MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 17, 2025 at 05:19 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 18 Please vanoda book kubva pa 1 teverayi Channel. Newese wasati wapinda muChannel kune mamwe mabooks andirikuda kukanda ikoko zvekuti muchanakirwa mhanyayi ku Channel. "So makanaka ndotanga kukugadzirira chii tea here" Ndayida kuseka but ndakangozvidzora kwakuramba zvangu ndakanyarara. Itsitsi dzeyi dzaarikundiitira mwana uyu kana ndimi. Ndakangoramba ndakamutarisa ini ah. "Makanaka ndirikutaura newe ndirikuda kunoona bhora rangu remember handisini ndakati uyite dofo ini" Ndakabva ndapusa paya kwakungomuti "Eh ndipe" Ndayitoongorora hangu zvaayiita zvacho pasina nguva mvura yanga yatopisa nhayi. Akandiisira mucup asi kutaura chokwadi munhu uyu ndayimuziva saka ndayitotya ipapa. Akanditsvagira chikafu apa ini ndayitotarisisa kuti hapana chaarikuisa here. Apa tea yayinaka seyi. Akandipa sadza raanga adziisa ndichibva ndatanga kudya iye akabuda hapana zvaakambotaura ini kana thanks ndakazomboita here ndakaramba ndakanyarara ini. Ndakapedza kudya kwakungosiya maplate aripo patable ipapo ko ndayimboziva kuti arikuda kuitwa seyi here. Ndakabva ndabuda zvangu ko handiti ndanga ndaguta here. Ndakafamba zvangu ndichiteedza kwandanga ndabva nako. Zvesure ndakatomuona Ngoni akagara kumasofa achotoona bhoonavanhu wayitamba bhora nhayi. Iye akangobditarisa ndofunga ayifunga kuti ndichamuti wayita hako asi handina ndakabva ndatofambisa kuyenda kuroom kwaku apa ndakasvika nekupinda mumagumbezi ndakakanganwa kukiya door nhayi. Hapanakutombotora time rakabva ravhurwa door zvehasha zviya munhu achipinda. Anga ari Ngoni zvake akasvika kwakumira kunerimwe divi remubhedha ini kwakuburuka ndichimirawi divi rimweracho. "Urikudeyi muno ndirikuda kurara" "Chokwadi ungatodye kupedza wotadzawo kana kuti thanks" "Ah iwe ndangodya zvangu ko ndikamuka ndakafa" "Watii" "Ko kana wandiisira mushonga wekuti ndife handiti ndinokubhohwa pano here iwe" "Manje ndoda kukatswinya kamuromo kako ikako kazive zvekutaura benzi remunhu dayi ndachisiya chakadaro" Akadaro achida kuuya kwandanga ndiri ini kwakujambira pamubhedha ndichinodzikira rimwe side. Yowe yakawe batayi batayi mumba imomo takuteman nemapillo nekumhanyisana. Hameno kuti ndakagumburwa neyi kwakunodonhera pamubhedha nemusana iye achiuya zvake pamusoro pangu. "Wanga uchiti wakangwara manje nhasi ndoda kukurikita mwanaiwe" Ndakatoona kuti ndingarohwa pano apa Ngoni anga asina kamuwiri kekutamba nakoka uyu. Ndini anga akasimba uye akayamwa akaguta. Anga ayine manyama manyama achiratidza kuti ayiwa irume pachezvaro. Zvekuti kunditsikurira kwaanga akaita kwakanga kwakutondirwadza mufunge. "Ngoni urikundikuwadza kani" "Tanga wandinamata ndokutii ndibve pano wakanganwa musi uya kuti wakandigarira ukandirova, zvino ndizvo ndirikuda kusiya ndakuita muno ndirikuda kunyatsokugarira ndiko kuti uyite hunhu. Ungati ndatokunzwira tsitsi woti ndirikuda kukuuraya inini. "Please usandirove Ngoni unondiuraya hona mazikuoko ako anenge tsoka yegudo iwayo ungati unondiraramisa here sorry?" "Ita kuti sorry mukoma" "Ok sorry mukoma kwacho" "Kwacho ndeweyi ipapo taura mushe" "Sorry mukoma" Akabva abva pandanga ndiri ndikanyatsonzwa kuti ayiwa ndabvisirwa mutoro chayiwo ummm. "Haaa futseki wako mhani ungatoda kundiuraya iwe" Ipapo anga akusvika kudoor akabva ada kudzoka yowe ndakamhanyira kutoilet ndayitika kana mawa mutoilet haapindi asi kunyepa akatopinda. "Hiii Ngoni haunyare ndinodayidzira anamama izvezvi" "Kavoice kako karikutogumira padoor apa hapana kwakarikuyenda wanzwa here. Imba ino yakarongeka hayisi imba yemapangoka seyamayigara uko" "Ayigara imba yemapango ndiyani futseki Buda ndirikuda kuita weti uko" Ipapo yanga yatondipuresawo sure. "Ita weti yako ko ndineyi nayo ini muno handisi kubuda zvekudaro ini" Ndakaseka zvangu . "Ngoni haunyare" "Ndati ita weti ukasaita handibudi muno. Muno ndimo ndirikuzobuda kana kana wayita weti yako iyoyo" "Ngoni kani nhayi nyara iwe" Akabva auya pandanga ndiri kwakundidhonza kwakubuda neni ndayiti achandirovera muroom mangu asi kana