MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
March 1, 2025 at 07:36 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 🌼🌼🌹🌹🌼🌼🌹🌹🌼🌼 HELLO GUYS LET'S FOLLO MAI ISHE NOVEL💖 VANE NEW BOOK RIRIKO RINONZI *INCIDENT OF LOVE* RINONAKIDZAI HANDEI TINOTANDARA TIRIKO UYE KUNE MAMWE MABOOK AKAPERA KARE MA FREE BOOK ANOSANGANISIRA. *ROMEO* *VAMWENE* *IT INXEPLICABLE* *SISTER* NEMAMWE AKANGOWANDA WANDA CHAKO BAYA FOLLOW CHETE *LETS FOLLOW CHANNEL KWAMAI ISHE KUNE MABOOK ANE ROMENTIC YEMHANDO YEPAMUSORO IKOKO UNOPEDZA NYOTA NEKUWANA ZIVO, VANODA ZVIDZIDZO ZVAKASIYANA SIYANA JUST FOLLOW MY SISTER VANOGONA* ⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️ https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 INCIDENT OF LOVE Ngatipindei muchannel nokuti ndoo muchasvikirira book redu uye kune mamwe mabook akapera kare ariko STORY BY MAI ISHE 🚦0783873⁷¹5 🚦0716964³⁴5 🚦0719420¹⁵9 All rights reserved. Parental guidance is advised Group link👇👇 https://chat.whatsapp.com/JDJQXHXVBBq9HYYtHUh2At CHAPTER 1️⃣ *ALONE* "" Asi nhai Andy ukaramba uchindi spoiler kudaira,ndichazokwanisa here kugara kure newe"" "" Ndoo zvaita kuti ubve watadza kusimudza musoro wako kunditarisa here mudiwa, inga zvandinongokupa mazuva ose ndizvozvo wani, hamuna chinoshamisira tungori tuma chololate netuma mints chete nothing serious"" ndakangonzwa kamwe kakunyaririra soo apa chocolate yacho ndaitoida zvekudaro, ndakabva ndavhura kaplastic kwcho, ndokutora kaone bar ndokuisa mukanwa,apa Andy ndoo type iya isina kana nyadzi inobva yakutarisa zvokuti kana kutsenga chaiko unobva watokundikana nekunyara "" wabva watonyara kutsenga, it okey chindidyisawo"" ndakanzwa kunyara kwakapetwa Andy adaro,ndakashaiwa zvokuita apa kudedera maoko kwandakange ndave kuita"" Alone Alone babe,kusvika rinhi uchindinyara kudaro inga patove netime tadanana wani uchandijaira rinhi,""Andy akataura kudaro achindibata bendekete ndakakaita kamwe kakumerera soo kaye kekutya nokuvhunduka nguva iyoyo ndakabva ndatanga kukakama"" aaah aa Andy"" ndisati ndatopedza akabva anditi""sorry Alone"" pakadaro pakabva papfuura vamwe vakadzi two "" mmmmh ingadai vakachiroorana zvavo nokuti kazhinji ukaona zvodai kushura kusagara vese vana ava vadanana mufunge "" zvose taizvinzwa ipapo Andy akabva anditarisa ndokuseka hake"" aaaah chinyarara kudaro zvee, zvino mai Give vanozvibvima here izvi,asi unenge waona, iwe uchakaro taura chokwadi iwe"" vakadaro vakadzi vaye vachitopfuura ndaive ndakagara bucket tiri pachibhoranai checancel Musakubva, asi ndanzwa izvozvo ndakabva ndatosimuka ndokutanga kugoja mvura yangu"" watotsamwira vakadzi vemakuhwa ava "" paakadaro Andy handina kudavira ndakaramba ndogoja mvura yangu iye ndokundibatsira, mugomo wave kuzara ndakabvisa pawaive ndakuda kusimudza akabva abata bucket "" nhai Alone inga tambonge tichiwirirana wani,unga tevedzera mashoko evanhu here"" pakadaro Andy ndakatarisa kuside achibva afamba kuuya kwandaive ndatarisa"" chimbonditarisa kana ndichitaura newe, uye undipe nguva"" ""Nhai Andy, vakadzi ava ndoo vekutanga kutaura