MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 17, 2025 at 05:19 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 19 Endayi mose ku Channel ndine mamwe mabooks manyama andirikuda kukanda ikoko. Magrp angu awandisa mufoni umu zvimwe rauri ndiro ndirikuda kubuda enda kuChannel. Banned yanetsa mumafoni ewanyori gara wakarira kuChannel usasare pane mamwe mabooks. "Asi daddy murikuona zvichiita here?" "Zveyi?" "Kuti ini ndinodzidziswa kuvhima naMakanaka munoona zvichibuda here?" "Kana mazoregedza kunetsana pano ndiko kuti nditi musafambe mese asi kana muchirikurwa nhasi muchanodzidzisana kuvhima." "Daddy" "Ndapedza so ndirikuda nyama pano nhasi chero yetsuro zvayo" "Zvino ini handina kana chimwe chekushandisa zvinhu zvangu zvese zvakasarira kugomo uko" "Munonotora" Wakatodayira wachiita kunge munhu uya asina han'a nazvo. Tayiti wachati kutamba zvangu asi wayitoratidza kurevesa. Amai waNgoni wacho wakatanga kuseka wachitobvawo patable kana ndimi. Ndakayedzavo kuti mama asi havana kudayira wakatondisimudzira ruoko zviya zvekutonditi bye. Ndakashaya kuti ndoita zvekuita seyiko ini zvekunovhima naNgoni ndayisada. "Urikugarireyi ipapo handeyi uko" Akadaro Ngoni zvichitoratidza kutomubhohwa. "Shaa haundiitiri hasha sezvinonzi ndini ndakutuma kunovhimaka ayi" "Unoyenda wega ukada kundifarisirira" "Anorohwa nababa wake ndiwe uye gara watoramba nekuti handisikudawo zvekutoyenda ndinenge ndatoitawo rombo rakanaka ipapo" "Heya saka ndini waurikuda kutukisa handiti?" "Hayiwawo" Ndakadaro ndichisimuka kubva patable ndakuda kubuda mama wakabva wandidayidza wachindipa boots dzekupfeka dzakanaka uye dzakavhara. Takatanga kufamba ini zvakatondinetsa kuti kunovhima rudzii kusina kana ndandi zvadzo. Dayi wanga watipawo kunyangwe uta nemusewe zvayiwa nani chose. Pandakangobuda gate kuti nditi kufurwa nemhepo yepanze here hameno. Simba randakatanga kunzwa ipapoka ndakanga ndakutononokerwa nekunovhima. Ndakatanga kufambisa apa ndayifambira musango. Ngoni ayitevera apa ayiyedza kutaura neni asi ndayisamudayira. Ndakatanga kukwidza gomo riya rinoyera racho iroro ndayida zvombo zvangu uye Ngoni ayisava nevhekushandisa saka ndayitoda kupinda mukati musi uyu ndimutorere uta nemisewe sezvo ndakaona zvirimo zvakaizvonaka futi. Iye paakaena ndakukwidza gomo akabva angomira. "I remember gomo iri richinzi harisi kukworika uye rinokwirwa newakuru chete" Ndakacheuka kwakumutarisa ndichibva ndafuratira kwakutanga kufamba. Ndakacheuka mdamberi kwakuona munhu arikungodzungayira ari muzasi maro achitadza kukwira. Ndakadzokera kwaanga ari ndichibva ndamubata ruoko ndichibva ndamuti. "Ngoni gomo rino rinoyera kunyanya iwe usati wakamborikwira. Ndakumbirisa zvangu chawaona nechauchaona usatombotaure zvako nyarara. Kunyangwe zvinakidze seyi kunyangwe zvityise seyi ndati nyarara Ngoni. Akaita zvekugutsurira musoro achicheuka cheuka. Ayiratidza kutya kwakanyanya munhu iyeye ini ndakange ndatowane humwe hushingi hwandayisatomboziva kuti hwabvepi. Ndakamubata zvakasimba kwakutanga kukwira gomo iri. Hameno kuti akaoneyi chaakaona chakamutyisa sezvo ini pasina chandayiona asi ndakamubata zvakasimba kuratidza kuti shinga handeyi. Akatomboda kundisiya ruoko rwangu akuda kutiza hameno kuti anga aoneyi yoo ndakaita kunge ndichawisirwa pasi asi nekuda kwesimba randanga ndiinaro takamudhonza kusvika tasvika pamusoro pegomo. Zvakamushamisa kwazvo kuti akanga asvika pamusoro paro asi ayitya kutaura ayitooneka nemufaro waanga ayinawo. Ndakangoti ndasvika padenga paya ndakafamba kupinda mubako ndakangonanga payiwa mendandi dzangu neuta nemusewe ndakayedza kuda kumutambidza kwakuona Ngoni ya