
MT TINO NOVELS🥳
February 21, 2025 at 07:50 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣
https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1
*MAKANAKA*
🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤
https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w
*🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓*
Written by: *MT TINO*
Call only
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣
*FREE BOOK📙*
Whatsapp
0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣
*Please READ and SHARE*
Tino anokudayi mese.
Chapter 25
Vanhu mukasanopinda muChannel book ndakusiira hangu pano. Mukasa liker neku commenter ndakusiira pano book.
Ndayiita kunzwa kupera simba chayiko mufunge. Hongu ndanga ndakuita ndisingachadayiri macalls ake Ngoni but kungomuona kwandakaita kwakaita kuti moyo wangu uyite kunge watsemuka nepakati. Kureva kuti pese apa ndayizvinyepera asipo. Now ndipo ndakuzoona kuti ayiwa Ngoni ndinomuda zvekumuda zviya. Ndakashaya kuti ndoridza mhere here. Ndakanyatsofunga the way yaakashandisa kutarisa kwandanga ndiri achibva atarisa divi imika ndakanyatsonzwa kurwadziwa kunyatsonzwa heart yangu iyi ichipomba zviri very strong. Ndakamboda kuchema apa food yangabyangogadzikwa patable nema plate acho mumba muri ziii hapana ayitaura neumwe ipapo. Vanhu wanga wachiita kunge wakaiswa pa silent. Simba chayiro rekupakura ndanga ndisisina mufunge. Ndakasvika paya kwakutura mafemo ndichibva ndabata maspoon kuti ndiwane kupakura. Musikana uya akauya kwandanga ndiri again achibva atanga kupopota kuti ndirikunonoka.
"Nhayi iwe useless urimunhu akaita seyi iwe husimbe here hunyope here. Mom mom mom why maka employer munhu asingazive zvaanoita like tsvina idzi village girl why mom. Look now I'm starving but tarisayi arikutoita kunge uyu inonzi chii iya sadza rinenge risina kuibva inonzi chii mbodza ehe tarisayi zvenyu. Iwe ini ndoda munhu ari active wanzwa kurumidza tione benzi remunhu"
Akadaro achindijunga junga musoro. Misodzi yangu ndiyo yakakwanisa kuyerera ini handina zvandakakwanisavkuita panguva yacho ndakaramba ndakanyarara. Ayingoropora ega kutaura and hapana akamudayira. Yayiwa hard time kwandiri handidi kunyepa. Uku heartbreak uku abusy nguva imwechete here. Ndakademba hangu kuti paya pandanga ndabuda dayi ndayenda zvangu kugomo haaa mangwana chayiye ndinonogara zvangu kugomo. Hongu basa pamba apa ndayiva ndaakuita asi mama nadaddy havana kubvira wandidayi. Sometimes wayitondirambidza asi ini zvakanga zvakutondinakidzawo uye kutoziva kuti mangwana ndichazova muroora wavo. Pane umwe mukadzi akaita wechikuru so anoshanda pamba apa uye ndiye futi mukuru wema maid ose. Ndiye ayitonyanya kundidzidzisa kubva kuwacha kubika kuayina kusuka kucleaner zvese ndiye ayotondidzidzisa. And ndiye akandidzidzisa zvekare kuti ndinofanirwa kukudza vakuru uye kukudza vanhu wepamba apa sezvo ndichazova muroora wepo. Ndiye akandiudza magariro tsika nehunhu mukadzi iyeye uye akandidzidzisa kunyarara kwandayisagona. Even mama wayindidzidzisawo nekudivi asi ayiwa pamberi ndi auntie Monica. Zvino abusy yandirikuona iyi handisati ndakamboyiitwa pamba apa mamaid chayiwo ayitondipa respect. Sometimes kana mdichitoita basa vanotomhanya kuti siyayi tiite but ndini ndinozovarambira zvangu kunyangwe vari wakuru kwandiri. Pese apa ndayibatwa semwana wepo asi zuva iri ranga randipandukira. Pandayenda kudziva ndanga ndichitoyemura hupenyu uhwu ndisikuziva kuti huchandipandukira iyeni. Ko ivo anamama wacho nhasi wacho kuzoramba wakanyarara ndichibatwa senhapwa kana chimwe chavarikumbitaura havo. Ndakanzwa kurwadziwa handidi kunyepa hangu. Ndakatanga zvangu kupakura nekuchimbidza musikana uya achiteverera mumashure. Zvapora ndichinodziisa ndega ndichidzoka mamaid chayiwo anga akagariswa pasi hanzi ini ndiite. Luck ndanga ndakadzidzoswa zvangu kuronga food mundiro ndakatonyara vanhu wanga wakazaramo ndayida kuzvikanyanisa kanyanisa asi sezvo mayiwa nevanhu wakuru ndakangoita hangu zvinhu zviri perfect.
