MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 28, 2025 at 10:26 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L
Link re channel☝️☝️☝️
📱📱0786559002
THE DARK LIFE 🌑🌑
CHAPTER 11
Laika
"Hapana akazoenda kushop ummm nyama dzanga dzarwadza takadzoka kumba zvedu apa Tanga takunyara zvisingaite asi chekuita panga pasina apa ini hembe yangu yanga yaita kakubvarukira kumusana uku hameno kuti yanga yasangana nei aah zviro zvacho veduwee but haa ini ndichaenda ku gym zvangu kungoti kuno kumusha hakuna kwatinoiwana gym asi ndikangosvika pairi chete haa achandiguta iyeyu.
"Asi dad kaa Tarisai ndiye Ari kukonzeresa zvese izvi ko wadii zvako kuti aende kumba kwavo handiti wakuda ini here Saka no need nekuti vana vacho vauri kuchemera ndinogona kukuzvarira kana 10 chaiwo Saka musiye aende uyu,Paida said.
"Munoziva ndakambooma mate mukanwa nekuti mashoko ake ndanga ndisina kumbomatarisira Mufunge henyu hongu ndanga ndakuda paida but zvekuti Tarisai aende haa noo aah kuti azodzoka achidanana nemukomama wake uya haihwa bodo ini ndiri munhu ane godo Saka achagara pano kunyangwe ndisichamude Saka ndakabva ndamupindura kuti"
"Haa kuenda Ari kuenda zvake asi Rega ndimbomira ambotange azvara ndoda kuti asiye mwana wangu handiti unogona kuchengeta mwana mucheche,I said iye ndokuti Haa ini mwana wemunhu handibate xaa kunyangwe ndichikuda zvakadii haa mwana wemunhu noo,she said ndikati ukuti mwana wemunhu haubate Seiko handiti mwana waaakasenga mwana wangu here Saka iwe kana uchindida chii chinokutadzisa,I said.
"Let's change topic nekuti tichazotonetsana nenyaya isina kana basa apa ko uri kuenda kunondibvisira Mari riini Shamwari,she said ndikabva ndati"
"xaa ngatimbounganidza Mari yacho tozoona kuti todii usangofunga zvemari kaa iwe,I said nekuti ndanga ndatobhoekana kare.
"Takaswera pamba boe mhamha vanga vasiri kana kumbotaura nesu I tried kuita zvimajokes asi hazvina kushanda"
" Nelson zviri kunetsa pano ini zvekuzonzi ndinoshusha aiwa noo ini mukadzi wako handikwanise kugara Naye nekuti mukanwa make makafumuka Saka zvirinane kuti musuduruke zvenyu pano unomuvakira kaimba kake kumunda uko nekuti ini hangu handina mangwana ndinozorova munhu manje kana munhu akatanga anopenga,
"mom said ndikabva ndaramba hangu ndakanyarara.
'Days passed tichigara pamhamha ipapo paida ndakatombomuudza kuti kana achindida atomboita zvake munhu kwaye nekuti ini zvekudzingwa pamba ndisati ndaane plan ndaisada.
"Kushop Ndaienda zvangu asi ndaiona hangu kuti Tarisai anga akuita kakunditya uye anga adzikira zvisingaite kadumbu ndiko kanga kangokura zvako apa mwedzi yake ndanga ndisichanyatse kuiziva Saka ndakaona kuti zvirinane ndirovere moyo padombo ndibvunze"
"Ko nhai Tarisai mimba yako ine mwedzi mingani Koo iyi hausakuda kuzvara here iwe,I said iye ndokubva ati"
"Aah dzinenge dzava 8 months,she said ndikati uri kutoita zvekufungidzira zvako.
"Ndakatengesa zvangu boe boe asi Tarisai chiso chake changa chisina mufaro aingofinyama finyama semunhu Ari kurwadziwa Soo asi handina kuda kumboita hanya nazvo nekuti ndakafunga kuti maybe Ari kuda kuyema zvake kuitira kuti ndisaenda kumba kune mukadzi wangu.
