
LORRAINE STORIES🤍🤍🤍🤍
February 28, 2025 at 04:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
USATI WATANGA KUVERENGA CHINGOGARA WAITA VIEW WOTI FOLLOW FOR MORE CHAPTERS
BOOK IRI KUMBERI..
USASARE KUVERENGA NEVAMWE ,NYAYA YA KUMBIRAI ACHATIZIRA MUKOMANA ACHANGE ACHIMUITIRA HUTSINYE.
HUYAI MUNZWE KUTI ACHABUDAI SEI PA HONDO YAKATARISANA NAYO
❤️🔥KUMBIRAI ❤️🔥
STORY BY LORRAINE
READ AND SHARE
NEW BOOK
CHAPTER 7.
KUMBIRAI.
"Chinhu chandainyanyotyira pa zvese rwaiva ruoko rwangu kutofunga kuti ndakarohwa kechipiri rwaitotyoka chete.Ndichingoti fambei ndakabva ndasanganidzana naye Logan achitobuda mumba akabata plastic raiva nechikafu, hameno kuti ayiyenda naro kupi, handina kumboda kuratidza kumutsamwira ndaitomutya chaiko.
Ndakabva ndamuti..
"Waswerasei?"akati ne face yakagumbuka".
"Urikubva kupi ?"
"Ndirikubva kumba kwa mhama ndiko kwandarars ".
"Wakaudza ani kuti wakubuda".
Akadaro achitogadzika plastic raiva akabata pasi ndikamuti..
"Sorry nekungobuda ndisina kuudza".
"Kurumbidza kudzokera kwawanga uri, unogona utori kundinyepera kuti wanga uri kwa mai vako iwe wanga wayenda kuma face ako ".
"Ndogona kuvafonera mai vangu wovabvunza nezvangu ".
"Ko kana watipirana na mai vako ?"
"But ndiko kwandirikubva , handina kumwe kwandanga ndamboyenda".
"Chindibatsirawo nekudzokera kwawanga uri ".
"Kwa mai vangu kwacho kunonetsa kugara nenyaya yemurume wavo".
"Hanty urikuwona kuti zvese zvaurikutaura ndezvekunyepa".
Ndaiva ndakuda kumudaira achibva andizora zimbama rakanyatsondirwadza asi handina kumbochema ndakangobata dama rangu ndikamuti...
"Kana usisandide Logan better kundibudira pachena panekundirova kwaunondiita.Marimwe zuro ayo wakabva kundiminyura ruoko rwangu ukandirova, apa futi wandirova ndichikuudza chokwadii kuti ndirikubva kwa mai vangu, unoti dai ndaida zvekuhura ungadai wakandiwona ndirimusikana?"
"Mazwano kwane ma herbs ekudzosa humhandara, saka hapana chaurikumbondiudza, zvako handichada better udzokere kumusha kwenyu."
"Handina mari ye bhazi yandokupa , yandakatokusendera Uri kumusha yakakwana yakadaro.
Munhu wakayenda kunowona nezuro ndiye achakupa mari yekuyenda kumusha kwenyu".
"Moyo wako uyu wakazowuwanepi Logan, inga paya ndirikumusha taitaura tese tichinzwanana, nhasi uno chii chaipa.asi ndakashata kani, ndinokushoresa pa vanhu,, chimbondiudza kuti wandivengerei pamwe ndingakukumbire sorry ukandiregerera".
"Zvese zviripauri zvakangoshata hapana kana chinoyemurika pauri.
Ita tone udzokere kwawanga uri .
Ma door angu ndatokiya".
"Handina kwekudzokera asi ukandipa mari ye bhazi ndinoyenda zvangu kumusha."
"Mari yangu handikupe, unogona kundiroya ndakatadza kuyibata futi, mangwana pandirijudzoka pano
Ndoda kuwana usisipo , tirikunzwanana".
"Dai wandipa mari ye bhazi hawaimbondiwana ndiripano mangwana acho ".
"Udza muface wako akupe mari, ini handina mari yekutambisa kupa iwe, ndichitadza kunopa mai vangu kuti vatenge chikafu."
"Ma face angu api ?"
"Ndingamaziva ".
Akadaro achitosimudza plastic riya. achibva atoyenda, ndakangosara ndakamira ndichitonzwa kuda kuridza zimhere chairo, handaimboziva kuti hupenyu huchandiomera kusvika pa stage iyi.ndakachema-zviye zvekuchema ndakangomira ndichitofunga kuti nhasi wacho ndairara pai, sezvo door raive rasiwa ra kiwa,, raisamboita kugujunura.
