " Yaive funje yemari ndikabva ndaona achiiverenga akati "Pari kushota $20 mama " "Ehezve ndapa Mai Shasha " "Munoreva here kuti pa2 hours dzandaenda kuAmavheni idzi mabva mafunga kutoparadza 20us pa2 hours idzodzi " "Handina kumbofunga kuti zvichanetsa sorry Rossah " "Ahhh moita ini sorry here .Zvinzwrirei tsitsi imimi . Handina kuti paradzanai nasahwira wenyu mukuru kwete ,asi ndiri kuti inini musavhurike ma vulve nepasipo mama .Mukada kutekenyedzwa nemari hazvibudi . Ingadai mapihwa change kana kuti mavaudza kuti Rossah wacho haapo ," "Rossah mind you takabatwa tose navo Mai Shantie nemwana wavo pamutaka wachoka saka tofanira kutovapawo something as a token of appreciation " Akaseka achidzokorora kuverenga mari iya achibva aita kugara pasi akati . "Mutaka uchiriko kunaMandebvu and hakuna Munhu anorambidzwa kuenda kuAmavheni kupolice kunopihwawo .Ini towards rufu rwa dad vangu ndiri kutoda andipe Mari Mandebvu anaro gold redu rakawandisa .Muchawaona vachitenga mota dzavo isu tingori pamusasa pano tichiita mahumbwe tisina kana kukwanisa kutama ." "Hatiregi kutama Rossah " "Tinotama sei Imi Muri kuti pa2 hours matodya 20 " "Rossah ndaidya heremari?" "Yashotaka mama iyi ndikoka kudya kwacho .Tarisai kwatakabva. Ivo vana Mai Shanti vachonvaingovepo tichidya nhoko dzezvironda wani " "Usataure uchidaro Rossah.She is my best friend anondibatsira .Dai asiriye tisiri pano nhasi .Nhau iyi unoziva kuti yakakura ?" "Mama ini handina kuti ipfupi kana kuti yakareba kwete .Ndinoona sekuti tikabuditsa ma20 per 2 hours hazviite .Ndinobva ndaweka kuti nhamo dzadad dzikatora two weeks kuti vavigwe tinenge tisisina kana cent mapabata here mama .Handisi kuti musarambe nemabhururu enyuka ini " "Ewo Rossah " "Asi Skala iye yamakapihwa mukaidzoseswa nadady and ndakafarawo sei .Vaida kukupai mafuta ekuzora paye iye Rueben airwara maronda tichishayiwa chekunomurapisa paye,Paidiwa detol inoita Dola paye ..Handina kuti vaifanira kutichengeta nekuti Dady vangu chaivo vakatadza kutondichengetawo so there is no way munyapena aizondichengeta .Asizve ini ndiri kuti Mari iriko kucamp munhu wese ngaaende kuna Mandebvu,ndiye ndiye ane saga remavhu redu .Ukabhobhawo munhu unobvunzwa naani " "Mai Rossah haupedzi here nhai iwe ?" Vakashevedzera Mai Shanti vachiuya kuchinjausi changu "Ndapedza Mai Shantie ndave kubuda " Ndakabatikana nezvakange zvataurwa naRossah.Mai Shanti vainoipihwa naani mari kucamp .Chero zvandiri pano kudai ndainoipihwa naani zvangu Mari iyoyo.Kungotanga here nekuenda ndoti "Amandebvu mari iya mazodii " Ini zvaindiremera , maybe kwaive kutya vanhurume zvavo .Ndakamirira Mai Shanti uyu Rossah akagezawo takangomira .Akatora mari akabva aiisawo pakati pake pemakumbo Mai Shanti vakati "Usakare mari zvakadai Rossah .Ini ndoti dai wandipa heyo mari ndinoichengete kumba kwangu .Icharasika mari iyoyo tikanetsana.Ndipe ndinoise pakabata mari yacho ." Hana yangu yakarova kutya kuti Mai Shanti aizopindurwa pfocho naRossah ndikabva ndati "Haaa mumba Mai Shanti inonetsa mari .Ikozvino regai iti pane munhu ndipo pairi .Kumba kwako hakuna munhu uko so ndiri kuti inini vanhu vanogona kutopaza door .Pano pacho pachawandiwa futi saka mari ngaichengetedzwe zvakanyanya ." "Ahhh hoooo ndanga ndisina kana kuzvifunga hangu .It's okay mataura zvandanzwa