
MT TINO NOVELS🥳
February 19, 2025 at 08:33 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣
https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1
*MAKANAKA*
🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤
https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w
*🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓*
Written by: *MT TINO*
Call only
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣
*FREE BOOK📙*
Whatsapp
0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣
*Please READ and SHARE*
Tino anokudayi mese.
Chapter 21
kuChannel kune zviriko endayi munoona musakanganwe ku follower hurry.
Paakaramba akanditarisa ipapo ndakatonyatsoita zvemaune zvangu. Ah munhu angaramba akanditarisa here? Ndakamudzimbira ronda iroro munhu wepi kana ndimi.
"Makanaka kani wandikuwadza"
"Wanakirwa urikumbonditarisireyi"
"Hayiwawo dayi kumeso kwako kuvhiwarayidza better "
"Kana newe ibvapa dayi kwayisawarayidza wayikutarisa here iwe"
Akabva anditema nepillow mumakumbo. Pandakada kuti ndiyinhonge ndiyidzose pabed hameno kuti anga asvika nguvai pandayiwa.
"Yaaa ndakubata unoti wakangwara here izvezvi dzoka undipfekedze hembe yekumusoro"
"Ah nhayi iwe inini kukupfekedza hembe kuti ndirimai wako?"
"Ikoko kushayisha kutaura ikoko ndiko uchandipfekedzera hembe iyoyo."
Akabva apusha door negumbo kwakundidhonza. Pakuda kumuitisa nharo ipapo munhu kwakuita zvekundisimudza yowe zvangu ndakati ndidzikise zvako ndikupfekedze kwacho.
"Kana usikuda kundipfekedza nditoite zvekukubereka izvezvi so ndotokusunhira kumusana kukuita kamwana"
"Ayiwa ndokupfekedza zvangu"
Akabva andidzikisa ndayitika achandisiya ndofamba ndega ndiwane kutiza asi kana akatondibata ruoko kwakunonyatsondimisa pamberi pake akandiisa pakati pemakumbo. Akatora hembe yayiwa pabed kwakunditambidza achibva andibata muchiuno mangu nemaoko ake ese. Kutaura chokwadi musi uyu hazvina kundiitira zvakanaka mabatoro ayo anga akandiita nekuti ndakanzwa kupera simba mandiri umu kunzwa kurukutika chayiko. Ndakamupfekedza zvekushingirira chayiko asi hameno zvandakanga ndakutonzwa. Pandakapedza ndakada kubva mumaoko ake asi ndakanga ndakabatwa apa anga akaita kunditarisa chayiko Ngoni uya. Ndakayedza kumurwisa kuti andisiye asi tese yakapedzisira tadonhera pabed pake. Luck mdakanodonhera zvangu paside pake but yanga takatarisana manje. Nezvayiitika handifungi kuti ndayizvinzwa ndega nekuti ndakaona iye akubwayira kasingaperi. Ini simba rekusimukawo pandayiwa ndakarishaya kwakungorambawo ndakamutarisa. Dayi ndakaziva kuti pane zvichatevera kudayi ndisina kumirapo. Ndakati ndakawarayirwa kudaro kwakunyatsonzwa miromo yangu kutonorera. Ndakavhunduka ndichiona Ngoni achidya muromo wangu yowe zvangu. Ndakasimuka nekukurumodza ipapo iye kwakutenderuka kutarisa kwandayiyenda nako asina chaataura zvake. Ndakabuda kwakumira padoor pake kunze kwakutanga kupukuta muromo wangu. Ndakamirapo kwenguva ndichiyedza kufunga kuti chii chayicho chirikumboitika. Ini pachezvangu handisati ndakambozviita since. Ndakazovhunduka munhu munhu andibata ruoko kwakutanga kindidhonza. Kutaura chokwadi simba rekumurwisa ndakanga ndisingacharinzwi ini. Takayenda kutable iye kwakuti ndipakurirewo. Eka chikafu chayisaiswa muma plate munhu wayizozvipakurira wega.
"Ngoni pakura wega unemaoko ako ah"
"Ndinokusimudza ndikadzokera newe kubedroom kwangu izvezvi"
"Ok kwacho rega ndipakure hangu"
Ndakamupakurira paya achibva atanga kudya ndakatarisa. Paayidya pacho ndanga ndakanyatsomutarisa zviya zvekuda kunyatsoonakuyi munhu akamboita seyi Ngoni uyu. Ayiwa munhu akanga akanaka hapana chayishoreka paari. Pese pandayimboti akazodayi akazodayi hameno kuti ndayizviwanepi. Ndakaerekana ndatemwa nebonzo renyama.
"Urikunditemereyiko?"
"Urikunditarisireyiko? Shaa ndozviziva kuti ndakanaka chingoti Ngoni wakanaka kwete kuita kunge uchandidya kudaro"
"Ko iwe paunoramba wakanditarisa wakambondiudza kuti Makanaka wakanaka here?"