Ndakazopedzisira ndafamba kuyenda kunogara pavheranda panova pandakatanga kufunga kuti kumusha kwacho ndaikuyenda nei, ndikawona zvirinani kukumbira mwana wa mai vangu mari haimbotadza kundibatsira.
Ndichitobatidza data rangu ndakafara ndichiwona Tamuka ari online ndichibva ndamuisira message yekumukumbira mari,akandipindura ne message yaiva yakakura achiti"zvinhu zvakato ndiomera kuno ku joni handisi kushanda mazwano ndakangogara ndichiita zvekubatsirwa ne vanhu , kubasa kwandaishanda ndakamiswa ndirikutotsvaga basa kutaura kuno wotondinamatirawo kuti ndiri wane ndikamuti "ko madii kudzoka kuno maita zvekurima fodya zvirikuita vamwe"vakati"gore rinouya ndirikuuya kuzorima ne vamwe , baba ndakatovataurira, ko iwe urikundikumbira mari, hausi kumurume here, ndakanzwa kunzi wakatizira"
Ndakamboda kunyara kuvaudza magariro andaive ndakaita ndikawona kuti kunyara hakuna chakwaibatsira, ndichibva ndatanga kuvatsanangurira magariro acho andaita na Logan "vakati"zvirinani udzokere kumusha kana zvirikutonetsa kudaro ,amai havambotadze kukutambira"ndikati" ndikangowana mari ye bhazi ndirikuyenda mangwana chaiye" vakati" Ko mai Mufaro havana here , wambotaura navo here?"ndikavati" havambondipe nekuomera kwavakaita nezuro ndaiva kumba kwavo but havana kuratidza kundifarira zvekuti ndatobva kumba kwavo achi makuseni chaiwo ndakasurudza kunogara mu street, ndokuchizouya kuno kumba "vakati"dzimwe hama ndedzekungo deleter mu life, vanhu vanoda munhu ane mari, asi kana uchitambura kudai hapana anombokucheuka ,rega ndinzwe mashamwari angu kuti vanokwanisawo kundikweretesa here mari ,ndozovadzosera ndakushanda" ndikavati"horyt munenge muchingondiudza kuti zvakamira sei,?"vakati"pakanaka."Handina zvimwe zvandikazomboita pa app pacho, ndakabva ndadzima data rangu, ndokuisa foni yangu bag. zuva racho raiva ratodoka ndakuchinyatsonzwa kurumwa ne mosquito,ndakadzimara
ndasimuka ndokuyenda kunokumbira baba vepa gedhi chijira chekufuga vakanditi...
"Asi Logan asiya akiya door rake here?"ndikabvumira nemusoro kuti asiya a locker door rake vakati..
"Mwana uyu muroyi chaiye, saka anga achiti unorara pai?"
"Panze".
"Nekutyisa kunoita panze ungapakwanise kurara".
"Ndotongorara ko ndingadii ".
"Pinda urare mumba umu panze hapaite apa".
"Ndipei chekufuga ndorara zvangu panze".
"Handina zvandombokuita Kumbirai pinda mumba umu urare, ziva kuti husiku hwakareba".
"Ndorara zvangu ".
Ndaitotya kupinda muka one roomed kavo ,plus maitiro ayiita baba ava handaimanzwisisa ,pese pavaindiwona hameno kamutarisiro kavaindiita uye chiso chavo chaiwoneka kuti chinoda vakadzi.vakazoyenda mumba mavo vakanotora gumbezi nechingwa ne drink ndokuuya vachindipa ndichibva ndayenda kunogara kuvheranda kwaiva ne bag rangu ndokutanga kudya. ndaitonzwa zikunzara since ndaive ndisina chandambodya kubva makuseni, ndakatodya kunge munhu anopenga, handina kana kumbosiya piece chingwa mu plastic ndakatodya chese ndichibva ndasimuka kwakutora hembe dzangu mu bag mangu dzandikazotanga kuwaridza pasi ndichibva ndara ndakafuga gumbezi riya ndaimboita kakutya,-itya ndichibva ndazongobatwa ne hope ndokurara zvekuti ndakazomuka ndichiwona atovevmakuseni. kwakumuka ndichibva ndaoeta gumbezi riya ndokuyenda kunoripa varidzi vacho.vachibva vandipa sadza nemubora randikazodya ndakagara paka cottage pavo ipapo tichitaura nyaya zvekuti stress yese yandaive nayo yakambotama.
