MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
February 26, 2025 at 07:27 PM
*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 30 Final chapter. (Narration) Kubva pakarota Makanaka hope dzaambuya wake akanzwa kufara kwazvo akazvipira zvake kurarama mugomo umu. Kugara kwaakaita mugomo iri haana kunge aziva mwanasikana kuti azvisenga. Mwana akanga ava nevana vaviri mudumbu make asi midzimu yayitomuchengeta manje. Ayiti kana akarara ayitorota zvekuita maererana nemishonga yayienderana nezvaari. Kunyangwe akati arikurwara ayitorota manheru anzi chera mushonga uyu. Ayiti iye zvimwe ambuya wake wachakuarumidza kuita revenge kumuwengi wavo asi hazvina kuita sekudaro nekuti iye ayida kudzoka pamba paambuya wake kuti anogara ipapo. Midzimu yakanga isina kumutendera izvozvo ayitowe nebasa rekuchengeta muzuwo webako nekuti nzara nenyota zvakanga zvatanga kutsviriridza. Iye ayiyenda kudziva riya rinoyera achinoteka mvura ipapo asi vamwe wese wayisapasvika. Zvino apa nzara yakanga ichirika kumawambo zvayo. Akamugara mugomo mwanasikana asi ayitodya achiguta. Akasvika pakupinda mumwedzi misere iye ayosada kuonana nevanhu kana kisangana nevanhu ayizera kana achinoteka mvura ayiyenda nekuseri nekuti hapana ayikwanisa kukwira gomo iri uye hakuna anokwanisa kuteka mvura mudziva iri iye ndiko ayiyenda nako oteka mvura yake achidzoka. Ayitofunga kuti pachasvika dumbu rake mupfumbamwe haazokwanisi kuchera ayitotutira muzvirongo zvidiki asi kwete akanga akatosimba asingatonzwi panorwadza. Musi waakanga akuda kubereka bako reninga rakavhurika roga iwe akatoshama apa musi uyu akaswera achibayiwa payiwa mudumbu make. Paakanga akuda kupinda mubako kunzwe kwakapenya zvakamuvhundunza apa nguva yezhinja yakanga yadarika vanhu wakanga watowe munguva yechirimo apa nzara ko vanhu wayidyareyi. Akanzwa mabhanan'ana akutanga kurira pamwechete nekupenya kwayitavisa. Mvura kwakuturuka iye kwakumhanya kunopinda mubako. Haana kunge aziva zvayireva kuturuka kwemvura iyi. Asi kwayiwa kuyenda kwevadzimu kuti varidzi wenzvimbo wawe munzira kuuya. Iye achipinda umu akayenda payiwa nedehwe huru kwazvo kwakuwarira achibva arara ipapo. Kuruma ruma kuya kwayiitika kwakatanga kuyedzera arimo. Akambotanga achazvinyarara asi kwakatowedzera. Akatongobiwa nehope mwanasikana kwakutoona achipusha mwana. Paakamupusha akabva atotanga kudzidziswa zvekuita pamwana nemunhukadzi akanga akaita wechikuru. Achiudzwa zvekudimbura guvhu nekunzi havafanirwi kupindwa nechando tora machira pane arikuseri uko umonerw vana wasatonhorwe ndizvo wapindira muno. Panguva yaakapepuka akapepuka pain yatowedzera apa mabhanan'ana aya akanga akumanzwa ari mukati muya. Nguva iyoyo akamupusha mwana pasinanguva anzwezve kwakuuya umwe. Paakada kuti azorore tuya twatanga kuchema akabva ayeuka zvaanga arota kwakutoita zvaanga audzwa kwakutsvaga machira ayinzi arikuseri kuhadyana diki kwakumaona zvesure ariko kwakutoputira vana. Vana ava vayiwa wanakomana apa wese wakanga wayine mark yakafanana yayiwa pahuro apa. Nehuduku hwawo ihwohwo wayitoona kuti uyu ndiNgoni pachezvake. Akararamo musi uyu kwakutorota achipihwa mazita evana. Tatenda na Tinotenda. Ndiwo mazita ayo akarota muhope dzake. Apa akabva ayeuka kuti Tatenda rayiwa zita rababa waNgoni. Ayisagona mwanasikana nekuda kwevana wake ayinzwa manyuku nyuku chayiwo. Kunerimwe divi Ngoni akatombofunga zvekubva mutsvimbo iyi asi baba wake naamai wake wakazvipira kumurambidza nekuti wayida kumuteverera wachiona mafambiro ake nekuti wayidya kuti anogona kunozviuraya. Zvino nekuda kwechiitiko chekuti mvura hayina kunaya zvakakachamadza wazvinji. Mambo sezvo wakanga wakamirira Gaurani wakatuma nhume kunodayidza Gaurani sezvo nguva