
MT TINO NOVELS🥳
February 27, 2025 at 05:16 PM
*MT TINO*
https://whatsapp.com/channel/0029VakolKb0AgW5bvZLu21g
*👆👆👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1. 👇👇👇👇 WhatsApp Grp
https://chat.whatsapp.com/HCHDA7W5Mae3qAlBPaR1NB
Please follow my Facebook page group and like my books.
https://www.facebook.com/groups/939921260772355/?ref=share
*💓MUDZI WERUDO❣️*
*🌧️ROMANTIC💓 NOVEL*
Written by: *MT TINO*
Call only
To778592426
WhatsApp
To775665363
*Please READ and SHARE*
*Love Story💓*
Chapter 1
"Anabelle urikubva kupi?"
"Mama siyanayi neni kani ndakuudzayi wani kuti ndirikuyenda ku party"
"Kwekurarako here Ana ndakakuti kudii?"
"Ndandadhakwa kani mama so ndayisakwanisa ku driver"
"Ndakamboti kudii nenyaya yekunwa doro iwewe munhu wemusikana wese wese unesure here iwe?"
"Mama kani munondikuwadza ah chamurikundirovera chii ipapa?"
"Stupid mhani iwe waurikubvunza izvozvo ndiyani saka urikuti zvaurikuita zvirikundinakidza here iwe? you need to disappoint your father right. You forget your career right?"
"Mom"
"Yes you forget your career Anabel. Career yako hayitombodi zvese zvaunoita izvi. Unozvidzikisira mwanangu and basa rako haridi zvisina basa semunhu arikuzoda kutenderera all over social medias. Unozvidzikisira and kwaurikuda kushanda havazombozvifariri nekuti unodzikisira basa"
"Mom ndozviziva kani ah"
"Ndirikutokubatsira Ana dzikama zvako uyite munhu kwaye wanzwa"
"Mama mama chiyendayi I'm tired nedrama renyu iri"
"Drama heeee drama ndochikuvadza chimwana ichi "
"Daddy daddy daddy...."
"Shut up urikuda kutikanganisira isu tirikutoti uyitewo munhu pavanhu iwe unotoda deliverance iwewe"
"But mom inga daddy vane a lot of companies wani. Wane Mari yakasviba wani saka why murikuda kuti ndiyende kunoita CEO mu that group nhayi? Manje ini handisikuda ini ah ndirikuda kufara nehupenyu wangu hangu ini ah isayi Mike uyo why me"
"Ndochirova ichi"
Wakadaro mai wake wachitora push ravo kwakutanga kurova mwanasikana wavo.
"Daddy daddy kani imi daddy mama wanondikuwadza awa ah....."
Akadaro zvake mwanasikana achidayidzira baba wake asi hapana akamunzwa sezvo baba wayiwa kubasa kwavo. Anabelle mwana ayifarira zvekudhakwa zvakanyanya tongoti mwana ayida zvemafaro zvakanyanya zvekuti musi uyu akanga akatodhakwa zvake. Chayisawa chishuwiro chababa wake naamai wake kuti ayite zvaarikuita izvi. Vayishuwirawo ramangwana rakanaka pamwana wavo asi mwana wavo wacho hayi. Apa mwari wakanga wakamuropafadza nenjere dzakanaka zvekuti pagroup ravo revana wayida kuitwa ma CEO iye akanga asarudzwawo.