Ndichiwona one dzachaya ndakabatidza data rangu ndichi checker kuti big brother yangu yakazodii, ndakawona asina kuisa message ndichibva ndangosiyana nazvo ,handaida kumupa pressure iye ayitozvitanburira ku joni kwacho.
Ndaizongowona kuti ndodii uye ndaive ne hope yekuti Logan ayigona kudzoka achinja moyo wake.zuv rakazodoka ndagara kuvheranda kuuya ndaitotya kuti Logan ayigona kudzoka akandiwana ndichiita nyaya na baba vepa gedhi zvikawedzera kumutsamwisa, munhu wacho aiva short tempered.ndofunga ipapa ayitova ku girlfriend yake.pakazokwana 7pm
Ndopakauya Logan achibva ayenda kuno parker mota yake kwaiva ne dzimwe ,achibva aburuka akabata plastic raiva nema drinks...
Ndichitozowona akufamba kuuya kwandaiva ndakagara,ndakabva ndasimuka paya ndichitoisa zvinhu zvangu mu bag, asi Logan wacho achisvika pedyo neni haana kumbondimhoresa kana kutaura neni,akangoyenda kunokinura door rake chinyararire achibva apinda mumba, ndokutevera mumashure make kunosvika ku bedroom, ndikamuti...
"Nezuro wakasiya wa locker door rako ndakarara husiku wese panze , indava une hutsinye?"
Ipapo akangondicheka neziso akati..
"Unoda kuudzwa ne pai kuti handichakude".
"Kana usisandide ndipe mari ye bhazi ndiyende kumusha ".
"Mari yangu handimbofa ndakakupa".
"Saka pano handibve, zvandatopinda muno mumba kudai, ndichatobuda panze wayenda kubasa ."
Akabva andiridzira tsamwa !" Ndichibva ndangonyarara, kwakuyenda kunogeza.
Asi mukugeza kwandaita kwakaita kuti ndinzwe dumbu rangu kunge raive rakaomarara mukati muchiita kunge maiva ne chinhu zvekuti ndakatomboribata-bata ndichinyatsonzwa kuti iri handiro dumbu rangu remazuva ese, pfungwa dzangu dzakabva dzamhanyira kufunga kuti zvimwe ndaive ndane nhumbu, ndikanzwa hana yangu kurova ndichizvimbisa kuti handiyo pamwe kungofufutirwawo.ndichipedza kugeza ndakanochinja ndichibva ndagara pasofa.mumba macho maive musisina kutaudzana mumwe neumwe achiita mazvake-zvake, pataudzwa na mai vedu kuti marriage idzi dzinoda vakasimba taiti ma funnies. ndakatonzwa Logan akutaura nemusikana wake pafoni vachiudzana mashoko e rudo zvinova zvinhu zvakandibata mupfungwa mangu ndakatanga kuchema ndakarara zvekuti ndakatombosvika pakubatwa nepfungwa yekuti better ndife zvangu asi vadzimu vekwangu ndivo vakazondisimbisa vakati kufa kwako kuchange kuri kwenguva ya wa mwari not kufa kwekuda kwemumwe munhu.
Uye chinhu chandikazvishingisa nacho ndechekuti hakuna dambudziko rinouya permanently chinhu chese chine nguva yacho, ne rimwe ramakore ndichange ndakutaurawo history iyi..
Ndaiva ndakuti ndivate zvangu ndokunzwa ndafugunurwa gumbezi rangu na Logan achibva anditi..
"Mazwano urikutoita uchikanganwa zvaukavinga pano ,saka kuti nezvandiri izvi ndikukumbire kuita sex ".
Ndakangoita kakuseka ndokumuti..
"Munhu wausisade unodirei kuita naye sex n, wadii kungoyenda ku girlfriend yako yaizviti inonaka".
"Ukada kundiitira dzungu unoswera wamubuda mumba mangu ".
"Harisi dzungu randirikuita, but zvaurikundiita zvacho ndizvo zvirikundipa kutaura mashoko iwayo,
Unofunga kuti dai waindibata zvakanaka ndaimboramba kuita sex newe?"
"Unoda kubatwa zvakanaka kuti uri zai here,manji ndichibva kunogeza ndoda kuwana wapamubhedha apa wa ready.