ipapo .Asi vana Rossah nemovement yavo iyi haizodonhi here mari nekuti for now vachange vachiita ma up and down ka ." "Haaaa regai igare ipapo " I said ndichizvidzora hangu kutotya kuti Rossah aigona kuexploder ipapo ipapo zvikashaya basa . Vakabika vana Shantie naRossah Imi woye takaridhinda chaizvo.Takange tatengerwa netumatemba naRossa so raidyikawo zvaro. Takapedza kudya tikagara panxe mumba maipisa .Chedu kwaive kumirira mashoko kubva kupolice chete .Takazoona kumanheru vauya mapurisa vakati "Vehukama huyai padhuze tione " Vanhu vaingouyaka vachibata maoko vachienda kudzimba kwavo.Ipapa vanhu vaida kunzwa ma update asiri awo Chokwadi manje Tom wacho aiziva basa rake.Vakasvika vakati "Zviri pano zviri tricky vanhuweee .Handei kupolice uko Kune nyaya ." "Hanzii body takupihwa here ?" "Body yave kubuditswa ,post mortem iri kuti baba Rossah vakashandisirwa demo kana kuti "bhemba kana badza .So we are doing further investigations on that one " Ndakatura femo ndikati "okay officer hapana chakashata " "Masiya Fortunate here amupurisa" Rossah said mupurisa uye akaseka zvake akati "Hatina umboo Rossah so Hatina conclusion ipapo .Tichakuudzai kuti zvamira sei .Aendeswa kuharare ku CID headquarters,anga achingotaura achiti iye akaona Rossah naShanti vaine bhara akazoonazve Imi vanamai muine bhara Saka statement yake haisi kuita meet up nekuti paye maitambura nesaga regold " "And hatina kuziva kuti iye aifambira munhu ave kutoora mufunge " Rossah said vakabva vati "Haa kuDhikaz achauya zvake adzikama .Kana ave kuenda kucourt tokuudzai kuti zvakamira sei .Asi parizvino mutumbi uri kubuda mangwanamopihwa then morara muchiita maprogram enyu burial yoitwa kuswera mangwana " "Pakanaka officer maita basa " I said vachibva vaenda zvavo .Rossah akabva atoti mangwana aimukira kupolice odarika nekuconvent kuma sister kuye ozonanga kuchikoro kunopemha .Akamukira naShanti achibva aenda kuchikoro.Vakadzoka nevana vechikoro vakatakura macabbage mafuta nerice ndikati "Wanoti chii kuchikoro ikoko Rossah .Hatidi zvinhu zvekuzonyara Isusu mangwana " "Mhamha handiti ndi Dady vaShantie here vafa .Ndavaudza mateacher kuti Dady vaShanti vashaika " "Rossah ndibaba vake here Shanti vafa ava ?" "Saka munoti tiite Mai Shantie kuti mama pakudii ,ndimai vangu here .Same applies to Shanti .Anongokushevedxai kuti mama wani apa " Akadaro achimunira 20 kgs dzerice muchi baby blanket chaReuben achiseka zvake akazoti "Rice haridyiwe panhamo .Hakuna chirungu chakadaro .Kushaisha kugarika chaiko .lpapa ngaribire kwaana Shanti mama .Handisi kuenda neko .Toda kuenda kuporisi tozonanga kumasister kuitira kuti vaudze vanhu wavo vesangano kuti kunhamo kwanzi body mangwana mama " "Ehwo Rossah " Ndairichengeta Mumba imomo asi Shantie akabva ati "Rossah hatiendei naro tega .Unoti vana mama vanosimuka here Ipapa .Towana rave mubhodha nemamai aya emumakorokoza unovadii ?" "Vanorinika haaaaaa handidi drama .Handei zvedu naro zvinganetse hazvo .Ana mama havangambosimuki wataura chokwadi ipapo handei ." Vakadzvara rice ravo ndiye tande vakaenda .Rossah rinenge raive demon rekunyima cheta .Akadzoka katora 4 litres dzemafuta pane anga abva kuchikoro kwaana Shanti achibva amhanya kutevera Shantie wake .Takasara takati tuzu ndikati Kuna Mai Shanti "Mai Shantie saka