Rayiva group rema company awakanga wakaita mashares zvino ma company aya akanga akawanda nekuti rayiwa group of 20 ma company ayiwa over 50s chakadaro. Pama company aya wakasarudza vana 5 chete wayifanirwa kunoita ma CEO asi wachishandira pa same Office wosiyaniswa zvavo pama office rooms. Group iri rayiwa group rema richest. Payisimudzwa vanhu wane zvinhu zvavo ndiwo vanhu wayisimudzwa wacho wayiwa mugroup iri. Zvino Mai nababa Anah wayingowa nevana vaviri chete mukomana nemusikana. Mukomana ndiye ayiwa mukuru paakanzi nababa wake atorewo mukana uyu akarambisisa akati ini kwete isayi zvenyu Anah. Musikana ndiye anova Ana uyu ayitoona zvinhu muhupenyu hwake zvese zviri correct akanga asina basa nezvakawanda kana kalife still kake akanga asina basa nako chaayida mafaro kunyanya. Pakutevedza maparty ayiwa mwana ayiwa nechipo zvake iyeye apa mwari wakanga wakamuda pazvese zvavo. Parunako wasikana wese wakamiswa apa iye ndiye angatotanga kunhongwa nekuti ayiwa nerunako rwayidana anonzwa chero ukayisa make up yakaita seyi pana Anah wayisasvika. Mwana anga akazvarwa mhani uyu and anga akaumbwa zvayinwisa mvura structure yake ndiyo iya yekuti chero usina basa nemukadzi iyeye akapfuura pamberi pako unoshaker wega. Ayiti kana achifamba kunyangwe mushenen'ene uyu wayingotamba wega so. Pachipfuwa apa zvapo ayiwa anga ayinechipo napo zvekuti ukapatarisa unomedzera wega mate. Mwana anga akaumbwa zvekuti chero uchizviti unokwikwidza ukamuona wega unodududza chayiko. Zvopa nenjere dzake ayiwa mwari ipapo wakatora nguva zhinji chayizvo. Ayiti akakupa zano so ayiwa wega wayigutsirira musoro even zvaanotaura so wayitoona kuti zvino maker sense. Baba wake chayiwo wayitoyenda kwaari kunotsvaga mazano ekubasa kwavo ndokusaka wakazomuvhoterawo kuti apinde payidiwa ma CEO kunyangwe wakambotya asi wakazongozvishingisa zvavo. Zvino mhepo yakazongobataka ipapa pekuti munhu wacho akanga asina basa nelife yake ayida mafaro kudarika zvimwe zvinhu zvese. Ayiti akadhakwa wayinzwa tsitsi pamba chayipo ayipinda husiku amai wake wayitomboyedzawo kudzoredzera chayiko. Kunyangwe pakukura kwake kuchikoro chayiko akatomboyedza kuiswa muma boarding schools asi akadzoswa wakamutenderedza muzvikoro zvakasiyana siyana muma boarding schools wachiti zvinoshanda asi zvakashaya basa chayiko. Inyaya yekuti vanhu tinobarwa nezvipo zvakasiyana nekuti nehunhu hwake uhu kuchikoro ayisatombopasa asi uyu mwari wanga wakamuropafadza zvake panjere ayikwapura chikoro zvakadaro. Ayiti akapihwa question paper ayidzirera rakadaro. Wakagara naye pamba. Kunyangwe pamaoko apa ayiita kunge munhu uya akagarwa ayitomisidzana nevarume chayiwo hameno kuti ayimbotemba neyi paayiwa. Mwana ayidenha iyeye oti kurova kwacho rayiwa basa basa chayiro. Zvino wabereki wakayedza kumbodzoredzerawo wakamboyedza kurovesa nemapurisa asi mapurisa acho akayita zvekutamba ndiwo ayipedzisira arohwa ndiwo.....
Musikana watirikutaura nezvake uyu anonzi Anabelle Mlambo anogara mu Glen Lorne nevabereki wake. Anogara naMai wake nababa pamwechete nebrother yake anova ndiye Mike. Family yavo ayiwa yakanga yakarongeka zvakaizvonaka chose. Hapana chawayishaya pamba pavo. Kana vari washandi pamba pavo ayiwa hatichatauri yayiwa fararira wakanga wakatowandisa kutodarika vanhu wepamba pavo.