Kana usirikuda kuita zvandirikutaura wobva wabva pamba pangu .
Hanty unowuziva hunhu wangu kana ndatsamwa".
Handina kumudaira, ndakamba ndiri zii akati...
"Handisikuda kudzoka ndichitaura newe nhau iyoyo ".
Akabva atoyenda mu bathroom ndokusara ndichirara ndichiti ndaizopedzerana naye apedza kugeza.
Ndaisamboda zvekurara naye ndakuto avoider nhumbu coz marriage iyi handaiwona ine kwayirikuenda.
Ndakatobva ndanyepera kurara ndakafuga musoro wangu zvekuti nguva yakazopedza Logan wacho kugeza ndakatomunzwa achifamba mu room umu,, achibva azongouya achindifugunura nekundidhonza ruoko rwangu rwainyatsoziva kuti rwakaminyuka,ndakanyatsonzwa kurwadziwa ndakachema mhere chaiyo asi iye haana kumboita basa nazvo ,chaingoda ndechekuti awane kufadza nyama yake pandiri...
Akabva andipotsera negotiate ndichichema kudaro akati..
"Bvisa hembe tone ".
"Indava usina moyo". Ndakadaro misodzi iri mokoto ne angu matamba , achibva andizora zigwati ,akati...
"Handisi shamwari yako ita zvandataura".
"Rova zvako but hembe dzangu handisi kuzobvisa wakajaidzwa stereki, urikuda kundizadza zvirwere zvako zvaunoyenda kunotora kumahure ako, ndipe mari ndiyende kumusha ."
"Haaa iwewe urikuda kutondijairira, kurova kwese kwandokuita hakunzwe"
Akadaro achipakura rimwe zimbama ndakatanga kuchemab ndichimuka.
Akapedzisira anovhomora tambo yemagetsi ,yakauya achindirova nayo achinditi bvisa hembe, ndikangoramba ondidambura nayo muviri wangu wese.
Ndakambotanga ndichashingirura .
Ndakagumisira ndadzibvisa hembe dzacho, achibva auya pamusoro pangu ndichichema nemarwadzo...
Moyo wa Logan hameno kuti waiva moyo wakaitasei,ayinyatsofemera kumeso kwangu achirara neni zvehutsinye zvekuti akazondisiya nyasi yangu yakuita kupisa, kwakuchibva andidzinga pamubhedha pake, kwakuvavarira kuyenda kunorara pasofa ndisina kupfeka chii hazvo....
Uku muviri wese waiva waita kudhinda tambo yemagetsi uchirwadza, zvoti ruoko rwangu......
Handina kumborara ndichichema zvinova zvakapedzisira zvakuita kuti m musoro wangu uteme.mazuva akafamvw ndichishushikana nemararamiro andaita.ndaigara ndichirohwa, ndakambozama kumbira baba vepa gedhi mari ye bhazi ndawona kuti nyama dzaneta nekurohwa vakabva vati havana, kudoti mai Mufaro ndipeiwo mari, vakabva vabuditsa mashoko ekuti ndodzimba dzamaida idzi, saka shinga uripo .
Kushinga kwacho ndaimbozama asi ndaisvika pakundikana,hapana zuva raidoka ndisina kudirwa mamba.
Ndaiva munhu akasimba but ndaiva ndawonda ndakuzvinzwa kuti ma skirt angu hachakwane ,ndakapedzisira ndamataka kuti akwane, hupenyu hwacho waiva wandiremera ini, uku mai vangu vainziwo varikurwara serious.
Zuva iri yaive weekend, ndakangofuma ndichinzwa kupera simba.uku ndaingorutsa nyon'o asi wekutaurira hurwere uyu panga pasina....
Logan aitova busy kuchinja akamira pa mirror achitopfeka suit yakabva kutenga nezuro hameno kuti ayida kuyenda kupi akachena kudaro......
Ndaive ndakuda kuyenda kunoita basa ndokunzwa foni yangu ku ringer.
Ndichibva ndayenda kunoyitora pa dressing table, vaiva baba vangu vanga vandirangarirawo asi handina kumbobvira ndavaudza kuti zvirikunetsa kuno, ndaingochengeta dambudziko rangu muhana.
Ndichitoti hello vakabva vanditi..
"Zvinhu hazvina kumira mushe kuno, mai vako vashaya, hurwere huya watozovakurira ....
End of this chapter 7..
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
1.4K