akabuda neni achindidhonza kudaro kwakuyenda neni kumasofa kwaanga ari kuya. "Ndoda kuti unditarise ndichiona bhora kusvika rapera wozoyenda korara" "Ngoni kani" "Ita zvandakuudza haungamboiti problem" Ndakagariswa pasi munhu kwakutanga kuona bhora ini kutaura chokwadi hapana kana chimwe chete chandayimbonzwisisa ipapo. Ndayiti ndikada kusimuka munhu ondidhonza ndakasvika pakungogara ini. Bhora racho kana kutombopfeka zvaro ndakasvika pakubatirwa nehope ndakagara pasofa ipapo. Handidi kunyepa ndakatozopepuka ndiri mumagumbezi muroom mangu. Ndakashaya kuti ndauya seyi imomo ini ndanga ndakarinda benzi rayiona bhora. Ndakamuka ndakumhanya kunoita weti iya yandamborambidza nekuti yanga yakundipisa chayiko. Kuchichena ndakashamisika ndatovhurirwa ma window makupinda kamhepo mumba muya. Ndakamhanyisa maziso kwakuona vari mama. "Ko idzi boots dzapinda nani?" "Mamukaseyi amai" "Tototi makadii ko handiti manga musingachadi kubuda muroom muno. Haaa unozotsamwa mwana wangu" "Ah mungati ndingasekerere kunzi muroyi kana ndimi" "Asi wakamutambudza mwana wangu. Anga akutorambawo kudya kwacho Ngoni zvekuti ndakatoshamisika kuti ndiNgoni here akuramba kudya nepamusaka peumwe munhu" "Zvinoita mwana wenyu zvinobhohwa dayi makaona zvaayindiiya nezuro mayosambodaro mama" "Ndakakuita seyi? iwe undinyare iwe" Akadaro achipinda muroom mangu akaita kuisa maoko muhomwe kwakupfeka mapush ake achibva amutsa amai wake achibva abuda. Isu tanga takangomutarisa zvedu. Paakamutsa amai wacho havana kumudayira akabuda achibva adzoka achiita zvekudongorera. "Mama ndati mamukaseyi?" "Dzoka muno kurumidza" "Ah mama kuneyi ndirikuda kumboyenda kuzuva zvangu ini" "Ndati dzoka muno Ngoni" "Ok kwacho matii mama?" "Zvimapush zvako zvirikuysageyi muno" "Ndakazvisiya pandayiwa kurohwa naMakanaka mama" "Nyeperwayi mama ndiye ayindirova" "Chikudo chenyu chisingaperi chikudo chakaita seyi" "Mwana wenyu ndiye anodenha mama" "Ngoni" "Mama handingati ndabikira munhu tea ndomudziisira chikafu otadza kana kuti thanks zvake saka moti ndingatadze kutsamwa haaa imi ndotogona kuchirova futi izvezvi so" "Akadaro achitora pillow kwakunditema nayo" "Mama murikumuonaka mwana wenyu murikumuonaka" Ndakadaro ndichimupotserawo nepillow yake iyoyo. "Dzikamayi mhani" Ngoni urikudiwa nababa wako uko" "Kuneyi mama?" "Hamenoka kwawarikuda kuti uyende naMakanaka" "Ah Mama ini handifambi naNgoni hazviitwe" "But why daddy wachiti ndifambe nemuwengi wangu mama ini ndayitoti zvaperaka ini uye waziva seyi kuti Makanaka avhura door?" "Urikuti hauna kuonekwa here wakatakura Makanaka uchimuudza muno akakotsira iwe" "Inzwayi zvamakutaura manje ok bye" Akadaro achitobuda ndakasara ndakunzi namama ndinogeze ndiwane kududunurwa musoro wangu. Pandakapedza kugeza ndivo wakabva watotanga kundidudunura hameno zvinhu zbawakanotora kuroom kwavo hanzi rega ndigadzire vhudzi rako. Pawakapedza wakabva watora hameno chimwe chinhu chayiita kufuridza musoro wangu chiine kakupisa so. "Maka vhudzi rako rakura yowe" Rakura" "Eh iri rakusvika kumusana iri" Iro ranga rarebawozve, wakabva warirunga kwakundipa hembe dzekuchinja yowe zvangu hanzi chiyenda pa mirror mwanangu. Ndakayenda paya kwakumira imi woye ndayisabvuma kuti ndini ndanga ndayita kunonzi kuchinja chayiko. Takazobuda namama wakuti vamwe wakutable handeyi tinodya. Takayenda kuya kwakuwana zvesure anaNgoni wakudya paakatarisa kwatanga tiri akabva akachidzwa Ngoni uya. "Are you Ok son?" Wakadaro baba wacho wakatarisa kwaayiwa. "Yaaa I'm fine daddy" Ko iko kuzodayira akatarisa kwandiri manje. Ndakanogara pasi kwakumhoresa baba wake awo wakabva watopinza yekuti ndimbotenderere nzvimbo naNgoni haayizive ndimudzodzisewo kuvhima apa tayinzi tirikuyenda tiri two chete kana ndimi. Ndakaramba ndakawatarisa ndichizvibvudza kuti baba awa dzakanyatsokwana here mudehenya mavo umo. Ndokumbirisawo nemweya wamwari chayiwo kuti vanhu mumhanye ku Channel monofollower please please please please please please please please please please please please please please End of chapter 18
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 👏 🔥 🌟 💃 260

Comments