yawakanga wawirirana yakanga yadarika. Akadayidzwa Gaurani asi nhume yakadzoka neshoko rekuti ivo mambo nemakurukota avo vayende kwariri nekuti mudunhu mavo mayisapindika makanga masviba nemisodzi yayiyerera mariri. Zvakashamisa mambo wakati zvakakodzera kuti wayindeko kunyangwe mwanakomana wamambo paakanzwa izvi akabva ati neniwo handisari ndirikuda kuyendawo ndinozvinzwira. Wakamuka runyanhiriri kwakuyenda kuya wakasvika asi wakasvika Gaurani achichema. Wakatambirwa zvavo wakaunzwa zvakawakachamadza. "Mambo dunhu renyu rasviba mambo. Zvakutoda kuti muwane munhu anopinda mubako mubike doro. Mukabika doro mvura inoturuka. Wedzinza renyu mambo warikuchema warikuti makateura misodzi isina mhaka. Panemwanasikana anofanirwa kunge ariye arikuyambutsa vanhu mudunhu renyu panzara iyi asi makamurasira kure nemi zvekuti kumuwana kwenyu kuchanetsa. Nzara yagara yakanga ichazouya mudunhu menyu asi nekuda kwemwanasikana uyu yakabva yakurumidza kuuya. Makauraya Gaurani wemudunhu menyu asina mhosva. Mamuuraya ndiye akabva asunga zvese asi wedzinza rake newedzinza remusikana uyu newedzinza rekwenyu zvakanowirirana wakati Mwanasikana uyu ayitonzi awe Gaurani asi wedzinza rake wakaramba wakati hazvingayiti ngaangowe muyambudzi wevanhu Gaurani ozouya hake. Zvinotonzi musi iwoyo wamuchabika doro ndipo muchawana Gaurani wemudunhu rekwenyu asi zvichiburikidza nemusikana uyu. Mwanasikana uyu ndiye anotokwanisa kukuyambutsayi chayizvo. Ndiye achatoita kuti vedunhu renyu nzara iyi itaramuke. Zvino kuti mumuone zvichakutorerayi nguva nekuti achawanzwa muzviso zvevanhu kuburikidza nekuzvitakura kwaakaita. Anevana wemwanakomana wenyu uyu. Mwanasikana uyu mambo haatomborina mhosva. Pamakurukota enyu aya ndipo pane honzeri yezvose izvi. Ndapedza nemi , mukaona pachaturuka mvura mumashure memvura iyoyo kunze asi zvichabuda pachena zvega. Zvichatora nguva asi zvirikubuda pachena kuchachama kuoma pasina mazuva maviri chayiyo kunyangwe kwanaya mvura zhinji. Kumashure kwemvura iyoyo zvipfuyo navanhu zvichatanga kungofa. Pamuchabika doro munofanirwa kuwana rekunokumbirira muripadziva rekufira Gaurani kuti rirege kuramba richichekeresa uye kukumbira ruregerero kwaari kuti akuregerereyi. Mvura ichatora makore maviri isikunaya ipapo kubva pamakashaya mwanasikana uyu muchamuwana mumashure memwedzi mishanu kubva pachaturuka mvura ndipo muchamuratidzwa kwaari. Ndapedza nemi" Akadaro Gaurani achifuratora haana kutombomirira mibvunzo kana kudii akangotendeuka kwakuyenda. Ava wakasara wachitarisana uku sekuru Tobias wakanga waripo wakunyepera kupopota kuti "akakonzeresa kuti mwanasikana wangu atadze kugara muyimba yehumambo ndirikupedzerana naye" zvayiwepiko wayitokwenya mhino nekasiyanwa kuti zvirege kubuda pachena zvachose. Mwanakomana wamambo anova iye Ngoni paakanzwa kuti mudiwa wake akanga asina mhosva akanzwa kurwadziwa kwakanyanya ayinzwa kunge akatotakura dombo. Akanga akungogara akatarisa mudeka kuti pakangoita hore yemvura ochitanga kuwerenga mwedzi mishanu yakataurwa. Zvakatora mwedzi yakati kuti kuti aone hore yemvura ayiti akangoona makore mudenga otogara panze achiti aone kunaya kwehore yemvura. Zvayimunetsa mwanakomana zvekuti pakaturuka hore akanga atotanga kuwerenga kuti one. Hore payakaturuka akatanga kuwerenga kuti one payakangosvika pashanhu mwanakomana akanga asingachagari pasi. Ayiita kunge munhu uya awakupenga chayiko. Mudunhu mavo zvipfuyo nevanhu zvakanga zvatanga kufa nenzara. Zvino vanhu wakanga wangosarirwa nemadziva maviri anemvira mudunhu rekwavo. Rimwe ndimo makafira vanhu hapana ayida kusvipapo wachotya kufa nekuti makanga matonyura vaviri kubva mumashure maambuya waMakanaka wachiyedza kuda kuchera mvura imomo. Zvino