MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 18, 2025 at 05:27 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 20 Vanhu Mhanyayi ku Channel munoona zviriko please musakanganwe kuita Follow. Akatanga kufamba nachiita zvekukamhina ndayitotya kuti achadinha ini nekuti zvaayiita zvacho ipapoka. Ini ndakazosimuka pandakanga ndigere pamuromo manje ndakabva ndaona crown yayiwa pa chair ndichibvandatora kwakumupfekedza munoziva mwana wevanhu kutokamganwa zvangu kuti haana kusimba. Akatanga kuhuta pandakamupfekedza crown iyoyo zvekuti akasvika pakudonha pasi. Ndakamhanya paanga ari ndichiti ndimusimudze asi ndakakundikana nekuti ayihuta zvisingayiti. Ndakatanga kutya munoziva ndikati mwana wevaridzi achafa ndiinaye muno. Ndakayedza kuti ndimubvise crown iyoyo asi ndakatadza mugoona ndini ndanga ndayiisa ko apa yakundirambira seyi. Ndakasimuka kwakunomira kwakadaro nekutya ipapo izwi rakandizevezera munzeve dzangu richiti. "Usatya zvako midzimu ndiyo irikuita basa rayo anoita zvakanaka tokutenda nekuti midzimu yekwako yakutendera kuti usvike naye pano" Izwi iri parakapedza kutaura izvozvi ndakaona kufefenuka kwaNgoni kunyangwe gumbo rake rakanga raserera asi chironda chayiwapo. Paakasimuka akanga akazara nokutya kwakumhanyira kwandiri kunge achandiwisira pasi. "Makanaka ngatibude muno" "Mira ndirikuda kutsvaga mushonga wekuti tiise pachironda Pako" "Urikupi mushonga wacho, tsvaga tiyende" "Dzikama kani Ngoni hona tsvimbo iyo kupenya kwayirikuita" "Yayipenya zvakasiyana nedzimwe tsvimbo iyoyo yanga iyine kamwe kamupenyero kayo yega zvekuti ndakanoyitora kwakunotambidza Ngoni ndichiti hona. Iyo yangu yekubata bata iyi ndamboziva kuti ndirikuita zvimwe here. Makawa nemaungira matayiwa iye ayiratidza kuti ane zvaayinzwa zvirikutaurwa munzeve dzake zvandayisanzwa nekuti ayiyedza kuvhara nzeve uku ayitakupfugama akabata tsvimbo iyi. Ini chandayingonzwa maungira chete zvayitaurwa hapana chandakanzwa. Ndakamusiya akadaro kwakutanga kutsvaga mushonga uya ndakawana payayiwa kwakutsvaga wanga wakanyorerwa zvironga. Ndakangotora tupowder tushoma pandakasimuka ndakatowana munhu adzosera tsvimbo necrown iya amira akatarisa kwandanga ndiri. Kamutarisiro kacho ndakatombovhunduka. "Ko chii?" "Hapana" "Ipapo ayitooneka kuti amurume ipapo anga agwinya pachiso chake wayitonyatsoona kuti munhu uyu ane humwe hushingi husingaysananguriki. Ndakayenda paanga akamira kwakunomuzorera mushonga uya pachironda pake. Ndakabvarura hembe yandanga ndakapfeka kachira kadiki kwakuisa powder shoma ndichibva ndamutambidza. Chakandinetsa meso ake haana kubva pandiri. "Ko chiiko nhayi Ngoni?" "Hapana Makanaka kana wapedza zvaurikuita handeyi" "Ok ndapedza handeyi" Takatanga kufamba kuti tiwane kubuda ndipo ndakayeuka kuti umu ndakanga ndawinga uta nemisewe. Ndakacheuka kwakudzoka kuya pandakada kuti ndibate uta nemisewe ndakakundikana. Ipapo Ngoni akasvikawo pandayiwa kwakutanga atora Uta achibva atora miseve. Ipapo muwiri wake wese wakaita kakuvhundukira zvekuti ndakatombotya. Paakapedza kudaro akabva