izvi here,ko sei zvichiti pose patinofamba tese kana kumira tese vanhu vanotaura zvakawanda pamusoro pangu newe m,neniwo ndine zvizhinji zvandinonzwa zvinopinda munzeve dzangu mai vako vanoti wakadzidza iweee havafi vakatendera kuti uroore musikana asina chaanoziva seni""pandakadaro Andy akabva andibata ndokundimbundira,ndakatanga kutya nokuti chandaiziva pataive paive panzvimbo inosvika vanhu chero nguva nokuti ndoo painwa munhu wese mvura sezvo takange tisati tane mvura yakachena kunwa, kusara kwana Andy ndoo vaive nezvakavakwanira kumba kwavo,zvadaro ndakaita kuti pasave nemumwe munhu zvee angasvika panzimbo apa akaona takamira tese, sezvataive takaita""Andy shaaa chirega ndiende kumba hazvizode hunhu hwandaita uyu pamba pane vanhu""pandakadaro akabata bucket rangu ini ndokufamba ndichimutevera ""nhai Alone saka vave sei tete vako ""pakadaro Andy ndakaseka ndokumutarisa""ndange ndichida kukuudza nyaya iyi nguva dzatasangana asi iwee unozowanza kuve sweet kwandiri zvokuti kana ndinewe kudai handina kana chimwe chinhu chandinofunga"" ""Ndikasapa iwee rudo mumwe wandingapa ndiani,ndinokuda Alone'"mashoko ake akasvika achigara pakati pemoyo wangu zvokuti ndakabva ndakanganwa nenyaya yandaida kumuudza yacho"'usati wakanganwa ibva wataura nyaya yacho,""ndisati ndataura ndakatanga ndaseka""unoziva guhwa haridi pamunhu akanyarara, Shallom she is so quiet,zvokuti ukamunzwa ataura hamheno kuti unenge wamuitei, but nhasi ayita shura kumba uku,nhasi ndini ndanga ndine duty rekutsvaira mumba iye achigadzirira vana soo ndangoona munhu amira kumashure kwangu mu passage,apa ini ndiri ku moopa ndatomupa way kuti apinde but ndanzwa ave kunditi , iwee Alone tete kuchiri kurwara here kana kuti vave kutonakirwa nekugara pano,zvavanodai imba yacho isati yapera ko'asati apedza nyaya yake ndaona tete voti tsveya tsveya nemudonzvo wavo ndokupinda mutoilet ndanzwa kunyara Andy, nokuti tete varatidza kuti nyaya dzese vadzinzwa""ndichipedza kudaro Andy akaseka ""Iwee ndiShallom adaro here yoo anototaura kudaro"" ""Shaaa even mhamha was surprised pandavaudza pavafona ndoo chinhu chandatanga kuvaudza,but iye ahasisiri comfortable,nokuti tete vave kumuitira mamoods but anga achitaura chokwadi hake,yes shaa I know kuti kumba ndoo kunosvikira munhu wese apinda mutown,but zvimwe zvacho zvinonyanya ufunge hako,ini ndave munhu akura ini 22 shaa ndakazvichengetedza wani, inga vezera rangu vakaroorwa kare ""pandakadaro Andy akagadzika bucket pasi ndokunditarisa '"you are right Alone, kumba kwenyu zvinonyanya yes muri vana asi munodawo space asi kumba kwenyu hazviko every week munogara mune vayenzi kwete ve two days asi vemwedzi wese even vabereki venyu vasipo"" ""Image shaa ingadai mhamha varipo better,anyway ndakanzwa uchiti wave kuda kudzokera saka kuno kwaMurare unodzoka rinhi""pandakadaro Andy akasimuka ndokumira akandibata muchiuno ""moyo wangu uri kutorwadza kukuudza kuti ndodzokera mangwana, but this time ndoda ku manager zvinhu zvangu ndinofanirwa kudzoka kuno ndichikuona every weekend nokuti ndinogona kunoshandira