Anah paakaona kuti amai wake warikuramba wachimurova akasimuka pabed pake achimhanya akadhakwa kudaro kwakutomborovera pavari ivo Mai wake wakadzadzarika wachinomirira uko. Akamhanya zvakadaro kwakunozvivharira mubathroom make kwakutovhura mvura mutub kwakuzvinyika zvake muwarm water yayidziirira zvayiizvonakidza. Akatozobuda umu anzwa kuti amai wake wayenda sezvo wakanga wasara wachipopota wari wega imomo. Akabuda kwakuzvipukuta pukuta kwakunozviwisira mumachira kwakurara zvake kana kunodya musi uyu haana akaswera nenzara seyipapa vanhu wakanga wakutodya zvakare super asi hapana akamutevera mamaid ese akarambidzwa naamai wake kumutevera. Baba wake wakamutevera wanzwa moyo kurwadza wanzwa kuti mwana wavo aswera nenzara uye mwana wavo wayisada naye iyeye because she's so brilliant and clever. Wayisatoda kuti mwana wavo arohwe rohwe ndokusaka masikati paya ayidayidza daddy nekuti daddy wake wayimununurawo zvedi. Wakatora chikafu chake zvechisimba kwakufamba zvavo wachiyenda kwaayiwa asi wakatosvika nekumbomudhonza nzeve. Hakusi kuti wayikuza mwana wavo kuti ayite kahunhu aka no wayitoyedzawo kumutsiura wachitomubatsira zvakatonyanyisa kwazvo ayitowewo mwana wacho ayiwa asinganzwi zvake asi baba wake wayitogarawo naye pasi wachitomuonesa chinonzi hupenyu asi ih wanga wakabara benzi ravo. Akangoti baba wake wachibuda muroom make akabva anzwa phone yake ichirira akatarisa kwakuona call from her friend Nicole.
"Best"
"Anabelle where are you ndaswera ndichikutsvaga but wanga usikudayira foni?"
"Best ndanga ndakadhakwa shamwari saka ndaswera ndakarara ini apa ndatomborohwa namhamha"
"Best chitombosiya yekurohwa iyi ndine zikunyaya iwe wasaririra check mu girls group"
"Kwayiteyi best?"
"Just check iwewe well I can't wait best 8 o'clock yatononoka kuchaya"
"Chiiko nhayi Nicole just tell me do you need to kill me with curiosity here iwe"
"Best kwayita best part ku The Bronte Hotel kurikuuya the richest charming boys wepa five stars best eysh I can't wait best be fast today I'm the one who's going to drive iwe kurumidza kugadzirira iwe uko todanwa tikanzwa uko best kurumidza eysh and don't forget our best dance hanty uko tichanotamba zvekuti ivo wega wachamira kudayi"
"Well can't wait too but eysh"
Akadaro musikana achikwenya musoro wake achifunga kuti anopabuda seyi ipapo plan yekujamba dural yakamubata zvinesimba kwakusekerera achikwenya musoro kudaro.
"Ok best I can't wait too kurumidza kuuya best"
Akabva atokandira mablanket kure naye kwakutomhanya kushower akambogeza zvisvinu here ayitoona anonokesa kani kwayingowa kumira pashower kwakutobuda. Akatarisa hembe yekuchinja. Ipapo pakamutemesa musoro akayita dzekuwaridza pabed kwakuzongoona kadress keblue kayi greater, kayinyatsomunhonga kani mwanasikana zvekuti runako rwese rwakanyatsoti pachena bhaaa. Kwakupfeka nema hills ake e gold, ndizvo neka watch kake ke gold again nema eye rings acho ne neckchain. Vhudzi rake akabva anyatsorisunga ko anga akamborukwa here vhudzi rake ndiro ayigara naro apa rakanga rakakura zvayiyemurwa nevazhinji rayisvika kumagadziko uku ungati murungu zvoda nehutsvuku hwake uhu ah. Akabva amira pa Mirror kwakunyatsozvitarisa akagutsurira mwanasikana. Phone yakapinda ayiwa Nicole akabva atoziva kuti Nicole asvika kwakubuda achiita kuhwandira kwakunobuda neback door akamboda kujamba dural but akatya kuzvikanganisa kwakuyenda neku gate uko akano flasher mari pana gate man nekuwanda kwayo akangovhura gate kwakusekerera zvake. Akanopinda mumota mayiwa neshamwari yake haaa mwana ayida mafaro zvake uyu......
*Please like, comment and share*
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
👏
🔥
🎂
🤣
283