anditi handeyi. Ini ndakanga ndakumutya ini takabuda muya iye akabata uta hwake nemisewe yake akaita kuyibereka kumusana. Takashamisika tichibuda panze kwakuona kwasviba. "Todii?" Akabvunza Ngoni akanditarisa. "Ngatirare pano tozoyenda kunovhima mangwana" "Zvichiita here munhukadzi haafanirwe kurara panze" "Pano ndayitomboparara ndirindega Ngoni uye tarira kwasviba uku kunababa wako tosvikatichiti kudii?" "Saka pano pacho tinodyeyi" "Hazvinetsi izvi tarira pane chimukuyu chandakasiya ndaturika apo icho tinongogocha koti hupfu hwezviyo uyo tinobika sadza" Akaramba akanyarara akanditarisa kwakunditi. "Asi haunzwe kutya here?" "Kutya? Ndichityeyi?" "Kuve musango nemunhurume" Ndakaramba ndakamutarisa zvangu ndakanyarara handina kumbomudayira. Ndakatanga kubika kwakutora chimukuya kwakuisa padivi pemoto. Ndakapedza kubika sadza ndikamuisira mundiro yemuti ini kwakuisawo rangu. Takatanga kudya payine runyararo. Zvakandinetsa kuti kurwa kwese kwatayiita kuya kwayendepi. Ipapa dayi tanzwa nekurwa asi kana wena pamwe inyaya yekuti tirimusango. Ndakagadzira zvangu pangu pekurara iye kwakuyendawo pake pachikona. Machongwe ayinzwikakuchema nepamusoro pegomo iri saka ndakatopeputswa navo. Ndakamuka kwakumutsa Ngoni. Kwakanga kuchirine rima ipapo but ndakaona iringuva yakanaka kunovhima. Takadzoka naro gomo ndini ndayiwa pamberi. Ndakanyatsoti nhawa yangu muhuro pamwechete neuta nemusewe wangu koti ndandi dzangu. Ngoni akanga akapikata yake uta nemisewe. Takadzika gomo kwakunanga kugomo guru rekwaMaringa. Takasvikako kuchirine karima asi takakwira zvakadaro. Wandayitotyira ndiNgoni nekuda kwegumbo rake asi akanga ava nehushingi hwakanyanyisa. Hatina kure kwatakayenda takanga tatodziwana mhembe dzakanga dzakaungana. Ndakatarisa Ngoni iye kwakunditarisawo. Takakokerana misewe yedu tayifanirwa kuyiregedzera pamwechete. Ndakatanga kuwerenga one, two, three go kwakuyiregedzera. Panguvayatakaregedzera umwe neumwe akanobaya yake mhembwe asi ini semunhu akadyayira kuvhima ndakaukoka futi panguva iyoyo kwakunanga nekwadzayiyenda nako kwakunobaya imwe. Izvi zvakashamisa Ngoni kwakuramba akashama wake muromo. Mhembwe nhatu dzayiwa pasi apa takangatochifungakuti totakura seyi. Ndakanotyora muti wakanga wakasimba uye wakareba kwakubayirira ganda repauro apa kwakupayikirisa mhembwe dziya dzese ipapo kwakuti Ngoni ngatibate tiyende kumba. Apa kubva kwatayiwa kwayiwa nemufambo seyi asi ndakati ndatifambe zuvarisati rabuda. Payifambwa munongonzwa imi zvekuti umwemunhu anechoronda dzayitowa ngano idzodzo. Takati takusvika pedyo nekumba kwakuona vanhu varikumberereka mberereka. Wayitoona wayitoshamisika nesu. Takazosangana nevakomana wekumuzinda ndiwo wakazotambira zvatayiwa nazvo. Ndiwo wakazotiudza zvekare kuti vanhu wayitsvaka isu. Takati tichisvika pamuzinda so ah vanhu wakataridza kufara apa chinzwa unzwe yakanga yakufamba manje. Takasvika tichitambira nerokuti mambo makagara zvenyu asi mwanakomana wenyu aurayiwa naMakanaka. Zvino mambo wakanga wasina kuzvitambira mushe saka munhu ayitsvagiwa nevanhu