
TaAe Novels
February 27, 2025 at 04:12 PM
*HOUSE GERO*
*STORY BY TATENDA MACHIRIDZA*
+263 71 393 2626
Follow channel for more.
https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06
Join our group.
https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b
12.
*PESHY*
Takagara na Mai Kenny kwenguva shoma ndokubva vazooneka.Takanovakwidza kutown ndokubva tadzoka.Mumwe nemumwe aingoita zvaaida zvaimuitira .Vari samai Kuda yaitova mhuka.Takagara uku ndichidanana naFather Boss, Mwedzi wakapera ndikatumira mari kumusha.
"Unoda ndikuudze ndakadii kuti wane nhumbu nhaiwe munhu?" Akadaro Kenny achipuruzira tufree hand twandaiva natwo.
"Kujamba period kuriko sha! Ndogona kutogeza ka ipapa ukashamisika" ndakadaro ndichitarisana naye.
"Vana Peshy?! Tichakubatai maoko apa,
..."
Ndakaseka ndokubva Kenny ati"So moda kudyei mai Mwana"... Kungondidaro ndakanyemwerera ndokuti" Sadza nemaguru"...Kenny akabva aseka zvekutyoka mbabvu chaidzo ndikashaya chaaiseka.Akazomira kuseka ndokuti"Iko Mai Kuda have been complaining anzi Tanzwa nemaguru nematumbu...Ndikati"ko kubika imimi hamugone?". Ndakabva ndaseka ndokunyarara.
Takaorder sadza nemaguru zvikauya.Ini ndaitodyira kuenda chaiko.Ndaitodyira kuti zvisagwambe ini ndichizvida.Kenny aingodya zvishoma.Ndichitopedza ndakabva ndatodya nezvake futi.Ndakatanga kutsumwaira zvangu ndakazovhundutswa necall yamai kuda.Hana yangu yakarova pandakarangarira kuti Ndainge ndatumwa kunotenga pizza ini ndokuenda hangu kunoona baba kuda..Ndakamhanya kudaira phone ndokubva ndati"hello madam swipe yaramba so ndaona kuti ndidzoke ndisina zvinhu zvacho maitsamwa saka ndabva ndati ndimhanye kuna baba Kuda vandipe cash saka ndokwandiri"...Vakangoti "Horaiti take your time".....Ndakabva ndatura mafemo ndokumborara zvangu mu office umu.Ndakatozora pizza yainge yatopora zvayo ndokunanga kunokwira mota.Handina kuda kuperekedzwa naKenny.
Ndakasvika kumba Mai Kuda varere zvavo uku tv iri onn.Ndakavamutsa ndikavapa pizza ini ndokuita basa rangu.Vakati rume rume pizza iye ndokuipotsera uko!...." This pizza tastes like shit" She threw it away .Ndakanoitora ndokuidziisa ndokuitsika zvangu.Ko kutyei?.Ndakanyatsokuitsika zvangu ndikanzwa mai Kuda vakuti"Guess what baby? Am pregnant" vaitaura paphone.Hana yangu yakarova ndikaburitsa musodzi.Saka kana vaine nhumbu ndeya Baba Kuda? Saka baba Kuda vanonyepa, Chokwadi munhu kunditi handisi kurara naye wozonzwa kuti ndine nhumbu...Ndakaita hasha ndokutora phone ndofonera Kenny.Akatora nguva ndokuzodaira.Paakangodaira ndakabva ndati" Unonyebereiko nhai Kenny, ? Manje ndakunzwa uchifonerwa kunzi ndine nhumbu".."Nani?" Akadaro ndokubva ndaridza tsamwa"Ndirikutobata phone izvezvi kubva ubve, Hapana kana missed call..." Hana yangu yakarova
Hana yangu yakarova ndichifunga kuti saka anga achifonerwa ndiani kana asiri Kenny.Ndakakata phone ndokunyarara.Ndakaenda kunobika zvangu sadza nemaguru.Haa musi uyu ndowavakazopopota manje.Vakapopota kusvika vashoshoma.Ndakabva ndaudzwa kunzi kana ndichida zvemaguru ndinofana kuita yangu imba..Vakakanda maguru musink ndokuisa chicken pastove.Ini chicken ndakanyatsonzwa kuti yaisimudza moyo wangu.Ndakabika zvekushinga asi zvichingoibva ndakatora maguru aye musink ndokubika futi.Ivo vakadya chiken ini maguru.Kenny akaramba akazongonwa cup of tea.Days passed and ndainge ndave nechokwadi chekuti ndine pamuviri.Ndainyatsoziva kuti aya mabasa aKenny nekuti ndiye oga wandaisangana naye.Kenny aifara asi aiti Mai kuda vaive vasati vamuudza nezvepamuviri pavo.Ini ndainge ndisisatogone kudya chimwe chinhu kunze kwemaguru nematumbu chete.Zvimwe zvese zvaindimisa moyo., Kusarura kwangu chikafu kwakakonzeresa kusagara zvakanaka kwangu pamba apa.Vakadzi vaviri vakazvitakura, Muridzi wemba achida chicken ini maguru.Mai kuda vaindivenga zuva nezuva kusvika vazondivhunza pamberi pamai vavo munin'ina wavo pamwe naGloria wekubasa kwana Kenny uyo aiva shmwari yavo.
"Usarambe wakanyarara ka! Tirikutaura kuti une nhumbu hatisi kukuvhunza ba....Tiudze ndeyaani?" Aive munin'ina wamai Kuda.....
Ndakaramba ndiri zii ndokubva Gloria ati.
"Muri kunetsa munhu regai ndikuudzei muridzi wenhumbu"
Ndakaramba ndakanyarara.Nhumbu iyi yaiindiitisa rude ne hustubbon..Ndaitoboira boira zvangu ndokubva ndazoti
"Taurai ka nhai " ndakadaro ndokubva ati
"Nhumbu ndeyaba kuda"
Everyone was shocked kunze kwangu naTete Dudzai avo vaivemowo.Vanhu vose vakati tuzu ndokubva ndati
"Mamunzwa ka! Nhema dzega dzega.Shamwari yenyu ine makuhwa, Ndiyo yakandiudza kuti imi mune nhumbu asi haisi yaba Kuda"
Gloria akandidzvokora ndichibva ndasandurudza maziso uku Mai Kuda vaive vavhurira Gloria ziso.
"Gloria ka!" Mai kuda vakadaro ndokubva Gloria ati"Handina zvandakamuudza ini"...
"Makandiudza imi kuti Mai Kuda vanonhuwa kuzasi, Mukati havageze vachichena...Makandiudza imi mukati dai ndaigona nda actira ba kuda nekuti ndini type yavo"...... Ndakadaro
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
612