todii gumbezi hapana gumbezi." "Ehe rodiwa gumbezi haritadzi chokwadi. " "Saka todii ,totenga here manje "l said vakati "Taifanira kutotenga .Ndisu tinonyara shamwari ." "Ehe pave nevanhu vechurch apa hapachadi kuita zvinonyadzisa Mai Shantie .Rega vadzoke ava ndipihwe mari naRosaah akadzoka wonotenga nefuko racho ." "Unobva watenga nekadish kekugezera mufi kacho kaya" "Pakanaka hapo dear " ROSSAH Takasvika kumba kwana Shanti ndikati "Imbobika chero cup imwechete zvayo yerice .Ndine nzara shaaa " Takabika rice redu maive nemachunks tikadya .Takapedza tikabva tatanga kuita mamovements edu.Takasvika kupolice first.Vaifanira kutotipawo chikafu nekuti rwaive rufu rwenyika urwu .Munhu akafira nhamo iyeye . Takasvika pacharge office Mandebvu aivepo akati "Vana mama vasarepi Rossah uri pano " "Vasara kumba avo .Ndaona kuti hazviite kuti nhamo iitwe ndisina kukuonai .Hazvina kumira mushe officer .Tauyawo .Kumba hakuna chinhu. Ndanga ndichiti sezvo rwaita rufu rwenyika kudai .Hamukwanisiwo here kuti mutiitiroo plan chero hupfu nemacabbage nekuti kumba kwacho makakuona Imi " Akandizvuvira kuoffice kwake naShantie akanditi "Mari yose yauinayo wadii watenga zvenhamo dzadad vako " "Handina mari ini ndakatengesa ne50 sinhi riya " "50 chii usandipengere.Wakatwngesera kupi iwewe ?" "Pavakomana vemedu ivava " "Vana Charles here ?" "Ivavo ndivavo .Vaitoti heeee mukuda kuramwa kutengesa tofonera Mandebvu " "Manje wakadii kuti vandifonere .Ipapa havachabvumi kuwedzera mari .Do you know kuti waifanira kupihwa 1000 us pazvinhu izvozvo " Hooo saka vakomana vaye vakandisketter 200 us hantika .Ndaida kuvagadzirira size yavo ndikabva ndati "Okay maita basa Officer Saka todii nenhamo yenyika " "Akuudza kuti ndeye nyika ndiani ?he said that achibva aseka zvake akati "Uri comedian hantika ?" Ndakaramba ndikati "Aiwa haaa kana kungoda kuziva nekuti munhu akaita zvekuurayiwa apa hatina chinhu . Asi hurumemnde haikwanisi kupindirawo ipapo " "Handina kudaro Rossah asi unouya kuzodemander here ?" "Sorry ipapo kana ndakanganisa asi unozoona kuti pamwe pachona vanhu vanobva vanyepa kuti ndaendesa zvinhu kunhamo yakadai asi zvoendeswa kumarizevha kune vabereki . Grocery rinenge richifanira kusaver vanhu panhamo .Isu kwedu makakuonaka ?" "Ehe hazvo Rossah asi maimborarama sei nevana nevabereki venyu anonzi aishusha zviri kuzivikanwa nekomboni yose .Pose pandiri mazuva ano nyaya dzacho dziri kungondida ndongonzwa vanhu vachiti Joshua Jiri ngaazorore kuitira kuti Mai Rossah vazororewo .Tell me more about your fanther" Ndakatura mafemo vaida kundinonotsa baba ava ko ndaida kudambura kuenda kuConvent kunovaudza vazive. zvaisaita kuita nhamo yekuvhundutsirwa.Ndakabva ndatanga ndavati "Pane chinobuda here Officer nekuti kuswera ndichitaura nyaya dza dad vangu pano dzinoda muswere ." Vakabva vatora bepa vakati "Zita rababa vako " "Joshua Jiri " "Iwe hauna kumboti wakavauraya here baba vako that day. " "Ani " "Iwewe ndiri kutoonaka iro bepa iri kuti pakanzi Joshua Jiri" Ndakaseka zvangu ndikati "Ndichivauraya ndichivagonq here kwaive kungotaurawo ndisingazive kuti vakafa ." "Okay next of kin toisa ani ndiani anokwanisa kuvabuditsa mumourtuary .Ndoratinoti burial order iri .Wakangwarira iwewe . Hazviite kuti ana mama vaswere vachifamba handitika .Unongoenda