kudayi ndini. Shoko rayinzi rakangarauya nasekuru Tobias ndiwo wayiti wakandiona ndichipushira Ngoni mumvura imika ndakaseka zvangu ini. Ko tanga tirikumboziva here kuti muninga muya takayita mazuva tirimo. Isu tayitoti tayita nguva duku tirimo asi kuno kumuzinda tirikunzi takanga takutokwanisa vhiki tisipo pamba. Zvisineyi hazvo mambo pawakationa wakaratidza kufara kwazvo kunyangwe naamai waNgoni wakafara. Ngoni ndiye akazowatsanangurira mafambiro ayo takaita ose pamwechete nekupinda kwatakaita muninga mambo wakashamiswa kwazvo. "Yaaa ndazviona ini kuti pane chachonja pauri" Wakadaro mambo wachiratidza mufaro mavari. Takazobva zvedu uku takunogeza tichisanogadzirirwa zvokudya. Ndakawa nomufaro kuti muwengi wangu anyadziswa chete yowe. Zvakabva zvava pachena kuti sekuru Tobias warikuyedza kurwa neni. Ndichipedza kugeza ndakananga kunodya yowe ndakanga ndanzwa nenzara ini. Kureva here kuti kubvakwatakaita pano takangodya kamwechete chete ndiko ndichiriwo kuziva. Ndakabva ndatoita confusion ini. Ndakasvika kutable uku Ngoni akanga asiko zvake. Handina kuda kumumirira ndakatotanga kudya ini. Ndakasvika pakupedza kudya asati auya chete. Ndakati kana rega ndimutevere kuroom kwake ikoko. Ndakasvika kwakuona munhu akagara pabed akabata gumbo rake nekadyira kaya. "Ah Makanaka wagona wauya huya undiisewo mushonga uyu ini ndirikutya ini" "Hayiwawo ndikuise mushonga kuti igumbo rangu here?" "Amana musadaro ini ndirikuzeza ini unovava mushonga wako uyu" "Hoo watowe mushonga wangu manje" "Asi waani, handiti ndiwe wakautsvaga here?" Ndakayenda zvangu kwaayiwa kwakutora mushongawacho. Pandakada kuisa munhu kwakutonditizisira gumbo kana ndimi. Ndakandonza gumbo racho ndichibva ndayisa munhu ngaatange kubowa hake. Ipapo mamawakabva wapinda. "Ko chiiko?" "NdiMakanaka wenyu uyu?" "Ibvapa ndayita seyi kukubatsira imhosva here dayi ndaziva ndisina kumbouya muno" "Ewo sorry kwacho" "Hayiwawo" "Ndayiti pamuchadzokawo zvinenge zvaperaka ini?" "Zveyi mama?" "Kunetsana" "Hayiwa mwana wenyu anopenga uyo handiti ndatouya kuzomutarisa ndatoona kuti ndapedza kudya asati auya" "Mama handiti mazvionaka kuti mwana wenyu ane hutsinye. Chokwadi angatodya ini ndisipo" "Hezvo saka wanga uchida kuti ndikumbire ini ndane nzara" "Hoo manje ndichanodya wakandimirira mira zvako uone" "Evo handingakugoneyi ini rega ndiyende kunemurume wangu" Wakadaro wachibida mama ini pandakada kuti nditeverewo munhu akabva andidayidza. "Makanaka" "Chii Ngoni" "Shaa ndirimambo wako ini unofanirwa kunditi mambo" "Handipengi ini urikudeyi" "Huya undipfekedzewo socks pangumbo iri" "Wadii kusiya pafurwa nemhepo" "Ayiwa kani huya undipfekedze chete iwewe" "Ih makuzonyanya kuyema kwacho bamboo" "Ndipfekedze socks chete iwewe" Ndakayenda paya kwakugara padivi kuti ndiwane kumupfekedza socks racho. Munhu kuzoramba akanditarisa kunge achandidya kani. Please mhanyayi kuChannel usasare hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry End of chapter 20
❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 🔥 👏 💃 1️⃣ 316

Comments