"Nguva yekuti ndivhare shop yakakwana munhu achingoshanyarika shanyarika asi handina kumbozvicheuka nekuti munhu mutema ane mazano Saka ndakabva ndamuti"
'Xaa ini ndakuenda nguva dzekuvhura shop dzapfuura I think mutemo wepano unouziva,I said iye ndokubva ati"
"Bamunini Nero miraipo,she said ndikabva ndamira padoor iye ndokubva asimuka ask aitoita zvekuzvimanikidza"
"Bamunini Nero ndiri kurwadziwa Mufunge I don't know zviri kuita mudumbu mangu umu kubva zuro maingorwadza nepasi peguvhu pa paicheka Cheka ,she said ndikabva ndatoona kuti mazano ekuda kuti ndisaende Saka ndakabva ndati"Saka uda kuti ndidii manje.
"Kungotaurawo zvangu endai zvenyu,she said asi maziso ake anga akuda kuyerera misodzi Saka ini ndakabva ndatobuda kuenda kumba asi Hana yangu yaingoita kakurova rova Soo nekuti Tarisai kubva ndichitanga kumuziva haana kumbobvira aita ka serious kakadaro.
"Ndichisvika kumba ndakabva ndagara zvangu mukitchen makoti vachibika zvavo"Iwe Nero mukadzi wako Ari sei iwe ,mom said ndikati Ari right uyu mhamha,"
"Hoo iwewe kaa uchandinyadzisa chete iwewe,she said ndikati Mhamha ko indawa ndatadza papi manje"
"Uri kuzviziva here kuti mukadzi wako asvikana anytime anogona kutozvara Saka wakatenga kana socks zvaro here iwewe,she said ndikati ndichagadzirisa mhamha.
"Plus mukadzi wako imhandatsva Saka anofanirwa kuenda kunozvarira kuhospital Saka pari kudiwa Mari ,she said ndikati Mhamha hazvisichina basa izvi nower days manzwa here munhu anotozvarira kana seri kwedoor chaiko ko mapostori anoita sei musada kungotambisa Mari zvisina basa imi,I said ivo ndokuti Hoo kutambisa Mari kaa uchazoona hako kuti hauna kungwara baa kana zvinhu zvazomuka zvakashata.
"Kuchiedza mhamha wakamukira kushop vachida kuenda kunoona Tarisai asi Havana kumbogarisa vakabva vati"
"Nero mukadzi wako Ari kurwadziwa nenyoka dzekuda kuzvara hameno kuti wakambozvionawo here and Ari kuratidza kuti atowa nemazuva achirwadziwa asi maonero angu kubusstop chaiko haachasvike Saka zvirinane udzike kumashops mahombe ekuzasi uko unotarisa preparation ini Rega ndidzike Naye Kuna mbuya vanozvarisa uko asi zvaunoita hazvina kumbonaka Nero,she said ndikanyarara zvangu.
"Apa ndanga ndisina kana kumbotengwa preparation aah zvinhu zvacho veduwee ndakaenda kunochinja hembe dzirinane ndokutotora zvangu Mari yangu yakati wande nekuti ndanga ndiri kuda kubva ndanohodha zvinhu zvekushop.
"Ndichisvika ndakasvika kuchinzi bakery rechingwa richauya masikati Saka ndakaona kuti kumbotenga future yanga yataurwa kwakumbodzoka kumba kwakuzodzoka futi kuchingwa haa ndakaona kuti kutozvishandisa Saka ndakabva ndangomirira zvangu Bakery racho kuti ndifambe ka1.
"Nguva dzava Kuma 11 ndakaona Zack achipinda muimwe shop achiratidza kuti abva kumba achimhanya nekuti ziya ranga richiyerera Saka ndakasimuka pandanga ndakamirira bakery paya ndichida kuenda kundinzwa kuti indawa anga achimhanya kudaro ndakasvika Ari kubvunza mitengo yefuture yemwana akabva audzwa ndokuona akutobhadhara Mari yacho Saka ndakabva ndamuti"
"Zack ko indawa,pandakadaro akaratidza kuvhunduka nekuti aisatarisira kundiona akabva ati"
"Nero kaa kana uri kufunga kuti uri kugona kaa you are going to regret soon.
'Unechokwadi kuti uri kukoshesa chingwa chekushop Chokwadi usingakoshesi mukadzi wako nemwana handikushori zvangu but soon tichabvunzana,he said ndikabva ndatopererwa zvangu Saka ndakabva ndangotarisa zvangu nekuti ndanga ndakutya kutukwa kaa.
"Ko cotton imarii ndipei hombe racho iro,he said akabva apihwa cotton re$10.Pazvinhu zvandakaongorora hangu semunhu aibiridzira ndakaona chari itsva nema napes nematrack suit maviri.