mandinenge ndakuudza chete wanzwaka " "Okay ndinoenda ko pane chinobuda here apa panhau yefood " Vakasiya kunyora vakaseka vakati "Rossah l wish l had a daughter like you " "Asi mune boys rega rega " "Hazviite ndikuudze hangu zvisina basa newe Rossah uchiri mwana " "Ini kuita mwana here vaMandebvu .?" "Ngatisiyanei nazvo mwanangu iwewe saina apa " "Shantie saina " "Mwana wavo here Shantie wacho ?" "Ini handigoni kunyora ini " "Ahhh ko nei munhu akangwarira kudai .kupedza mari yamai Rossah uchiita zvekunotamba kuchikoro zvako .Usadaro Rossah handitika " "Handina kumboenda ini .Ndakapedzisira kuenda kwataidya porridge kuye " "Kwaive kuchikoro here yaive feeding program chete iye Rossah taura chokwadi " "Ndaiiwanepi mari yechikoro.Joshua aisaita izvozvo .V Chaaiziva ndechekuti Mai vangu vanorohwa nekuvadyisa kanhengo kavo katema tema " "Wakakaona here iwewe Rossah " "Ehe ndaisarara ini ndichitya kuti Mai vangu vanorohwa here kama kuti kudyiswa nhengo .Imi mukadzi wenyu munomudyisa here " " Zvabvepi Rossah izvozvo " "Kungodawo kuziva zvangu ini ndatokwana kumasister ndokwandave kunopikira izvi zvevanhurume ndazvitadza kuswera ndichichemedzwa nevanhu bodo " Vakadzungudza musoro wavo vachibva vati "Ehe munhu anodya kana muchinge mawirirana Rossah asi uri mwana mudiki hatitaure nyaya dzakadai newe it's abuse " "Ko ini ndaizviona daily zvine basa rei Izvozvo " "Rossah huya ndikubatise pen apa ." Ndakaenda vakabva vaisa cross zvikanzi ndiyo yaunosaina chero paunonuditsa baba kumourtary ndizvo zvauchaita. Ndanzwa kuti mabvakure havana hama muno " "Ehe haaa ndoita zvakapusa izvi ndoita " Vakanyora zvinhu hobho ndichiverengerwa ndichisainiswa ndikazovati "Saka dhiri redu richabva rapera rakadaro here? " "Rossah ndokusunga wanzwaka .Ndiri muCID ini ndine zvizhinji zvandatoona Ipapa " Vaida kundikwatisa ndikaenda panzeve pavo ndikati "As long as my mother is happy ndoenda kwose kwamada vaMandebvu " Vakabva varamba vakanditarisa vakati "Am sorry Rossah nelife yawakararama yave kukuita nhinhi .Saka mota yekutakura body munayo here ?" "Ko nei muchibvunzawo mibvunzo nhando .Toshandosaka yenyu iyo Mahindra " "Ndeyebasa iyo inotosainirwa Rossah " "Tengaika mota nemasinhi aya asi mundisotewo chimwe chikamu ndoda kutsvaga pekuti tigare nemhuri " "Uri musikana here ?" "Hahaaha mave kupenga moda ndibvise pant kuone here ?_ Ndaisave nemazamu saka ndaida vaoneka nharo dzachona haaa vaipenga. Ndakabva ndatanga kucomplainer time yekumhanya kuConvent . Vakabva vati rega ndifone murege kuramba muchimhanya mhanya .Vakafona vakataura zvaivepo and Father akabva vakabva vati vaiuya kupolice vakapovider mota yavo kutakura body ndikapemberawo sei . Isu takazoenda naMandebvu kumba tichiendesa zvinhu ndikati Shanti asare achisketter zvimwe nekuti taisada kuita nhamo yegrocery .Ini ndakadzoka nana mama kunotora Dady .Kana azogara ngoma yeRoma bodo .Ndakazozvuviwa namai Shanti mudariro pachipatara paye vakati . "Kwana wanzwaka kutamba hwai .Uri kudiwa uko usaine baba vako vabude apa uri kupfichuka uchitsvagwa uko since .Wafirwa here iwewe here "Mai Shanti vaiwedzera kundimara hantika . Ndakabva ndatanga kupukuta dikita raiyerera neface yose ndakaita kutota ummmm . End of chapter
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 418

Comments