Ndakaronga mandiro angu zvakanaka payisvika pachigara vanhu ndakatora chekugezesa vanhu maoko wakuseta zvangu zvekuti munhu anongozvigeza maoko ake achigara pasi. Ndayinzwa kudumbirwa asi panguva ini ndakasarudza kunyarara zvangu kunyangwe ndayiwa nebundu mumoyo. Vayipopota kani masisi pandangoitira ka any silly mistake. Vanhu wakasimuka wakauya kuzodya kunyangwe naNgoni ayisatogona kunditarisa ayingotarisa divi. Ndakatoshamisika kutoona umwe musikana ayiwa ari pachikwata chayinogara patable ini eh. Pakaitwa prayer nasekuru wangu ndikati finish vanhu warikuda kunopinzwa mudondo. Musikana waNgoni uyakuzonditi ndipakurire nema maid kani imika. Ndakangopakura zvangu ndikawapa ini kwakunzi tirikudya wakamira ndiyo punishment yako yekuti wamwe wanoshanda iwe wakarara. Ndakaramba ndiri ziii kwakumira zvangu. Mvura dzekuti vamwe ndanga ndawaisira hanzi uchadya kana vamwe wese wapedza kudya imagine.
Ndakati vanhu pawakapedza kudya kwakutangakutora zvangu maplate apa ndayitoti zvangu andatora ndichitonosuka andatora ndichitonosuka kusvikira ndapedza kwakugadzira mudinning mawanga wadyira mufunge. Ndapedza ndakanogadzira kukitchen ndichibvandabuditsa zvangu ma fruits e desert ndizvo vayiwanzoita zvavo. Ndakabuditsaa apple ndichibva ndawayendesera kwakunzwa makubatidzwa ka soft music haa izvo. Ndakafamba zvangu kwakuyenda kukitchen kwakusvika kuyine musikana uya achidira food yanga yasara mubin haaa imika ndakaita kupera power.
"Wanga wafunga kundiita seyi?"
Akadaro mushure mekunge ndaramba ndakamutarisa zvangu .
"Enda unorara uko uchadya kurara kwawanga wakaita imbwa yemunhu?"
Ndakatoona zvangu kuti kutodenha kwekuda kunditsvaga uku ndakangotenderuka achibva andidhonza kwakundisikiza mbama chandakakwanisa kuita kubata matama angu nekuvhara maziso asi mbama yake hayina kusvika pandiri. Ndakavhura maziso kwakusimudza musoro kwakuona akabatwa ruoko naNgoni.
"Hamusi makuzvinyanya here akomana ayiwa zvakwana kana mama ndirikuda kuwashura nhasi ayiwa"
Akadaro Ngoni kwakusvika kunondimbundira zviri very tight zviya zvemunhu anenge asuwa umwe wake apa musikana uya kwakutanga kuseka ini misodzi ndiyo yanga yakungoyerera. Akandisiya Ngoni kwakundipukita misodzi achibva andikisa zvekuti ropa rangu rakamhanyarega. Musikana uya kwakutanga kugadzirisa pahuro pake. Ngoni akamira kwakumurova kambama.
"Murikunditambudzira mukadzi wangu apa murikufunga kuti ndirikuzvifarira here? Kutaura chokwadi ndatomboda kuchema chayiko nezvamanga muchiita ayiwa kana mama ndirikupedzerana navo"
"Kuti wayita seyi mama?"
"Shamwari munhu wandirikuona apa haasi Makanaka wandinoziva. Makanaka wandinoziva haayitirwe yese yawanga uchiita nhasi iya haaa kana mama ngawataure kuti wakaiteyi mukadzi wangu."
"Vangokuudza kuti mukadzi wako achinja haasisiri uya waunoziva ndikatika let me verify saka ndatadza papi nekuti ndiri ku verifyer ah"
Ini handina kukwanisa kutaura chinhu heya vanhu awa wanga wachinditamba nhayi. Even ndayinzwa zvawayitaura ini handina kana chimwe chandakataura ndakarambandakanyarara ndayitoona kunge warikunyepa futi ah ini hangu ini.
