Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
February 18, 2025 at 06:42 PM
39 &40 https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20 🌇*SARAFINA THE POOR SOUL*🧗🏻‍♀️ Written BY MAI ZIMUNYA Aka Mai tee) 📲+263782122093 *AAP*🚦+263 78 825 9214 https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page Chapter 39 JAMAL Ndakatora all my other savings andaiva nawo ndokugadzirira kunoroora hangasa yangu .Monica ndaimuda zvikuru kunyanya tsinga yake yandakadambura ,hapana murume asingadi mhandara imi .Kuuya KwaLionna pamba kwakandisiya nemibvunzo yakanyanya ko mapapers aiva amatora sei zvekunogadzirisa muchivande?yes mudhara vaiva vanyora will yaingonzi ina lawyer asi yaisabuda.Zvino ndikanoroora Monica nemari yangu yese ko imwe ndozoiwanepi no it must be a joke ndichadzoka chete ndichinyatsoona.. Her:ko dady mukufungei? Me:ah kupiko I can’t wait to have you babe i love u sweety Her:I love u more hunny ko chimukadzi chirikumba uko ndechipi nhai dady?handichachide pamba ipapo hanty makati imba ndeyenyu arikunyepa ka ?who is she kuuya nekutonga pamba pangu that house is yours babe same to me it’s mine .Ndini ndinotonga mira hako uone ndichidzoka Eish ndakamboda kuonesa umwe wangu asi uuu waitova moto unobvira chaiwo ndakazongobvumira hangu kusvika tasvika.Ko imo muroad macho ndainzwa nekumiswa kani ndichitengeswa zvinhu takazosvika hedu ndokupinzwa mumusha vakuwasha.Ndakasvika baba vaMona vakatotakura zvavo zvirauro zvavo vachida kubuda ndakavakwazisa asi vakarambisisa zvachose vaiita kuvava kani zvekuti ndainge ndonyara .Pakarepo Mai vacho vakabva vabuda mukitchen mavaiva Her:iwe ka aka kushusha apa inyope pano panonzi pamadhuve pano ndini ndinotonga wazvinzwa !kana usingadi pfuma yemwana wangu regera ndini ndakagomera ndini ndinoziva .Mimba yakagara haitauri chayadya uye nekwayadya saka usatombondisembura zvako .Vakwasha vangu ndivava uye ndichatambira mari yacho inini ndega mbune! Baba:Baba vangu hungwe imiii madzimbahwee saka unorevei kana uchidaro.Unoreva here kuti Monica haasi wangu ?kana kuti vana vese zvavo ? Her:usandiisa mashoko mukanwa sandiwe here urikuramba mwana wako pachena?woda ndikumanikidze here ?wagara hauna chawakaita ndini ndaibinduka kushanda ndichiendesa vana kuchikoro enda dutye remunhu.Ndinoidya yose zvangu mwana wamuera mbizi Baba:murume uyu pada wakanganwa murume uyu murume waSarafina ,vanova zve mai kuna Monica ?zvino chindiudza mwana akaita seiko anorara nemurume wamai ?oda kupinda pachipari namai?kana iye murume wacho kukati dzakati kwesere?aiwa ini oh ndasumudza maoko handitambiri kana cent .YaSarafina wakadya wega!iyizve wakudya wega!ichati yokuzvimbira mari iyoyo ini ndiripo pakuona chete funga kaviri mukadzi wangu zvino gadzirisa ka izvi let this pharaoh go !!! Eish kadhara aka kaitsvinya kani kakatanga kufamba kachitonovedza zvako .Ambhuya vacho vakanyanya manje takabva tapinzwa mumba zvidau dau zvese Hapana kana protocol yatakaita vakangoti isai mari yangu apa . Her:imarii iyi ? Me:i 15 000 Her: ndomadhora e Amerika ka ese here ? Me:hongu amai ! Her:okay mozouya nemombe dzangu ndinoda dzinotsika Monica :mama! Her:Ehe ka ko chii urimwana wangu ndinotaura ka zvandinoda ndatosiirira imwe ndinoda yechimanda futi 🐄..Hanty watoshata here iwe unoti handione ?imimi zvatopera soo tatova pakufara asi hamungadzokeri motorara zvababa venyu vachajaira havo .Rega ndinotsvaga kahuku pamhiri apo ko arisei ko wekugadhiwa nezvikwambo uyu ndakanzwa wakarema ka kuti mwana here iyeye kana kuti akasenga shato chaiyo . Monica :kkkkkk mama ava soo wait and see mamma I will give mukwasha wenyu a bouncing baby boy !! Vakadaro vachiseka zvavo vachikotama zvavo kuenda ndakasara naMonica hangu mukitchen pfungwa dzangu dzainge dzopishana ini .Mari yangu yaiva yaendera mahara