kuKaranda in two months time""pakadaro Andy moyo wangu wakarwadza kuita sekunge akange atoenda kure neni nechekare,ndakamutarisa mumaziso misodzi ndokuyangarara apa ini ndaisada kuti azvione kuti ndoo zviri kuitika kwandiri,nguva yandakatarisa pasi musodzi wakabva wanowira pamusoro pegumbo rake apa ayive akapfeka mapush akabva anditarisa"" Apa uri kuchemei apa babe,inga ndiri kuti evry weekend tinenge tiri tese wani""yes akange adaro hake asi ini mumoyo mangu ndaiona mashoko evangu vose ava achizadzisika zvishoma nezvishoma""noo handisi ku""pandakadaro akabva asimudza face yangu ndokupukuta misodzi yese achibva andikisa pa forehead "" i will always be on your side, right here""akabva abata pachest changu ndokupihwa hug,but still pain haina kubuda mandiri akabvisa t-shirts yaive akapfeka ndokupeta achibva agadzika mumusoro mangu ndokusimudza bucket achiisa padenga, handina kutozomira ndakabva ndafamba asi pandakacheuka anga akamira akanditarisa,pandakapinda mu gedhi ndoo paakamhanya ndokuenda kumba kwavo,pamba paive nerunyarara I checked marooms ose ndokuona musina vanhu even muroom mairara tete,ndakatoshaya kuti vanhu varikupi,pandakatenderera kuseri kwaive nezumbu rehuku ndoo pandakaona tete naShollom vachibatsirana kuundura huku,pamba pedu taiita zvekuchengeta huku ma boiler's soo pandakaona vachiundura huku ndakatofunga kuti mybe yakange yarwara"" asi dzatanga futi kufa kani"" pandakadaro tete vakaseka uyu zinyerere akabva asimuka nedish raive neminhenga ndokunorasa "" hezvo Alone kureva kuti huku yarwara ndoo inofanirwa kufa here,mhamha vako nadaddy vafona anzi vachangosimuka kuKatiyo izvozvi, ndatoti nekunetsa kwamai vako kuye pork havangadyi"" pakadaro tete hana yangu yakarova apa mai vangu vaive vakazvitakura,ndakatovhunduka chaiko kushaya kuti chiii,ndokutomhanya kutoilet kunochaya zvandakatoshaya kuti chiii uku hana ichirova zvakanyanya"" zvokuti pandakadzoka paive natete moyo wangu hauna kuve nemufaro ndakatarisa paive nezuva pacho ndokubaya foni yatete ndokuona dzave kuma four, ndakaita kakuvhunduka soo "" aaah Shallom ko dzatove 20 past four mwana asina kunotorwa madam vacho nezuro vakapopota tiri kunonoka kunotora mwana"" pandakadaro, ko Shallom ayisada zvee nemuromo wake, nguva iyoyo akabva azvitarisa ndokunditarisa,ko ini ndaive ndakajaira munhu wangu kaa, ipo akange atopedza neni, handina kutaura ndakangopinda mumba handizive kuti chii chakaitawo nditore hembe yaAndy ndipfeke hamheno, ndakangotora pasofa payaive ndokupfeka ndichibva ndaenda kuchikoro kwaSusan,ndakatopinda ndokutora mwana ndokubuda zvakanaka ndave kufamba kuenda kumba ndoo dhuma dhuma namai vaAndy ndakaita kudedera nokuti ndaivatya chaiko"" maswera sei"" ndakadaro ndichitofamba kuenda semunhu wandaiziva asingandide hake, vakadairira pasi asi tichangopesana ndakanzwa "" mirapo iweee , hambe ndeye mwana wangu kaiyi,yaanga akapfeka hezvo manga muri mese zvenyu"" munoziva ndaive nemwana asi ndakanyara kana madairiro chaiwo ndakamashaya ndokungozvitarisa apa ndaive ndakabata bag remwana mumaoko"" kanganiko ndichikuudza