achivhunduka. Paakavhunduka kudaro hameno kuti akatsika payi munhu kwakutokuvara gumbo kuda kunodayi gumbo rakutotanga kuzvimba. Ndakashaya kuziva kuti chingawa chii chayita kuti adaro. Ndakakurumidza kinomugarisa pasi kwakutobuda umu ndichimhanya. Ko ndayida kudii akuvara. Ndakabuda umu kwakutanga kutenderera negomo ndichitsvaga mushonga wekuti ndiise pagumbo rake. Ndakadzoka ndichimhanya kwakusvika murume mukuru achiita kuchema. Zvakandinetsa ini kuti nzvimbo inoyera inokuvarira munhu here. Ndakazoyeuka kuti gara zviya hakungozvikwi zvemanha manga. Kureva here kuti pane zvaaresva Ngoni. Chitarisa mazvimbiro ayiwa ayita gumbo riya haaa ndakakanda zvese zvandayiwa nazvo pasi ini. Ko tayigozomanga kupi pakadayi. "Ndakufunga kudzokera kumba ndonodayidza vakuru" "Kwete Makanaka usandisiye muno ndega ndapota hangu. Kana uchitoda kubva pano ibva neni" "Zvino gumbo rako haringafambika iri" "Saka ngatimbomire ummm ndirikurwadziwa Makanaka" "Waresva kutsika seyi iwewe" "Handitozivi ndavhunduka paya ndichifunga kuti urikuda kundibaya" "Kukubaya, kunyangwe kunzi ndakakuwenga pane pandakambotamba neyekuda kukuuraya here ini?" "Ayiwa asi maonero andazviita nguva yacho ndatoona kunge urikuda kundibaya zvesure" Ndakaita kutura mafemo zvekupererwa chayizvo. "Asi ndambokuudza kuti dzikama unofanirwa kuwa munhu akashinga izvezvi hona ndiwe murume pano asi tarisa zvauri parizvino. Ndozviziva kuti une maonero awazviita asi mumeso ako wayingofanirwa kushinga wozviignore" "Akaramba akanyarara achiyedza kusimudza gumbo rake asi rakanga risingachasimuki. Ipapo ndakabvuma kuti munhu uyu ayirwadziwa. Kureva kuti mushonga wandamuisa hauna kudayirika panyama yake urikutoita kunge watoyedzera kuzvimbisa. "Ngoni Chitoshinga ndirikutoyedza kufunga kuti ndeupi umwe mushonga unopedza kuzvimba kwese uko" "Makanaka please ndibatsirewo ndirikurwadziwa kani" "Chishinga Ngoni ah ndiyite seyiko chitoshinga semurume" Ndakanga ndakutotambudzika mufunge. Ndakasimuka pandayiwa ndichiyedza kufunga kuti ndodii. Ndakaona paya pandakambopinda pakasarira hanza. Ndakatanga kunyemwerera ndakatarisa ikoko zvekuti kana Ngoni wacho akatoshamisika akandibvunza kuti kuneyi. Ndakada kufamba kuti ndiyendeko Ngoni akatanga kuchema achiti ndisamusiye. Uye ndakabva ndayeuka kuti handina chiyedza. "Ngoni ndirikuda kupinda muninga umo ndimirire pano zvimwe ndingawana chekuti ubatsirike nach" " Muninga?" Akabvunza zviya zvekushamisika ini kwakumuti. "Ndimirire Ngoni rega ndipinde umo ndinodzoka" "Hautyi here?" "Kutyeyiko nhayi iwe?" "Ndoda kupinda newe" "Ngoni unofamba seyi?" "Unondibaya ndirikutoda kuonawo zvirimo" Akadzadzarika kusimuka paya kwakumira akabatira kudombo. Ndakanomutsvagira muti ndichibva ndamubata rimwe divi tichibva tafamba kuyendako. Ndakakungututsa dombo rayiwapo tichibva tatanga kufamba kudzikamo. Zvakatitorera nguva yakakura apa ndayiwa ndakabata mwenje kunerimwe divi saka kufamba kwayinetsa. Takasvika mukati muya ndanzwa zvekuti ndakambosvika nekugara pasi chayiko. Iye kayiwa kekutanga kupindamo saka zvakatomunetsa mwanakomana wevanhu ayida kuzvifambira ega asi ayikundikana kunyangwe anga ayine muti ayitadza zvakadaro. "Ko wadii wambogara pasi Ngoni unokuvara" "Makanaka muno ndayingonzwa muchitaura nezvamo ndakanga ndisati ndakambomuona ini" "Nyarara Ngoni chako tarisa namaziso wosiyana nazvo" Akabva ayita zvekugutsurira musoro kuratidza kubvumirana nezvandanga ndichitaura asi nyemwerero yakanga isere muneake matama. Ndokumbirawo munofollower ku Channel please please please please please please please please please End of chapter 19
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 💃 💐 142

Comments