chokwadi ko ndikasvika Lionna akachaja zvake .Haaa maone apa monica wo wacho ndainge ndakunzwa hana yangu kurova ini ndainyatsonzwa kuti iyi ndiyo wrong turn chaiyo yandaiva ndatora iyi .Asika aiva virgin rakanaka.Ambhuya vakazouya havo ndokubikirwa hedu tichidya sezvo zuva raiva rarereka takabva tanovata hedu husiku uhwu handina kurara pamba apa pairema chaiko ndakabuda panze zvangu ko taimbotya here isu ndaitonzwa hangu wiwi ndakatenderera paseri pemba ndiye dhuma dhuma na Ambhuya. Me:eish I’m so sorry Her:silent Me:ko murikuitei husiku hwakadai panze?oh kkk manga mapresswa wo . Ndakadaro ndichiswedera padyo padyo chaipo. LIAM Munzira mese ndaingonyemwerera nezvandaiva ndaitirwa na Finna eish akomana mwana huchi musuga zvake uyu .Zvino zvandanyatsonzwa kudai ndichagona kugara here veduwee .Ndakasvika pamba ndokupaka ndichipinda mukati ndakasvika Sarah akatogara hake pasofa.akasumuka achindimhanyira asi akazomira paakaona ndine mwana ndakaona voramba vakatarisana nataku Sarah:who is this ? Me:oh it’s my son I adopted him! Sarah:you did what ?huh?how dare u ?shuwa ndisati ndambozvara wakutoda mwana wangu aite second born wanotenga mwana shuwa ko wandakasenga wamushorei ?manje panomwana uyu haagari pano ! Me:ndakatoneta hangu ini mai azuka zvedrama nhasi no this is my Son wether you like it or not .Achaenda kuschool kwa gogo I will visit him there cz newe ndingaone aisirwa wemakonzo Her:ende pamuromo unapo ndingauraya kanhu kakadai nhai ndinowanei?my point is I’m your wife now so haungoiti zvinhu without my approval as ur wife .if u keep on behaving this way I will tell my dad about this ! Ummm no ndaifanirwa kufunga fast apa ndaisada kubhururutsa shiri yangu .Sarah ndiye ega aiva neaccess kumapepa andaida .Ndaifanira kutoplayer nice chaiko ndakaswedera padyo naye and I hugged her from behind. Me:no babe you know that I love u so very much i want this to work between us ok?ndiwe mai vevana vangu and believe me vana vako ndovachatova my frst priority ..mwana uyu anga achitambudzika so I just helped him pliz bear wth me ok .i love you babe come here Ndakadaro ndichimukisa Her:ummm ko muromo wako urikuvavei?apa une awful smell chaiyo wauchiiteiko ? Hey ndakasvoda akomana ndakaramba ndakangomutarisa achitaura kkkk aya dai aiziva haya aifenda shame Stay tuned 40🌇*SARAFINA THE POOR SOUL*🧗🏻‍♀️ Written BY MAI ZIMUNYA Aka Mai tee) 📲+263782122093 *AAP*🚦+263 78 825 9214 https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page Chapter 40 NARRATION Hoyo wadzoka ka muzukuru !!!ewoo svika hako madhuve mambizi !!zvino nhasi ndokuitireiko nemoyo sviba wako uyu?wadireiko kuparadza chawakavaka wega?maihwii zvino ndokudiiko?ko Zimhandara riya wakazodii?ko wadii ko Wasiira matenga nhai madhuve?zvinematenga mukati unorwisireiko ? Vakadaro zvavo mbuya vachitaura namadhuve uyo aiva achangosvika asi munhu wacho ainge atouya akachaja zvake kana chimwe chaainge aisa mumusoro.Sezvo wainge wanzwa nezvemarooro emhandara yake ainge oda mukwasha anemari uyu ave wake ega .Zvekuti aiva murume wemuzukuru wake zvinaaniko waiona?veduwee nyika imemazino iyi zvino mbuya Mudya vaikuudza mashoko asi havairega zvekare kukupa zvawafambira kana ukaita nharo.Madhuve akarambisisa aingoda chete kamushonga kaiva afambira .mbuya vakasumuka ndokufamba vachinoisa rwoko muhari vakabuditsa kamudzi nezvimwewo ndokuuya vachigashidza madhuve .. Mbuya :Oh tora uyu unofuridzirwa kuchiso chemurume wacho kamudzi aka unokacherera paseri pemba iyo yavacharara husiku hwose woona kuti zvese izvi waita usingawonekwi!akangokuona chete ariiye haazoona umwe mukadzi kunze kwako !uyu wekufuridzura wonopa mwana wako afuridzire.tanzwanana ?ndapota mukwasha ngaasakuona kana wocherera kamudzi aka .!Usaonekwa ndapamhidza zve ,asi ini ndinoti kwauri deno