MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 22, 2025 at 07:04 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 26 Vanhu pindayi mu Channel weduwe ndinganzwe kufara kwazvo mukapinda neku follower. Chokwadi saka vanga wachitorevesa vanhu awa kuti musikana uyu ihanzvadzi yaNgoni kwete mukadzika. Ndakanzwa kufara kumwe kwakadarikidza handidi kunyepa zvangu. Ndakanzwa manyukunyuka kuti fashu fashu mumoyo mangu. Ndakangoerekana ndati yes ndichimutambidza ruoko rwangu apa rumwe ruchivhara kumeso. Ndayinzwa kufara iye wacho akanga ongoti yes yes kasingaperi. Akandipfekedza kwakusimuka nekundisimudza kwakutenderera neni. Ndakanzwa manyuku nyuku kani handidi kunyepa. Mukunditenderedza muya ndakaona sekuru Tobias wakaita kufinyama. Pandakaramba ndakawatarisa wakabva watofamba kubuda wayiratidza kuti wagumbuka kwazvo. Ini panguva yacho handina kutomboita hanya nazvo hangu ndayingoti hameno ikoko. Ndakazononyatsopihwa pangu pekugara kwakunyatsoigirwafood yangu ko ndanga ndichimboziva here kuti yangayanyatsorongedzwa yayiswa kwayo yega. Ipapo ndanga ndakagara padivi naNgoni so ndayinzwa kuve so excited panguva yacho zvekuti kudya chayiko ndakatadza. "Idya kani babe" "Dayi manditi ndidye nguva iya zvimwe ndayidya izvezvi handichatogoni I'm so excited" "It's not my plan babe but ndokumbirawo udye" "Handichatogoni" "Ndanga ndakusuwa mudiwa wangu" Ndakanga ndoita kunyara ndakungoruma ruma nzara kasingaperi. Ndayiita kunge ndichanyunguduka pandanga ndakagara. "Maka" "Huuu" ndakadayira zvigumwe zvirimumukanwa ko zvayida here kubvamo nenyadzi "Ndokuda" Ndakangomutarisa kwakutarisa pasi. "Makanaka " "Huuu" "Ndati I love you" "I love you too" "Handina kukunzwa ini bvisa zvigunwe mumukanwa" Akadaro achibata maoko angu kwakunditarisa. "Nyatsonditarisawo babe undiudze mhinduro yako" "Ah" "Saka haundidi handiti?" "No ndokuda " "Chinditarisa undiudze" "Munevanhu ah" "Vanhu wese wayenda panze kunotandara panze wachigocha nekutamba radio muno tasara tiri two" Akabva andisimudza musoro wangu kwakunditaridzisa kwaanga ari. "I love you Makanaka" "I love you too Ngonidzashe" Akabva aswededza musoro wake pedyo neni kwakutanga kundikisa. Ndayisamboziva zvangu kuti zvirikubva nekupi zvichiyenda nekupi ndanga ndakamirira kudzidza kubva kwaari kuti ndoita seyi. Panguva yandanga ndakuda kutangawo ku responder ndipo takanzwa kugadziriswa kwepahuro. Ndakavhunduka handidi kunyepa. Ndayitoona kunge ndirikuita zvinhu zvisingayiti. Ndakaita kunyara kushaya pekupinda chayipo the worse part of it wanga wari amai wake Ngoni. "Murikuiteyi ipapo?" Ndakada kuti sorry mama asi Ngoni akandimisa kutaura nekuti kutya kwangu akatokuona. "Mama makaiteyi mukadzi wangu?" "Hezvo ko ndayitaseyi munhu ini" "Mama haasiye Makanaka wandoziva uyu ipapa maona here kudedera kwaayita?" "Hezvo so you put the blame on me" "Ehe mama ndimi wandayiti tarisayi Makanaka" "So kumudzidzisa hunhu netsika yatowe mhosva" "Mama Makanaka ayiwapo kudhara ini ndakanga ndakamuda akadaro not uyu wamandiisira apa uyu akuita kutya kudayi akuita kunyarara achiitwa yese yese no mama zvamakaita handina hangu kuzvifarira chokwadi" "Makanaka she's the next queen of this kingdom Ngoni. Anofanirwa kutsiga kudzikama chayiko" "Mama sandizvo zvatakawirirana ndakati wani musiyeyi akadaro?" "Asi zvaari zvacho akaipeyi kutongodzikama zvake asi kana zvakakwidza majokes acho anotomaita wani?" "Mama mandirwadzisa mufunge ndakakuudzayi kuti kunyangwe chikawe chikoro siyayi ndoitisa ndega but now oh" Makanaka muroora ndakambokuudza iwe siyana naye uyu. Wakadaro mama kwakutanga kufamba kwakuzomira wawakumberi. "Oh be ready Maka urikuda kunocheka cake panze apo vanhu wakakumirira ini rega nditore banga racho" "Ok mama" Ngoni akaramba akanditarisa akanyarara zvake kwakuzoti. "Hausisiri Maka wandinoziva chokwadi?" Ndakaramba ndakanyarara ndichitarisa zvangu pasi. "Maka" "Huuu" "Chii?" "Hapana ndiri right ini" "Ayiwa wandichochira babe ayiwa please handisikuzvida hangu zvaurikuita. Kana wakatoudzwa kunzi daro chitosiyana hako nazvo"" "Ngoni usafurire mwana ndokurova iwe Maka handeyi" Wakadaro wachindibata ruoko mama kwakubuda neni ndipo pakatanga kuimba vanhu happy birthday to you. Ndakazocheka cake ndichibatsorwa nanatete wangu vanhu kwakutanga kutamba radio vachigocha uku wachifara zvakaipa. Ngoni akazobuda panze ayitoratidza kuti zvesure haana mufaro nekuchinja kwandanga ndayita. Akambotenderera tenderera achotaura nyaya nevamwe asi akapedzisira asvika kwandayiwa. Ndayisatamba zvangu ndanga ndakagara ndichiona zvekuti dayi kari kare kangu ndayidayi ndakutomakamba ma speaker avo aya. Akazongonditi handeyi mumba kwakusimuka zvangu kwakufamba ndichiyenda mumba. Ndakanangwa neni kuroom kwake hanzi hande ndinokuratidza zvandakuigira. .........
❤️ 😂 🙏 👍 😢 💐 😉 😮 114

Comments