MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 19, 2025 at 08:33 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 22 Munhu wese ndakamumirira kuChannel pane zvandirikukugadzirirayi ikoko. Magrp angu awandisa pinda Channel zvimwe rauri ndiro ndichabuda handizivi. "Haya rega ndinyarare zvangu asi mwari wakanaka zvandanga ndichishuwira chayizvo ndizvo zvayitika." Wakadaro amai waNgoni wachisimuka pawanga wagere kwakutanga kufamba zvavo. "Ko zvamanga muchida zvayitika ndezveyi?" "Mwari ndiye anozviziva mwanangu" Ndakatodzungudza zvangu musoro wangu ndichiyenda pamu apple pane ranga richitaridza kunyatsoibva kwazvo. Ndakabva ndafunga zvangu mabatirwo andanga ndakaitwa naNgoni paya haaa ndakasekerera ndega ndichiruma apple rangu. Ndakanga ndakutoti dayi achidzoka Ngoni sezvo ndatomujayira. Ndakabva kuseri uku kwakunanga kwayiva nevamwe. Ndayiita kusvotwa zvangu worse kungofunga kuti Ngoni haapo. Ndakapinda mumba kwakuti mumwe musikana andibatidzire tv ko ini ndayizviziva here. Ndakabva ndati andiisire kunonakidza kwacho ini eh zvayitosvota hazvo hapana kana chandayimbonzwisisa zvangu. Ndakazvisiya zvakadaro kwakuyenda kuroom kwangu. Ko ndagoziveyi kuti ndayinobatwa nehope ikoko. Ndakatonyatsorara zvangu kunge kacheche ko handiti tanga tiri musango here pese apa. Ndakatozopepuka kwasviba ndakumutsirwa kudya kwemanheru. Apa munhu wacho ndakamutsamwira seyi. Kundikanganisa hope dzangu dzayinaka zvakadaro kana ndimi. Kutorota zvangu tichitamba mumvura naNgoni tichiita kumwayana mvura. Ndakabuda kwakuyenda kwayiva nevamwe kutable kwandakasvika vamwe wakutodya. "Ko iwe wanga wayenda nguvai kunorara pane munhu anga achikutsvaga paphone apa?" "Paphone?" Zvakatondishamisawo nekuti handisati ndakambotaura nemunhu pafoni zvamunoziva imi. "Eh wanga uchitsvagwa naNgoni" "Hoo ah aripi" "Haachadzoki nhasi anogona kudzoka kuswera mangwana" "Hoo ah saka tomutsana mangwana" Ndakatodaro ndichisimuka ndanga ndatoguta chokwadi. "Nhayiwe Makanaka?" "Tomutsana mangwana amai" "Wazviona ndokusaka ndisina kuudza Ngoni kuti haasikudzoma payisabvika pano izvezvi inzwa zvaarikuiyawo kwaari ikoko apa uyuwo ah kkk" wakadaro mambo ini ndatofamba kuyenda. "Makanaka dzoka udye iwe" "Ah mama ndagutaini ndizvo mandidayidzira here zvekuti mundiudze kuti Ngoni haasikudzoka" "Huya udye ndozomufonera wotaura naye" "Tangayi maita kuti nditaure naye" "Ewo chiuya kwacho" Ndakatanga kufamba ndichidzokera kwawanga wari. Ndakasvika kwakunogara pakati pavo wese ndayida kuti wafoneka nditaure naye. "Chitanga wadya" "Ah ndakuyenda hangu kunorara" "Ewo mira ndikupe zvimwe iye wacho angatorerukirwawo" Wakatora foni yavo kwakutanga kufona. Akadayira Ngoni uya zvekuti hana yangu yakati tibvu tibvu apa kuzodayira zvake achipopota manje. "Mama murikundinetsereyi" "Ah iwe ndakunetsa papi ndini ndati uyende ikoko here ini umwe wako arikuramba kudya kuno" "Mhaaaaa umwe wangu upi?" "Usayite kunge usirikuziva munhu wandirikutaura wanzwa" "Ummm mama chiiko imimi arikupi Makanaka wacho?" "Arikutokunzwa ipapa" "Asi makaisa foni paloud?" "Eh " "Kana makupa Makanaka foni ngaabve ipapo mungateerere nyaya dzedu" "Ih ewo" Ndakabva ndapihwa kwakutanga kubva ndega apa ndisikumbotaura chinhu ndini uyo kubedroom kwangu ndichimhanyisa chayiko. Pandakapinda ndakabva ndagara pasi iye kana kumbotaura chinhu zvake zvekuti ndakamborambawo