wasiyana nazvo hakuna akacherera kamuti aka akazokunda.Kana wazvikwanisa ndiwe unenge uri wekutanga .. Vakadaro zvekare ambuya ndokuramba ndakabata mishonga iya ndakamboda kusiya asi ndakafunga muvengero wandaiva ndakaita Sarafina ndikanzwa hushingi chaihwo aifanirwa kuenda chaiko mwana wangu asare pamba .Ndakasvika hangu ndokugadzirira vaenzi vangu nenguva isipi vaiva vatosvika.Dai ndakaziva hangu ndakateerera mashoko ambuya mudya ... JAMAL Monica :ah dady ko hamutye shuwa ?ko mamuchiri kuitei? Akadaro Monica achindibvunza zvake ndakaramba ndakamutarisa chiso chake ndikanzwa hana yangu ichirova ini .Ndaida kubuda hangu asi semurume ndakangoshinga husiku uhwu handina kurara ndichifunga raramo yangu kwayaienda chaiko ndikanzwa moyo wangu uchindiudza imwe nyaya.Kuseni takamuka hedu ndokugadzirira zvedu todzokera Harare .Vatezvara ngoma ndiyo ndiyo vaiva vakangofundumwa zvavo kana kutaura ndakamutsa mota ndiye tande takadzokera kumba munzira mese monica aingotaura handina kana chimwe chandakadavira ini .Ndakati ndonopinda mutara ndikanzwa moyo wangu uchindirambira ini ndakangoona ndatsika mabreak Her:ko chii nhai moda kundiroveresa here nhai?ko murikungomira hanzii? Me:silent Her:ko chii ko futi ?wats happening Me:I think it’s a good idea titore mama timboenda navo kuchirungu dont u think sooo? Her:oh my God wow babe I’m so happy right now !but kumba kunasarafinna ka vanozodii Me:that one is not my headache babe .Sarafina is a grown up woman handinei naye ini treat her wat ever way u want she’s not my portion of soup any more . Ndakadaro ndichipisa mafuta ndakadzokera kumba my mind was criticising my heart but what can conquer matters of the heart .? SARAFINA Aunty vakafara chaizvo nekuchinja kwandaiva ndaita mapills husiku uhwu neniwo ndakarara sekacheche chaiko .Ndainzwa kuneta chaiko nezvandaiva ndaitwa na liam apa handina kuzombogeza nhai kutonzwa nungo chaiko pakarepo ndakanzwa nock padoor rangu ndokufamba ndichinovhura. Me:ah Tete madzoka? Lionna:yes I’m back ,ko watorara? Me:hongu Her:ko mwana aripi? Me:atorwa nehama dzake uyu ndichazotaura navo ndopota ndichinomuona Her:haaa shame apa I’m going back tomorrow morning.i wanted to say good bye to him hes such a sweet child Me:ah ko makuendepi nhai ?ko ndinozvigona here nhai Tete munoona mashura arikuita hanzvadzi yenyu. Her:kkk I wish I had one anyway u have my number all I can say is be very careful .i have a lot to attend to if u need anything pliz call me ok?i will always be there whenever u need help i need to preapare something . Me:wait antie pliz I need ur help Her:oh okay wat is it Me:ok aunty keeps saying a name called peggy !do u know who is she ?i min where I can find her she really needs to see her maybe ihama yavo hameno Ndakaona munhu oramba akanditarisa chaiko maziso aiva aita kutsvuka chai ko asi haana kana word rakataura kana one .Akafamba ndokupfugama pamberi pangu ndokuramba akanditarisa mumaziso chaimo .Ndaiva ndava uncomfortable ini ..akangozevezera mashoko mashomanana ndokuti Her:who are you ? Me :huh? Her:kkkkk wakatarisa imba ino yese wat do u see ?wat do you have in mind ? Me:silent Her:well me I see Blood,tears and betrayal ...so can u keep on searching fr something u don’t know ?if so be careful cz u don’t know wat is behind you !!! Akadaro achitobuda kuenda hake husiku Uhwu handina kana kumbodziti chese ndaiti ndikafunga mashoko alionna ndainzwa hana kurova ini .kuseni ndakamukira kuroom kwaunty but I saw the biggest shock of my life ..... End of the chapter Chii chaonekwa nasarafinna Chii chaitika kuna jamal ? Ambhuya vachauya pamusha apa zvichafamba sei ? Sarafinna achakwanisa kupihwa house number yapeggy Sei jamal afunga kunotora ambhuya?
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 5.6K

Comments