
TaAe Novels
March 1, 2025 at 06:00 AM
*HOUSE GERO*
*STORY BY TATENDA MACHIRIDZA*
+263 71 393 2626
Follow channel for more.
https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06
Join our group.
https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b
Chapter 13.
*PESHY*
Ndakaona Gloria achinditarisa ndikabva ndatarira divi zvangu.Ndakasekera ndakatarira divi ndokubva mai Pinkie vati
"Uyu anenge anonyeba uyu"
"Peshy haanyebe, Gloria ndiye mumero, i have been watching her lately zvangu Anochiva hupenyu hwangu, She is jealous..Anokanganwa kuti ndakamupinzisa basa asina kana chikoro, I made her who she is but akutondiita sebenzi" vakadaro mai Kuda .Ndakabva ndanzwa kunyevenuka ndokubva ndati
"Ndoshaya kuti anondivengerei?"
"Handina kumbokuvenga Peshy but zviito zvako chaizvo" akadaro Gloria.
"Zviito?
" Pawaitumwa kuno namai Kuda ndaikunzwa uchichemera mu office mavo iwe,"
"Ini?" Ndakadaro ndichitoshamisika zvangu mai Kuda ndivo vakabva vati
"Iwe usade kundidzikisira mhani...Unoti type yangu ingatorerwa murume na maid..Type yaba Kuda inganyenge Peshy?"...
" Nhai zvenyu imi, Akuda kundijairira"...
Dare rakatopera pasina chapasiswa.Ini ndakangokumbira kuramba ndichishabda sezvo nhumbu ndainge ndanyeba kuti ndeyekumusha.Ukuwo kumusha ndakanzwa kuti Jonso ainge apengesana naMiss Masawi.Ndakafara apo Miss Masawi vakafona vachiti kana ndaisada kufumurwa kuti ndodanana naKenny ndaifana kubva ndasiyana naJonso.Izvi zvakandifadza nekuti zvakandipa mukana wekushanda zvisina noise.Mai Kuda yavo yaikura uku yangu ichikurawo.Dzimwe nguva ndaimbofunga kuti ndakatadza asi ndaizoti ndikafunga kudiwa kwandaiitwa naKenny ndaibva ndaona kuti ndakaita good move.Kenny naMai Kuda vainetsana nekuda kwenhumbu.Kenny aiva nefungidziro kuti pamuviri hapasi pake asi vaimirira DNA test...Mazuva akaendedzana ndichingotumira mari.Kumusha vainge vaziva kuti ndakazvitakura asi hapana zvavaitaura.
Mazuva akazoendedzana kusvika ndasiya basa.Uku mai Kuda vaisazviziva vaingorwisanawo nekuziva kuti vodii kuti Imba yavo imire nekuti vaitoona kuti yaparara...Kenny aingogara ari kwindi.Vaiedza kuita zvose asi airatidza kuti haachade.Ndaingoona mai Kuda vachipopota paphone kuratidza kuti vainetsana naMoyo.Ndakatenda Mwari kuti yangu nhumbu yaida kushanda.Ndakasiya basa ndave mu 8 months chaimo apo dumbu rainge rakati uko sezvo ndainge ndanzi ndine matwins chaiwo...
Ndakaenda kumabhazi kuti ndiende kumusha asi ndakaona Kenny ariparank.Ndakanomumbundira zvenzara chaizvo ndokubva anditi"Ambhuya ambhuya vana venyu vandikika apa"...Ndakaseka ndichimisa mukadzi aitengesa ma doughnuts..."Ane yakawanda here? " ndakadaro ndokubva aseka akati" Yakawanda zvokuti"...Ndakasekerera ndichitora zvibhanzi zviya ndokukanda mumota...."Ehhh machips apo" ndakadeedzera aibika machips ndokubva auya ndikati" Ndinoda 2 macarelights ema$1 ...muwanze chilli mune one then mumwe muise spice yakati ohhh"...Mukadzi uya akauya nazvo ndikatenda ndokubva ndagara mumota.Takuda kusimuka ndakabva ndati" mirai daddy nditenge madora nemaguru umo"
.Keny akangonditarisa ndokubva aseka zvake....
Takamutsa mota tonanga KwaZvimba.Ndirimunzira ndaifunga zvirimberi kuti ndainotarisana sei namai vaye.Chikafu chose chandainge ndatenga ndakachipedzera muroad.Kudya ndaidya zvisina kana mivhunzo.Preparation ndaive ndakatengerwa zvose naBa Kuda.Maternity ndaivewo nawo emhando dzekwamberi.Takazosvika kumusha zuva ratovira.Kenny aingotya asi ini ndaimusimbisa kuti hapana nyaya.
"Titambire" vakadaro mhamha vachibuda kukitchen.Hana yangu yakarova kurikuvhunduka kudzikira kwavainge vakaita.Vaive vakazvuvira zvekuti ndakanzwa misodzi kuyerera chaiko.Apa ndini ndaiva honzeri yekulooser weight uku.Amai vangu hapana pairwadza asi vakadzikira nekuda kwezvandainge ndaita.Vaiva neshuwiro netarisiro hombe pamusoro pehupenyu hwangu.Vaitarisira kuti vachazopfekawo chi hat chemumusoro chiya musi wemuchato wangu.Vaitarisira kuti pachazonziwo mai vemunhu simukai mutaure pamuchato wangu asi zvose izvi zvakavharisika musi wandakakwira bhazi ndoenda kunoita House Gero.....