"Manje mama ndirikunovaona wachandiudza kuti wakamuiteyi ayiwa I like Makanaka agara aripo kubva kare kwete uyu anyarara kunge munhu akabatirwa pfuti haaa kana"
Akadaro achindidhonza kubuda neni umu mupfungwa dzangu ndayitowe confused handidi kunyepa zvangu. Panguva yatakati tipinde musitting room mayiva nevanhu makaerekana mangoitwa noise kaone vanhu wachidayidzira kuti "surprise" ndakavhunduka ndichimwagiwa zvinhu zvakasiyana siyana maruva chii chii zvakawanda wanda. Panguva iyoyo pakabva paridzwa song ya Harmonizeyekuti happy birthday to you. Ndakatombovhiringika kwakuzoyeuka kuti gara zviya ndiro zuva randakabarwa ko tayizvoziva here. Hoyo ndochitanga kudirwa madrinks kudirwa hupfu apa ndayitorwa maphotos ndichinzwaro haa imika vamwe wachitora riri video. Noise yakaita kuvharira imba yese manzwa volume yayita kuzadzwa what a surprise yooo. Ndayigomaoneraka patv zvino apa zvayita kuuya reality wena. Misodzi yangu ndiyo yakatanga kungoyerera vasikana waya two wandanga ndichamboreva kuti wekundituka neumwe wacho wekugara nevamwe patable kwakuuya wachinditora. Wakayenda neni kuroom kwangu kwakusvika wachinditi ndibvise hembe. Uku wayitotaura nyaya wachoseka. Zvavo ndakaisirwa mvura mutub wachibva wanditi pinda ugeze. Ndakatanga kugeza zvangu varipo padivi.
"Makanaka kurumidza shaa ini ndatononokerwa nekuyendakubrai hangu. Ini Maka unonditi auntie Cath sorry zvako nezvandanga ndichikuita ndanga ndichida kuona kuti wachinja zvesure here hauzorovi bhudhi wangu zvibakera here"
Takabva tatanga kuseka tese ndafunga hangu pandayirovana naNgoni.
"Ini call me auntie Mello haa ini zvangu ndiri free spirit zvangu chandisingadi kukanganiswa or kudenhwa chete"
Wakabva watanga kuseka wasikana wacho.
"Ini ndini wekutanga musikana mukuru kotevera Ngoni kouya uyu so iwe uri makoti wedu please hatidi kutambudzirwa hanzvadzi yedu please drama rako rese taswera tichirinzwa nhasi I think tasvika pano iwe uchitonzi wabva kubuda."
"Wayitofara zvavo wachitoseka vasikana waya wakatondibatsira kugadzira musoro wangu. Ndakapihwa hembe dzekuchinja ndichibva ndapihwa high hill baba kwakunyatsonzwa tuma perfume pfaaa pfaaa kwakusara ndonhuworira zvomene hangu. Ndakaitwa kalight make up kangu kwakuchifamba zvedu tichibuda.
"Ayiwa makoti wangu ndabvuma uripo haaa urisimbi inorodza dzimwe simbi iwe yowe zvangu"
Ndakangozhinyawo ndichifamba tichiyenda.
"Makoti mangwanatomboyenda out handitika"
"Yaaa toyenda"
"Good makoti good totoita zvekutiza Ngoni"
"Hunge wamugona Ngoni ndambonzwa achiti warikuda kuyenda ku Victoria falls mangwana ne ndege woita three days wariko"
Ah saka vanoyenda kuswera mangwana mangwana ndewedu Maka ayiwa kana. Ayiitisana nharo tichibva tapinda mayiwa nevamwe yowe zvangu Ngoni akauya kuzonditora kwandanga ndamira kwakunyatsondibata ruoko achibva anyatsondimbundira pamberi pevanhu. Akanditi.....
"Happy birthday babe wangu"
"Thanks"
"Nguva iyoyo akabva apfugama pamberi pangu kwakubuditsa ring nekuonawo ma movie naauntie Monika zvakaita Ngoni ndakatoziva zvazvayireva. Misodzi yangu kwakutanga kuyerera imiyowe.
Vaitirwavo surprise naNgoni nevabereki wake nezvawanga wakuita Makanaka simudzayi maoko.
End of chapter 25
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
✋
👏
💐
🔥
192