"Handina kuzopedza kutarisa nekuti bakery randanga ndakamirira rakabva rasvika ndikatoenda zvangu kungobhadhara chingwa changu ndokubva ndatotanga kukwira handiti preparation yanga yatengwa here.
"Ndakatanga kufamba nekuti ndaisada kubatwa na Zack nekuti zvemashoko ndanga ndisiri kuda hangu Saka ndakamutiza.
"Haa ndakafamba kani kusvikira tasvika ku area kwedu asi ndainetseka kuti vanhu vainditarisa kamwe kamutarisiro Soo kuita sekuti ndakatakura dhodho.
"Pateam rangu rese raisofara neni hapana munhu akambondimhoresa Saka ini ndakangonyararawo nekuti reaction yavo yakatondishamisawo apa Hana yangu yanga yakuchirova manje.
"Ndakasvika mushop Paida ndiye anga Ariko ndikamubvunza kuti "Ko mhomz aripi"kubva paya haasati adzoka uyu,she said asi aiita kakuhwandisa chiso chake kuita sekuti anga asiri kuda kusanganidzana neni maziso ndikabva ndangosiyana nazvo.
"Ndakadzika kwanga kwaendwa kwacho asi ndisina kure kwandanga ndaenda ndakaona vana mhamha vachikwira kuuya kumba.
" Mukadzi wacho ndiye anga akabata mwana Saka ini nenyadzi ndakabva ndahwanda hangu nekuti ndaida kuti vatange vapfuura ini ndozotevera Mumashure mavo apa mwana wacho anga akafukidzwa chichari chakaboka boka.
"Vakapfuura kudayi ndakabva ndatevera Mumashure ivo vachipinda Mumba iniwo ndokupinda Mumba asi pachiso chake Tarisai handina kuona mufaro asi ndakangofunga kuti maybe inyaya yekuti akanditsamwira.
"Makadiiko mbuya maitabasa mabatsiridza mukadzi wangu,I said asi ndaiita kunyara veduwee mbuya wacho wakangodairira nepasi pasi ndikatonetseka kuti asi naiwowo wanga watotsamwira nyaya dzekumba kwedu here,pasina time Zack akabva asvika mhamha vakabva vati"
"Mwanangu ndinokutenda nerudo rwako Dai uri iwe zvako wakaroora Tarisai pamwe zvese izvi kunodai kusina, mhamha said misodzi yavo ichiyerera Zack akabva ati"Ko indawa mhamha.
"Mwana ashaya Zack haaimborarama nekuti anga akatsva Divi rese iri Mai wacho wakakwira b.p wakashayawo murume ane rudo aifanirwa kuonawo kuti amuka sei kana kuti arara sei.
"Ungati Mwana wacho airarama hr neshura rake raakaita rekuunzira Mwana akadai mukadzi wepiri.
" Saka mwana akatsva ne b.p kana wakashinga huya uone .
"Muzukuru wangu aisambotadza zvake kufa nekuti anga asina baba,mom said Tarisai akabva atanga kuchema zvaitoratidza kuti anga asiri kutozviziva kuti mwana ashaya.
"Munoziva ndakanzwa kutsva Soo kunzwa kunge zimusoro rangu rakurisa dziri nyadzi"
"Ndakakuudza iwewe Nero kuti zvauri kuita izvi unazozvipedza chionai manje zvaitika ndiri kutoshaya kuziva kuti mwana uyu waimuvengerei kusvika pakutadza kumira Naye kudayi.
"Handiti kumba kwavo unokuziva here enda unoudza vabereki vacho kuti ndizvo zvaitika nekuti mwana uyu haafusirwe vana sekuru vacho vasiri kuziva,mom said.
"Munoziva ndakarohwa nehana nekuti nyaya yacho yanga yakora muto apa vabereki vake ndanga ndisingavazive ndaida kumbosvika ndichiti chii Saka ndakabva ndati "
"Zack ndiperekedzewo"Mukoma imbondisiyai handiti maikoshesa mukadzi wenyu uyu muchitadza kubata maiguru zvakanaka zvakazokonzera kuti vakwire b.p kudayi haa ini pangu ndambozama endai mega ini handipo.
"Ndakabva ndamuti"Zack ndokubhadhara hangu ndiperekedzewo kani"
Xaa pamwe paunoda kushandisa Mari hapasiripo xaa idya Mari yako handisi kuda Mari yako ini.
End of chapter 11
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
753