Takapinda mumba tikavakwazisa nemufaro.Vaive vafara kundiona nekuti chiso chainge chobwinya.Kenny aingodaira panotaurwa dziri general asi nguva zhinji yaive yekunyarara.Musi uyu Kenny akanorara nehanzvadzi yangu ini ndikarara naPrincess namhamha...
Musi uyu ndikati ndakarara ndinganyebe.Handina kurara ndichibvunzwa nekubvunzurudzwa kunzi ndaida kudii nehupenyu.Kuchiedza ndainge ndatoudzwa kunzi ndaifana kuenda naKenny kwaGwaivhi ndozonoona tete kwaMabvure.Ndakamuka kuita mabasa epamba ndokubva tagariswa pasi namhamha.
"Muchindiona kudai ndirimunhu mukuru, Kubva musi wamakauya ndakazviona kuti Peshy warema.Samai handina kuda kutaura ndikati ndingazonzi mai ava vakafumuka, Ndakazvinyararira.
Miss Masawi vakazouya ndivo vakandiudza kuti watokurirwa.Handina kuda kuramba ndichivhunza asi chandaingoita kutenga zvinodiwa pavana nekuti mangwana unonyara mwana asina kana chekupfeka.Saka imi apa monanga uko "uyu ndakatomuudza uyu" ..... Ndinoda muite zvinhu zvenyu negwara chero hazvo mukwasha akapinda mumusha asi ka vanhu vose vakutozviziva kuti pane aripo nekuda kwezimota iro..
Tainge takangonyarara tichipihwa malectures kusvika tazosimuka kuenda KwaGwaivhi.Tichisvika akashamisika nekukura kwedumbu rangu."zvino wainwa masuwo iwe?, Uchatipa basa chokwadi...Ko a bamunini makadiiko? Ndimi maigara nemunhu kusvikira akurirwa kudai? "Vaingotaura zvakawanda.Takazopasisa kuti Kenny aifanira kuroora ndozopona atobvisa mari...Zvose izvi zvaifambiswa naGwaivhi natete vangu.Kenny akadzokera kuKwekwe ndikasara ndiripo.Mazuva aifamba kusvika zuva remarooro rasvika.Tainge tagadzira gadzira pamusha sezvo paizouya vaenzi.Zvechokwadi zvangu zvaive nedenga mukati, Tainge tatsanya tichizvinyima kuitira zuva iri.Zvechokwadi vakwasha vakauya vakabvisa kana Chikopokopo aivepewo zuva iri.Hapana chakasara zvose madamages zvakabviswa.Pfungwa yekuti murume wemunhu ndainge ndaiisa kure nekuti ndaida kufadza mai vangu, Uye hapana murume wembwa.Mai Kuda zvose izvi vaingove murima ..
" ikozvino ndakubata chero pandada even ambhuya varipo handiti ndabvisa pwanya zhowa?" Aidaro achindipurizira musana
Ndakaseka ndokubva ndanyarara.Marooro paakapera vanhu vakadzokera kudzimba dzavo kukasara vashoma.Mhamha vaifara uku vachirongedzera madzisahwira avo grocery.Ini ndaingosunda dumbu ndiripo zvangu ndichiona vanhu vachinakirwa nemari yemurume wangu.Takazoperekedzana naKenny oenda kwavo nemadzisahwira ake.Ndakatokwira mota ndichinosara kumashops.Ndakatombomira ndichitenga zvekudya semunhu aive nechinzara nzara.
Pandainge ndodzoka ndipo pandakasangana neshura rainzi Jonso.
"Waiti hatisangane ka!" Akadaro achimira pamberi pangu.Akatora zvimachips zvandainge ndatenga ndokutanga kumwaya mwaya pasi.Akavhura ma mega angu ndokundidira dira kumeso.Akatanga kundirova achiti aida mari yake.Ndakatanga ndichachema asi izwi rakaenda.Ndainzwa mabhutsu mudumbu, Ndakanzwa kutota makumbo asi akaramba achindirova.Handina kure kwandakazoenda ndakatanga kuona rima ndokubva ndati ziiiiii.....
End of chapter.
Book rikunonoka nekuti handina bundle so rakuenda kusale kuti vanoda vaenderere mberi....
*HUYA UNZWE KUTI PESHY AKAZODII?
KO MAI KUDA VACHAZVIZIVA HERE
KO MIMBA YAMAI KUDA.
KO JONSO ACHANZWII
Kuti upedzise kuverenga pave kuda $1. KUSVIKA RAPERA 30-35 CHAPTERS
$1 / 50 zig to 0784626491 T Machiridza.......
Buddie/ netone airtime ye$1 zvekare..
Vari kuSA
Blue voucher
Ott
1 voucher re20 r .
Proof dzese munounza apa
https://wa.me/+263713932626?text=hie+tatenda
Ukatenga book ukaita 24 hrs usina kuiswa kusub unofona.Book rinoverengwa neboom reader kana ne pdf reader.
Thank you for supporting
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
129