kuti uri kutambisa nguva Alone, wanyorera rungani nhai mwanangu uri kumbodeiko pamwana wangu chawavavarira kudaro,ndingaudza vanhu here kuti ndine muroora dofo sewe, Givemore ndi lawyer mwanangu,uye mukadzi wake ndidoctor,Andy ndi Doctor ko iwe uri chiiii,muchengeti wehuku,heeee hure reraini rino"" handina kuvadaira ndakatarisa pasi ndokunzwa hasha misodzi yangu ndokuyerera"" sisi handei kumba"" kakadaro kamuni'nina kangu kakandibata ruoko nguva iyiyo ndakaita zvekudhonzwa hembe iyoyo ndokuzunzwa zunzwa ichibviswa zvokuti pandaive pacho pakatozara vanhu munongoziva kahunhu kemu location soo hamheno zvazvaive, handina kuda kuita nharo nehembe iyoyo ndakaibvisa zviye zvekuti vanhu vasaramba vachizara apa mungoziva zvinoita vanhu tuma video twakabva twatanga kutotorwa ipapo, ndakangoti kubvisa hembe iyoyo ndichivatambidza ndakabva ndatofamba kuenda kumba, ivo vakasara ndokubvarura bvarura hembe iyiyo, handina kana kutozocheuka nekunyara misodzi yongo yerera kusvika ndasvika kumba ndakarwadziwa zvakanyanya, ndakamboda kusendera Andy message asi hasha chaidzo dzakandikurira ndokuzvivharira door,ndakaita nguva ndirimo ndichichema hapana kana akazviona ndakatozobuda imomo ndichienda kunogeza ndave kudzoka kunogeza ndoo pandakaona message from Andy✉️""am trying to call you but phone yako haisi kuita am truly sorry nezvaitwa namhamha ndaona vedio rako pafacebook izvozvi"" ndichiona message yake ndakangorwadziwa soo and zvose zvaigara zvichitaurwa nevanhu musi uyu ndakaona chiri chokwadi pana Andy ndaitambisa nguva yangu handina chandaifira,"" nguva iyoyo ndakabva ndadzima foni yangu nokuti ndaitoziva kuti ayisapedza kunguva asina kufona, musi uyu hamheno zvazvaingove soo ndakawacha uniform yemwana but zvakaita sekunge ndawacha maziwasheni chaiwo apa chainakidza yakange isina kunyatsochena, handina kuzvitarisa ini asi ndakayanika yakadaro ave manheru sadza rakabikwa hapana akadya, munhu wese akangotsunya ndokutosiya rakadaro nehuku iyoyo"" nhai tete mazombonzwa here kuti vana mhamha vave kupi"" ."" Haa foni dzavo vese dziri kuramba sezvo kune makomo pamwe dzichaita,""takasvika pakunorara vasina kumbofona pasina ayiziva kuti vave kupi, apa ini foni yangu yakadzima,handina kurara musi uyu zviye zvekungoshaya hope uchishaya kuti chiii, zvekuti nguva yandakabatwa nehope ndakaita hope dziya dzemadzikirira dzekupepuka zuva razara mumba apa munhu wese akarara, handina wandakamutsa asi kuti ndakamuka ndokugadzirira mwana ndichibva ndatobuda naye kumuperekedza, vanhu vainditarisa zvakanyanya muroad, ndokumiswa nevamwe mai ndokunditi"" usazvidya moyo Alone uku kutori kupenga kwamwi Give uku, kupenga chaiko,hazvikutadzise kudanana naAndy chakakosha kudiwa kudanana.kwenyu ivo vakadzidza here"" handina kutodaira ndakangoseka ndichienda kwandaienda, ndave kusvika pagedhi rechikoro ndakanzwa mhere kugotsi kwangu, hana yangu yakatsemura ndokucheuka kutarisa kumashure ndinzwe pabuda mhere paive nechee..... . Stay tuned *Endai kuchannel kwavo nokuti muno handichaise zvee book iri* Mhamha vaIshe 💖
👍 🙏 😂 ❤️ 😢 😮 12

Comments