ndakanyarara ndipo ndakazoti "ha haroo." "Hesi Makanaka Dafi" "Ndiribhoe" "Urikurambireyi kudya sadza" "Hapana" "Hapana? Hakuna munhu anongorambakudya zvisina reason" "Handiti haupo here?" "Saka ini ndini ndinokutadzisa kudya sadza" "Ngangosvotwa nekuti hausati wadzoka chete" "Kana ndadzoka ndipo wayidii manje" "Ndayidyaka" "Zvino zvandirikutora week ndirikuno" Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvangu handina kupadayira. "Iwe Makanaka" "Eh" "Enda unodya sadza" "Iwe wadya here?" "Eh ndatodya ini" "Hooo" "Maka" "Heee" "Panenyaya yandirikuda kukuudza ndiri kuno pano pafoni" "Nyaya? Nyaya todzidaka isu ndeyekuti chii" "Makanaka unozviziva here kuti wakanaka" Ipapo hana yangu yakati tibvu zvechisimba chayizvo. Ndakangandisina kufungira kuti anondiudza izvozvo ini. "Makanaka ndirikutaura newe?" "Eh ndirikukunzwa" "Ndokumbirawoka uyite amai wevana wangu" "Ndiite amai wevana wako warikupi?" "Iwewe ndiwe unondibarira " "Ah Ngoni" "Please Makanaka" "Ndobara nani?" "Nenika nhayi Makanaka" "Handizvigoni ini?" "Ndini ndinokudzidzisa" "Sure here?" "Eh ndokudzidzisa unoda here kuita mukadzi wangu" "Hoo saka ndikakubarira mwana ndinenge ndatowe mukadzi wako" "Iwewe ukangobvima chete kuti unoda kuzondibarirawo vana unenge watowe mukadzi wangu" "Ah Ngoni" "Makanaka ndokuda kani please " "Kundida? Unondiita?" "Kuti ndigare newe ndichikuchengeta uri mukadzi wangu ndichikuitira zvese zvaunoda uchindiitirawo vana" "Ah " "Maka kani" "Ewo kwacho" "Saka watowe musikana wangu here Maka" "Eh handiti ndizvo urikuda asika wayiti ndakashaya paya apa ndakunzwa uchiti ndakanaka futi" "Zvekudhara siya zviriko kumashure ndatitangireyi patiri tichiyenda mberi" "Hooo" "I love you Makanaka" "Saka ndoti kudii?" "Ita l love you too daddy" "Hooo I love you too daddy" "Chidzokera unopa mama foni yavo udye sadza please" "Ewo ndodya" Ndakadzokera nayo foni ndichongoseka seka ndega zvangu. Pasina nguva ndabva kugara ndakutoisirwa chikafu nemusikana ayiwapo patable foni iya yakabva yatanga kurira. "Uyu arikufona oh" Wakadaro wachinditambidza phone iya. "Heroo" "Kunonzi hello babe kwete heroo" "Hoo" "Ipa mama phone ndiwo ndirikuda kutaura navo" Ndakawapa phone kwakutanga kuzvidyira zvangu nyaya dzavo handina kudziteerera zvangu. Ndapedza kudya ndakanwa mvura ndichibva ndanyatsonzwa kuti ndagutamanje. "Ah mama hanzi naNgoni I love you, ini ndikati ah saka ndoti kudii zvikanzi itakiti I love you daddy ah nhasi zvangu ini" Murume nemukadzi hawana zvawakataura wakangoramba wakanyarara wakatarisana ndakasimuka kwakutanga kufamba ndichiyenda zvangu kunorara ndichingozhinya ndega. Ndakangoti ndichipinda padoor kuda kurivhara kudayi rakabva rapushwawo. Ndakacheuka kwakuona vari amai waNgoni. "Ah mama mandivhundutsa" "Makanaka ndirikuda kutaura newe" "Taurayi mama" "Wati hanzi naNgoni chii?" "Inga ndakuudzayi wani mama?" "Makanaka nyaya dzako dzaunenge wataura naNgoni hadziudzwi vanhu wanzwa here" "Hooo " "Eh ndezvenyu muri two imimi chiuya apa ndikuudze chimwe chinhu" Wakadaro wachindibata tichibvatanogara pasi. Wakambotanga watura mafemo. Ndayitoshaya kuti wayida kunyatsoti kudii chayizvo nekuti wakabva waramba wakanditarisa. Please kana urikuwerenga book rino usi ku Channel hatiworirani endayi muChannel please. End of chapter 22
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🔥 🤣 👏 💐 360

Comments