"Wakambondibvunza here kuti ndirikukutarisireyi?"
"Kakatowandisa ndichikubvunza"
"Ndinosimuka newe izvezvi ndikadzokera kubedroom kwangu"
"Unopenga iwe ndizvo zvingori mupfungwa dzako"
"Vanhu muchirikungoneysana nanhasi here?" Said mambokadzi
"Ava vana wako wanotoswerera ava kana usikuzvoziva" said mambo.
"Ndatotiza kuroom kwaNgoni uko wachinetsana vanhu ivava chiona nazvino warikungonetsana apa hazvidi kusiyana futi"
"Mama inzwayi zvamakutaura akuudzayi kuti hatidi kusiyana ndiyani?
"Kubva pamasvika mambosiyana here?"
"Ah mama inzwayi saka murikuti ndatonogeza naMakanaka inini"
"Ngoni pane kwandirikuda kukutuma ndoda kuti uyende naNyati mukurumidze kudzoka."
"Madii kuti ndiyende naMakanaka"
"Pandakakuyii endayi mese kutown handiti makaramba here"?
"Ndakaramba here ini daddy still ikokuku kwacho ndongoyenda naye?"
"No ndezvebasa hazvidi majocks enyu aya, Iko wakazotanga rini kuda kufamba naMakanaka imi mayiwa gonzo nekiti"
"Kubva ewo Makanaka aripano unodzoka uchimuonera pano enda kubasa kurumidza"
"Ah daddy Nyati anobhohwa kufamba naye uyu"
"Kutanga rini achibhohwa? Kutanga nhasi nekuti pana Makanaka"
"Daddy"
Ipapo mama wakabva wandibata ruoko tichibva tabva payinetsana baba nemwana wawo. Moyo wangu wakatorwadza kusiya Ngoni achitambudzika sezvaayiita zvekuti ndayitofamba ndichicheuka iye akabva arambawo akanditarisa.
Takabuda kuyenda panze kwakuyenda kuseri namama kwayiwa nemichero. Kutaura chokwadi pfungwa dzangu dzanga dzasara mukati umo mayiwa naNgoni.
"Wakambokuuya here kuno ku orchard nhayi Makanaka"
"Mati kunonzi kuchii?"
"Orchard ndiko kunemichero yeseka kuno"
"Hoo eh ndakambokusvika zvangu ndikatombodya ma apple "
"Wanga waudzwa nani kuti kune orchard kuno Makanaka "
"Ah mama pane pandayikutizayi musi wandakasvika uya ndipo ndakabudira kuno nedoor iro"
"Ende iweweka ok so tell me Makanaka"
"Matii?"
"Ndiudze kuti iwewe naNgoni asi makudanana here"?
"Kudanana? Kudanana kuita seyi?"
"Ah Makanaka usaite kunge usirikiziva zvandirikutaura iwe"
"Handisikuziva zvamurikutaura ini?"
"Saka ndokutsanangurira seyi manje or rega ndidayi ko uchirikuda kuroorwa na Ngoni here?"
"Ah mama"
"Ndirikungobvunza ko handiti wayida kuroorwa naye here paya?"
"Paya ndayitamba hangu ini mama"
"Asi kuona kwangu mwana wangu akukuda Makanaka"
"Kundida? Ah anondidii?"
"Eh asi sekuona hangu kwangu kana iwe unomuda inyaya chete yekuti zvandirikutaura newe hausikuzvinzwisisa asi uchazvinzwisisa zvako"
"Ah kuzvinzwisisa chirudzii mama handisikutokunzwisisayi ini rega nditonotarise zvangu kuti anaNgoni wacho wayenda here"
Ndakadaro ndichida kusimuka asi mama wakandirambidza wakati ndiregedze kunomutarisa nekuti atoyenda. Ndakanzwa kusvotwa ndanga ndatojayira kuswera naNgoni tichidenhanha isu. Ndakabva ndanomira zvangu pamu apple ndichiita kusvotwa chayiko kwakutanga hangu kudya ma apples. Ndiripakudya aplle ndakangonzwa kuti Makanaka ndikandirewo one apple. Rayiwa voice raNgoni ndakacheuka ndichiita kusekerera chayiko zvekutotadza kuzvidzora pandakada kuti ndimhanye kwaari mama wakabva wati "Ngoni famba uyende kubasa."
"Ah mama ndirikuyenda ndirikungoda apple chete ini" ndakabva ndatsvaga apple ranga rakanyatsoibva kwakumuyendesera. Achibva abata zvake neruoko rwangu kwakuramba akanditarisa akatozoita zvekupotserwa naamai wake kwakubva achimhanya
End of chapter 21
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
👏
💐
🔥
133