vanhu vakanga watarisana nedziva rayirera iro rayiva mujinga megomo. Mayityisa kusvika payitosvikwa newakashinga moyo. Pavanhu wakafa nenzara payiwerengwawo nemhuri yasekuru Tobias kusanganisira nemudzimai wawo ivo wakanga wasara wega pamba. Zvino midzimo yekwambuya waMakanaka yakatanga kuwapandukira zvekuti wakanga wakufamba wachorotimoka zvese zvawakaiita wega. Wayiti wakasangana nemunhu womumisa wotanga kumukurukurira zvese zvawayiita kunyangwe pana Gaurani vayitowewo neruoko ipapo nekuti vayidawo kuita Gaurani. Kwamambo chayiko wakayenda wega wakanokurukura zvese zvawayiita zvekuti mambo wakashamisika kunyangwe nevanhu wakawanyarira. Mambo wakangotarisa kusvika munhu atotanga kupenga zvekutotayika njere chayiko kwakunozviwisira mudziva ndiye akawa wechitati kubva mumashure mambuya waMakanaka . Vanhu wakanga wakugara wakakomba rukova urwu. Makanaka akaona pasina mvura yekuti abikire vana wake zvokudya sezvo vayidawo kudya kwazvo akawasiya akati rega ndimhanye kurukova ndinochera mvura. Akashamisika kuona vanhu wakamira kure nerukova wakabata zvekucheresa mvura yake. Vanhu nekuda kwehunyerekupe hwahwakanzwa wekuti ndiye achayambudza vanhu panzara wakavhunduka wachimuona. Iye zvakamushamisawo kuti vanhu wakakomba dziva iri zvadii. Ko zvenzara nenyota ayizviziva here iye ayidya achiguta. Vanhu wakatanga kumudana wachiti awachererewo mvura mushure mekunge akanga achera yake. Akati vanhu vauye awacherere kwakuuya nehuwandu hwawo. Paakangopedza akabva amhanyira kuvana wake. Zvino shoko haritani kufamba nguva yese iyi hapana ayiziva kwayigara Makanaka asi apa vanhu wakamhanya neshoko kwamambo kuti tamuona Makanaka atocherera vanhu mvura adzokera kugomo. Mangwana acho anamambo nemakurukota pamwechete naNgoni wakayendawo kudziva asi Makanaka haana kubudikira vakaita mazuva matatu wachiyenda asi havana kumuona. Pawasina kuyenda vanhu wakanga wakakomba dziva Makanaka ndokubudirira. Sekunzwa kwavo kuti ndiye achawayambudza wakatanga kuchema nzara kwaari. Akanowayi ndimirireyi ndinouya. Akateka mvura kwakudzokera. Akanotora hadyana huru kwakuisa hupfu kwakudzika gomo kuyenda padziva paya. Vanhu wayiti zvaauya nehushona tokwana here asi iye ayiti mbiya nhatu dzehupfu pamhunhu vanhu wese wayiwapo wakatokwana hukasara akatodzokera nahwo. Vanamambo wakanoudzwazve kwakuuya asi Makanaka Havana kumuona. Wakazototi patowe paya ndipo wakazongomuonawo achitopa vanhu hupfu makurukota akatomhanyawo kunoisirwa hupfu. Mambo nemwanakomana wavo hapana pawayimbofa zvavo nenzara nekuti mari wakanga wayinayo zvavo. Zvino Ngoni misodzi yakatanga kiyerera akanozviwisira mumabvi amakanaka. Makanaka akapererwa vanhu wese wachibva wanzi ngavabve panzvimbo iyi kwakusara mambo nemakurukota avo Makanaka naNgoni. Wakagara pasi wakatanga kukumbira ruregerero. Akamboda kuramba Makanaka asi paakarangarira vana wake akazongosunungura moyo wake akawaregerera. Musi uyu ndipo wakamukumbira kuti atenderewo makurukota pamwechete namambo kuti wakwire homo watore hupfu hwekunobika doro. Wakakwira zvedi asi vamwe ndiwo wayitombodonha wamwe wachifenda nekuda kwezvawayiona imomo. Wakasvika Ngoni akashamisika kuona vana wake kunyangwe baba wacho. Akanzwa kufara Ngoni ava wakaita zvawanga wafambira kwakuti kuna Makanaka wayende wese kumba. Amai waNgoni pawakaona muroora wavo newazukuru wakaunzwa kufara kwazvo kunzwa kupembera. Chivanhu chese chakaitwa uyu Makanaka haana kumira kupa vanhu hupfu nekucherera vanhu mvura. Makanaka naNgoni wakatozoroorana nekutoita traditional wedding yavo vanhu wakapembera nekunzwa musi iwoyo End of chapter 30 _THE_ _END_ Thanks ne support yamunondipa
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 🥰 💃 🍏 👏 338

Comments